Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kumuka Kwokutanga”—Kuri Kutoitika!

“Kumuka Kwokutanga”—Kuri Kutoitika!

“Kumuka Kwokutanga”—Kuri Kutoitika!

“Vaya vakafa vari pamwe naKristu vachatanga kumuka.”—1 VATESARONIKA 4:16.

1, 2. (a) Ndeipi tariro iripo nokuda kwevaya vakafa? (b) Chii chinoita kuti utende kuti kune rumuko? (Ona mashoko omuzasi.)

“VAPENYU vanoziva kuti vachazofa.” Kubvira pakatadza Adhamu, ndizvo zvave zvichiitika. Munhoroondo yose yevanhu, munhu wose ange achiberekwa ave achiziva kuti achazofa, uye vakawanda vave vachishamisika kuti, ‘Chii chinozoitika? Vakafa vari mumamiriro api ezvinhu?’ Bhaibheri rinopindura kuti: “Vakafa havana kana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5.

2 Saka pane tariro here nokuda kwevakafa? Hungu. Kutaura zvazviri, inofanira kunge iripo kana chinangwa chaMwari chokutanga nokuda kwevanhu chichizozadzikiswa. Kwemazana emakore, vashumiri vaMwari vakavimbika vakatenda muchipikirwa chaJehovha choMwana aizoparadza Satani ogadzirisa zvakaipa zvaakaita. (Genesisi 3:15) Vakawanda vakafa. Kana vachizoona kuzadzika kwechipikirwa ichocho uye kwezvimwe zvakaitwa naJehovha, vanofanira kumutswa. (VaHebheru 11:13) Zvinhu zvakadaro zvinoita here? Hungu zvinoita. Muapostora Pauro akati: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Pauro akambomutsa rimwe jaya rainzi Yutiko, rakanga rawira pasi kubva pahwindo renhurikidzwa yechitatu “rikanhongwa rafa.” Uku kumuka kwokupedzisira pakumutswa kupfumbamwe kwakanyorwa muBhaibheri.—Mabasa 20:7-12. *

3. Iwe pachako wakanyaradzwa sei nemashoko aJesu akanyorwa pana Johani 5:28, 29, uye nei?

3 Kumutswa kupfumbamwe ikoko kunoita kuti titende mashoko akataurwa naPauro. Kunosimbisa kuvimba kwatinoita nezvakavimbiswa naJesu, zvokuti: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi ra[Jesu], vobuda.” (Johani 5:28, 29) Mashoko aya anonyevenutsa mwoyo kwazvo! Uye anonyaradza zvikuru mamiriyoni ane vadiwa vakafa!

4, 5. Kumuka kupi kwakasiyana-siyana kunotaurwa neBhaibheri, uye ndokupi kuchakurukurwa munyaya ino?

4 Vakawanda vevaya vanomutswa vachadzoka panyika inenge yava norugare ichitongwa noUmambo hwaMwari. (Pisarema 37:10, 11, 29; Isaya 11:6-9; 35:5, 6; 65:21-23) Zvisinei, pane kumwe kumutswa kwaifanira kuitika izvozvo zvisati zvaitika. Kutanga, Jesu Kristu aifanira kumutswa kuti anopa Mwari chibayiro chake chinokosha achiitira isu. Jesu akafa uye akamutswa muna 33 C.E.

5 Zvadaro, nhengo dzakazodzwa dza“Israeri waMwari” dzinofanira kubatana naIshe Jesu Kristu mumbiri yokudenga, kwava“chava naShe nguva dzose.” (VaGaratiya 6:16; 1 VaTesaronika 4:17) Chiitiko ichocho chinonzi “kumuka kwokutanga.” (VaFiripi 3:10, 11; Zvakazarurwa 20:6) Panopera kumuka ikoko, inenge yava nguva yokuti mamiriyoni amutswe panyika aine tariro yokuwana upenyu husingaperi muParadhiso. Nokudaro, tariro yedu ingave iri yokudenga kana kuti yepasi pano, tinofarira chaizvo “kumuka kwokutanga.” Kumuka uku kwakaita sei? Kunoitika rini?

“Nomuviri Worudzii?”

6, 7. (a) Chii chinofanira kuitika vaKristu vakazodzwa vasati vaenda kudenga? (b) Vachamutswa vaine muviri worudzii?

6 Mutsamba yokutanga yaakanyorera vaKorinde, Pauro anobvunza nezvokumuka kwokutanga, achiti: “Vakafa vachamutswa sei? Chokwadi, vachauya nomuviri worudzii?” Anobva apindura mubvunzo wacho achiti: ‘Chaunodyara hachiitwi chipenyu kunze kwokunge chatanga chafa asi Mwari anochipa muviri sezvaanenge ada. Kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe, uye kwemiviri yepanyika ndokumwewo.’—1 VaKorinde 15:35-40.

7 Mashoko aPauro anoratidza kuti vaKristu vakazodzwa nomudzimu mutsvene vanofanira kutanga vafa vasati vawana mubayiro wavo wokudenga. Pavanofa, muviri wavo wepasi pano unodzokera kuguruva. (Genesisi 3:19) Panguva yaMwari yaanosarudza, vanomutswa vaine muviri wakakodzera kurarama kumatenga. (1 Johani 3:2) Mwari anovapawo kusafa. Ichi hachisi chinhu chavanoberekwa vanacho, kuita sezvinonzi vanenge vakafemerwa mweya usingafi. Pauro anoti, “Ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora.” Kusafa chipo chinobva kuna Mwari, ‘chinopfekwa’ nevaya vanotanga kumutswa.—1 VaKorinde 15:50, 53; Genesisi 2:7; 2 VaKorinde 5:1, 2, 8.

8. Tinoziva sei kuti Mwari haasarudzi vane 144 000 panhengo dzezvitendero zvakasiyana-siyana?

8 Vane 144 000 chete ndivo vachatanga kumutswa. Jehovha akatanga kuvasarudza paPendekosti ya33 C.E., achangobva kumutsa Jesu. Vose zvavo vane “zita ra[Jesu] nezita raBaba va[ke] rakanyorwa pahuma dzavo.” (Zvakazarurwa 14:1, 3) Saka havasarudzwi muzvitendero zvakawanda. Vose vaKristu, uye vanodada nokushevedzwa nezita raBaba vavo—Jehovha. Pavanenge vamutswa, vanopiwa basa rokunoshanda mumatenga. Tariro yokushumira Mwari nenzira yakananga zvakadaro inovafadza chaizvo.

Kuri Kutoitika Here?

9. Magwaro aZvakazarurwa 12:7 uye 17:14 anotibatsira sei kuti tifungidzire nguva inotanga kumuka kwokutanga?

9 Kumuka kwokutanga kuchaitika rini? Pane uchapupu hwakasimba hwokuti kuri kutoitika. Somuenzaniso, enzanisa zvitsauko zviviri zvaZvakazarurwa. Kutanga, tarira Zvakazarurwa chitsauko 12. Muchitsauko ichocho tinoverenga kuti Jesu Kristu achangobva kugadzwa pachigaro, pamwe chete nengirozi dzake tsvene, vanorwa hondo naSatani nemadhimoni ake. (Zvakazarurwa 12:7-9) Sezvakaratidzwa nemagazini ino kakawanda, hondo iyoyo yakatanga muna 1914. * Zvisinei, cherechedza kuti hapana vateveri vaKristu vakazodzwa vanonzi vanaJesu muhondo iyoyo yokudenga. Zvino tarira chitsauko 17 chaZvakazarurwa. Ipapo tinoverenga kuti pashure pokunge “Bhabhironi Guru” raparadzwa, Gwayana richakunda marudzi. Zvadaro chitsauko chacho chinotizve: “Uyewo, vaya vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka vari pamwe chete naye vachakundawo.” (Zvakazarurwa 17:5, 14) “Vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka” vanofanira kunge vakatomutswa kana vachizova naJesu kuti vakunde nyika yaSatani kokupedzisira. Saka zvine musoro kuti vakazodzwa vanofa Amagedhoni isati yasvika vanomutswa pane imwe nguva pakati pa1914 neAmagedhoni.

10, 11. (a) Vakuru 24 ndivanaani, uye mumwe wavo anoudzei Johani? (b) Tingagumisa kutii pane izvi?

10 Tinganyatsotaura here chaipo panotangira kumuka kwokutanga? Mashoko anotibatsira anowanika pana Zvakazarurwa 7:9-15, muapostora Johani paanorondedzera zvaakaratidzwa nezve“boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu.” Johani anoudzwa nomumwe wevakuru 24 kuti boka guru iroro ndivanaani, uye vakuru ava vanomiririra vagari venhaka pamwe chete naKristu vane 144 000 pavanenge vari mumbiri yavo yokudenga. * (Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 4:4) Johani pachake aiva netariro yokudenga; asi sezvo aiva achiri munhu pasi pano paakataurwa naye nomukuru wacho, pane zvakaratidzwa zvacho Johani anofanira kunge achimiririra vakazodzwa vari pasi pano vasati vagamuchira mubayiro wavo wokudenga.

11 Saka kuudzwa kwakaitwa Johani nomumwe wevakuru 24 kuti boka guru nderipi kunoita kuti tigumise kutii? Zvinoita sokuti paboka revakuru 24, vakamutswa vacho vangave vari kuzivisa chokwadi chaMwari mazuva ano. Nei izvozvo zvichikosha? Nokuti vashumiri vaMwari vakazodzwa vari pasi pano vakazoziviswa zvakarurama pamusoro peboka guru muna 1935. Kana mumwe wevakuru 24 akashandiswa kutaura chokwadi ichocho chinokosha, aifanira kunge akanga atomutsirwa kudenga pakazosvika 1935. Izvozvo zvingaratidza kuti kumuka kwokutanga kwakatanga imwe nguva pakati pa1914 na1935. Tinogona kutaura pakwakatangira chaipo here?

12. Tsanangura kuti nei mwaka wokupera kwechando wa1918 ungaonekwa senguva ingangodaro yakatanga kumuka kwokutanga.

12 Iye zvino, zvingabatsira kumboongorora ndima dzeBhaibheri dzinoonekwa sedzinotaura zvakafanana. Jesu Kristu akazodzwa saMambo wenguva yemberi woUmambo hwaMwari muchirimo cha29 C.E. Kwapera makore matatu nehafu, chando chava kuda kunopera muna 33 C.E., akamutswa somunhu womudzimu ane simba. Saka tingati here sezvo Jesu akagadzwa pachigaro muchirimo cha1914, vateveri vake vakazodzwa vakatendeka vakatanga kumutswa kwapera makore matatu nehafu, chando chava kuda kunopera muna 1918? Zvingangodaro. Kunyange zvazvo izvi zvisingataurwi zvakananga muBhaibheri, zvinowirirana nemamwe magwaro anoratidza kuti kumuka kwokutanga kwakaitika kuvapo kwaKristu kuchangotanga.

13. 1 VaTesaronika 4:15-17 inoratidza sei kuti kumuka kwokutanga kwakatanga kuvapo kwaKristu kuchangotanga?

13 Somuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Isu vapenyu tinenge tichirarama pakuvapo kwaShe [kwete pakuguma kwokuvapo kwake] hatizombotangiri vakarara murufu; nokuti Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru nebhosvo raMwari, uye vaya vakafa vari pamwe naKristu vachatanga kumuka. Pashure paizvozvo isu vapenyu tiri kurarama, tichatorwa mumakore, pamwe chete navo, kuti tisangane naShe mumhepo; uye nokudaro tichava naShe nguva dzose.” (1 VaTesaronika 4:15-17) Naizvozvo, vaKristu vakazodzwa vakafa Kristu asati atanga kuvapo vakamutsirwa kuupenyu hwokudenga, vachitangira vaya vakanga vachiri vapenyu panguva yokuvapo kwaKristu. Izvi zvinoreva kuti kumuka kwokutanga kunofanira kunge kwakatanga pakatanga kuvapo kwaKristu, uye kuri kuramba kuchiitika “munguva yokuvapo kwake.” (1 VaKorinde 15:23) Pane kuti kuitike panguva imwe chete, kumuka kwokutanga kunoitika munguva yakati rebei.

“Mumwe Nomumwe Wavo Akapiwa Nguo Refu Chena”

14. (a) Zvakaratidzwa zvakanyorwa muna Zvakazarurwa chitsauko 6 zvakazadzika rini? (b) Chii chinotaurwa pana Zvakazarurwa 6:9?

14 Fungawo nezvouchapupu huri muna Zvakazarurwa chitsauko 6. Muchitsauko ichocho Jesu anoonekwa akatasva bhiza saMambo anokunda. (Zvakazarurwa 6:2) Marudzi ari kurwa hondo huru zvikuru. (Zvakazarurwa 6:4) Kwose kwose kune nzara. (Zvakazarurwa 6:5, 6) Matenda anouraya atambudza vanhu. (Zvakazarurwa 6:8) Zviitiko zvose izvi zvakafanoprofitwa zvinonyatsoenderana nemamiriro ezvinhu ari munyika kubvira muna 1914. Asi pane chimwe chinhu chinoitika. Tinofunga nezveatari yechibayiro. Pasi payo pane “mweya yevaya vakaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwebasa rokupupura ravaimboita.” (Zvakazarurwa 6:9) Sezvo “mweya [kana kuti upenyu] wenyama uri muropa,” ropa revashumiri vaJesu vakatendeka vakaurayirwa kupupurira kwavo vakashinga uye vachishingaira ndiro riri kunzi riri pasi peatari.—Revhitiko 17:11.

15, 16. Tsanangura kuti nei mashoko aZvakazarurwa 6:10, 11 achitaura nezvokumuka kwokutanga.

15 Kufanana neropa raAbheri akarurama, ropa revaKristu ava vakafira kutenda riri kuchemera kururamisirwa. (Genesisi 4:10) “Yakashevedzera nenzwi guru, ichiti: ‘Changamire Ishe mutsvene nowechokwadi, mucharega kutonga uye kutsiva ropa redu pane vaya vanogara panyika kusvikira rini?’” Chii chinozoitika? “Mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo refu chena; uye vakaudzwa kuti vazorore kwekanguva kaduku, kusvikira nhamba yevamwe varanda vakaita saivo nehama dzavo dzakanga dzava kuda kuurayiwa sezvavakanga vaitwawo yakwana.”—Zvakazarurwa 6:10, 11.

16 Nguo chena idzi dzakaiswa mumadziva eropa akanga ari pasi peatari here? Aiwa! Nguo dzacho dzakapiwa vanhu vaiita sokuti vaiva neropa raiva rateurwa paatari. Vakabayira upenyu hwavo muzita raJesu uye iye zvino vakamutswa sevanhu vomudzimu. Tinozviziva sei? Pakutanga mubhuku raZvakazarurwa, tinoverenga kuti: “Anokunda achashongedzwa nguo chena dzokunze saizvozvo; uye handingazombodzimi zita rake mubhuku roupenyu.” Yeukawo kuti vakuru 24 vaiva “vakapfeka nguo dzokunze chena, uye mumisoro yavo makanga muine korona dzendarama.” (Zvakazarurwa 3:5; 4:4) Saka pakatanga hondo, nzara uye matenda kuparadza nyika, nhengo dzevane 144 000 dzakanga dzafa, dzaimiririrwa neropa riri pasi peatari, dzakamutsirwa kuupenyu hwokudenga uye dzinopfeka nguo chena dzokufananidzira.

17. Vaya vanogamuchira nguo chena vanofanira ‘kuzorora’ mupfungwa ipi?

17 Vaya vanenge vachangomutswa vanofanira ku“zorora.” Vanofanira kumirira vachishivirira zuva raMwari rokutsiva. “Vamwe varanda vakaita saivo,” vaKristu vakazodzwa vachiri pasi pano, vachiri kufanira kuratidza kuti vakavimbika pakuedzwa. Nguva yokutongwa naMwari painosvika, ‘kuzorora’ kunenge kwapera. (Zvakazarurwa 7:3) Panguva iyoyo, vaya vakamutswa vachabatsirana naIshe Jesu Kristu mukuparadza vakaipa, kusanganisira vaya vanoteura ropa revaKristu vasina mhosva.—2 VaTesaronika 1:7-10.

Zvazvinoreva Kwatiri

18, 19. (a) Chii chingaita kuti ugumise kuti kumuka kwokutanga kuri kutoitika? (b) Kunzwisisa kwako kumuka kwokutanga kunoita kuti unzwe sei?

18 Shoko raMwari haritauri musi chaiwo wokumuka kwokutanga, asi rinoratidza kuti kumuka kwacho kunoitika kwenguva refu, munguva yokuvapo kwaKristu. VaKristu vakazodzwa vakafa kuvapo kwaKristu kusati kwatanga ndivo vanotanga kumutswa. Kuvapo kwaKristu zvakunofambira mberi, vaKristu vakazodzwa vanopedza upenyu hwavo hwepasi pano vakatendeka vanochinjwa “mukubwaira kweziso” kuva zvisikwa zvomudzimu zvine simba. (1 VaKorinde 15:52) Vose vakazodzwa vachagamuchira mubayiro wavo wokudenga hondo yeAmagedhoni isati yarwiwa here? Hatizivi. Zvisinei, tinoziva kuti panguva yaMwari yakakodzera, vose vane 144 000 vachawanikwa vakamira paGomo reZiyoni rokudenga.

19 Tinozivawo kuti vakawanda vevane 144 000 vakatobatana naKristu. Vashomanana chete ndivo vasara panyika. Chiratidzo chakasimba zvikuru chokuti nguva yokutonga kwaMwari yava pedyo! Munguva pfupi iri kuuya, nyika yose yaSatani ichaparadzwa. Satani pachake achakandwa mugomba rakadzika-dzika. Zvadaro, kumutswa kwevanhu vose kungatanga, uye vanhu vakatendeka vanogona kubatsirwa nechibayiro chaJesu kuti vave vakakwana sezvakanga zvakaita Adhamu. Uprofita hwaJehovha hwakanyorwa pana Genesisi 3:15 huri kuzadzika nenzira inoshamisa. Iropafadzo huru zvikuru kurarama panguva ino!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kana uchida uchapupu hwomuMagwaro hwokuti Kristu akatanga kuvapo muna 1914, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? mapeji 215-18, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 10 Kana uchida mashoko okuti tinoziva sei kuti vakuru 24 vanomiririra vaKristu vakazodzwa pavanenge vava kudenga, ona bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, peji 77, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

Magwaro anotevera anotibatsira sei kunzwisisa nguva yo“kumuka kwokutanga”?

Zvakazarurwa 12:7; 17:14

Zvakazarurwa 7:13, 14

• 1 1 VaKorinde 15:23; 1 VaTesaronika 4:15-17

Zvakazarurwa 6:2, 9-11

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 26]

Kumuka kupi kunoitika vamwe vanhu vose vasati vamutswa?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nguo chena inopiwa vamwe vakanga vakarara murufu mupfungwa ipi?