Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Unofanira Kufara Kwazvo”

“Unofanira Kufara Kwazvo”

“Unofanira Kufara Kwazvo”

“Uchaitira Jehovha Mwari wako mutambo . . . , uye unofanira kufara kwazvo.”—DHEUTERONOMIO 16:15.

1. (a) Satani akamutsa nyaya dzipi? (b) Jehovha akafanozivisei pashure pokupanduka kwaAdhamu naEvha?

SATANI paakaita kuti Adhamu naEvha vapandukire Musiki wavo, akamutsa nyaya mbiri dzinokosha zvikuru. Kutanga, akaramba kuti nzira yaJehovha yokutonga yakarurama uye ndeyechokwadi. Chechipiri, Satani akapa pfungwa yokuti vanhu vaizongoshumira Mwari kana zvakavanakira chete. Nyaya yechipiri iyi akaitaura zvakananga panguva yaJobho. (Genesisi 3:1-6; Jobho 1:9, 10; 2:4, 5) Kunyange zvakadaro, Jehovha akakurumidza kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu. Kunyange Adhamu naEvha pavaiva vachiri mumunda weEdheni, Jehovha akafanotaura kuti Iye aizogadzirisa sei nyaya dzacho. Akafanotaura nezvo“mwana” aizouya, opwanya Satani musoro, pashure pokunge iye apwanywa chitsitsinho chake.—Genesisi 3:15.

2. Jehovha akajekesa sei kuzadzika kwaaizoita uprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15?

2 Nokufamba kwenguva, Jehovha akaita kuti uprofita ihwohwo hunzwisiswe zviri nani, achiratidza kuti hwaitozoguma hwazadzika. Somuenzaniso, Mwari akaudza Abrahamu kuti “mwana” aizobva pavana vake. (Genesisi 22:15-18) Muzukuru waAbrahamu Jakobho akava baba vemadzinza gumi nemaviri aIsraeri. Muna 1513 B.C.E., madzinza iwayo paakava rudzi, Jehovha akaapa bumbiro remitemo yaisanganisira mitambo yakasiyana-siyana yaiitwa gore negore. Muapostora Pauro akati mitambo iyoyo yaiva “mumvuri wezvinhu zvichauya.” (VaKorose 2:16, 17; VaHebheru 10:1) Yaifananidzira kuzadzika kwaizoita chinangwa chaJehovha chine chokuita noMwana. Kuchengeta mitambo iyoyo kwaiita kuti vaIsraeri vafare zvikuru. Kumbofunga zvishomanana nezvayo kuchasimbisa kutenda kwedu kwokuti zvipikirwa zvaJehovha zvinogona kuvimbwa nazvo.

Mwana Anooneka

3. Ndiani aiva Mwana akapikirwa, uye chitsitsinho chake chakapwanywa sei?

3 Kwapera makore anopfuura 4 000 kubvira pauprofita hwaJehovha hwokutanga, Mwana akapikirwa akaoneka. Aiva Jesu. (VaGaratiya 3:16) Zvaaiva munhu akakwana, Jesu akaramba akatendeka kusvikira pakufa, achibva aratidza kuti zvaaipomerwa naSatani dzaiva nhema. Uyezve, sezvo Jesu aiva asina chivi, kufa kwake chaiva chibayiro chinokosha chaizvo. Achishandisa chibayiro ichocho, Jesu akanunura vana vaAdhamu naEvha vakanga vakatendeka pachivi norufu. Kufa kwakaita Jesu padanda rokutambudzikira ndiko kwaiva ‘kupwanywa kwechitsitsinho’ choMwana akapikirwa.—VaHebheru 9:11-14.

4. Chibayiro chaJesu chakafanofananidzirwa nechii?

4 Jesu akafa musi waNisani 14, 33 C.E. * MuIsraeri, Nisani 14 raiva zuva rokufara rokuchengeta Paseka. Gore negore pazuva iroro, mhuri dzaidya zvokudya zvaisanganisira gwayana duku raive risina kusvibiswa. Nenzira iyi, vaiyeuka zvaimiririrwa neropa regwayana pakununurwa kwematangwe evaIsraeri ngirozi yorufu payakauraya matangwe eIjipiti musi waNisani 14, 1513 B.C.E. (Eksodho 12:1-14) Gwayana rePaseka raifananidzira Jesu, uyo akanzi nomuapostora Pauro: “Kristu paseka yedu, akabayirwa.” (1 VaKorinde 5:7) Kufanana neropa regwayana rePaseka, ropa raJesu rakateurwa rinoita kuti vakawanda vaponeswe.—Johani 3:16, 36.

‘Chibereko Chokutanga Pane Vakafa’

5, 6. (a) Jesu akamutswa riini, uye chiitiko ichocho chakafanofananidzirwa nechii muMutemo? (b) Kumutswa kwaJesu kwakazadzika sei Genesisi 3:15?

5 Pazuva rechitatu, Jesu akamutswa kuitira kuti anopa Baba vake chibayiro chake chinokosha. (VaHebheru 9:24) Kumutswa kwake kwakafanofananidzirwa nomumwe mutambo. Mutambo Wemakeke Asina Kuviriswa waitanga pazuva raitevera Nisani 14. Zuva raitevera racho, Nisani 16, vaIsraeri vaienda nechisote chezvibereko zvokutanga zvegoho rebhari, kukohwa kwaitanga-tanga kuitwa muIsraeri, kuti mupristi azvizunguzire pamberi paJehovha. (Revhitiko 23:6-14) Zvakakodzera chaizvo kuti mugore ra33 C.E., musi iwoyo waNisani 16, Jehovha akavhiringidza zvaida kuitwa naSatani zvokuuraya “chapupu chakatendeka nechechokwadi”! Musi waNisani 16, 33 C.E., Jehovha akamutsa Jesu kuvakafa akamupa upenyu hwokusafa hwomudzimu.—Zvakazarurwa 3:14; 1 Petro 3:18.

6 Jesu akava “chibereko chokutanga pane vaya vakarara murufu.” (1 VaKorinde 15:20) Kusiyana nevaya vakanga vambomutswa, Jesu haana kuzofazve. Pane kudaro, akakwira kudenga kuruoko rworudyi rwaJehovha, kwaakamirira kusvikira agadzwa saMambo woUmambo hwaJehovha hwokudenga. (Pisarema 110:1; Mabasa 2:32, 33; VaHebheru 10:12, 13) Kubvira paakagadzwa saMambo, iye zvino Jesu ava kukwanisa kupwanya muvengi mukuru, Satani mumusoro zvachose uye kuparadza vana vake.—Zvakazarurwa 11:15, 18; 20:1-3, 10.

Dzimwezve Nhengo Dzomwana waAbrahamu

7. Mutambo Wemavhiki waiitwa sei?

7 Jesu ndiye Mwana akapikirwa muEdheni uye aizoshandiswa naJehovha “kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johani 3:8) Zvisinei, Jehovha paakataura naAbrahamu, Akataura kuti “mwana” waAbrahamu aisazova munhu mumwe chete asi vakawanda. Aizoita “senyeredzi dzokumatenga, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.” (Genesisi 22:17) Kuoneka kwaizoita dzimwe nhengo dzo“mwana” kwakafanofananidzirwa nomumwezve mutambo wainakidza. Kwapera mazuva makumi mashanu kubvira musi waNisani 16, vaIsraeri vaichengeta Mutambo Wemavhiki. Mutemo womutambo uyu waiti: “Munofanira kuverenga mazuva makumi mashanu, kusvikira pazuva rinotevera sabata rechinomwe, uye muuye nechinopiwa chezviyo zvitsva kuna Jehovha. Munofanira kuuya nezvingwa zviviri kubva kunzvimbo dzenyu dzamunogara, kuti zvive chinopiwa chinozunguzirwa. Zvinofanira kuva zvefurawa yakatsetseka inokwana zvegumi zviviri zveefa. Ngazvibikwe zviine mbiriso, sezvibereko zvakatanga kuibva zvinopiwa Jehovha.” *Revhitiko 23:16, 17, 20.

8. Chiitiko chipi chinoshamisa chakaitika paPendekosti ya33 C.E.?

8 Jesu paaiva pasi pano, Mutambo Wemavhiki waizivikanwa sePendekosti (kubva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “rechimakumi mashanu”). PaPendekosti ya33 C.E., Mupristi Mukuru pane vose, Jesu Kristu akanga amutswa, akadurura mudzimu mutsvene paboka duku revadzidzi 120 vakanga vakaungana muJerusarema. Saka vadzidzi ivavo vakava vanakomana vaMwari vakazodzwa uye hama dzaJesu Kristu. (VaRoma 8:15-17) Vakava rudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Kunyange zvazvo vakatanga vari vashomanana, rudzi irworwo rwaizoguma rwava 144 000.—Zvakazarurwa 7:1-4.

9, 10. Ungano yevaKristu vakazodzwa yaifananidzirwa nechii paPendekosti?

9 Ungano yevaKristu vakazodzwa yaifananidzirwa nezvingwa zviviri zvakaviriswa zvaizunguzirwa pamberi paJehovha paPendekosti imwe neimwe. Kuviriswa kwezvingwa zvacho kwairatidza kuti vaKristu vakazodzwa vaizova vachine mbiriso yechivi chavakagara nhaka. Kunyange zvakadaro, chibayiro chaJesu chorudzikinuro ndicho chaiita kuti vagone kutaura naJehovha. (VaRoma 5:1, 2) Nei paiva nezvingwa zviviri? Zvingadaro zvaimiririra kuti vanakomana vaMwari vakazodzwa vaizoguma vatorwa mumapoka maviri—kutanga revaJudha vakaberekwa vari vaJudha uye reveMamwe Marudzi.—VaGaratiya 3:26-29; VaEfeso 2:13-18.

10 Zvingwa zviviri zvaipiwa paPendekosti zvaibva pazvibereko zvokutanga zvegoho regorosi. Saizvozvowo vaKristu vaya vakazodzwa nomudzimu vanonzi “zvibereko zvokutanga zvezvisikwa zvake.” (Jakobho 1:18) Chibayiro cheropa rakateurwa raJesu ndicho chinoita kuti vakanganwirwe zvivi zvavo, uye izvozvo zvinoita kuti vapiwe upenyu hwokusafa kumatenga, kwavachanotonga naJesu muUmambo hwake. (1 VaKorinde 15:53; VaFiripi 3:20, 21; Zvakazarurwa 20:6) Zvavari vanakomana vaMwari vokudenga, munguva yemberi iri pedyo va“chafudza [marudzi] netsvimbo yesimbi” voona ‘Satani achipwanywa pasi petsoka dzavo.’ (Zvakazarurwa 2:26, 27; VaRoma 16:20) Muapostora Johani akati: “Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda. Ava vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.”—Zvakazarurwa 14:4.

Zuva Rinoratidza Kununurwa

11, 12. (a) Chii chaiitika paZuva Rokuyananisa? (b) VaIsraeri vaibatsirwa sei nezvibayiro zvenzombe nembudzi?

11 Pamusi wechigumi womwedzi waEtanimu (wakazonzi Tishri), * vaIsraeri vaichengeta mutambo waifanomiririra kushandiswa kwaizoita kubatsira kunoita rudzikinuro rwakapiwa naJesu. Pazuva iroro rudzi rwose rwakaungana paZuva Rokuyananisa kuti zvibayiro zvipiwe nokuda kwavo kuti vacheneswe pazvivi zvavo.—Revhitiko 16:29, 30.

12 PaZuva Rokuyananisa, mupristi mukuru aiuraya nzombe duku, uye ari Munzvimbo Tsvenetsvene, aisasa rimwe ropa rayo kanomwe pachifukidziro cheAreka, achipa ropa racho pamberi paJehovha nenzira yokufananidzira. Chinopiwa ichocho chaiva chezvivi zvomupristi mukuru uye zve“imba yake,” vapristi vaduku nevaRevhi. Zvadaro mupristi mukuru aitora mbudzi mbiri. Imwe yacho aiiuraya kuti ive chinopiwa chechivi “chevanhu.” Rimwe ropa rayo raisaswawo pamberi pechifukidziro cheAreka yaiva muNzvimbo Tsvenetsvene. Pashure pacho, mupristi mukuru aiisa maoko ake pamusoro wembudzi yechipiri uye aibvuma kuti vanakomana vaIsraeri vainge vakanganisa. Zvadaro aiita kuti mbudzi yacho iendeswe musango kuti iite seiri kuenda nezvivi zvorudzi rwacho.—Revhitiko 16:3-16, 21, 22.

13. Zvaiitika paZuva Rokuyananisa zvaifananidzira sei basa rinoitwa naJesu?

13 Sezvaifananidzirwa nezviito izvozvo, Mupristi Mukuru pane vose, Jesu, anoshandisa ropa rake rinokosha kuti akanganwire zvivi. Kutanga, ropa rake rinokosha rinoshanda ku“imba yomudzimu” yevaKristu vakazodzwa vane 144 000, zvichiita kuti ava vanzi vakarurama uye vave nezita rakanaka pamberi paJehovha. (1 Petro 2:5; 1 VaKorinde 6:11) Izvi zvinofananidzirwa nechibayiro chenzombe. Saka vane mukana wokugamuchira nhaka yavo yokudenga. Chechipiri, chibayiro chaJesu chinokosha chinobatsira mamiriyoni evamwe vanotenda muna Kristu, sezvinoratidzwa nechibayiro chembudzi. Ava vachakomborerwa noupenyu husingaperi pasi pano, nhaka yakaraswa naAdhamu naEvha. (Pisarema 37:10, 11) Achishandisa chibayiro cheropa rake rakateurwa, Jesu anotakura zvivi zvevanhu, sezvaiita mbudzi mhenyu yaiita seiri kutakura zvivi zvaIsraeri ichienda nazvo kusango.—Isaya 53:4, 5.

Kufara Pamberi paJehovha

14, 15. Chii chaiitika panguva yoMutambo Wematumba, uye izvi zvakayeuchidzei vaIsraeri?

14 Pashure peZuva Rokuyananisa, vaIsraeri vaichengeta Mutambo Wematumba, mutambo wainakidza kupfuura yose yaiitwa nevaJudha pagore. (Revhitiko 23:34-43) Mutambo iwoyo waiitwa kubvira musi wa15 kusvika musi wa21 mumwedzi waEtanimu uye waizopera pavaiita mutambo mukuru musi wa22 womwedzi wacho. Waiitwa paiperera kuunganidza goho uye yaiva nguva yokutenda kunaka kukuru kwaMwari. Nechikonzero ichocho, Jehovha akarayira vaichengeta mutambo wacho kuti: “Jehovha Mwari wako achakukomborera pazvibereko zvako zvose uye pamabasa ose emaoko ako, uye unofanira kufara kwazvo.” (Dheuteronomio 16:15) Vanofanira kunge vaifara chaizvo panguva iyoyo!

15 Paiitwa mutambo iwoyo, vaIsraeri vaigara mumatumba kwemazuva manomwe. Zvaivayeuchidza kuti vakanga vambogara mumatumba murenje. Mutambo wacho waivapa mukana wakakwana wokufungisisa nezvokutarisira kunoita Jehovha sababa. (Dheuteronomio 8:15, 16) Uye sezvo vapfumi nevarombo vaigara mumatumba akafanana, vaIsraeri vaiyeuchidzwa kuti panguva yomutambo wacho, vose vainge vakaenzana.—Nehemiya 8:14-16.

16. Mutambo Wematumba waifananidzira chii?

16 Mutambo Wematumba waiva mutambo wokukohwa, kupemberera kwainakidza kwokuunganidza, uye waimiririra kuunganidzwa kunofadza kwevaya vanotenda muna Jesu Kristu. Kuunganidza kwacho kwakatanga paPendekosti ya33 C.E., vadzidzi vaJesu 120 pavakazodzwa kuti vave vamwe vo“upristi hutsvene.” Sezvaiita vaIsraeri vaigara mumatumba kwemazuva mashomanana, vakazodzwa vanoziva kuti ivo “vagari venguva duku” munyika ino isingadi Mwari. Vane tariro yokuenda kudenga. (1 Petro 2:5, 11) Kuunganidza vaKristu vakazodzwa ikoko kunosvika pakuguma mu“mazuva [ano] okupedzisira,” pachaunganidzwa vokupedzisira vevane 144 000.—2 Timoti 3:1.

17, 18. (a) Chii chinoratidza kuti kunze kwevaKristu vakazodzwa, pane vamwe vanobatsirwa nechibayiro chaJesu? (b) Nhasi ndivanaani vanobatsirwa noMutambo Wematumba wokufananidzira, uye mutambo unonakidza iwoyo uchapera rini?

17 Zvinokosha kuziva kuti paiitwa mutambo uyu wekare, nzombe 70 dzaipiwa sechinopiwa. (Numeri 29:12-34) Nhamba yokuti 70 inomiririra 7 akataimuzwa na10, nhamba dzomuBhaibheri dzinomiririra kukwana kwezvinhu zvokudenga uye zvepasi pano. Saka chibayiro chaJesu chichabatsira vakatendeka vanobva mumhuri dzose 70 dzevanhu dzakabva kuna Noa. (Genesisi 10:1-29) Maererano naizvozvo, munguva yedu vakawanda vakaunganidzwa, kusanganisira vanhu vanobva mumarudzi ose vanotenda muna Jesu uye vane tariro yokurarama muparadhiso pasi pano.

18 Muapostora Johani akaratidzwa kuunganidza uku kwemazuva ano. Kutanga akanzwa kuziviswa kwokuiswa chisimbiso kwevane 144 000 vokupedzisira. Zvadaro akaona “boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu,” vakamira pamberi paJehovha naJesu, “mumaoko avo . . . muine mapazi emichindwe.” Ava “vanobuda mukutambudzika kukuru” vachipinda munyika itsva. Iye zvino ivowo vanogara kwenguva pfupi mumamiriro ezvinhu epanguva ino, uye vanotarisira nechivimbo nguva apo “Gwayana . . . richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu.” Panguva iyoyo, “Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” (Zvakazarurwa 7:1-10, 14-17) Mutambo Wematumba wokufananidzira uchapera pashure pokuguma kwoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru apo boka guru revanhu, pamwe chete nevakatendeka vanenge vamutswa vachawana upenyu husingaperi.—Zvakazarurwa 20:5.

19. Tinobatsirwa sei nokufungisisa nezvemitambo yaichengetwa muna Israeri?

19 Isuwo ti“nofanira kufara kwazvo” sezvatinofungisisa zvinorehwa nemitambo yekare yaiitwa nevaJudha. Zvinonakidza kufunga kuti Jehovha akaratidza kuti uprofita hwake hwakapiwa kare muEdheni hwaizozadzika sei, uye zvinofadza kuona huchinyatsozadzika zvishoma nezvishoma. Nhasi, tinoziva kuti Mwana akaonekwa uye kuti ave achipwanywa chitsitsinho. Iye zvino ava Mambo kudenga. Uyezve, vakawanda vevane 144 000 vakatoratidza kuti vakatendeka kusvika pakufa. Chii chichiri kufanira kuitwa? Uprofita hwacho huchazadzika zvakazara nokukurumidza zvakadini? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Nisani mwedzi unoenderana naMarch kana kuti April pakarenda redu remazuva ano.

^ ndima 7 Mupristi paaizunguzira zvingwa zviviri izvi zvakaviriswa, kazhinji aibata zvingwa zvacho muzvanza zvemaoko ake, osimudza maoko ake, uye ovheyesa zvingwa zvacho uku nokoko. Kuita izvi kwaimiririra kupiwa kwezvinhu zvinobayirwa kuna Jehovha.—Ona bhuku rinonzi Insight on the Scriptures, Volume 2, peji 528, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 11 Etanimu kana kuti Tishri, mwedzi unoenderana naSeptember kana kuti October pakarenda ratinaro mazuva ano.

Ungatsanangura Here?

• Gwayana rePaseka raifananidzirei?

• Mutambo wePendekosti waifanofananidzira kuunganidza kupi?

• Zvii zvaiitwa paZuva Rokuyananisa zvairatidza mashandiro aizoita chibayiro chaJesu?

• Kuunganidzwa kwevaKristu kwaifanofananidzirwa noMutambo Wematumba pakudini?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri pamapeji 22, 23]

(For fully formatted text, see publication)

Chiitiko: Chaifana-

nidzira:

Paseka Nisani 14 Gwayana rePaseka Jesu anobayirwa

rinourayiwa

Mutambo

Wemakeke Nisani 15 Sabata

Asina

Kuviriswa Nisani 16 Bhari- Jesu anomutswa

(Nisani inopiwa

15-21) sechinopiwa

Mazuva 50

Mutambo Zvingwa Jesu akapa

Wemavhiki Sivhani 6 zviviri Jehovha

(“Pende- zvinopiwa hama dzake

kosti”) sechinopiwa dzakazodzwa

Zuva Roku- Tishri 10 Nzombe Jesu akapa

yananisa nembudzi kukosha

mbiri kweropa rake

dzinopiwa achiitira

vanhu vose

Mutambo Tishri VaIsraeri Kuunganidzwa

Wematumba 15-21 vaigara kwevakazodzwa

(Kuunga-) mumatumba uye kwe“boka guru”

nidza, vachifara,

Tebhe- uye vaifarira

nekeri) kukohwa,

nzombe 70

dzinourayiwa

[Mifananidzo iri papeji 21]

Kufanana neropa regwayana rePaseka, ropa raJesu rakateurwa rinoita kuti vakawanda vaponeswe

[Mifananidzo iri papeji 22]

Zvibereko zvokutanga zvegoho rebhari zvaipiwa musi waNisani 16 zvaifananidzira kumutswa kwaJesu

[Mifananidzo iri papeji 23]

Zvingwa zviviri zvaipiwa paPendekosti zvaifanofananidzira ungano yevaKristu vakazodzwa

[Mifananidzo iri papeji 24]

Mutambo Wematumba waifananidzira kuunganidzwa kwevakazodzwa kwaifadza uye kwe“boka guru revanhu” vanobva mumarudzi ose