Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungawedzera Rudo Rwako Here?

Ungawedzera Rudo Rwako Here?

Ungawedzera Rudo Rwako Here?

CHENI inenge yakabata chinhu chinotsigisa chikepe inofanira kunge yakasimba zvokukwanisa kuita kuti chikepe chacho chisakukurwa. Zvisinei, izvi zvinongoita kana zvinobatanidza cheni yacho zvakasimba. Zvikange zvisina kusimba cheni yacho inodambuka.

Ndizvo zvakaitawo ungano yechiKristu. Kuti ungano isimbe uye ive noutano, vanhu vacho vanofanira kunge vakabatana. Chii chinovabatanidza? Rudo, simba rinoita kuti vanhu vabatane. Ndokusaka Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” Zvechokwadi, vaKristu vechokwadi vanodanana zvinopfuura ushamwariwo zvahwo uye kungoremekedzana. Vanodanana zvokuzvipira.—Johani 13:34, 35.

Kukoshesa Vatinonamata Navo

Ungano dzakawanda dzine vanhu vemazera akasiyana-siyana, vane ganda rakasiyana, marudzi akasiyana, tsika dzakasiyana, mitauro yakasiyana, uye vakakurira kwakasiyana. Munhu mumwe nomumwe ane zvaanofarira nezvaasingafariri, zvaanotarisira nezvaanotya, uye kazhinji mumwe nomumwe anenge ane mutoro waanofanira kutakura—hungava urwere kana kuti kutyira mari yake. Kusiyana-siyana uku kungakanganisa kubatana kwevaKristu. Saka chii chingatibatsira kuti tiwedzere rudo rwedu toramba takabatana pasinei nokuoma kwazvakaita? Kukoshesa nomwoyo wose vanhu vose vari muungano kuchatibatsira kudzamisa kudanana kwatinoita.

Zvisinei, kukoshesa mumwe munhu kunorevei? Maererano neThe New Shorter Oxford English Dictionary, shoko rokuti “kukoshesa” ringareva “kuva munhu anonzwisisa, anoona zvinodiwa nomumwe munhu, kuyemura zvine ruremekedzo; kuziva kuti anokosha kana kuti akanaka; uye kumufarira.” Kana tichikoshesa vatinonamata navo, tichaziva zvavanoda, tichavayemura nokuremekedza, tichaziva kukosha kwavanoita uye tichafara kuti tinonamata pamwe chete navo. Somugumisiro, tinovada chaizvo. Kufunga zvishomanana nezvezvakanyorwa nomuapostora Pauro kuvaKristu vomuzana rokutanga remakore muKorinde kuchatibatsira kuona kuti tingaratidza sei rudo rwechiKristu kusvikira pamwero wakazara.

VaKorinde Va“kamanikidzika”

Pauro akanyorera vaKorinde tsamba yake yokutanga muna 55 C.E. uye yechipiri akainyora pasati papera gore anyora yokutanga. Mashoko ake anoratidza kuti vamwe vaiva muungano yeKorinde vakanga vasingakoshesi vavainamata navo. Pauro akarondedzera mamiriro acho ezvinhu nemashoko anotevera: “Muromo wedu wakashamira imi vaKorinde, mwoyo yedu yakawedzera. Hamuna kumanikidzika matiri, asi makamanikidzika murudo rwenyu rukuru.” (2 VaKorinde 6:11, 12) Pauro airevei paakavarondedzera achiti vaiva va“kamanikidzika”?

Aireva kuti vakanga vasina mutsa uye vaingouitira vashomanana chete. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inofunga kuti kudiwa kwaiitwa Pauro nevaKorinde “kwakavhiringidzwa nemamiriro ezvinhu akaoma aikonzerwa nokufungira kusina chikonzero . . . uye nokugumbukira kuti vakanga vasina kururamisirwa.”

Cherechedza zano rakapiwa naPauro, rokuti: “Kuti mudzorerewo—ndinotaura sendiri kutaura nevana—imiwo, wedzerai.” (2 VaKorinde 6:13) Pauro akakurudzira vaKorinde kuti vawedzere kuda vavainamata navo. Izvi zvaizoreva kukurudzirwa nemaonero akanaka uye nomwoyo unoda kupa, kwete kusavimbana uye kunetsana notunhu tuduku.

Kuwedzera Rudo Nhasi

Zvinonyevenutsa mwoyo kuona kuti vanamati vaMwari vechokwadi mazuva ano vanoedza chaizvo kuwedzera kudanana kwavanoita. Chokwadi, kuwedzera kudanana kunoda kushanda nesimba. Haisi nyaya yokungoziva kuti unofanira kuwedzera kuda vamwe. Kuwedzera rudo kunoreva kuti tinozvibata zvakasiyana nevanhu vasingararami maererano nezvinotaura Bhaibheri. Vanhu vakadaro havawanzokoshesi vamwe. Vangaita zvinhu vasina kumbofunga, vasingaremekedzi, uye vachitsvinya. Naizvozvo ngatisambobvuma kukanganiswa nemaonero aya. Zvingasuruvarisa zvikuru kana kuda kwatinoita vamwe kukakanganiswa nokusavavimba, sezvaiita vaKorinde! Izvi zvingaitika kana tikakurumidza kuona zvinokanganiswa nehama yedu yechiKristu asi tononoka kuona zvakanaka zvainoita. Zvingaitikawo kana tikanzwa tisingadi mumwe munhu nokuti ane tsika dzakasiyana nedzedu.

Kusiyana naizvozvo, mushumiri waMwari anowedzera rudo rwake anokoshesa nomwoyo wose vaanonamata navo. Anovakoshesa, anovaremekedza, uye anoziva zvavanoda. Kunyange kana aine chikonzero chakanaka chokunyunyuta, anoda kukanganwira uye haachengeti mafi. Pane kudaro, ane chivimbo chokuti vaanonamata navo havana kukanganisa nemaune. Kupa kunomubatsira kuratidza rudo rwuya rwairehwa naJesu paakafanotaura kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.

Tanga Kutsvaka Shamwari Itsva

Rudo runobva pamwoyo ruchaita kuti tikwanise kutsvaka dzimwe shamwari uye tiwadzane nevaya vari muungano vatisingawanzotauri navo. Vanhu ava vangava vanaani? Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzinonyara, kana kuti dzine shamwari shomanana nokuda kwezvimwe zvikonzero. Pakutanga tingafunga kuti tinofarira zvinhu zvakasiyana, kunze kwokungoti tinonamata tose. Asi hachisi chokwadi here kuti dzimwe shamwari dzepedyo zvikuru dzinotaurwa muBhaibheri vanhu vakanga vakasiyana zvikuru?

Somuenzaniso, Rute naNaomi vaiva vemazera akasiyana zvikuru, vemarudzi akasiyana netsika dzakasiyana, uye vaitotaura mitauro yakasiyana. Kunyange zvakadaro, ushamwari hwavo hahuna kuvhiringidzwa nokusiyana ikoko. Jonatani akarerwa ari mwanakomana wamambo, uye Dhavhidhi ari mufudzi. Mazera avo akanga akasiyana zvikuru, asi ushamwari hwavo ndohumwe hwepedyo zvikuru hunotaurwa muMagwaro Matsvene. Ushamwari uhwu hwose hwakaita kuti vafare uye vatsigirane mune zvokunamata.—Rute 1:16; 4:15; 1 Samueri 18:3; 2 Samueri 1:26.

Kunyange nhasi vaKristu vechokwadi vemazera akasiyana kana kuti vane mamiriro ezvinhu akasiyana zvikuru muupenyu vanova shamwari dzepedyo. Somuenzaniso, Regina ndiamai vasina murume vane vana vaviri vari kuyaruka. * Ane zvakawanda zvokuita uye haana nguva yakawanda yokutandara nevamwe. Harald naUte murume nomukadzi vakura, vasina vana. Zvingaita sokuti mhuri mbiri idzi hadziwirirani. Asi Harald naUte vakashandisa zano reBhaibheri rokuwedzera rudo rwavo. Vakaedza kubatanidza Regina nevana vake muzvinhu zvakawanda, vachishanda navo muushumiri uye vachinakidzwa nokutandara vose.

Tingawedzera rudo rwedu kuti tiwane dzimwe shamwari dzisiri dzatagara tinadzo here? Wadii kuedza kunyatsowirirana nevaunonamata navo vorumwe rudzi, vane tsika dzakasiyana nedzako, kana kuti vezera rakasiyana nerako?

Zvaunoita Kana Vamwe Vaine Zvavanoda

Mwoyo unoda kupa uchaita kuti tione zvinodiwa nevamwe. Zvakaita sezvipi? Cherechedza vanhu vari muungano yechiKristu. Vaduku vanoda kutungamirirwa, vakura vanoda kukurudzirwa, vashumiri venguva yakazara vanoda kurumbidzwa uye kutsigirwa, uye vamwe vaunonamata navo vakaora mwoyo vanoda kuteererwa. Munhu wose ane zvaanoda. Tinofanira kuona zvavanoda izvi nepatinogona napo.

Kuwedzera rudo kunorevawo kuti ticharatidza kuti tinonzwisisa vaya vane zvavanoda chaizvo. Unoziva here mumwe munhu anorwara zvakakomba kana kuti ane mumwe muedzo muupenyu? Kuwedzera rudo rwedu uye kunzwa tichida kupa zvichatibatsira kuti tinzwisise totsigira vaya vanoda kubatsirwa.

Sezvo uprofita hweBhaibheri hweramangwana riri pedyo huchazadzika, zvisungo zvakasimba zvokubatana zvichava zvinokosha kupfuura zvinhu, mano, kana kuti zvaunenge wakwanisa kuita. (1 Petro 4:7, 8) Mumwe nomumwe wedu anogona kubatsira kusimbisa zvisungo zvokubatana muungano yedu nokuwedzera kuda vatinonamata navo. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achatikomborera zvikuru kana tikaita maererano nemashoko oMwanakomana wake Jesu Kristu, uyo akati: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sokuda kwandakakuitai.”—Johani 15:12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

Kukoshesa hama nehanzvadzi dzedu kunoreva kuti tinodziyemura dzose, kudziremekedza, uye kuziva zvadzinoda