Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Murume Aida Upenyu Nevanhu

Murume Aida Upenyu Nevanhu

Murume Aida Upenyu Nevanhu

DANIEL SYDLIK, aive nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha kwenguva refu, akapedza upenyu hwake hwepasi pano musi weChipiri, April 18, 2006. Akanga ava nemakore 87 uye akashanda senhengo yemhuri yeBheteri kuBrooklyn, New York, kwemakore anoda kusvika 60.

Hama Dan, sokuzivikanwa kwavaiitwa neshamwari dzavo dzepedyo, vakaenda kuBheteri muna 1946. Vasati vaenda ikoko, vaiva piyona chaiye muCalifornia uyewo vakagara mujeri kwenguva yakati panguva yeHondo Yenyika II nokuti somuKristu vakanga vasina divi ravaitsigira. Zvavakatarisana nazvo munguva iyoyo zvakanyatsorondedzerwa munyaya youpenyu hwavo, yakabuda muNharireyomurindi yeChirungu yaJune 1, 1985, yaiva nomusoro waiti, “How Priceless Your Friendship, O God!”

Hama Sydlik vaizivikanwa somunhu aizvininipisa, aiva nyore kutaura naye. Pavaitungamirira mhuri yeBheteri pakunamata kwemangwanani, maonero avo akanaka uye kuda kwavaiita upenyu zvaiwanzonzwika mumashoko avaitanga kutaura, okuti: “Zvakanaka kuti tiri vapenyu kuti tishumire Mwari wechokwadi uye mupenyu.” Pavaipa hurukuro dzavose, vaikurudzira vamwe kuti vave nemaonero aya, vachipa hurukuro dzaiva nemisoro yakadai sokuti “Vanofara Vanhu Avo Mwari Wavo Ari Jehovha,” “Kufunga Nezvomufaro waJehovha,” “Ita Kuti Moto Womudzimu waMwari Urambe Uchipfuta,” uye “Zvakanaka Zvichiri Mberi.”

Muna 1970, Hama Sydlik vakaroora Marina Hodson, wokuEngland, wavairondedzera “somutsigiri akatumwa naMwari.” Vakashumira Jehovha vari pamwe chete kwemakore anopfuura 35.

Mumakore avaiva paBheteri, Hama Sydlik vakashanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana, kusanganisira rokudhinda mabhuku uye Dhipatimendi Rokunyora. Vakashandawo nenhepfenyuro yeWBBR. Zvadaro, muna November 1974, vakagadzwa kuva nhengo yeDare Rinodzora uye pakupedzisira vakashanda neDare Revashandi uye Rokunyora.

Kwemakore anopfuura 30, Hama Sydlik vaizivikanwa nokuda kwavaiita vanhu chaizvo pavaishanda muDare Revashandi. Vaikurudzira vakawanda nenzwi ravo raive rakasimba, vachigara vachingotaura nezveropafadzo inokosha yatiinayo yokushumira Jehovha. Vaigara vachisimbisa kuti mufaro wechokwadi haubvi pazvinhu zviri kunze, asi paukama hwedu naJehovha uye pamaonero atinoita upenyu.

Kunyange zvazvo mhuri yeBheteri ichizosuwa Hama Sydlik chaizvo, muenzaniso wavo somunhu aida upenyu nevanhu zvechokwadi ucharamba uchivabatsira. Tine chokwadi chokuti ndomumwe wevaya vanotaurwa nezvavo pana Zvakazarurwa 14:13, kuti: “Vanofara ndivo vakafa, vanofa vari pamwe naShe kubvira panguva ino. Chokwadi, mudzimu unoti, ngavazorore pamabasa avo, nokuti zvinhu zvavakaita zvinobva zvaenda navo.”