Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha ‘Achaita Kuti Kururamisira Kuitwe’

Jehovha ‘Achaita Kuti Kururamisira Kuitwe’

Jehovha ‘Achaita Kuti Kururamisira Kuitwe’

“Mwari haangaiti here kuti vakasarudzwa vake vanoshevedzera kwaari masikati nousiku varuramisirwe?”—RUKA 18:7.

1. Ndivanaani vanokukurudzira, uye nei?

PASI pose, Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuva pamwe nehama nehanzvadzi dzazvo dzechiKristu dzave dzichishumira Jehovha dzakatendeka kwemakore akawanda. Unoziva here dzimwe dzehama idzi dzinodiwa? Zvichida ungafunga nezvehanzvadzi yakwegura, yakabhabhatidzwa makore akawanda apfuura asi isingamborovhi misangano paImba yoUmambo. Kana kuti ungafunga nezvehama yakwegura inotsigira ushumiri hwomumunda muungano yakavimbika vhiki nevhiki uye yave ichiita izvi kwemakumi emakore. Chokwadi, vakawanda veava vakatendeka vaifunga kuti panguva ino, Amagedhoni yaifanira kudai yakatoitika. Asi chokwadi chokuti nyika ino isina kururamisira ichiripo hachina kuderedza chivimbo chavo muzvipikirwa zvaJehovha kana kuderedza kutsunga kwavo ku“tsungirira kusvikira pakuguma.” (Mateu 24:13) Kutenda kwakasimba kunoratidzwa nevashumiri vaJehovha ivavo vakavimbika zvechokwadi kunokurudzira ungano yose.—Pisarema 147:11.

2. Mamiriro api ezvinhu anotisuruvarisa?

2 Zvisinei, dzimwe nguva zvingasava saizvozvo. Zvimwe Zvapupu zvakaita basa roushumiri kwemakore, asi nokufamba kwenguva kutenda kwazvaiita Jehovha kwakaderera, uye zvakarega kuwadzana neungano yechiKristu. Zvinotisuruvarisa kuti dzaimbova shamwari dzedu dzakasiya Jehovha, uye tinoda nomwoyo wose kuramba tichibatsira “gwai rarasika” rimwe nerimwe kuti ridzokere kuboka. (Pisarema 119:176; VaRoma 15:1) Kunyange kusiyana uku—kwokuti vamwe vanoramba vakatendeka asi vamwe vanorasikirwa nokutenda kwavo—kunomutsa mibvunzo. Chii chinoita kuti Zvapupu zvakasiyana-siyana zvikwanise kuramba zvichitenda muzvipikirwa zvaJehovha asi zvimwe zvichirasikirwa nakwo? Tingaitei isu pachedu kuti chivimbo chedu chokuti “zuva guru raJehovha” rava kusvika chirambe chakasimba? (Zefaniya 1:14) Ngatikurukurei mufananidzo uri muEvhangeri yaRuka.

Nyevero Kune Vaya Vanenge Vari Vapenyu “Panosvika Mwanakomana Womunhu”

3. Ndivanaani vanogona kunyanya kubatsirwa nomufananidzo wechirikadzi nomutongi, uye nei?

3 Muchitsauko 18 chaRuka, tinowana mufananidzo waJesu wechirikadzi nomutongi. Wakafanana nomufananidzo womugamuchiri anosimbirira, watakakurukura munyaya yakapfuura. (Ruka 11:5-13) Zvisinei, zviri mundima yeBhaibheri ine mufananidzo wechirikadzi nomutongi zvinoratidza kuti izvi zvinonyanya kushanda kune vaya vanenge vari vapenyu “panosvika Mwanakomana womunhu” musimba roUmambo, nguva yacho yakatanga muna 1914.—Ruka 18:8. *

4. Jesu akakurukura chii asati arondedzera mufananidzo uri muchitsauko 18 chaRuka?

4 Asati apa mufananidzo wacho, Jesu akataura kuti uchapupu hwokuvapo kwake musimba roUmambo hwaizooneka kwose kwose “semheni” “inovhenekera kubva kune rumwe rutivi rwepasi pedenga kusvikira kune rumwe rutivi rwepasi pedenga.” (Ruka 17:24; 21:10, 29-33) Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vaizenge vachirarama mu“nguva yokuguma” vaisazova nebasa nouchapupu ihwohwo hwakajeka. (Dhanieri 12:4) Nei? Nechikonzero chimwe chete chokuti vanhu vomunguva yaNoa neyaRoti havana kuteerera zvainyeverwa naJehovha. Kare munguva iyoyo, vanhu ‘vakanga vachidya, vachinwa, vachitenga, vachitengesa, vachidyara, uye vachivaka kusvikira zuva ravakaparadzwa.’ (Ruka 17:26-29) Vakafa nokuti vakanga vakanyanya kunyura muzvinhu izvozvo zvinoitwa nevanhu vose zvokuti havana kuva nebasa nezvinodiwa naMwari. (Mateu 24:39) Nhasi, vanhu vakawanda vakanyurawo zvikuru muzvinhu zvezuva nezuva zvokuti havaoni uchapupu hwokuti kuguma kwenyika ino isingadi Mwari kwava pedyo.—Ruka 17:30.

5. (a) Jesu akanyevera vanaani, uye nei? (b) Chii chakaita kuti vamwe varasikirwe nokutenda kwavo?

5 Zviri pachena kuti Jesu ainetseka kuti vateveri vakewo vaigona kuzotsauswa nenyika yaSatani, kunyange kusvika pakuti zvimwe vaizo“dzokera kuzvinhu zvakasara.” (Ruka 17:22, 31) Zvechokwadi, izvi zvakaitika kune vamwe vaKristu. Kwemakore vaKristu ivavo vaishuva zuva richagumisa Jehovha nyika ino yakaipa. Asi Amagedhoni paisina kuitika panguva yavaitarisira, vakaora mwoyo. Chivimbo chavo chokuti zuva raJehovha rokutonga rava pedyo chakaderera. Vakaderera muushumiri uye zvishoma nezvishoma vakabatanidzwa muzvinhu zvenyika zvoupenyu zvokuti vakanga vangosara nenguva shomanana yokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata. (Ruka 8:11, 13, 14) Nokufamba kwenguva, vaka“dzokera kuzvinhu zvakasara”—zvinosuruvarisa chaizvo!

Kudiwa ‘Kwokugara Tichinyengetera’

6-8. (a) Rondedzera mufananidzo wechirikadzi nomutongi. (b) Jesu akaratidza sei kushanda kwomufananidzo uyu?

6 Tingaitei kuti tive nechokwadi chokuti kuvimba kwatinoita zvakasimba nokuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha hakudereri? (VaHebheru 3:14) Jesu akabvunza mubvunzo iwoyo pashure chaipo pokunge anyevera vadzidzi kuti vasadzokera kunyika yaSatani yakaipa.

7 Ruka anoshuma kuti Jesu “akavaudza mufananidzo pamusoro pokuti vaifanira kugara vachinyengetera vasinganeti.” Jesu akati: “Mune rimwe guta maiva nomumwe mutongi akanga asingatyi Mwari uye akanga asingaremekedzi munhu. Asi muguta iroro maiva neimwe chirikadzi uye yakaramba ichienda kwaari, ichiti, ‘Itai kuti ndiruramisirwe kune ane mhosva neni.’ Zvino, kwenguva yakati iye akanga asingadi, asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyange ndisingatyi Mwari kana kuremekedza munhu, zvisinei, nokuti chirikadzi iyi iri kuramba ichindinetsa, ndichaita kuti iruramisirwe, kuti irege kuramba ichiuya ichindirova kwazvo.’”

8 Arondedzera izvi, Jesu akataura kushanda kwazvo achiti: “Inzwai zvakataurwa nomutongi wacho, kunyange akanga asina kururama! Saka Mwari haangaiti here kuti vakasarudzwa vake vanoshevedzera kwaari masikati nousiku varuramisirwe, kunyange achivaitira mwoyo murefu? Ndinokuudzai, Iye achaita kuti vakurumidze kururamisirwa. Kunyange zvakadaro, panosvika Mwanakomana womunhu, chokwadi achawana kutenda kwacho panyika here?”—Ruka 18:1-8.

“Itai Kuti Ndiruramisirwe”

9. Ndeipi pfungwa inosimbiswa mumufananidzo wechirikadzi nomutongi?

9 Pfungwa huru yomufananidzo uyu wakajeka iri pachena. Inotaurwa nevanhu vomumufananidzo wacho uyewo naJesu. Chirikadzi yacho yakateterera ichiti: “Itai kuti ndiruramisirwe.” Mutongi akati: “Ndichaita kuti iruramisirwe.” Jesu akabvunza kuti: ‘Mwari haangaiti here kuti kururamisira kuitwe?’ Uye nezvaJehovha, Jesu akati: “Iye achaita kuti vakurumidze kururamisirwa.” (Ruka 18:3, 5, 7, 8) Ndirini chaizvoizvo apo Mwari ‘achaita kuti kururamisira kuitwe’?

10. (a) Kururamisira kwakaitwa rini muzana remakore rokutanga? (b) Vashumiri vaMwari vemazuva ano vacharuramisirwa rini uye sei?

10 Muzana remakore rokutanga, “mazuva okururamisira” (kana kuti, “mazuva okutsiva,” Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) akasvika muna 70 C.E. pakaparadzwa Jerusarema netemberi yaro. (Ruka 21:22) Nokuda kwevanhu vaMwari nhasi, kururamisira kuchaitwa pa“zuva guru raJehovha.” (Zefaniya 1:14; Mateu 24:21) Panguva iyoyo, Jehovha ‘achatambudza vaya vanotambudza’ vanhu vake, Jesu Kristu “sezvaanotsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.”—2 VaTesaronika 1:6-8; VaRoma 12:19.

11. Kururamisira kuchauya ‘nokukurumidza’ munzira ipi?

11 Zvisinei, tinofanira kunzwisisa sei vimbiso yaJesu yokuti Jehovha achaita kuti kururamisira kuitwe ‘nokukurumidza’? Shoko raMwari rinoratidza kuti ‘kunyange Jehovha aine mwoyo murefu,’ achakurumidza kururamisira kana nguva yacho yakwana. (Ruka 18:7, 8; 2 Petro 3:9, 10) Munguva yaNoa, pakauya Mafashamo, vakaipa vakaparadzwa pasina kunonoka. Saizvozvowo, muzuva raRoti, moto pawakanaya uchibva kudenga, vakaipa vakaparara. Jesu akati: “Zvichavawo saizvozvo pazuva iroro pacharatidzwa Mwanakomana womunhu.” (Ruka 17:27-30) Zvekare, vakaipa ‘vachaparadzwa zvisingatarisirwi.’ (1 VaTesaronika 5:2, 3) Zvechokwadi, tinogona kuva nechivimbo chakazara chokuti Jehovha haazobvumiri nyika yaSatani kuti irambe iripo kunyange nezuva rimwe kupfuura zvinodiwa nokururamisira.

‘Achaita Kuti Kururamisira Kuitwe’

12, 13. (a) Mufananidzo waJesu wechirikadzi nomutongi unodzidzisa sei? (b) Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha achanzwa minyengetero yedu oita kuti kururamisira kuitwe?

12 Mufananidzo waJesu wechirikadzi nomutongi unosimbisa chimwezve chokwadi chinokosha. Achishandisa mufananidzo wacho, Jesu akati: “Inzwai zvakataurwa nomutongi wacho, kunyange akanga asina kururama! Saka Mwari haangaiti here kuti vakasarudzwa vake . . . varuramisirwe?” Chokwadi, Jesu akanga asiri kuenzanisa Jehovha nomutongi sokunge kuti aitaura kuti Mwari aizobata vatendi saizvozvo. Pane kudaro, Jesu akadzidzisa vateveri vake chidzidzo pamusoro paJehovha nokutaura kusiyana kwakaita mutongi iyeye naMwari. Vangasiyaniswa mune dzimwe nzira dzipi?

13 Mutongi womumufananidzo waJesu akanga “asina kururama,” asi “Mwari Mutongi akarurama.” (Pisarema 7:11; 33:5) Mutongi uya akanga asina hanya nechirikadzi yacho zvachose, asi Jehovha ane hanya nomunhu mumwe nomumwe. (2 Makoronike 6:29, 30) Mutongi uya akanga asingadi kubatsira chirikadzi, asi Jehovha anoda—chokwadi, anoda nomwoyo wose—kubatsira vaya vanomushumira. (Isaya 30:18, 19) Tinodzidzei? Kana mutongi akanga asina kururama akateerera zvakakumbirwa nechirikadzi ndokuiruramisira, Jehovha achanzwa zvikuru sei minyengetero yevanhu vake zvechokwadi oita kuti varuramisirwe!—Zvirevo 15:29.

14. Nei tisingafaniri kurasikirwa nokutenda nezvokuuya kwezuva raMwari rokutonga?

14 Saka vaya vanorasikirwa nokutenda nezvokuuya kwezuva raMwari rokutonga vanoita chikanganiso chakaipisisa. Nei? Pavanosiya kutenda kwavo kwakasimba kwokuti “zuva guru raJehovha” rava pedyo, zvinoita sokuti havana chokwadi kana Jehovha achigona kuvimbwa kuti anochengeta zvipikirwa zvake akatendeka. Asi hapana munhu angava nechikonzero chakanaka chokuramba kuti Mwari akatendeka. (Jobho 9:12) Mubvunzo wakakodzera ndewokuti, Isu pachedu ticharamba takatendeka here? Uye iyoyo ndiyo nyaya chaiyo yakamutswa naJesu pamugumo womufananidzo wechirikadzi nomutongi.

“Chokwadi Achawana Kutenda Kwacho Panyika Here?”

15. (a) Jesu akabvunza mubvunzo upi, uye nei? (b) Tinofanira kuzvibvunza kuti kudini?

15 Jesu akabvunza mubvunzo unoita kuti munhu afunge, unoti: “Panosvika Mwanakomana womunhu, chokwadi achawana kutenda kwacho panyika here?” (Ruka 18:8) Mashoko okuti “kutenda kwacho” anoratidza kuti Jesu akanga achitaura, kwete kutendawo zvako, asi kutenda kworumwe rudzi—kutenda kwakaita sokwaiva nechirikadzi. Jesu haana kupindura mubvunzo wake. Akaubvunza achiitira kuti vadzidzi vake vafunge nezvokutenda kwavo kuti kwakanga kwakadini. Kwakanga kuri kuderera zvishoma nezvishoma here, zvokuti vaiva pangozi yokudzokera kuzvinhu zvavakanga vasiya? Kana kuti vaiva nokutenda sokwakaratidzwa nechirikadzi here? Nhasi, tinofanirawo kuzvibvunza kuti, ‘“Mwanakomana womunhu” anoona kutenda kwakadini mumwoyo mangu?’

16. Chirikadzi iya yaiva nokutenda kwakadini?

16 Kuti tive pane vaya vacharuramisirwa naJehovha, tinofanira kutevera zvakaitwa nechirikadzi iya. Yaiva nokutenda kwakadini? Yakaratidza kutenda kwayo nokuramba “ichienda [kumutongi], ichiti, ‘Itai kuti ndiruramisirwe.’” Chirikadzi iyoyo yakaramba ichikumbira kuti iruramisirwe nomunhu asina kururama. Saizvozvowo, vashumiri vaMwari nhasi vanogona kuva nechivimbo chokuti vacharuramisirwa naJehovha—kunyange kana zvichida nguva yakawanda kudarika yavaitarisira. Uyezve, vanoratidza chivimbo chavo muzvipikirwa zvaMwari nokuramba vachinyengetera—chokwadi, ‘nokushevedzera kuna Jehovha masikati nousiku.’ (Ruka 18:7) Kutaura zvazviri, kudai muKristu aizorega kunyengeterera kuti kururamisira kuitwe, aizoratidza kuti akanga asisina chivimbo chokuti Jehovha achaitira vashumiri vake chimwe chinhu.

17. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvinoita kuti tirambe tichinyengetera uye kuti tirambe tichitenda kuti zuva raJehovha rokutonga riri kuuya zvechokwadi?

17 Mamiriro ezvinhu chaiwo echirikadzi iya anotiratidza kuti tine zvikonzero zvokuwedzera zvokuti tirambe tichinyengetera. Chimbofunga kumwe kusiyana kwainge kwakaita mamiriro ayo ezvinhu needu. Chirikadzi yacho yakaramba ichienda kumutongi kunyange pasina aiikurudzira kuita izvozvo, asi Shoko raMwari rinotikurudzira zvikuru kuti ‘tirambe tichinyengetera.’ (VaRoma 12:12) Chirikadzi yacho yakanga isina chokwadi chokuti yaizopiwa zvayaikumbira, asi Jehovha akativimbisa kuti kururamisira kuchaitwa. Achishandisa muprofita wake, Jehovha akati: “Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki.” (Habhakuki 2:3; Pisarema 97:10) Chirikadzi yacho yakanga isina mubatsiri aiitetererera kuti chikumbiro chayo chisimbe. Asi isu tine mubatsiri ane simba, Jesu, “ari kuruoko rworudyi rwaMwari, uye anotiteterererawo.” (VaRoma 8:34; VaHebheru 7:25) Saka kana chirikadzi yacho, pasinei nemamiriro ayo ezvinhu akaoma, yakaramba ichiteterera mutongi wacho ichitarisira kuti yaizoruramisirwa, isu tinofanira kuramba tichitenda zvikuru sei kuti zuva raJehovha rokutonga riri kuuya zvechokwadi!

18. Munyengetero uchasimbisa sei kutenda kwedu wotibatsira kuti tiruramisirwe?

18 Mufananidzo wechirikadzi unotidzidzisa kuti munyengetero nokutenda zvinofambidzana uye kuti kuramba tichinyengetera kungakurira zvinhu zvingagona kunetesa kutenda kwedu. Chokwadi, izvi hazvirevi kuti minyengetero yechipameso inoita kuti munhu asarasikirwa nokutenda. (Mateu 6:7, 8) Patinonzwa tichida kunyengetera nokuti tinoziva kuti tinovimba naMwari zvizere, munyengetero unobva watiswededza pedyo naMwari wosimbisa kutenda kwedu. Uye sezvo kutenda kuchidiwa kuti tipone, hazvishamisi kuti Jesu akaona zvakakodzera kuti akurudzire vadzidzi vake “kugara vachinyengetera vasinganeti”! (Ruka 18:1; 2 VaTesaronika 3:13) Chokwadi, kuuya kwe“zuva guru raJehovha” hakubvi paminyengetero yedu—richatouya chete kunyange tichirinyengeterera kana kuti kwete. Asi kuti ticharuramisirwa here isu pachedu topona pahondo yaMwari kana kuti kwete, chaizvoizvo zvinobva pakutenda kwatiinako uye pakunyengetera kwatinoita.

19. Tinoratidza sei kuti tinobvuma zvakasimba kuti Mwari ‘achaita kuti kururamisira kuitwe’?

19 Sezvatinoyeuka, Jesu akabvunza kuti: “Panosvika Mwanakomana womunhu, chokwadi achawana kutenda kwacho panyika here?” Mhinduro yomubvunzo wake unoita kuti munhu afunge ndeyokuti chii? Tinofara chaizvo kuti mamiriyoni evashumiri vaJehovha vakatendeka vari pasi pose nhasi vanoratidza neminyengetero yavo, kushivirira, uye kutsungirira kuti vane kutenda kwakadaro! Saka mubvunzo waJesu unogona kupindurwa kuti hungu. Chokwadi, pasinei nokusaruramisirwa kwatiri kuitwa nenyika yaSatani, tinobvuma zvakasimba kuti Mwari ‘achaita kuti vakasarudzwa vake varuramisirwe.’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kuti unyatsonzwisisa zvinoreva mufananidzo uyu, verenga Ruka 17:22-33. Ona kuti ndima dzinotaura nezvo“Mwanakomana womunhu” pana Ruka 17:22, 24, 30 dzinotipa sei mashoko anotibatsira kupindura mubvunzo wakabvunzwa pana Ruka 18:8.

Unoyeuka Here?

• Chii chakaita kuti vamwe vaKristu varasikirwe nokutenda?

• Nei tingava nokutenda kwakasimba nezvokuuya kwezuva raJehovha rokutonga?

• Tine zvikonzero zvipi zvokuti tirambe tichinyengetera?

• Kuramba tichinyengetera kuchatibatsira sei kuti tisarasikirwa nokutenda kwedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Chii chinoratidzwa nomufananidzo wechirikadzi nomutongi?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mamiriyoni nhasi anobvuma zvakasimba kuti Mwari ‘achaita kuti kururamisira kuitwe’