Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kuiswa chisimbiso kunotaurwa pana Zvakazarurwa 7:3 kuita sei?

Zvakazarurwa 7:1-3 inoti: “Ndakaona ngirozi ina dzimire pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika kana pagungwa kana pamuti chero upi zvawo. Ndakaona imwe ngirozi ichikwira ichibva kunobuda zuva, iine chisimbiso chaMwari mupenyu; uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina dzakanga dzabvumirwa kukuvadza nyika negungwa, ichiti: ‘Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso pahuma dzevaranda vaMwari wedu.’”

“Mhepo ina” padzinosunungurwa, mugumisiro wacho uchava “kutambudzika kukuru,” kuparadzwa kwechitendero chenhema uye kwenyika yose iyi yakaipa. (Zvakazarurwa 7:14) “Varanda vaMwari wedu” ihama dzaKristu dzakazodzwa dziri panyika. (1 Petro 2:9, 16) Saka uprofita uhu hunoratidza kuti kuiswa chisimbiso kwehama dzaKristu kuchange kwapera pachatanga kutambudzika kukuru. Zvisinei, dzimwe ndima dzeBhaibheri dzinoratidza kuti pane kumwe kuiswa chisimbiso kwokutanga kuchaitwa vakazodzwa. Ndokusaka pane dzimwe nguva tichitaura nezvokuiswa kwechisimbiso chokutanga nechokupedzisira. Musiyano wezvisimbiso izvi ndowei?

Ngatimbofungai nezvezvinorehwa nemashoko okuti “kuiswa chisimbiso.” Kare, chisimbiso chaiva chinhu chaishandiswa kudhinda gwaro. Mashoko acho anogonawo kureva chidhindo chacho. Mumazuva iwayo, zvaiva zvakajairika kuisa chisimbiso pagwaro kana kuti pane zvimwe zvinhu kuratidza kuti nderechokwadi kana kuti kuratidza muridzi waro.—1 Madzimambo 21:8; Jobho 14:17.

Pauro akafananidza mudzimu mutsvene nechisimbiso paakati: “Iye anovimbisa kuti imi nesu tiri vaKristu uye iye akatizodza ndiMwari. Akaisawo chisimbiso chake patiri uye akatipa chokumbofanobata chezvichauya, iwo mudzimu, uri mumwoyo medu.” (2 VaKorinde 1:21, 22) Saka Jehovha anozodza vaKristu ava nomudzimu wake mutsvene kuratidza kuti ndevake.

Zvisinei, vakazodzwa vanoiswa chisimbiso kaviri. Kuiswa chisimbiso kwokutanga kwakasiyana nokuiswa chisimbiso kwokupedzisira (1) muchinangwa uye (2) nguva yachinoiswa. Chisimbiso chinotanga kuiswa ndechokusarudza nhengo itsva inowedzerwa kunhamba yevaKristu vakazodzwa. Chisimbiso chinozopedzisira kuiswa chinosimbisa kuti munhu uyu akasarudzwa uye akaiswa chisimbiso akanyatsoratidza kuti akavimbika. Panguva iyoyo chete, pakuiswa chisimbiso kwokupedzisira, chisimbiso chacho chichaiswa zvachose ‘pahuma’ yeakazodzwa, zvichiratidza kuti iye ‘muranda waMwari wedu’ akaedzwa uye akatendeka. Kuiswa chisimbiso kunotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 7 kunoreva kuiswa chisimbiso ichi chokupedzisira.—Zvakazarurwa 7:3.

Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa nezvenguva yokuisa chisimbiso chokutanga achiti: “Makavawo netariro maari pashure pokunge manzwa shoko rechokwadi, iwo mashoko akanaka pamusoro pokuponeswa kwenyu. Pashure pokunge matenda pachishandiswawo iye, imi makaiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene.” (VaEfeso 1:13, 14) Kakawanda, zvakanyorwa muBhaibheri zvinoratidza kuti vaKristu vomuzana rokutanga remakore zvechokwadi vakaiswa chisimbiso vachangonzwa mashoko akanaka uye vava vanhu vanotenda muna Kristu. (Mabasa 8:15-17; 10:44) Kuiswa chisimbiso ikoko kwakaratidza kuti pakutanga Mwari aivafarira. Zvisinei, hakuna kuratidza kuti Mwari akanga avafarira zvachose. Nei?

Pauro akati vaKristu vakazodzwa ‘vanoiswa chisimbiso nokuda kwezuva rokusunungurwa.’ (VaEfeso 4:30) Izvi zvinoratidza kuti panopfuura nguva, kazhinji makore akawanda, chisimbiso ichi chokutanga chaiswa. Vakazodzwa vanofanira kuramba vakatendeka kubva pazuva ravanoiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene kusvikira ‘pazuva ravanosunungurwa’ pamiviri yavo yenyama—kureva kuti, kusvikira vafa. (VaRoma 8:23; VaFiripi 1:23; 2 Petro 1:10) Naizvozvo, pakuguma chaipo kwoupenyu hwaPauro, aigona kuti: “Ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda. Kubvira panguva ino ndakachengeterwa korona yokururama.” (2 Timoti 4:6-8) Uyezve, Jesu akati kuungano yevaKristu vakazodzwa: “Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.”—Zvakazarurwa 2:10; 17:14.

Shoko rokuti “korona” rinopa humwe uchapupu hwokuti pane nguva inopfuura pakati pokuiswa chisimbiso chokutanga nechokupedzisira. Nei? Kare, mumhanyi ainge ahwinha nhangemutange ndiye aipiwa korona. Kuti apiwe korona, aisangofanira kupinda munhangemutange. Aifanira kumhanya kusvikira apedza. Saizvozvowo, kana vaKristu vakazodzwa vakatsungirira kusvikira kumugumo woupenyu hwavo—kubvira pavanotanga kuiswa chisimbiso kusvikira pavanozoiswa chokupedzisira—vachapiwa korona youpenyu hwokusafa kudenga.—Mateu 10:22; Jakobho 1:12.

Vakasara vevaKristu vakazodzwa vakatanga kuiswa chisimbiso vachazoiswa chisimbiso chokupedzisira rini? Chero vapi zvavo vanenge vachiri vapenyu vachaiswa chisimbiso “pahuma” dzavo kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Mhepo ina dzokutambudzika padzinosunungurwa, vaIsraeri vose vomudzimu vachave vaiswa chisimbiso chokupedzisira, kunyange zvazvo vashomanana vanenge vachiri vapenyu munyama uye vachiri kufanira kupedza upenyu hwavo hwepasi pano.