Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu

Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu

Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu

“Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—MATEU 22:39.

1. Tinoratidza sei kuti tinoda Mwari?

JEHOVHA anodei kune vaya vanomunamata? Mumashoko mashomanana akajeka uye ane simba, Jesu akataura muchidimbu mhinduro yacho. Akati murayiro mukuru pane yose ndewokuda Jehovha nomwoyo wedu wose, mweya, pfungwa, uye simba. (Mateu 22:37; Mako 12:30) Sezvatakaona munyaya yakapfuura, kuda Mwari kunosanganisira kumuteerera nokuchengeta mirayiro yake maererano nokutida kwaakatiita. Kune vaya vanoda Mwari, kuita zvaanoda hakuremi; kunoita kuti vafare.—Pisarema 40:8; 1 Johani 5:2, 3.

2, 3. Nei tichifanira kufunga nezvomurayiro wokuda muvakidzani wedu, uye mibvunzo ipi inomuka?

2 Jesu akati murayiro wechipiri mukuru pane yose wakabatana nowokutanga, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Murayiro uyu ndiwo watava kuda kufunga nezvawo, uye nokuda kwechikonzero chakanaka. Nguva yatiri kurarama ine vanhu vane rudo rune udyire, rwenhema. Mumashoko ake akafuridzirwa okurondedzera “mazuva okupedzisira,” muapostora Pauro akanyora kuti vanhu vaisazodanana, asi vaizozvida ivo, vaizoda mari, nemafaro. Vakawanda vaizenge “vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo,” kana kuti semashandurirwe azvinoitwa nerimwe Bhaibheri, vaizenge “vasina rudo runongofanira kuratidzwa mumhuri dzavo.” (2 Timoti 3:1-4) Jesu Kristu akafanotaura kuti: “Vazhinji . . . vachatengesana uye vachavengana. . . . Rudo rwevazhinji ruchatonhora.”—Mateu 24:10, 12.

3 Zvisinei, ona kuti Jesu haana kutaura kuti rudo rwevanhu vose ruchatonhora. Nguva dzose kwagara kuine vanhu vanoratidza rudo runodiwa naJehovha uye rwaanofanira kuwana uye vachangoramba varipo. Vaya vanoda Jehovha zvechokwadi vachaedza kuona vamwe sezvaanoita. Zvisinei, ndiani muvakidzani wedu watinofanira kuda? Tinofanira kuratidza sei rudo kumuvakidzani wedu? Magwaro anogona kutibatsira kupindura mibvunzo iyi inokosha.

Muvakidzani Wangu Ndiani?

4. Maererano nechitsauko 19 chaRevhitiko, vaJudha vaifanira kuratidza rudo kunaani?

4 Paaiudza muFarisi wacho kuti murayiro wechipiri mukuru pane yose ndewokuda muvakidzani sezvaunozvida, Jesu akanga ari kutaura nezvomutemo chaiwo wakapiwa vaIsraeri. Wakanyorwa pana Revhitiko 19:18. Muchitsauko chimwe chete ichi, vaJudha vakaudzwa kuti vaifanira kuona vamwe vanhu vakanga vasiri vaIsraeri sevavakidzani vavo. Ndima 34 inoti: “Mutorwa anogara nemi ngaave somunhu womunyika yenyu; uye munofanira kumuda sezvamunozviita, nokuti imi makava vatorwa munyika yeIjipiti.” Saka, kunyange vanhu vakanga vasiri vaJudha, zvikurukuru vakanga vatendeuka, vaifanira kubatwa norudo.

5. VaJudha vainzwisisa sei kuda muvakidzani?

5 Zvisinei, vatungamiriri vechiJudha vomuzuva raJesu vaiona nyaya iyi nenzira yakasiyana. Vamwe vaidzidzisa kuti mashoko okuti “shamwari” no“muvakidzani” aishanda kuvaJudha chete. Vakanga vasiri vaJudha vaifanira kuvengwa. Vadzidzisi ivavo vaitaura kuti vanhu vanonamata Mwari vanofanira kuzvidza vaya vasingamunamati. Rimwe bhuku rinoti, “Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvakanga zvisingaiti kuti ruvengo rusavepo. Rwaitowedzera.”

6. Jesu akataura zvinhu zviviri zvipi paaitaura nezvokuda muvakidzani?

6 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akataura nezvenyaya iyi, achijekesa nezvokuti ndiani anofanira kubatwa norudo. Akati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida muvakidzani wako uvenge muvengi wako.’ Zvisinei, ini ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mateu 5:43-45) Pano Jesu akataura zvinhu zviviri. Chokutanga, Jehovha anopa uye ane mutsa kune vose vakanaka nevakaipa. Chechipiri, kuti tinofanira kutevedzera muenzaniso wake.

7. Tinodzidzei mumufananidzo womuSamariya akanaka?

7 Pane imwe nguva, mumwe muJudha ainyatsoziva Mutemo akabvunza Jesu kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” Jesu akamupindura nokumuudza mufananidzo wairondedzera nezvomumwe muSamariya akaona mumwe murume, muJudha, akanga arohwa nemakororo akamutorera zvinhu zvake zvose. Kunyange zvazvo vaJudha vazhinji vaizvidza vaSamariya, muSamariya wacho akasunga zvironda zvomurume wacho, ndokumuisa munzvimbo yakachengeteka paimba panombozororera vanenge vari parwendo, kuti apore. Tinodzidzei? Kuti tinofanira kuda vanhu vose kwete chete vorudzi rwedu, veganda redu, kana kuti vatinonamata navo.—Ruka 10:25, 29, 30, 33-37.

Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu

8. Chitsauko 19 chaRevhitiko chinoti kudii nezvemaratidzirwo aifanira kuitwa rudo?

8 Kuda muvakidzani, kungofanana nokuda Mwari, haasi manzwiro chete; kunosanganisira chiito. Zvinobatsira kuongororazve mashoko akapoteredza murayiro wakanyorwa muna Revhitiko 19 unokurudzira vanhu vaMwari kuti vade vavakidzani vavo sezvavanozviita. Ipapo tinoverenga kuti vaIsraeri vaifanira kubvumira vaitambura nevatorwa vavaigara navo kuti vakohwewo zvimwe zvinhu. Kuba, kunyengera, kana kunyengedza zvakanga zvisingabvumirwi. Pakutonga nyaya vaIsraeri vakanga vasingafaniri kusarura. Kunyange zvazvo vaifanira kutsiura pazvaidiwa, vakanyatsoudzwa kuti: “Usavenga hama yako mumwoyo mako.” Mirayiro iyi nemimwe yakawanda yakapfupiswa nemashoko aya anoti: “Ida wokwako sezvaunozviita.”—Revhitiko 19:9-11, 15, 17, 18.

9. Nei Jehovha akarayira vaIsraeri kuti varambe vakazviparadzanisa nevanhu vemamwe marudzi?

9 Kunyange zvazvo vaIsraeri vaifanira kuda vamwe, vaifanirawo kuramba vakazviparadzanisa nevaya vainamata vanamwari venhema. Jehovha akanyevera nezvengozi nemigumisiro yokushamwaridzana nevanhu vakaipa. Somuenzaniso, nezvemarudzi aizotorerwa nyika nevaIsraeri, Jehovha akarayira kuti: “Usaroorerana navo. Usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, uye usatorera mwanakomana wako mwanasikana wake. Nokuti achatsausa mwanakomana wako kuti arege kunditevera, uye vachashumira vamwe vanamwari; Jehovha achakutsamwirai kwazvo.”—Dheuteronomio 7:3, 4.

10. Tinofanira kungwarira chii?

10 Saizvozvowo, vaKristu vanongwarira kuti vasashamwaridzane nevanhu vaya vangakanganisa kutenda kwavo. (1 VaKorinde 15:33) Tinorayirwa kuti: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi,” vaya vasiri muungano yechiKristu. (2 VaKorinde 6:14) Uyezve, vaKristu vanorayirwa kuti varoore kana kuroorwa “munaShe chete.” (1 VaKorinde 7:39) Kunyange zvakadaro, hatimbofaniri kunyomba vaya vasingatendi zvatinotenda muna Jehovha. Kristu akafira vatadzi, uye vakawanda vaimboita zvinhu zvakashata vakachinja mararamiro avo ndokuyanana naMwari.—VaRoma 5:8; 1 VaKorinde 6:9-11.

11. Inzira ipi yakanaka kwazvo yokuratidza nayo rudo kune vaya vasinganamati Jehovha, uye nei?

11 Kuti tiratidze rudo kune vaya vasinganamati Mwari, nzira yakanaka kwazvo ndeyokutevedzera Jehovha pachake. Kunyange zvazvo asingadi uipi, anoratidza mutsa une rudo kune vanhu vose nokuvapa mukana wokuti vasiye nzira dzavo dzakaipa vowana upenyu husingaperi. (Ezekieri 18:23) Jehovha “anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Ndokusaka Jesu akarayira vateveri vake kuti vaparidze uye vadzidzise noku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:19, 20) Nokuita basa iri, tinoratidza kuti tinoda Mwari nomuvakidzani, chokwadi, kusanganisira kunyange vavengi vedu chaivo!

Kuda Hama Dzedu dzechiKristu

12. Muapostora Johani akanyorei nezvokuda hama yedu?

12 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) SevaKristu, tinosungirwa kuratidza rudo vaya vane ukama nesu mukutenda—hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo. Rudo urwu runokosha sei? Achitaura mashoko aya ane simba, muapostora Johani akanyora kuti: “Munhu wose anovenga hama yake muurayi . . . Kana munhu achitaura kuti: ‘Ndinoda Mwari,’ asi achivenga hama yake, iye murevi wenhema. Nokuti uyo asingadi hama yake, yaakaona, haangavi achida Mwari, waasina kumboona.” (1 Johani 3:15; 4:20) Mashoko aya ane simba. Jesu Kristu akashandisa mashoko okuti “muurayi” uye “murevi wenhema” achireva Satani Dhiyabhorosi. (Johani 8:44) Hatimbodi kushandisirwa mashoko iwayo!

13. Munzira dzipi matingaratidza rudo kune vatinonamata navo?

13 VaKristu vechokwadi ‘vanodzidziswa naMwari kuti vadanane.’ (1 VaTesaronika 4:9) Tinofanira kuda kwete “neshoko kana norurimi, asi nemabasa nechokwadi.” (1 Johani 3:18) Rudo rwedu harufaniri “kuva nounyengeri.” (VaRoma 12:9) Rudo runoita kuti tive nomutsa, tinzwire tsitsi, tikanganwire, tive nomwoyo murefu uye tisave neshanje, tisazvikudza, tisazvitutumadza, kana kuti tisava noudyire. (1 VaKorinde 13:4, 5; VaEfeso 4:32) Runotimanikidza kuti ‘tishandirane.’ (VaGaratiya 5:13) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vadanane sokuda kwaakavaita. (Johani 13:34) Saka muKristu anofanira kuda kunyange kufira vaanonamata navo kana zvichida kuti adaro.

14. Tingaratidza sei rudo mumhuri?

14 Rudo runofanira kuratidzwa zvikurukuru mumhuri yechiKristu uye kunyanya pakati pomurume nomudzimai. Ukama hwokuroorana ndehwepedyo zvikuru zvokuti Pauro akati: “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo.” Akatizve: “Anoda mudzimai wake anozvida.” (VaEfeso 5:28) Tinoona Pauro achidzokorora mashoko aya mundima shanu gare gare. Murume anoda mudzimai wake haazotevedzeri vaIsraeri vomuzuva raMaraki vainyengera madzimai avo. (Maraki 2:14) Achamukoshesa. Achamuda sokuda kwaiita Kristu ungano. Saizvozvowo rudo ruchaita kuti mudzimai aremekedze murume wake.—VaEfeso 5:25, 29-33.

15. Kuratidza rudo nezvatinoita kune hama dzedu kwakaita kuti vamwe vataurei uye vaitei?

15 Zviri pachena kuti rudo urwu ndirwo runoratidza vaKristu vechokwadi. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Kudanana kwatinoita kunoita kuti vanhu vaswedere pedyo naMwari watinoda uye watinomiririra. Somuenzaniso, kuMozambique kune mashoko aya anotaura nezveimwe mhuri yeZvapupu. “Takanga tisati tamboona zvakadaro. Munguva yemasikati, mhepo yaityisa yakatanga kuvhuvhuta, ndokubva kwazotevera madzvotsvotsvo emvura nechimvuramabwe. Mhepo yaiva nesimba iyi yakaparadza dzimba dzedu dzakanga dzakavakwa nemishenjere, uye marata adzo akapeperetswa. Hama dzedu dzomuungano dziri pedyo padzakauya ndokutanga kutibatsira kuvakazve imba yedu, vavakidzani vedu vaishamiswa vakati: ‘Chitendero chenyu chakanaka chaizvo. Hatina kumbobatsirwa nechechi yedu zvakadai.’ Takavavhurira Bhaibheri ndokuvaratidza mashoko ari pana Johani 13:34, 35. Vakawanda vevavakidzani vedu iye zvino vari kudzidza Bhaibheri.”

Kuda Vanhu Somunhu Mumwe Nomumwe

16. Kuda vanhu seboka nokuda munhu mumwe nomumwe kwakasiyana papi?

16 Hazvina kuoma kuti tide vavakidzani vedu vose zvavo vari boka. Zvisinei, kuda munhu mumwe nomumwe kungava kwakaoma. Somuenzaniso, kuda kunoita vamwe vanhu vavakidzani vavo ndekwokungopa mari kune sangano rinoyamura vanotambura. Chokwadi, zviri nyore chaizvo kutaura kuti tinoda muvakidzani wedu pane kuda munhu watinoshanda naye anoita seasina basa nesu, munhu asina tsika anogara pedyo nesu, kana shamwari inotiodza mwoyo.

17, 18. Jesu akaratidza sei kuda vanhu somunhu mumwe nomumwe, uye aizviitirei?

17 Munyaya iyi yokuda vanhu somunhu mumwe nomumwe, tinodzidza kuna Jesu, uyo akaratidza nenzira yakakwana unhu hwaMwari. Kunyange zvazvo akauya pasi pano kuti azobvisa chivi panyika, akaratidza rudo kuvanhu—kumukadzi airwara, munhu aiva nemaperembudzi, kumwana. (Mateu 9:20-22; Mako 1:40-42; 7:26, 29, 30; Johani 1:29) Saizvozvowo, tinoratidza kuda muvakidzani nenzira yatinobata nayo vanhu vamwe nevamwe vatinoonana navo zuva nezuva.

18 Zvisinei, hatifaniri kumbokanganwa kuti kuda muvakidzani kwakabatana nokuda Mwari. Kunyange zvazvo Jesu akabatsira varombo, akaporesa vairwara, uye akadyisa vaiva nenzara, chinangwa chake pakuita zvinhu zvose izvi nokudzidzisawo mapoka chaiva chokubatsira vanhu kuti vayanane naJehovha. (2 VaKorinde 5:19) Jesu akaita zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe, asingambokanganwi kuti aimiririra uye airatidza zvakaita Mwari waanoda. (1 VaKorinde 10:31) Somuenzaniso, nokutevedzera muenzaniso waJesu, isuwo tinogona kuratidza rudo rwechokwadi kune muvakidzani wedu uye panguva imwe chete toramba tisiri venyika yevanhu vakaipa.

Tinoda sei Muvakidzani Wedu Sezvatinozviita?

19, 20. Zvinorevei kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita?

19 Jesu akati: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” Ndezvokuzvarwa nazvo kuti tide kuzvitarisira uye kuzvibata noruremekedzo. Kudai zvakanga zvisina kudaro, murayiro uyu waisava nezvawaireva. Kuzvida uku kwakakodzera hakufaniri kuonekwa sokuzvida kwoudyire kunotaurwa nomuapostora Pauro pana 2 Timoti 3:2. Asi kuti kuzvikoshesawo zvine mwero. Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakarondedzera kuzvida uku ichiti, “kuzvida kuri pakati nepakati kusiri kwokuti ‘Ndinokosha chaizvo’ kana kuti kuzviti ‘Handikoshi.’”

20 Kuda vamwe sezvatinozviita zvinoreva kuti tinoona vamwe sezvatinoda kuitwawo uye kubata vamwe semabatirwe ataizoda kuitwa. Jesu akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Ona kuti Jesu haana kuti tirambe tichingofunga zvatakaitirwa nevamwe kare todzorera saizvozvo. Asi, tinofanira kufunga kuti tingada kubatwa sei tobva taita saizvozvo. Onawo kuti Jesu haana kungoshandisira mashoko ake kushamwari nehama. Akashandisa shoko rokuti “vanhu,” zvichida kuratidza kuti tinofanira kuitira izvi vanhu vose, vose vatinoonana navo.

21. Nokuda vamwe, tinenge tichiratidzei?

21 Kuda muvakidzani wedu kuchatidzivirira kuti tisaite zvakashata. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Bumbiro remitemo rinoti, ‘Usaita upombwe, Usaponda, Usaba, Usachochora,’ uye mimwe mirayiro yose iripo, inobatanidzwa mushoko iri rokuti, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa.” (VaRoma 13:9, 10) Rudo ruchaita kuti titsvake mikana yokuitira vamwe zvakanaka. Nokuda vanhu, tinoratidza kuti tinodawo Jehovha Mwari uyo akasika munhu nomufananidzo Wake.—Genesisi 1:26.

Ungapindura Sei?

• Tinofanira kuratidza rudo kunaani, uye nei?

• Tingaratidza sei rudo kune vaya vasingashumiri Jehovha?

• Bhaibheri rinorondedzera sei rudo rwatinofanira kuratidza kuhama dzedu?

• Zvinorevei kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

“Muvakidzani wangu anombova ani?”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Jesu aida vanhu somunhu mumwe nomumwe