Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuziva Munhu Anopesana naKristu?

Nei Tichifanira Kuziva Munhu Anopesana naKristu?

Nei Tichifanira Kuziva Munhu Anopesana naKristu?

Kare kare, muapostora akafuridzirwa akanyora kuti: ‘Makanzwa kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya.’ (1 Johani 2:18) Mashoko aya anokwezva chaizvo! Kwemazana emakore, vanhu vakafungisisa zvaanoreva. Munhu anopesana naKristu ndiani? Achauya rini? Kana auya achaitei?

MUMAKORE ose aya, vakawanda vave vachinzi munhu anopesana naKristu. Kare, vaya vainzi “munhu anopesana naKristu” vaisanganisira vaJudha, vanapapa veKaturike, uye madzimambo evaRoma. Somuenzaniso, Mambo Frederick II (1194-1250) paakasarudza kusabatana nevaKristu vairwa Hondo Tsvene achiitira chechi, Pope Gregory IX akabva amuti munhu anopesana naKristu uye akamudzinga muchechi. Akatsiva Gregory pachigaro ainzi Innocent IV, akamudzingazve. Achitaurawo, Frederick akati Innocent aiva munhu anopesana naKristu.

Muapostora Johani ndiye chete munyori weBhaibheri anoshandisa mashoko okuti “munhu anopesana naKristu.” Mutsamba dzake mbiri dzine zita rake, mashoko aya anowanika kashanu. Ndima dzinowanika mashoko aya dzakanyorwa mubhokisi riri papeji inotevera. Mundima idzi, tinogona kuona kuti munhu anopesana naKristu murevi wenhema uye munyengeri, anoda kukanganisa ukama hwomunhu naKristu naMwari. Ndokusaka muapostora akakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Vadiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vazhinji vakaoneka munyika.”—1 Johani 4:1.

Jesu zvakare akanyevera nezvevanyengeri, kana kuti vaprofita venhema, achiti: “Vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza. Muchavaziva nezvibereko [kana kuti mabasa] zvavo.” (Mateu 7:15, 16) Jesu akanga ari kunyeverawo vateveri vake nezvevanhu vanopesana naKristu vokufananidzira here? Ngationei kuti tingaziva sei munyengeri uyu anorura.