Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinobatsira Kuva Akatendeseka

Zvinobatsira Kuva Akatendeseka

Zvinobatsira Kuva Akatendeseka

KUSATENDESEKA kwave kuripo kubvira mumunda weEdheni. Kunyange zvakadaro, tsika dzakawanda nenzanga zvinokoshesa kutendeseka uye zvinoona kureva nhema nokunyengera sezvinhu zvisingadiwi uye zvinozvidzisa. Kuonekwa somunhu akavimbika kunotodadisa. Kunyange zvakadaro, zviri kutonyanya kuitika ndezvokuti kusatendeseka kuri kuonekwa sechinhu chakakodzera kuti munhu ararame munzanga yemazuva ano. Unozvionawo sei? Zvakanaka here kuvavarira kuva akatendeseka? Unoshandisa chii kuti usarudze kunonzi kutendeseka uye kusiri kutendeseka?

Kuti tifadze Mwari, tinofanira kuva vakatendeseka mukutaura kwedu nomumararamiro edu. Muapostora Pauro akarayira vaKristu vaainamata navo kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.” (VaEfeso 4:25) Pauro akanyorawo kuti: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Vavariro yedu yokuva vakatendeseka haisi yokuti tirumbidzwe nevanhu. Tinoita zvinhu nokutendeseka nokuti tinoremekedza Musiki wedu uye kuti tinoda kumufadza.

Usavanza Zvauri

Munyika dzakawanda, vanhu vanotaura mashoko enhema kuitira kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka muupenyu. Vanotora magwaro enhema, madhipuroma, uye zvitupa kuitira kuti vapinde munyika zvisiri pamutemo kana kuti vawane basa kana chinzvimbo chebasa ravanenge vasina ruzivo naro. Vamwe vabereki vanonyoresa mashoko asiri iwo pamagwaro okuberekwa evana vavo kuitira kuti vaenderere mberi nechikoro.

Zvisinei, kuti tifadze Mwari, hatifaniri kunyengera. Bhaibheri rinoti Jehovha ndi“Mwari wechokwadi” uye kuti anotarisira chokwadi kune vaya vane ukama hwepedyo naye. (Pisarema 31:5) Kana tichida kuramba tiine ukama hwepedyo naJehovha, hatigoni kutevedzera “vanhu venhema,” vaya “vanovanza zvavari.”—Pisarema 26:4.

Vanhu vanowanzovanzawo chokwadi kana vachitarisira kurangwa pamusana pezvakaipa zvavanenge vaita. Munhu angaedzwa kuita izvi kunyange muungano yechiKristu. Somuenzaniso, mune imwe ungano, rimwe jaya rakabvuma kune vakuru kuti rakanga raita zvimwe zvivi. Zvisinei, harina kubvuma kuti raiba kunyange zvazvo paiva nouchapupu hwairatidza kuti ndizvo zvaraiita. Rakazobatwa kuti ndizvo zvaraiita uye raifanira kudzingwa muungano. Hwaisazova uchenjeri here kudai rakabvuma nokutendeseka uye rakawana rubatsiro kuti rive noukama hwaro hunokosha naJehovha? Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti: “Usazvidza kuranga kunobva kuna Jehovha, uyewo usapera simba paunoruramiswa naye; nokuti Jehovha anoranga waanoda.”—VaHebheru 12:5, 6.

Dzimwe nguva imwe hama inenge ichivavarira mitoro muungano ingaedza kuvanza zvinetso zvayo kana mufambiro usina kunaka wayakaita kare. Somuenzaniso, painenge ichizadza fomu kuti iwane ropafadzo yerimwe basa, ingasapindura chaizvoizvo panyaya dzoutano uye dzetsika, ichifunga kuti kutaura chokwadi kungaita kuti isapiwe basa racho. Ingati, ‘Chaizvoizvo handina kureva nhema,’ asi yanga iri kutaura zvinhu sezvazviri uye kutendeseka here kune vamwe? Chimbofunga nezvepfungwa yakataurwa pana Zvirevo 3:32, inoti: “Munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha, asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.”

Kutanga, kuva akatendeseka zvinoreva kuti isu pachedu tinofanira kuva vakatendeseka zvechokwadi. Tinowanzodavira zvatinoda kudavira panzvimbo pezvakarurama kana kuti zvechokwadi. Zviri nyore zvikuru kuzviti hatina kukanganisa tobva tapomera mumwe munhu! Somuenzaniso, Mambo Sauro akaedza kuzviruramisa paasina kuteerera nokupomera vamwe. Nokudaro, Jehovha akaramba kuti ave mambo. (1 Samueri 15:20-23) Akanga akasiyana chaizvo naMambo Dhavhidhi, akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Ndakazoreurura chivi changu kwamuri, uye handina kufukidza kukanganisa kwangu. Ndakati: ‘Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.’ Imi makaregerera kukanganisa kwezvivi zvangu.”—Pisarema 32:5.

Kutendeseka Kunoita Kuti Pave Nezvikomborero

Maonerwe atinoitwa nevamwe anobva pakuti takatendeseka here kana kuti kwete. Kana vanhu vakaziva kuti wakambovanyengedza kunyange kamwe chete zvako, havazokuvimbi, uye hazvisi nyore kuti vazokuvimbazve. Ukuwo, kana uri wepachokwadi uye wakatendeseka, unova nomukurumbira wokunzi uri munhu akavimbika, akakodzera kuvimbwa. Zvapupu zvaJehovha zvine mukurumbira wakadaro. Chimbofunga nezvemimwe mienzaniso.

Mumwe mukuru mukuru weimwe kambani akaziva kuti vashandi vake vakawanda vaibira kambani, saka akakumbira rubatsiro rwemapurisa. Paakaziva kuti mumwe wevashandi vake aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha aivapowo pane vakanga vasungwa, akaenda kumapurisa kuti Chapupu chacho chisunungurwe nokukurumidza. Nei? Nokuti mukuru mukuru wacho aiziva kuti munhu uyu aiva mushandi akatendeseka uye kuti aiva asina mhosva. Chapupu chacho chakaramba chichishanda asi vamwe vakadzingwa basa. Vamwe vake vari Zvapupu vakafara kuziva kuti unhu hwake hwakaunza rukudzo kuzita raJehovha.

Unhu hwakanaka hunocherechedzwa nevamwe. Mune mumwe musha womuAfrica, rimwe bhiriji raiva nomugero wakakura raida kugadziriswa nokuti pakanga pabiwa mamwe mapuranga aro. Vanhu vomunzvimbo yacho vakasarudza kuunganidza mari yokutsiva mapuranga iwayo, asi ndiani aigona kuvimbwa kuti atarisire mari yacho? Vanhu vose vakabvumirana kuti yaifanira kutarisirwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha.

Imwe nyika yomuAfrica payakava nemhirizhonga mune zvematongerwo enyika uye ehondo yemadzinza, chimwe Chapupu chaishanda saakaundendi pane imwe kambani iri munyika dzakawanda chakatamisirwa kune imwe nyika sezvo upenyu hwacho hwakanga hwava pangozi. Kambani yacho yakaronga kuti chishande ikoko kwemwedzi yakawanda ichibhadhara zvose zvaizodiwa kusvikira mamiriro acho ezvinhu agadzikana. Nei? Nokuti akanga amboramba kubatana nevamwe vaironga kubira kambani yacho. Mamaneja acho aiziva kuti aiva nomukurumbira wokutendeseka. Vaizodai vakada kubatsira mushandi uyu here kudai aizivikanwa kuti aiwana mari nenzira isina kutendeseka?

Zvirevo 20:7 inoti: “Munhu akarurama anofamba akavimbika.” Munhu akatendeseka akavimbika. Haabiridziri kana kunyengedza vanhu. Hazvisi izvo zvaunoda kuti vamwe vakuitire here? Kutendeseka kunokosha mukunamata kwechokwadi. Kunoratidza kuda kwatinoita Mwari nomuvakidzani. Nokuva vakatendeseka, tinoratidza kuti tinoda kutevera mashoko aJesu ane chokuita nomufambiro, anoti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Mateu 7:12; 22:36-39.

Kuva akatendeseka nguva yose kungambova nemigumisiro isina kunaka, asi hana yakachena inozovapo inotokosha kupfuura zvisina kunaka zvingavapo. Nokufamba kwenguva, kuva akatendeseka uye kururama kunobatsira chaizvo. Chokwadi ndechokuti ukama hwakanaka naJehovha hunokosha kwazvo. Tingakanganisirei ukama hwedu naye nokuita zvimwe zvinhu kuti tirambe tichiremekedzwa kana kuti tiwane zvimwe zvinhu zvakanaka nenzira isiri yepamutemo? Chero zvinetso zvipi zvatingasangana nazvo, tinogona kuva nechivimbo nemashoko omunyori wemapisarema anoti: “Anofara murume anovimba naJehovha asina kutendeudzira chiso chake kuvanhu vasingateereri, kana kune vaya vanotsaukira kunhema.”—Pisarema 40:4.

[Mifananidzo iri papeji 18]

VaKristu vechokwadi havatengi kana kushandisa magwaro enhema