Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya—I

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya—I

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya—I

“NDICHATUMA ani, uye ndiani achatiendera?” Isaya mwanakomana waAmozi anopindura chikumbiro ichi chaJehovha Mwari, achiti: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isaya 1:1; 6:8) Adaro, anopiwa basa rokuti ashande somuprofita. Mabasa aIsaya okuprofita akanyorwa mubhuku reBhaibheri rine zita rake.

Zvarakanyorwa nomuprofita wacho pachake, bhuku raIsaya rinotaura zvakaitika mumakore 46, kubva munenge muna 778 B.C.E. kusvika pane imwe nguva gore ra732 B.C.E. rapfuura. Kunyange zvazvo bhuku racho riine mashoko okuzivisa mutongo kuna Judha, Israeri, nemamwe marudzi akapoteredza, dingindira raro harisi romutongo. Asi kuti rinotaura ‘nezvokuponesa kwaJehovha Mwari.’ (Isaya 25:9) Kutaura zvazviri, zita rokuti Isaya pacharo, rinoreva kuti “Kuponesa kwaJehovha.” Nyaya ino ichakurukura pfungwa huru dziri muna Isaya 1:1–35:10.

‘VAKASARA VACHADZOKA’

(Isaya 1:1–12:6)

Kuti mashoko ouprofita akanyorwa muzvitsauko zvishanu zvokutanga zvebhuku raIsaya akataurwa Isaya asati agadzwa kuva muprofita kana kuti pashure pacho, Bhaibheri haritauri. (Isaya 6:6-9) Zvisinei, zviri pachena ndezvokuti maguta eJudha neJerusarema ari kurwara mune zvokunamata “kubvira pasi petsoka kusvikira kumusoro.” (Isaya 1:6) Vanhu vari kungonamata zvidhori kwose kwose. Vatungamiriri vavo vane uori. Vakadzi vava kuzvikudza. Vanhu havasi kunamata Mwari wechokwadi nenzira yaanoda. Isaya anotumwa kuti aende ‘uye arambe’ achitaura nevaya vakanga vasinganzwisisi kana kuda zivo chero ipi zvayo.

Nyika yeJudha inotyisidzirwa kuti inoda kurwiswa nemauto maviri akabatana eIsraeri neSiriya. Achishandisa Isaya nevana vake se“zviratidzo nezvishamiso,” Jehovha anovimbisa vaJudha kuti uto rakabatana revaSiriya nevaIsraeri harimbobudiriri. (Isaya 8:18) Kunyange zvakadaro, rugare runogara narini, ruchauya bedzi nokutonga kwo“Muchinda woRugare.” (Isaya 9:6, 7) Jehovha achatongawo Asiriya, rudzi rwaanoshandisa se“shamhu yokutsamwa” kwake. VaJudha vachaguma vatapwa, asi ‘vakasara vachadzoka.’ (Isaya 10:5, 21, 22) Kururamisira kwechokwadi kuchanyatsova chinhu chaicho pakutonga ‘kwechigutsa chaJese chokufananidzira pari ipo pachabuda davi.’—Isaya 11:1.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:8, 9—Mwanasikana weZiyoni ‘achasiyiwa sei sedumba riri mumunda wemizambiringa, sekamba kokurindira kari mumunda wemagaka?’ Izvi zvinoreva kuti paraizorwiswa nevaAsiriya, Jerusarema raizotadza chaizvo kuzvidzivirira, kungofanana nedumba riri mumunda wemazambiringa kana kuti raizokurumidza kuparara sekamba kari mumunda wemagaka. Asi Jehovha anouya kuzoribatsira uye haazobvumiri kuti riite seSodhoma neGomora.

1:18—Mashoko okuti: “Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,” anorevei? Uku hakusi kukumbira kukurukurirana kwava kusvika pakubvumirana kunokonzerwa nokunzwawo pfungwa dzevamwe. Asi, ndima iyi iri kureva kuti paitwe ruramisiro apo Mutongi akarurama, Jehovha, anopa vaIsraeri mukana wokuchinja uye wokuzvichenesa.

6:8a—Nei zvisazitasingwi zvokuti “Ndi-” uye “achati-” zvakashandiswa pano? Chisazitasingwi chokuti “Ndi-” chinomiririra Jehovha Mwari. Chisazitasingwi chouwandu chokuti “achati-” chinoratidza kuti pane mumwe munhu ana Jehovha. Zvechokwadi, munhu uyu “Mwanakomana [wake] akaberekwa ari mumwe oga.”—Johani 1:14; 3:16.

6:11—Isaya airevei paakabvunza kuti: “Kusvikira rini, haiwa Jehovha?” Isaya akanga asiri kubvunza kuti aizotora nguva yakareba zvakadini achizivisa mashoko aJehovha kuvanhu vasingateereri. Asi, aida kuziva kuti kurwara kwevanhu mune zvokunamata kwaizoramba kuripo kwenguva yakareba sei kuchizvidzisa zita raMwari.

7:3, 4—Nei Jehovha akaponesa Mambo akaipa Ahazi? Madzimambo eSiriya neIsraeri akaronga kubvisa Mambo Ahazi weJudha pachigaro uye kugadza panzvimbo yake mumwe mutongi akanga asiri mumutsara woumambo, mwanakomana waTabheeri—murume akanga asiri wedzinza raDhavhidhi. Zano raDhiyabhorosi iri ringadai rakakanganisa kushanda kwesungano yoUmambo yaDhavhidhi. Jehovha akaponesa Ahazi kuitira kuti achengetedze mutsara waizobuda “Muchinda woRugare” akapikirwa.—Isaya 9:6.

7:8—Efremu ‘akaputswa-putswa’ sei mumakore 65? Kubviswa kwevanhu kubva muumambo hwemadzinza gumi uye kugarwa kwakaitwa nyika yacho nevanhu vokune dzimwe nyika kwakatanga “mumazuva aPeka mambo waIsraeri,” nguva pfupi Isaya achangobva kutaura uprofita uhwu. (2 Madzimambo 15:29) Kwakaenderera mberi kwenguva refu pashure pacho kusvika mumazuva aEsari-hadhoni Mambo weAsiriya, aiva mwanakomana waSaniheribhi uye akazogara nhaka youmambo hwake. (2 Madzimambo 17:6; Ezra 4:1, 2; Isaya 37:37, 38) Kubviswa nokugariswa kwevanhu muSamariya uku kwakaramba kuchiitwa nevaAsiriya kwakaitika mumakore 65 anotaurwa pana Isaya 7:8.

11:1, 10—Jesu Kristu angava sei ‘davi rinobva pachigutsa chaJese’ uyewo “mudzi waJese?” (VaRoma 15:12) Jesu ‘akabva pachigutsa chaJese’ paakaberekwa somunhu. Aiva wedzinza raJese nokumwanakomana waJese, Dhavhidhi. (Mateu 1:1-6; Ruka 3:23-32) Zvisinei, kuwana kwakaita Jesu simba roumambo kune zvakunoita paukama hwake nemadzitateguru ake. Nokuti akapiwa simba nechiremera chokupa vanhu vanoteerera upenyu husingaperi pasi pano, Jesu anova ‘Baba vavo Vasingangumi.’ (Isaya 9:6) Nokudaro, iyewo “mudzi” wakabva kumadzitateguru ake, kusanganisira Jese.

Zvatinodzidza:

1:3. Kana tikaramba kurarama sezvinoda Musiki wedu tinenge tisingazivi zvokutopfuurwa nenzombe nembongoro. Ukuwo, kuonga zvose zvatakaitirwa naJehovha kuchaita kuti tisamusiye kana kuti tisaite zvinhu nenzira inoratidza kusanzwisisa.

1:11-13. Mhemberero dzechitendero dzounyengeri neminyengetero yokudzokorora yakaita zvokunyorwa zvinosemesa Jehovha. Zvatinoita uye minyengetero yedu zvinofanira kubva pavavariro dzakanaka dzemwoyo.

1:25-27; 2:2; 4:2, 3. Kuva muuranda nokuitwa dongo kwenyika yeJudha kwaifanira kupera vakasara vakanga vapfidza pavaizodzoka kuJerusarema uye nokuita kuti kunamata kwechokwadi kuvepozve. Jehovha anonzwira ngoni vatadzi vanenge vapfidza.

2:2-4. Kushingaira kwedu mubasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi kunobatsira vanhu vanobva mumarudzi akawanda kudzidza nzira yorugare uye kuva norugare kune mumwe nomumwe.

4:4. Jehovha achabvisa, kana kuti achageza kusviba mutsika uye mhosva yokuteura ropa.

5:11-13. Kutadza kuzvidzora uye kuratidza mwero pakusarudza zvinhu zvinonyevenutsa muviri kunenge kuri kuramba kuita maererano nezivo.—VaRoma 13:13.

5:21-23. Vakuru vechiKristu, kana kuti vatariri, havafaniri ku“zviti vakachenjera.” Vanofanirawo kuratidza mwero “pakunwa waini” uye havafaniri kusarura.

11:3a. Muenzaniso waJesu nedzidziso dzake zvinoratidza kuti kutya Jehovha kunopa mufaro.

“JEHOVHA ACHANZWIRA JAKOBHO NGONI”

(Isaya 13:1–35:10)

Zvitsauko 13 kusvika ku23 zvinozivisa mashoko okutonga marudzi. Zvisinei, “Jehovha achanzwira Jakobho ngoni” nokubvumira marudzi aIsraeri ose kuti adzokere kumusha. (Isaya 14:1) Mashoko okuparadza Judha ari muzvitsauko 24 kusvika ku27 anoteverwa nevimbiso yokudzokera kumusha kwavo. Jehovha anotaura kuti atsamwira “zvidhakwa zvaEfremu [Israeri]” pamusana pokubatana neSiriya uye “mupristi nomuprofita” veJudha pamusana pokuda kubatana neAsiriya. (Isaya 28:1, 7) “Arieri [Jerusarema]” rinonzi rine nhamo nokuti riri “kugadzirira kuenda kuIjipiti,” kuti ridzivirirwe. (Isaya 29:1; 30:1, 2) Kunyange zvakadaro, vanhu vanotenda muna Jehovha vanofanoudzwa kuti vachaponeswa.

Kungofanana ‘nomwana weshumba ava nezenze anenge achiomba kumhuka yake yaanenge abata,’ Jehovha achachengetedza “Gomo reZiyoni.” (Isaya 31:4) Panewo vimbiso iyi: “Tarirai! Mambo achatonga kuti pave nokururama.” (Isaya 32:1) Kunyange zvazvo kutyisidzira kwevaAsiriya nyika yeJudha kuchitoita kuti “nhume dzorugare” dzisvimhe misodzi kwazvo, Jehovha anovimbisa kuti vanhu vake vachaporeswa, vacha“regererwa kukanganisa kwavo.” (Isaya 33:7, 22-24) “Jehovha akagumbukira marudzi ose, uye akatsamwira uto rawo rose.” (Isaya 34:2) Nyika yeJudha haizorambi iri dongo. “Renje nenzvimbo isina mvura zvichapembera nomufaro, bani rerenje richafara rotumbuka sesafuroni.”—Isaya 35:1.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

13:17—VaMedhiya vakanga vasina basa nesirivha uye vasingafariri ndarama mupfungwa ipi? VaMedhiya nevaPezhiya vaikoshesa chaizvo rukudzo rwaibva pakukunda muhondo kudarika zvinhu zvaipambwa muhondo. Izvi ndizvo zvakaitwa naKoreshi, uyo akapa nhapwa dzaidzokera midziyo yendarama neyesirivha yakanga yatorwa naNebhukadhinezari mutemberi yaJehovha.

14:1, 2—Vanhu vaJehovha vakava sei ‘vatapi vevaivatapa’ uye ‘vakava sei nesimba kune vaya vaivashandisa?’ Izvi zvakazadzika kuvanhu vakadai saDhanieri, aiva nechinzvimbo chepamusoro muBhabhironi pasi pokutonga kwevaMedhiya nevaPezhiya; Esteri, uyo akava mambokadzi wePezhiya; naModhekai, akagadzwa kuva mutungamiriri wehurumende muUmambo hwePezhiya.

20:2-5—Chaizvoizvo Isaya akafamba asina kupfeka zvachose here kwemakore matatu? Isaya angangove akapfekenura zvipfeko zvake zvokunze bedzi ndokufamba akapfeka ‘zvomukati.’—1 Samueri 19:24.

21:1—Inzvimbo ipi inonzi “renje regungwa”? Kunyange zvazvo Bhabhironi rakanga risiri pedyo negungwa chairo, ndiro riri kutaurwa. Nokuti mvura yaifashukira yomurwizi rwaYufratesi nerwaTigirisi yaifashukira kunzvimbo yacho gore roga roga, ichiita kuti nzvimbo yacho iite seyaiva ‘negungwa.’

24:13-16—VaJudha vaizova sei “pakati pemarudzi, sokuzunzwa kwomuorivhi, sokuunganidza zvakasaririra kana kukohwa mazambiringa kwapera”? Sezvinongoita mimwe michero inosaririra mumuti kana mumuzambiringa pashure pokukohwa, vashomanana bedzi ndivo vaizopona paizoparadzwa Jerusarema neJudha. Chero kwaiendeswa vainge vapona vacho, kungava ku“nzvimbo yechiedza [kuBhabhironi kuMabvazuva]” kana kuti ku“zvitsuwa [zveMediterranean] zvegungwa,” vaizorumbidza Jehovha.

24:21—“Uto rokumusoro” ne“madzimambo enyika” ndivanaani? “Uto rokumusoro” ringareva masimba emidzimu yakaipa. Saka “madzimambo enyika,” vatongi vepasi, vanodzorwa chaizvo nemadhimoni.—1 Johani 5:19.

25:7—“Chifukidziro chinofukidzira marudzi ose, nechirukwa chakarukirwa pamarudzi ose” chii? Mufananidzo uyu unoita kuti tifunge nezvevavengi vaviri vakuru vevanhu—chivi norufu.

Zvatinodzidza:

13:20-22; 14:22, 23; 21:1-9. Shoko raJehovha rouprofita rinozadzika nguva dzose, sezvakaitika paBhabhironi.

17:7, 8. Kunyange zvazvo vakawanda muna Israeri vasina kuteerera, vamwe vanhu vaitarira kuna Jehovha. Saizvozvowo, vamwe vari muchiKristudhomu vanoteerera mashoko oUmambo.

28:1-6. Israeri achakundwa neAsiriya, asi Mwari achaita kuti vanhu vakatendeka vapone. Kutonga kwaJehovha hakusiyi munhu akarurama asina tariro.

28:23-29. Jehovha anoruramisa vanhu vake vepachokwadi maererano nezvavanoda uye nemamiriro avo ezvinhu.

30:15. Kuponesa kwaJehovha kunoda kuti tiratidze kutenda noku“zorora,” kana kuramba kutsvaka kuponeswa nezvirongwa zvinoitwa nevanhu. ‘Nokuramba takanyarara,’ kana kuti tisingatyi, tinovimbawo nokukwanisa kwaJehovha kutidzivirira.

30:20, 21. ‘Tinoona’ Jehovha ‘nokunzwa’ inzwi rake rokuponesa nokuteerera zvaanotaura zviri muShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri, uye no“muranda akatendeka, akangwara.”—Mateu 24:45.

Uprofita hwaIsaya Hunosimbisa Kuvimba Kwatinoita neShoko raMwari

Tinoonga chaizvo mashoko aMwari ari mubhuku raIsaya! Uprofita hwakatozadzika hunosimbisa chivimbo chedu chokuti ‘shoko rinobuda mumuromo maJehovha harizodzoki kwaari risina zvaraita.’—Isaya 55:11.

Zvakadini nouprofita hune chokuita naMesiya, sohuya hwatinowana pana Isaya 9:7 uye 11:1-5, 10? Hahusimbisi kutenda kwedu muurongwa hwaJehovha hwokutiponesa here? Bhuku racho rinewo uprofita huri kuzadzika zvikuru muzuva redu kana kuti huchazadzika. (Isaya 2:2-4; 11:6-9; 25:6-8; 32:1, 2) Chokwadi, bhuku raIsaya rinowedzera uchapupu hwokuti “shoko raMwari ibenyu”!—VaHebheru 4:12.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Isaya nevana vake vaiva “zviratidzo nezvishamiso pakati paIsraeri”

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Jerusarema raizova “sedumba riri mumunda wemizambiringa”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vanhu vanobva mumarudzi ose vari kubatsirwa sei ku“pfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo”?