Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Krisimasi—Iri Kuenda Kupi?

Krisimasi—Iri Kuenda Kupi?

Krisimasi—Iri Kuenda Kupi?

MAKORE gumi apfuura mwedzi uno, magazini inonzi U.S.News & World Report yakabudisa nyaya yaiva nomusoro waiva pabutiro, waiti “Kutsvaka Krisimasi.” Nyaya yacho yaitaura nezvokuti Krisimasi iri kuva “tsvene here, isingachanyanyi kubatanidzwa mune zvokutengeserana.” Ndozviri kuitika here?

Nyaya yacho yakaita kuti tinzwisise zvikonzero nei tisingafaniri kutarisira izvozvo. Yakati: “Hapana zvakanyorwa zvinoratidza kuti zuva rokuberekwa kwaKristu raichengetwa kutozosvikira muzana remakore rechina, Constantine . . . paaiva mambo weRoma.” Izvozvo zvakaratidza “kuti uhwu hwaingova uchapupu hushomanana hwokuti hapana ainyatsoziva kuti Jesu akaberekwa rini.” Nyaya yacho yakati “evhangeri hadzitauri gore, ndoda mwedzi wacho chaiwo kana kuti zuva racho.” Maererano nomunyori wenhau dzakaitika weUniversity of Texas, “vaKristu vokutanga-tanga vakanga vasingangofariri kuchengeta Zuva Rokuberekwa kwaJesu Kristu.”

Pasi pomusoro muduku waiti “Zvinhu Zvokufungidzira,” nyaya yacho yakataura kuti “chechi yakasvika sei pakusarudza December 25.” Yakati: “Pfungwa yokuti zororo racho raiva nechinangwa chokuita kuti Saturnalia nemimwe mitambo yechihedheni ‘zvive zvechiKristu,’ inogamuchirwa zvikuru. “Nokuisa Krisimasi pakunopera kwaDecember, vanhu pavakanga vatojaira kupemberera, vatungamiriri vemachechi vaiva nechokwadi chokupararira kwemhemberero dzokuberekwa kwoMuponesi.” Pakati pezana remakore rechi19, kutenga uye kupa zvipo ndizvo zvakanga zvava kusimbiswa. “Tsika itsva yokupa chipo cheKrisimasi yakaita kuti ive nguva yokuita mari chaizvo, uye vatengesi nevashambadzi vakabva vangoita kuti ive nomukurumbira.”

Saka hapana chikonzero chokutarisira kuti Krisimasi ichava tsvene kunze kwokuti ichangoramba ichienda kure nechiKristu chechokwadi. Kunyange zvazvo Krisimasi yemazuva ano yakazara “nokutengeserana zvinhu zvoumbozha,” kutaura zvazviri,vaKristu vechokwadi havana kumbotarisira kupemberera kuberekwa kwaJesu. Pane kudaro, Bhaibheri rinosimbisa rudzikinuro rwakapiwa naKristu norufu rwake uye kumuka kwaakaita kuti aende kudenga. (Mateu 20:28) Irwo rucharamba ruchikosha munguva yose iri kuuya.