Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”

“Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”

“Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”

“Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.”—ZEFANIYA 1:14.

1, 2. (a) VaKristu vari kumirira zuva ripi rinokosha? (b) Tinofanira kubvunza mibvunzo ipi, uye nei?

MHANDARA iri kufara chaizvo ichimirira nomwoyo wose kusvika kwezuva rayo romuchato. Amai vane pamuviri vari kutarisira nomufaro kuberekwa kwomwana wavo. Mushandi aneta anoshuva zvikuru kutanga kwezororo rake raave akamirira kwenguva refu. Chii chakafanana pavanhu ava? Vose vakamirira zuva rinokosha—zuva richava nezvarinoreva muupenyu hwavo. Vane manzwiro akadzama asi akasiyana zvikuru. Zuva ravakamirira pakupedzisira richasvika, uye parinosvika, vanotarisira kuti vanenge vakarigadzirira.

2 Nhasi vaKristu vechokwadi vari kumirirawo nomwoyo wose kusvika kwezuva rinokosha. ‘Izuva guru raJehovha.’ (Isaya 13:9; Joeri 2:1; 2 Petro 3:12) “Zuva raJehovha” iri riri kuuya chii, uye kusvika kwaro kuchava nei chokuita nevanhu? Uyezve, tingava sei nechokwadi chokuti takagadzirira kusvika kwaro? Zvinokosha kuti titsvake mhinduro dzemibvunzo iyi iye zvino nokuti uchapupu hunoratidza chokwadi chemashoko anotevera eBhaibheri, anoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.”—Zefaniya 1:14.

“Zuva Guru raJehovha”

3. “Zuva guru raJehovha” chii?

3 “Zuva guru raJehovha” chii? MuMagwaro mose, mashoko okuti “zuva raJehovha” anoreva nguva dzinokosha Jehovha paakatonga vavengi vake ndokukudza zita rake guru. Vanhu vasina kutendeka veJudha neJerusarema uyewo vagari veBhabhironi neIjipiti vaidzvinyirira vose vakatarisana ‘nemazuva aJehovha’ pavakatongwa naJehovha. (Isaya 2:1, 10-12; 13:1-6; Jeremiya 46:7-10) Zvisinei, “zuva raJehovha” guru pane ose richiri mberi. I“zuva” richatonga Jehovha vaya vakarevera zita rake nhema. Richatanga nokuparadzwa kwe“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, rozoguma nokuparadzwa kwemamiriro ezvinhu ose akaipa pahondo yeAmagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 17:5, 15-17; 19:11-21.

4. Nei vanhu vakawanda vachifanira kutya zuva raJehovha riri kuuya nokukurumidza?

4 Vangave vachiziva kana kuti vasingazivi, vanhu vakawanda vanofanira kutya zuva iri riri kuuya nokukurumidza. Nei? Achishandisa muprofita Zefaniya, Jehovha anopindura achiti: “Zuva iroro izuva rokushatirwa kukuru, zuva rokutambudzika nerokurwadziwa, zuva redutu nerokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva remakore nerezarima.” Zvechokwadi rinotyisa! Uyezve, muprofita wacho anoti: “Ndichaita kuti vanhu vatambudzike . . . nokuti vakatadzira Jehovha.”—Zefaniya 1:15, 17.

5. Nei mamiriyoni evanhu achitarisira kusvika kwezuva raJehovha?

5 Zvisinei, mamiriyoni evamwe anotarisira nomwoyo wose kusvika kwezuva raJehovha. Nei? Vanoziva kuti inguva yokuponeswa neyokununurwa kwevakarurama, zuva iro Jehovha pachake anokwidziridza kwazvo uye zita rake rinokudzwa rinotsveneswa. (Joeri 3:16, 17; Zefaniya 3:12-17) Kuti vanhu vangave vachitya zuva iroro kana kuti vachiritarisira nomwoyo wose zvinobva zvikurukuru pane zvavari kuita iye zvino noupenyu hwavo. Unoona sei kusvika kwezuva iroro? Wakarigadzirira here? Kuva pedyo kwezuva raJehovha kune chokuita noupenyu hwako hwezuva nezuva iye zvino here?

“Vaseki Vachauya Nokuseka Kwavo”

6. Vanhu vakawanda vanoona sei “zuva raJehovha,” uye nei vaKristu vechokwadi vasingashamiswi neizvi?

6 Pasinei nemamiriro ezvinhu okukurumidzira, vagari vepasi vakawanda havana hanya ne“zuva raJehovha” riri kuuya. Vanonyomba uye vanoseka vaya vanovanyevera nezvokuuya kwaro kwava pedyo. VaKristu vechokwadi havashamiswi neizvi. Vanoyeuka nyevero yakanyorwa nomuapostora Petro inoti: “Kutanga munoziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya nokuseka kwavo, vachiita maererano nokuchiva kwavo, vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupiko? Chokwadi, kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.’”—2 Petro 3:3, 4.

7. Chii chichatibatsira kuti tirambe tiine pfungwa yokukurumidzira?

7 Chii chichatibatsira kuti tisava nemafungiro iwayo akaipa toramba tiine pfungwa yokukurumidzira? Petro anotiudza kuti: ‘Ndiri kuita kuti mukwanise kufunga zvakanaka nokukuyeuchidzai, kuti muyeuke mashoko akambotaurwa nevaprofita vatsvene nomurayiro waShe uye Muponesi achishandisa vaapostora venyu.’ (2 Petro 3:1, 2) Kuteerera kwedu nyevero dzouprofita kuchatibatsira ‘kuti tikwanise kufunga zvakanaka.’ Zvichida takanzwa zviyeuchidzo izvi kakawanda, asi zvinokosha kuti iye zvino, kupfuura nakare kose, tirambe tichiteerera nyevero idzi.—Isaya 34:1-4; Ruka 21:34-36.

8. Nei vakawanda vasingateereri zviyeuchidzo zvomuBhaibheri?

8 Nei vamwe vasingateereri zviyeuchidzo izvi? Petro anoenderera mberi achiti: “Maererano nezvavanoda, vanokundikana kuziva chinhu ichi, kuti kubvira kare kwaiva nematenga uye nyika yakanga yakabatana isiri mumvura uye iri pakati pemvura, zvaitwa neshoko raMwari; uye nezvinhu izvozvo nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.” (2 Petro 3:5, 6) Chokwadi, pane vaya vasingadi kuti zuva raJehovha risvike. Havadi kuti upenyu hwavo huvhiringidzwe. Havadi kuzvidavirira kuna Jehovha pamusana pemararamiro avo oudyire! Sezvinotaurwa naPetro, vanorarama “maererano nokuchiva kwavo.”

9. Mafungiro api akaratidzwa nevanhu mumazuva aNoa neaRoti?

9 Pamusana pe“zvavanoda,” vaseki ava vanosarudza kusava nehanya kuti Jehovha akambopindira munhau dzevanhu kare. Jesu Kristu nomuapostora Petro vanotaura nezvezviitiko zvakadaro zviviri—“mazuva aNoa” uye “mazuva aRoti.” (Ruka 17:26-30; 2 Petro 2:5-9) Mafashamo asati aitika, vanhu havana kuteerera nyevero yakapiwa naNoa. Saizvozvowo, maguta eSodhoma neGomora asati aparadzwa, Roti “akaita somunhu ari kuita jee” kuvakuwasha vake.—Genesisi 19:14.

10. Jehovha anoita sei kune vaya vasingateereri?

10 Hazvina kusiyana nhasi. Asi, ona zvinoitwa naJehovha kune vaya vasingateereri: “Ndichafunga nezvevarume vari kugadzikana sezvinoita masese ewaini uye vari kuti mumwoyo mavo, ‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’ Pfuma yavo ichava chinhu chinopambwa uye dzimba dzavo dzichava chinhu chinoitwa matongo. Vachavaka dzimba, asi havazodzigari; uye vachadyara minda yemizambiringa, asi havazonwi waini yayo.” (Zefaniya 1:12, 13) Vanhu vangaramba vachiita mabasa avo “avanogara” vachiita zuva nezuva, asi havazobatsirwi kwenguva refu nokushanda kwavo nesimba. Nei? Nokuti zuva raJehovha richasvika kamwe kamwe, uye pfuma yose yavangave vaunganidza haizovaponesi.—Zefaniya 1:18.

“Ramba Wakazvimirira”

11. Tinofanira kuyeuka nyevero ipi?

11 Kusiyana nenyika yakaipa yakatipota, tinofanira kuyeuka nyevero yakanyorwa nomuprofita Habhakuki, inoti: “Zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa, zvinoramba zvichikurumidza zvakananga kumugumo, uye hazvizorevi nhema. Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki.” (Habhakuki 2:3) Kunyange kana zuva iroro ringaita seriri kunonoka pamaonero edu asina kukwana, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha haanonoki. Zuva rake richauya panguva chaiyo, paawa iyo vanhu vasingatarisiri.—Mako 13:33; 2 Petro 3:9, 10.

12. Jesu akanyevera nezvechii, uye izvi zvinosiyana sei nezvinoitwa nevateveri vaJesu vakatendeka?

12 Achisimbisa kukosha kwokuramba takamirira zuva raJehovha, Jesu akanyevera kuti kunyange vamwe vevateveri vake vaizorasikirwa nepfungwa yavo yokukurumidzira. Akafanotaura nezvavo achiti: “Kana muranda akaipa iyeye akati mumwoyo make, ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’ akatanga kurova vamwe varanda saiye uye akadya nokunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, tenzi womuranda iyeye achauya pazuva raasingatarisiri uye muawa yaasingazivi, achamuranga zvakaoma kwazvo.” (Mateu 24:48-51) Asi boka romuranda akatendeka, akangwara rinoramba riine pfungwa yaro yokukurumidzira rakavimbika. Boka romuranda rakaramba rakarinda uye rakagadzirira. Jesu akarigadza “pazvinhu zvake zvose” pasi pano.—Mateu 24:42-47.

Kudiwa Kwokukurumidzira

13. Jesu akasimbisa sei kudiwa kwokuva nepfungwa yokukurumidzira?

13 Zvaikosha zvikuru kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga varambe vaine pfungwa yokukurumidzira. Vaifanira kubva vatotiza muJerusarema pavakaona guta iroro “rakombwa nemauto akadzika misasa.” (Ruka 21:20, 21) Izvozvo zvakaitika mugore ra66 C.E. Ona kuti Jesu akasimbisa sei kudiwa kwokukurumidzira pavaKristu kare ikako, achiti: “Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka kuzobudisa zvinhu mumba make; uye munhu ari mumunda ngaarege kudzokera kumba kuti anotora nguo yake yokunze.” (Mateu 24:17, 18) Tichifunga kuti nhau dzakaitika kare dzinoratidza kuti Jerusarema rakamboramba risina kuparadzwa kwemamwe makore mana, nei vaKristu vaifanira kuteerera mashoko aJesu nokukurumidza zvakadaro muna 66 C.E.?

14, 15. Nei zvakanga zvichikosha zvikuru kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vasanonoka pavaiona Jerusarema rakombwa nemauto akanga akadzika misasa?

14 Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti uto reRoma harina kuparadza Jerusarema kusvikira muna 70 C.E., makore iwayo haana kumbova norugare. Asi akanga akazara nechisimba uye kuteura ropa. Mumwe munyori wenhau dzakaitika anorondedzera mamiriro ezvinhu muJerusarema panguva iyoyo se“hondo yaityisa yevagari vomunyika imwe chete yakateurwa ropa, yaiva noutsinye husingatauriki.” Varume vechiduku vaitorwa kuti vanodzivirira vari pamasvingo, kuti vashandise zvombo, uye kuti vashande muchiuto. Vairovedzwa zvechiuto zuva nezuva. Vaya vakanga vasingatsigiri vaionekwa sevatengesi. Kudai vaKristu vakanga vanonoka kubuda muguta racho, vangadai vakazviwana vava mungozi yakaipisisa.—Mateu 26:52; Mako 12:17.

15 Tinofanira kuona kuti Jesu akati ‘vaya vaiva muJudhiya,’ kwete muJerusarema chete, vaifanirawo kutanga kutiza. Izvi zvaikosha nokuti mumwedzi mishomanana yokubuda kwao muJerusarema, mauto eRoma akatangazve kurwisa. Kutanga, guta reGarireya rakakundwa muna 67 C.E., zvadaro guta reJudhiya rakakundwawo gore rakatevera racho. Izvi zvakaguma nenhamo huru muruwa rwacho rwose. Zvakaramba zvichiomerawo muJudha chero upi kuti atize muJerusarema. Magedhi eguta racho akanga akachengetedzwa, uye vapi nevapi vaiedza kutiza vainzi vaitizira kuvaRoma.

16. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaifanira kuva nemafungiro akadini kuti vapone panguva iyoyo yaitambudza?

16 Tichifunga zvose izvi, tinogona kunzwisisa kuti nei Jesu akasimbisa kuti vaifanira kutokurumidza. VaKristu vaifanira kutonzwa vachida kusiya zvinhu zvavo, vasingabvumiri kutsauswa nepfuma. Vaifanira ‘kusiya zvinhu zvavo zvose’ nokuzvidira kuitira kuti vateerere nyevero yaJesu. (Ruka 14:33) Vaya vakakurumidza kuteerera ndokutizira kune rimwe divi raJodhani vakaponeswa.

Kuramba Tiine Pfungwa Yedu Yokukurumidzira

17. Nei tichifanira kusimbisa pfungwa yedu yokukurumidzira?

17 Uprofita hweBhaibheri hunonyatsoratidza kuti tiri kurarama mukati-kati menguva yokupedzisira. Sezvisina kumboitika, tinofanira kusimbisa pfungwa yedu yokukurumidzira. Munguva yorunyararo, musoja haambonetseki zvake kana kuvhunduka ngozi yehondo. Asi kana zvikaitika kuti anoona sokuti hazvikoshi kuti arambe akasvinurira, asi ozongoerekana ashevedzwa kuhondo, zvimwe angave asina kugadzirira, zvoguma nokufa. Ndizvo zvinogona kuitikawo pane zvokunamata. Kana tikabvumira pfungwa yedu yokukurumidzira kuti ipere zvishoma nezvishoma, tingave tisina kugadzirira kuzvidzivirira pakurwiswa kwatingaitwa uye tingabatwa takarivara panozouya zuva raJehovha. (Ruka 21:36; 1 VaTesaronika 5:4) Kana paine ‘vakarega kutevera Jehovha,’ zvino ndiyo nguva yokuti vamutsvake zvekare.—Zefaniya 1:3-6; 2 VaTesaronika 1:8, 9.

18, 19. Chii chichatibatsira kuramba tichinyatsofunga “nezvokuvapo kwezuva raJehovha”?

18 Ndokusaka muapostora Petro achitirayira kuti tirambe tichinyatsofunga “nezvokuvapo kwezuva raJehovha”! Tingazviita sei? Imwe nzira ndeyokuti tiitewo “mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari.” (2 Petro 3:11, 12) Kuramba takabatikana mumabasa akadaro kuchatibatsira kutarisira nomwoyo wose kusvika kwe“zuva raJehovha.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kuramba muchinyatsofunga’ sezvariri rinoreva “kukurumidzisa.” Hatigoni chaizvoizvo kukurumidzisa nguva yasara kusvikira zuva raJehovha rasvika. Asi sezvatinomirira zuva iroro, nguva ichaita seinokurumidza kufamba kana tiine zvizhinji zvokuita mubasa raMwari.—1 VaKorinde 15:58.

19 Kufungisisa Shoko raMwari uye zviyeuchidzo zvinowanikwa mariri kungaitawo kuti tikwanise kuita izvi—“kupanga nomwoyo wose (kutarisira uye kukurumidzisa) kuuya” kwezuva iroro, chokwadi, “kuramba tichiritarisira.” (2 Petro 3:12, The Amplified Bible; The New Testament, rakanyorwa naWilliam Barclay) Zviyeuchidzo izvi zvinosanganisira uprofita hwakasiyana-siyana hunofanotaura kwete bedzi kuuya kwezuva raJehovha asiwo zvikomborero zvakawanda zvichapiwa vaya ‘vanoramba vakamirira Jehovha.’—Zefaniya 3:8.

20. Tinofanira kuteerera zano ripi?

20 Zvechokwadi ino ndiyo nguva yokuti tose zvedu titeerere zano ratakapiwa nokumuprofita Zefaniya rinoti: “Kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu, tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika, imi makaita zvaakatonga. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe mungavanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefaniya 2:2, 3.

21. Vanhu vaMwari vachatsunga kuitei muna 2007?

21 Saka, zvakakodzera kuti rugwaro rwakasarudzwa rwegore ra2007 runge ruchiti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo.” Vanhu vaMwari vane chokwadi chokuti “rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.” (Zefaniya 1:14) ‘Harizononoki.’ (Habhakuki 2:3) Saka sezvatinomirira zuva iroro, ngatirambei takasvinurira nguva yatiri kurarama, tichiziva kuti kuzadzika kwokupedzisira kwouprofita uhwu kwava pedyo!

Ungapindura Here?

• “Zuva guru raJehovha” chii?

• Nei vakawanda vasina basa nokuti nguva yatiri ndeyokukurumidzira?

• Nei vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaifanira kuva nepfungwa yokukurumidzira?

• Tingaita sei kuti pfungwa yedu yokukurumidzira iwedzere?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Rugwaro rwegore ra2007 ruchange ruchiti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo.”—Zefaniya 1:14.

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Somuzuva raNoa, vaseki vachashamiswa Jehovha paachaparadza

[Mufananidzo uri papeji 18]

VaKristu vaifanira kubva vatotiza pavakaona Jerusarema “rakombwa nemauto akadzika misasa”