Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusarudza Zvakarurama Kwakaita Kuti Ndikomborerwe Kwoupenyu Hwose

Kusarudza Zvakarurama Kwakaita Kuti Ndikomborerwe Kwoupenyu Hwose

Nyaya Youpenyu

Kusarudza Zvakarurama Kwakaita Kuti Ndikomborerwe Kwoupenyu Hwose

Yakataurwa naPaul Kushnir

MUNA 1897 sekuru naambuya vangu vakatamira kuCanada vachibva kuUkraine uye vakagara pedyo neYorkton, Saskatchewan. Vakasvikako vaine vana vana—vakomana vatatu nomusikana mumwe chete. Muna 1923 musikana wacho, Marinka, akava amai vangu; uye ndaiva mwana wake wechinomwe. Kare ikako upenyu hwaiva nyore, asi hwakachengeteka. Taidya zvokudya zvakanaka tichipfeka zvinodziya, uye hurumende yaiita zvose zvayaitarisirwa pakuyamura vanhu. Vavakidzani vaiva noushamwari vaibatsirana pamabasa akadai sokukohwa nokuvaka. Munguva yechando muna 1925, mumwe Mudzidzi weBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, akatishanyira. Kushanya kwaakaita kwakatibatsira kuti tisarudze zvinhu zvandichiri kuonga nanhasi.

Chokwadi cheBhaibheri Chinopinda Mumusha Wedu

Amai vakagamuchira mamwe mabhuku maduku avakapiwa noMudzidzi weBhaibheri wacho uye munguva pfupi vakanga vatoona kuti aiva nechokwadi. Vakakurumidza kufambira mberi pakunamata uye vakabhabhatidzwa muna 1926. Amai pavakava Mudzidzi weBhaibheri, zvakaita kuti mhuri yedu ive nemamwe maonero oupenyu. Taigamuchira vaeni zvikuru mumusha wedu. Vatariri vanofambira, vainzi vafambi, nevamwe Vadzidzi veBhaibheri vaiwanzogara nesu. Muna 1928 mumwe mutariri anofambira akatiratidza firimu rainzi “Eureka Drama,” rainge rakada kufanana ne“Photo-Drama of Creation.” Akakumbira isu vana toyi yedatya yairira. Kana datya rarira, yainge yava nguva yokuchinja siraidhi racho. Takafara chaizvo kuti toyi yedu yakashandiswawo!

Mumwe mutariri anofambira ainzi Emil Zarysky aiwanzotishanyira aine motokari yake, yaiva yakagadzirwa zvokuti aigona kuraramo. Dzimwe nguva aiperekedzwa nomwanakomana wake aiva akura, uyo aitikurudzira isu vana kuti tifunge nezvokuva vashumiri venguva yakazara, kana kuti mapiyona. Mapiyona akawanda aigarawo mumusha wedu. Pane imwe nguva, amai vakapa mumwe piyona hembe kuti afanopfeka pavaimusonera yake yainge yabvaruka. Paakaenda akabatanidzira hembe yacho nedzake. Kwapera nguva refu, akaitumira achikumbira ruregerero nokunonoka kwaakanga aita kuidzosa. “Ndanga ndisina masendi gumi anodiwa kuti ndiitumire,” akanyora kudaro. Takashuva kuti kudai akanga angotora hake hembe yacho! Ndakafunga kuti dai rimwe zuva ndikazokwanisa kutevedzera mapiyona aizvipira zvakadaro. Ndinotenda kugamuchira vaeni kwaAmai, kwakapfumisa upenyu hwedu kukawedzera kuda kwatinoita hama dzedu.—1 Petro 4:8, 9.

Baba havana kuva Mudzidzi weBhaibheri; asi vakanga vasingatishori. Muna 1930 vakatobvumira hama kuti dziitire gungano rezuva rimwe chete munzvimbo yaiva yakakura yavaichengetera zvinhu. Kunyange zvazvo ndaingova nemakore manomwe, ndakafara nokuti gungano racho rainakidza uye rairemekedzeka. Baba vakafa muna 1933. Amai, vakanga vava chirikadzi ine vana vasere panguva iyoyo, havana kana kutombotsauka pakutsunga kwavo kuita kuti tirambe tiri munzira yokunamata kwechokwadi. Vaiita kuti ndipinde navo misangano. Panguva iyoyo, misangano yacho yaiita seyakarebesa, uye ndaishuva kuti dai ndaibvumidzwa hangu kunotamba nevamwe vana vaibvumidzwa kunotamba panze. Zvisinei, ndairamba ndakagara nokuti ndairemekedza Amai. Amai pavainge vachibika, vaiwanzotaura mashoko orumwe rugwaro vobva vandibvunza kuti runowanikwa papi muBhaibheri. Muna 1933 takava negoho rakakura chaizvo uye amai vakashandisa imwe mari yacho kutenga motokari. Vamwe vavakidzani vakavashora vachiti vakanga vatambisa mari, asi ivo vaitarisira kuti motokari yacho itibatsire mumabasa edu echiKristu. Vakanga vakarurama.

Vamwe Vakandibatsira Kusarudza Zvakarurama

Pane nguva yokuti wechiduku anofanira kusarudza zvinhu zvine chokuita neramangwana rake. Nguva yacho payakasvika nokuda kwehanzvadzi dzangu, Helen naKay, vakatanga kupayona. John Jazewsky, jaya rakanaka chaizvo, ndomumwe piyona akanga ambogamuchirwa mumusha wedu. Amai vakakumbira John kuti ambogara nesu kwekanguva achitibatsira basa papurazi. Kwapera nguva yakati, John akaroora Kay, uye vakava mapiyona pedyo nokumba kwedu. Pandakanga ndava nemakore 12, vakandikoka kuti ndiende navo mubasa roushumiri pandaiva pazororo rechikoro. Izvozvo zvakandipa mukana wokumbova piyona.

Nokufamba kwenguva, ini nomukoma wangu John taiita zvataigona pakutarisira purazi. Izvi zvakaita kuti mumwedzi yaJuly naAugust, Amai vakwanise kushumira seava kunzi piyona webetsero. Vaishandisa ngoro yaiva nemavhiri maviri yaidhonzwa nebhiza rainge rakura. Baba vakanga vatumidza bhiza rakanga rakasindimara iroro kuti Saul, asi kuna Amai raiva chisikwa chakapfava chavaigona kushanda nacho. Ini naJohn taifarira chaizvo purazi racho, asi pose paidzoka Amai vachibva mubasa romumunda votaura zvainge zvaitika, tainzwa kuda ushumiri hwoupiyona zvikuru kupfuura purazi. Muna 1938, ndakawedzera basa rangu romumunda, uye musi waFebruary 9, 1940, ndakabhabhatidzwa.

Kwapera nguva yakati, ndakazogadzwa somushumiri muungano. Ndaitarisira zvinyorwa zveungano uye ndaifara pose pataiwedzera. Ndaiva nendima yangu yandaiparidza mutaundi raiva makiromita anenge 15 kubva kumba. Munguva yechando, ndaifamba kuendako vhiki yoga yoga uye ndairarako kwezuva rimwe kana maviri muvharanda reimba yeimwe mhuri yaifarira kudzidza Bhaibheri. Pashure pokukurukura nomumwe muparidzi weLutheran—wandakataura naye ndisingangwariri—akandityisidzira achiti aizondishevedzera mapurisa kana ndikasasiya vanhu vake. Izvozvo zvakatoita kuti ndinyanye kutsunga kuramba ndichiparidza.

Muna 1942 hanzvadzi yangu Kay nomurume wake John vakaronga kunopinda gungano reruwa kuCleveland, Ohio, muUnited States. Ndakafara chaizvo pavakanditi ndiende navo. Gungano iroro rakandinakidza zvikuru kupfuura zvimwe zvinhu zvose zvati zvamboitika kwandiri. Rakasimbisa zvandaironga nokuda kwenguva yemberi. Hama Nathan Knorr, vaitungamirira basa romunyika yose panguva iyoyo, pavakataura zvinokurudzira kuti kwaidiwa mapiyona 10 000, ndakabva ndangosarudza kuti ndive piyona!

Muna January 1943, Henry, aiva mutariri anofambira, akashanyira ungano yedu. Akapa hurukuro yaikurudzira yakaita kuti tive nechido kwazvo. Zuva rakatevera racho, kwaitonhora chaizvo (-40°C), uye mhepo yaityisa yaibva kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero yakatoita kuti kunyanye kutonhora. Pakwainge kuine chando chakadaro taiwanzogara mumba, asi Henry aida chaizvo kuenda mubasa. Iye nevamwe vakakwira ngoro yaidhonzwa nemabhiza, yaiva nechitofu chehuni, vachienda kumusha waiva kure nemakiromita 11. Ini ndakaendawo ndiri ndoga kunoshanyira imwe mhuri yaiva nevanakomana vashanu. Vakabvuma kuti ndidzidze Bhaibheri navo, uye nokufamba kwenguva vakagamuchira chokwadi.

Kuparidza Panguva Yatairambidzwa

MuHondo Yenyika II, basa roUmambo rakarambidzwa muCanada. Taifanira kuviga mabhuku edu eBhaibheri, uye purazi redu raiva nenzvimbo dzakawanda dzokuaviga. Mapurisa akatishanyira kakawanda asi hapana chaakawana. Pataiparidza, taingoshandisa Bhaibheri. Taiungana tiri mapoka maduku, uye ini nomukoma wangu John takasarudzwa kuti tiite basa rokuendesa mabhuku kuhama dzedu muchivande.

Munguva yehondo, ungano yedu yakaparadzirawo kabhuku kainzi End of Nazism sezvaiita dzimwe dzose munyika yedu. Taienda pakati pousiku. Ndaitya zvikuru sezvataisvika pamusha mumwe nomumwe kaverevere tosiya kabhuku kacho pamusuo. Ndakanga ndisati ndamboita chinhu chinotyisa kudai. Zvaizorodza kwazvo patakasiya kabhuku kokupedzisira! Zvadaro takakurumidza kudzokera kwatakanga tapaka motokori yedu, tikatarisa kuti tose taivapo here, tichibva tangoenda.

Kupayona, Majeri, uye Magungano

Musi waMay 1, 1943, ndakaoneka Amai. Ndiine madhora 20 okuCanada muchikwama changu nekabhegi kembatya, ndakaenda kwandaizonotanga kupayona. Hama Tom Troop nemhuri yavo yaiva norudo yokuQuill Lake, Saskatchewan, vakandigamuchira nomutsa. Gore rakatevera racho, ndakaenda kundima yaiva kwayo yoga muWeyburn, Saskatchewan. Pandaiita basa romumugwagwa musi waDecember 24, 1944, ndakasungwa. Ndapedza nguva yakati ndiri mujeri reikoko, ndakaendeswa kumusasa waiva muJasper, Alberta. Ikoko, ndaiva nezvimwe Zvapupu, takapoteredzwa nezvinhu zvakanaka zvikuru zvakasikwa naJehovha, makomo anonzi Canadian Rockies. Nechekwokutanga kwa1945, vakuru vakuru vomusasa wacho vakatibvumira kupinda musangano kuEdmonton, Alberta. Hama Knorr vakataura zvainakidza nezvokufambira mberi kwebasa raiitwa munyika yose. Taitarisira zuva rataizosunungurwa uye pataigona kuitawo ushumiri zvizere zvakare.

Pandakasunungurwa, ndakatanga kupayona. Izvozvo zvichangoitika, zvakaziviswa kuti Gungano raiva nomusoro waiti “Kuwedzera Kwemarudzi Ose” raizoitirwa muLos Angeles, California. Imwe hama yaiva mundima yandaipayona yakaisa mabhenji mumotokari yayo aikwana vanhu 20. Musi waAugust 1, 1947, takatanga rwendo rwandisingakanganwi, rwemakiromita 7 200 tichipfuura nomumapani, marenje, uye nzvimbo dzaishamisa dzakanaka chaizvo, kusanganisira nzvimbo dzinochengetwa mhuka dzinonzi Yellowstone neYosemite. Rwendo rwacho rwose rwakatora mazuva 27—rwainakidza chaizvo!

Gungano racho raiva chikomborero chandisingakanganwi. Kuti ndibatsirwe zvizere negungano racho, ndaishanda somurindiri masikati uye usiku ndaizoita basa rokuchengetedza. Pashure pokunge ndapinda musangano wevaya vaifarira basa roumishinari, ndakanyorera kuti ndiite basa iri asi ndakanga ndisinganyanyi kutarisira kuti ndaizokokwa. Panguva iyi, muna 1948, ndakabvuma kunoshanda sapiyona kuruwa rwokuCanada rweQuebec.—Isaya 6:8.

Giriyedhi uye Zvandakazoita

Muna 1949, ndakafara kukokwa kunopinda kirasi yechi14 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Kudzidziswa kwandakaitwa uku kwakasimbisa kutenda kwangu uye kwakaita kuti ndiswedere pedyo naJehovha. John naKay vakanga vatopedza kudzidza mukirasi yechi11 uye vaishumira vari mamishinari muNorthern Rhodesia (yava kunzi Zambia). Mukoma wangu John akapedza kudzidza kuGiriyedhi muna 1956. Pamwe chete nomudzimai wake, Frieda, akashanda kuBrazil kwemakore 32 kusvikira afa.

Musi wandakapedza kudzidza, muna February 1950, ndakakurudzirwa chaizvo neteregiramu mbiri, imwe yaibva kuna Amai uye imwe kumhuri yokwaTroop yaiva kuQuill Lake. Teregiramu yakabva kumhuri yokwaTroop yaiva nomusoro waiti “Mazano Kune Akapedza Kudzidza,” yaiti: “Iri izuva rako rinokosha chaizvo. Zuva rauchagara uchikoshesa; uye dai ukabudirira uye ukafara muupenyu hwako.”

Ndakanzi ndiende kunoshanda muguta reQuebec, asi kwekanguva ndakaramba ndiri paKingdom Farm, muNew York State, kwaiitirwa Chikoro cheGiriyedhi. Rimwe zuva Hama Knorr vakandibvunza kana ndaizoda kuenda kuBelgium. Zvisinei, kwapera mazuva akati, vakabvunza kana ndaizobvuma kuenda kuNetherlands. Pandakagamuchira tsamba yacho, yaiti ndaifanira kuno“tanga basa rokuva mutariri webazi.” Ndakanetseka zvikuru.

Musi waAugust 24, 1950, ndakatanga rwendo rwemazuva 11 rwokuenda kuNetherlands—nguva yakanga yakawanda zvokuti ndipedze kuverenga Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakanga ichangobudiswa. Ndakasvika kuRotterdam musi waSeptember 5, 1950, kwandakagamuchirwa nomutsa nemhuri yeBheteri. Pasinei nokuparadza kwakanga kwaita Hondo Yenyika II, hama dzakanga dzaita zvakanaka pakuita kuti mabasa echiKristu atangezve. Pandaiteerera nhoroondo dzavo dzokuramba vakatendeka pavaitambudzwa zvikuru, ndakafunga kuti hama idzodzo dzaizoomerwa nokushanda dzichitungamirirwa nomutariri webazi muduku asina ruzivo. Zvisinei, munguva pfupi zvakava pachena kuti pakanga pasina chokutya.

Chokwadi, pane zvimwe zvaida kutarisirwa. Ndakasvika gungano reruwa rava kuda kuitwa uye ndakafara chaizvo kuona zviuru zvevaida kuzopinda zvichigara panzvimbo yaiitirwa gungano racho. Patakazoita rimwe gungano raitevera, ndakataura pfungwa yokuti dai tikawana pokugara mumisha yehama. Hama dzakafunga kuti rakanga riri zano rakanaka—asi kwete munyika yavo. Pashure pokunge takurukurirana nezvenyaya yacho, takabvumirana—dzimwe hama dzaizogara panzvimbo yaiitirwa gungano uye imwe hafu yaizogara mudzimba dzevakanga vasiri Zvapupu muguta raiitirwa gungano. Ndichifunga kuti ndagona ndakaudza Hama Knorr pavakapinda gungano racho. Zvisinei, ndakakurumidza kuziva kuti ndakanga ndisina kugona pandakazoverenga nezvegungano redu muNharireyomurindi, yaiti: “Tine chokwadi chokuti nguva inotevera hama dzicharatidza kutenda kwadzo dzoronga kuti vanopinda gungano reruwa vagare munzvimbo inoita kuti vakwanise kupupura zvikuru, mudzimba dzevanhu.” Ndizvo chaizvo zvatakaita “pagungano rakatevera”!

Muna July 1961, vamiririri vaviri vehofisi yedu yebazi vakakokwa kuti vanopinda musangano nevamwe vaimiririra mapazi kuLondon. Hama Knorr vakazivisa kuti Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene yaizobudiswa mumitauro yakawanda, kusanganisira chiDutch. Iwayo aiva mashoko aifadza zvikuru! Sezvineiwo, taisaziva kuti basa racho rakanga rakakura sei. Kwapera makore maviri, muna 1963, ndakafara kubatanidzwawo papurogiramu yegungano reruwa kuNew York pakabudiswa Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene echiGiriki muchiDutch.

Kusarudza uye Mabasa Matsva

Muna August 1961, ndakaroora Leida Wamelink. Vomumhuri make vose vakanga vagamuchira chokwadi muna 1942 panguva yaitambudzwa vanhu nevaNazi. Leida akatanga kupayona muna 1950 uye akauya kuBheteri muna 1953. Mashandiro aaiita paBheteri uye muungano akandiratidza kuti aizova shamwari yakavimbika muushumiri hwangu.

Taroorana kwerinongoti pfuurei gore, ndakakokwa kuBrooklyn kunodzidziswa imwezve kosi yemwedzi gumi. Pakanga pasina urongwa hwokuti madzimai aende nevarume vawo. Nechido Leida akabvuma kuti ndiende kwandakanga ndakokwa, kunyange zvazvo utano hwake hwakanga husina kunaka. Pave paya, utano hwaLeida hwakaramba huchiwedzera kuipa. Takaedza kuramba tichiita basa redu repaBheteri asi pakupedzisira takasarudza kuti zvaizova nomusoro kuramba tichiita basa redu renguva yakazara tiri mundima. Saka takatanga kuva vashumiri vanofambira. Tichangotanga, mudzimai wangu aifanira kuvhiyiwa. Tichitsigirwa neshamwari dzine rudo, akavhiyiwa, uye kwapera gore takatokwanisa kubvuma basa rokufambira muruwa.

Kwemakore manomwe takashanda nesimba mubasa rokufambira. Zvadaro, taifanira kunyatsofungisisa pakusarudza pandakakokwa kuti ndidzidzise Chikoro Choushumiri hwoUmambo paBheteri. Takabvuma, kunyange zvazvo kwakanga kuri kuchinja kwakaoma, nokuti taida ushumiri hwokufambira chaizvo. Makirasi 47 echikoro chacho, imwe neimwe yaiitwa kwevhiki mbiri, akandipa mukana wakazonaka wokugoverana zvikomborero zvokunamata nevakuru veungano.

Panguva iyoyo, ndakanga ndiri kugadzirira kushanyira amai vangu muna 1978. Asi musi waApril 29, 1977, takagamuchira teregiramu yaitiudza kuti Amai vakanga vashaya. Ndakasuruvara zvikuru kuziva kuti ndakanga ndisingazokwanisizve kunzwa inzwi ravo raiva noushamwari kana kuvaudzazve kuti ndaionga chaizvo zvose zvavakanga vandiitira.

Pakapera kosi yeChikoro Choushumiri hwoUmambo, takakumbirwa kuti tive nhengo dzemhuri yeBheteri. Mumakore akatevera, ndakashumira kwemakore gumi ndiri mutsinhanisi weDare Rebazi. Nokufamba kwenguva, Dare Rinodzora rakagadza mutsinhanisi mutsva, aikwanisa kuita basa racho zviri nani. Izvozvo ndinozvionga zvikuru.

Kushumira Zvinoenderana Nezera

Ini naLeida tava nemakore 83. Ndave ndichishumira mubasa renguva yakazara kwemakore anopfuura 60, okupedzisira acho 45 ndiine mudzimai wangu akavimbika. Anoona kunditsigira kwaave achindiita mumabasa edu ose sebasa rake rokuzvitsaurira kuna Jehovha. Iye zvino, tinoita zvatinogona paBheteri uye muungano.—Isaya 46:4.

Nguva nenguva tinofara patinoyeuka zvimwe zvakatinakidza muupenyu hwedu. Hatizvidembi nezvezvatakaita mubasa raJehovha, uye tine chokwadi chokuti zvatakasarudza kuita muupenyu ndizvo zvakanaka kupfuura zvimwe zvose. Takatsunga kuramba tichishumira uye tichikudza Jehovha nesimba redu rose.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Ndiina Bill, mukoma wangu, nebhiza redu Saul

[Mufananidzo uri papeji 15]

Musi watakachata, muna August 1961

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ndiina Leida nhasi