Jehovha Anopa ‘Mudzimu Mutsvene Vaya Vanomukumbira’
Jehovha Anopa ‘Mudzimu Mutsvene Vaya Vanomukumbira’
“Kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!”—RUKA 11:13.
1. Tinonyanya kuda kubatsirwa nomudzimu mutsvene rini?
‘HANDIGONI kuukurira ndiri ndoga. Ndinongogona bedzi kutsungirira muedzo uyu ndichibatsirwa nomudzimu mutsvene!’ Wakambotaura manzwiro anobva pamwoyo akadaro here? VaKristu vakawanda vakadaro. Zvichida wakataura izvozvo pashure pokunge waziva kuti wakanga wabatwa nechirwere chakaipisisa. Kana kuti zvichida paiva panguva yakafa wawakanga wakaroorana naye kwoupenyu hwose. Kana kuti pangava panguva yakapera kufara kwawaimboita pamusana pokuora mwoyo. Panguva dzinorwadza muupenyu, ungave wakafunga kuti wakanga uri kungorarama nokuti mudzimu mutsvene waJehovha wakakupa “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinde 4:7-9; Pisarema 40:1, 2.
2. (a) Zvinetso zvipi zvinotarisana nevaKristu vechokwadi? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?
2 VaKristu vechokwadi vanofanira kutarisana nezvinetso zvinowedzera uye kushorwa kunobva munyika yanhasi isingadi Mwari. (1 Johani 5:19) Uyezve, vateveri vaKristu vanorwiswa naSatani Dhiyabhorosi pachake, uyo ari kurwisa zvine utsinye vaya “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:12, 17) Saka zvinonzwisisika kuti tinoda kutsigirwa nomudzimu waMwari iye zvino kupfuura zvataiita kare. Tingaitei kuti tive nechokwadi chokuti tinoramba tichiwana mudzimu mutsvene waMwari? Uye nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha anoda chaizvo kutipa simba rinodiwa munguva yomuedzo? Tinowana mhinduro dzemibvunzo iyi mune mimwe yemifananidzo yaJesu miviri.
Ramba Uchinyengetera
3, 4. Jesu akarondedzera mufananidzo wei, uye akaratidza kuti unoshanda sei pakunyengetera?
3 Mumwe wevadzidzi vaJesu akambokumbira kuti: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.” (Ruka 11:1) Achipindura, Jesu akapa vadzidzi vake mifananidzo miviri inoenderana. Wokutanga ndewomurume ari kugamuchira mueni, uye wechipiri ndowababa vanoteerera mwanakomana wavo achitaura. Ngatikurukurei mumwe nomumwe wemifananidzo miviri iyi.
4 Jesu akati: “Ndiani wenyu angava neshamwari, anoenda kwairi pakati pousiku, oti kwairi, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu, nokuti shamwari yangu iri parwendo ichangobva kusvika uye handina chokuipa’? Zvino achipindura, uya ari mukati anoti, ‘Rega kundinetsa. Suo ratokiyiwa, uye ini nevana vangu tatorara; handigoni kumuka ndikakupa chero chinhu chipi zvacho.’ Ndinokuudzai kuti, Kunyange asingamuki akamupa chero chinhu chipi zvacho nokuti ishamwari yake, chokwadi nokuda kwokusimbirira kwake iye achamuka akamupa zvinhu zvaanoda.” Zvadaro Jesu akatsanangura kuti mufananidzo uyu unoshanda sei pakunyengetera, achiti: “Naizvozvo ndinoti kwamuri, Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira, munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa.”—Ruka 11:5-10.
5. Mufananidzo womurume anosimbirira unotidzidzisei nezvezvatinofanira kuita patinenge tichinyengetera?
Ruka 11:8) Shoko rokuti “kusimbirira” rinongowanikwa kamwe chete muBhaibheri. Rinoshandurwa pashoko rechiGiriki sezvariri rinoreva kuti “kusanyara.” Kazhinji kusanyara kunoratidza unhu hwakaipa. Zvisinei, kusanyara kana kuti kusimbirira pakunoratidzwa nokuda kwechikonzero chakanaka, kunogona kuva unhu hunorumbidzwa. Ndizvo zvinoitikawo kumugamuchiri womumufananidzo wacho. Haatombonyari kuramba achikumbira zvaanoda. Sezvo Jesu achitaura mugamuchiri uyu somuenzaniso kwatiri, tinofanirawo kuramba tichinyengetera. Jehovha anoda kuti ‘tirambe tichikumbira, tirambe tichitsvaka, tirambe tichigogodza.’ Achapindura, ‘nokupa mudzimu mutsvene vaya vanomukumbira.’
5 Mufananidzo uyu wakajeka womurume anosimbirira unoratidza zvatinofanira kuita patinonyengetera. Ona kuti Jesu anoti murume wacho anobudirira kuwana zvaanoda “nokuda kwokusimbirira kwake.” (6. Muzuva raJesu, tsika yokugamuchira vaeni yaionekwa sei?
6 Jesu haangotiratidzi kunyengetera kwatinofanira kuita—nokusimbirira—asiwo nei tichifanira kuita izvozvo. Kuti tinzwisise chidzidzo ichocho zvakajeka, tinofanira kuona kuti vaya vaiteerera mufananidzo waJesu nezvomugamuchiri anosimbirira vaiona sei tsika yokugamuchira vaeni. Ndima dzakasiyana-siyana dzomuMagwaro dzinoratidza kuti kare, kutarisira vaeni yaiva tsika yaikosheswa zvikuru, kunyanya nevashumiri vaMwari. (Genesisi 18:2-5; VaHebheru 13:2) Kukundikana kugamuchira vaeni kwainyadzisa. (Ruka 7:36-38, 44-46) Tichifunga izvozvo, ngationgororeizve nyaya yaJesu.
7. Nei mugamuchiri womumufananidzo waJesu asinganyari kumutsa shamwari yake?
7 Mugamuchiri womumufananidzo wacho anotambira mueni pakati pousiku. Mugamuchiri wacho anonzwa kuti anofanira kupa mueni wake zvokudya asi ‘haana chokumupa.’ Sokuona kwake, izvi zvinhu zvaanotofanira kuita! Anofanira kuwana chingwa, pasinei nokuti achachiwana sei. Saka anoenda kushamwari yake uye asinganyari anoimutsa. “Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,” mugamuchiri wacho anodaro. Anoramba achikumbira kusvikira awana zvaanoda. Anongogona bedzi kuva mugamuchiri akanaka kana aine zvingwa.
Zvakawanda Zvinodiwa—Zvakawanda Zvinokumbirwa
8. Chii chichatikurudzira kuramba tichinyengeterera mudzimu mutsvene?
8 Mufananidzo uyu unoratidzei nezvechikonzero nei tichifanira kuramba tichinyengetera? Murume wacho akaramba achikumbira chingwa nokuti aifunga kuti kuva nezvingwa izvozvo kwaikosha chaizvo kuti aite zvaaifanira kuita somugamuchiri. (Isaya 58:5-7) Asina chingwa, aisazova mugamuchiri akanaka. Saizvozvowo, nokuti tinoziva kuti kuva nomudzimu waMwari kunokosha zvikuru kuti tiite ushumiri hwedu sevaKristu vechokwadi, tinoramba tichinyengetera kuna Mwari, tichikumbira mudzimu iwoyo. (Zekariya 4:6) Tisina mudzimu wacho, tinokundikana. (Mateu 26:41) Unoona here mhedziso inokosha yatinogona kuwana mumufananidzo uyu? Kana tichiona mudzimu waMwari sechimwe chinhu chatinoda nokukurumidza, tingangoramba tichiukumbira.
9, 10. (a) Enzanisira kuti nei tichifanira kuramba tichikumbira Mwari mudzimu wake. (b) Tinofanira kuzvibvunza mubvunzo upi, uye nei?
9 Kuti uone mashandiro echidzidzo ichi mazuva ano, fungidzira izvi, mumwe womumhuri yenyu anorwara pakati pousiku. Waizomutsa chiremba kuti abatsire here? Kwete kana murwere wacho achingorwara zvake zvishoma. Zvisinei, kana akabatwa nechirwere chemwoyo, haunganyari kushevedza chiremba. Nei? Nokuti chinoda kukurumidzirwa. Unoziva kuti kubatsirwa nomunhu ane unyanzvi ndiko kunodiwa. Ukasakumbira kubatsirwa munhu wacho anogona kufa. Saizvozvowo, zvinoita sokuti vaKristu vechokwadi vanoramba vachitarisana nezvinhu zvinoda kukurumidzirwa. Chokwadi, Satani anofamba-famba se“shumba inodzvova,” achiedza kutidya. (1 Petro 5:8) Kuti tirambe takamuka mune zvokunamata, rubatsiro rwomudzimu waMwari ndirwo runodiwa. Kurega kukumbira kubatsirwa naMwari kunogona kuurayisa. Saka tinoramba tichikumbira Mwari zvakasimba mudzimu wake mutsvene. (VaEfeso 3:14-16) Izvozvo chete ndizvo zvichaita kuti tirambe tiine simba rinodiwa kuti ‘titsungirire kusvikira kumugumo.’—Mateu 10:22; 24:13.
10 Saka zvinokosha kuti pane dzimwe nguva timbomira tozvibvunza kuti, ‘Chaizvoizvo, ndinoramba ndichinyengetera zvakadini?’ Yeuka kuti patinonyatsoziva kuti tinoda kubatsirwa naMwari, ticharamba tichinyengeterera mudzimu mutsvene.
Chii Chinoita Kuti Tinyengetere Tiine Chivimbo?
11. Jesu akashandisa sei mufananidzo wababa nomwanakomana wavo pakunyengetera?
11 Mufananidzo waJesu womugamuchiri anosimbirira unoratidza zvinoitwa nomunhu anonyengetera—mutendi. Mufananidzo unotevera unoratidza zvinoitwa nomunhu anonzwa minyengetero—Jehovha Mwari. Jesu akabvunza kuti: “Chokwadi, ndibaba vapi pakati penyu, vanoti kana mwanakomana wavo akakumbira hove, vangamutambidza nyoka panzvimbo pehove? Kana kuti akakumbirawo zai, vangamugamuchidza chinyavada here?” Jesu akaratidza kushanda kwacho achiti: “Naizvozvo, kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!”—Ruka 11:11-13.
12. Mufananidzo wababa vanonzwa chikumbiro chomwanakomana wavo unoratidza sei kuda kunoita Jehovha kupindura minyengetero yedu?
12 Nomuenzaniso uyu wababa vanopindura mwanakomana wavo, Jesu anoratidza manzwiro anoita Jehovha nezvevaya vanonyengetera kwaari. (Ruka 10:22) Kutanga, ona kusiyana kwemifananidzo yacho. Kusiyana nomurume womumufananidzo wokutanga akanga asingadi kubatsira, Jehovha akaita somubereki ane hanya, anoda nomwoyo wose kupa mwana wake zvaanenge akumbira. (Pisarema 50:15) Jesu anoratidzazve madiro anoita Jehovha kutibatsira achitaura zvingaitwa nomunhu asina kukwana ozotaura zvingaitwa naMwari. Anoti kana baba, kunyange zvazvo ‘vakaipa’ pamusana pechivi chokuberekwa nacho, vachipa mwanakomana wavo chipo chakanaka, tinogona kutarisira zvikuru sei kuti Baba vedu vokudenga, zvavari munhu akanakisisa, vachapa mudzimu mutsvene kumhuri yevanamati vavo!—Jakobho 1:17.
13. Tingava nechokwadi chei patinonyengetera kuna Jehovha?
13 Tinodzidzei? Tinogona kuva nechivimbo chokuti patinokumbira mudzimu mutsvene kuna Baba vedu vokudenga, vanoda chaizvo kutipa. (1 Johani 5:14) Patinoramba tichinyengetera kwaari, hazvingaiti sokuti Jehovha achati: “Rega kundinetsa. Suo ratokiyiwa.” (Ruka 11:7) Asi, Jesu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” (Ruka 11:9, 10) Chokwadi, Jehovha “achatipindura pazuva ratinoshevedzera.”—Pisarema 20:9; 145:18.
14. (a) Ipfungwa dzipi dzisina kururama dzinotambudza vamwe vanotarisana nemiedzo? (b) Patinotarisana nemiedzo, nei tinganyengetera kuna Jehovha tiine chivimbo?
14 Mufananidzo waJesu wababa vane hanya unosimbisawo kuti kunaka kwaJehovha kukuru zvikuru kudarika kunaka kunoratidzwa nomubereki chero upi zvake. Saka hapana mumwe wedu anombofanira kufunga kuti miedzo yatingave tiri kutarisana nayo chiratidzo chokuti Mwari haatifariri. Satani, muvengi wedu mukuru ndiye anoda kuti tifunge saizvozvo. (Jobho 4:1, 7, 8; Johani 8:44) MuMagwaro hapana panotaura pfungwa dzakadaro dzokuzvishora. Jehovha haambotiedzi “nezvinhu zvakaipa.” (Jakobho 1:13) Haambotipi muedzo wakaita senyoka kana kuti sechinyavada. Baba vedu vokudenga vanopa “zvinhu zvakanaka kune vaya vanovakumbira.” (Mateu 7:11; Ruka 11:13) Zvechokwadi, kana tikanzwisisa zvikuru kunaka kwaJehovha uye kuda kwaanoita kutibatsira, tichakurudzirwa chaizvo kunyengetera tiine chivimbo. Sezvatinoita izvozvo, isuwo tichakwanisa kuratidza manzwiro akafanana neaya omunyori wepisarema uyo akanyora kuti: “Chokwadi Mwari akanzwa; akateerera inzwi romunyengetero wangu.”—Pisarema 10:17; 66:19.
Kubatsirwa Kwatinoitwa Nomudzimu Mutsvene
15. (a) Jesu akavimbisa chii nezvomudzimu mutsvene? (b) Ndeipi imwe nzira yatinobatsirwa nayo nomudzimu mutsvene?
15 Kwangosara nguva pfupi kuti afe, Jesu akadzokorora vimbiso yaakanga apa mumifananidzo yake. Achitaura nezvomudzimu mutsvene, akaudza vaapostora vake kuti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubatsiri kuti ave nemi nokusingaperi.” (Johani 14:16) Saka Jesu akavimbisa kuti mubatsiri, kana kuti mudzimu mutsvene, waizova nevateveri vake munguva yemberi, kusanganisira muzuva redu. Nhasi isu tinotsigirwa nawo munzira ipi inokosha? Mudzimu mutsvene unotibatsira kutsungirira miedzo yakasiyana-siyana. Sei? Muapostora Pauro, uyo akatarisana nemiedzo, akatsanangura mutsamba yaakanyorera vaKristu muKorinde kuti mudzimu waMwari wakamubatsira sei. Ngatikurukurei muchidimbu zvaakanyora.
16. Mamiriro edu ezvinhu angafanana sei neaPauro?
16 Kutanga, Pauro akataura pachena kune vaainamata navo kuti akanga aine “munzwa munyama,” muedzo worudzi rwakati. Akabva ati: “Ndakateterera Ishe [Jehovha] katatu kuti ubve.” (2 VaKorinde 12:7, 8) Kunyange zvazvo Pauro akakumbira Mwari kuti abvise dambudziko rake, rakaramba riripo. Zvichida unotarisana nemamiriro ezvinhu akafanana nhasi. Kufanana naPauro, ungave wakaramba uchinyengetera uye uine chivimbo, uchikumbira Jehovha kuti abvise muedzo. Asi pasinei nokuramba uchikumbira, muedzo wacho uchiri kungokutambudza. Izvozvo zvinoreva here kuti Jehovha haana kuteerera minyengetero yako uye kuti mudzimu wake hausi kukubatsira? Kwete! (Pisarema 10:1, 17) Ona zvakazotaurwa nomuapostora Pauro.
17. Jehovha akapindura sei minyengetero yaPauro?
17 Achipindura minyengetero yaPauro, Mwari akamuudza kuti: “Mutsa wangu usina kukodzera kuwanwa wakakukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Pauro akati: “Naizvozvo, ndingasva zvangu ndazvirumbidza nomufaro mukuru kwazvo pamusoro pokusava nesimba kwangu, kuti simba raKristu rirambe riri pamusoro pangu setende.” (2 VaKorinde 12:9; Pisarema 147:5) Saka Pauro akazvionera muupenyu hwake kuti Mwari akamudzivirira nesimba achishandisa Kristu sokudzivirira kunoita tende. Nhasi, Jehovha anopindura minyengetero yedu nenzira yakafanana. Sokudzivirira kunoita nzvimbo yokuvanda, Mwari anodzivirira vashumiri vake.
18. Nei tichikwanisa kutsungirira miedzo?
18 Chokwadi, tende haiiti kuti mvura irege kunaya kana kuti mhepo irege kuvhuvhuta, asi inodzivirira pazvinhu izvozvo. Saizvozvowo, kudzivirira kwe“simba raKristu” hakuiti kuti miedzo irege kutiwira kana kuti tisawirwe nenhamo. Asi kunotidzivirira mune zvokunamata, pazvinhu zvinokuvadza zvenyika ino uye pakurwisa kwomutongi wayo, Satani. (Zvakazarurwa 7:9, 15, 16) Naizvozvo, kunyange kana uri kutambura nomuedzo ‘usingabvi pauri,’ unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anoziva nezvokutambura kwako uye kuti akanzwa “kuchema kwako.” (Isaya 30:19; 2 VaKorinde 1:3, 4) Pauro akanyora kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13; VaFiripi 4:6, 7.
19. Wakatsunga kuitei, uye nei?
19 Chokwadi, “mazuva okupedzisira” aripo iye zvino enyika ino isingadi Mwari anozivikanwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Kunyange zvakadaro, kuvashumiri vaMwari, nguva idzi dzinobvira kubata nadzo. Nei? Pamusana pokutsigirwa uye kudzivirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, uyo Jehovha anopa nokuzvidira uye wakawanda kune vose vanoramba vachimukumbira uye vaine chivimbo. Saka ngatitsungei kuramba tichinyengeterera mudzimu mutsvene zuva nezuva.—Pisarema 34:6; 1 Johani 5:14, 15.
Ungapindura Sei?
• Tinofanira kuitei kuti tiwane mudzimu mutsvene waMwari?
• Nei tingava nechivimbo chokuti Jehovha achapindura kunyengeterera kwatinoita mudzimu mutsvene?
• Mudzimu mutsvene unotibatsira sei kutsungirira miedzo?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 21]
Tingadzidzei pamufananidzo waJesu nezvomugamuchiri aisimbirira?
[Mufananidzo uri papeji 22]
Unoramba uchinyengeterera mudzimu mutsvene waMwari here?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Tinodzidzei nezvaJehovha pamufananidzo wababa vane hanya?