Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanorayiridzwa Zvinobaya Mwoyo

Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanorayiridzwa Zvinobaya Mwoyo

Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanorayiridzwa Zvinobaya Mwoyo

MUSI waSeptember 9, 2006, purogiramu yokupedza kudzidza yekirasi yechi121 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi yakaitirwa paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York. Purogiramu yacho yaikurudzira zvikuru.

Geoffrey Jackson, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akatanga purogiramu yacho nokuchingamidza vakanga vapedza kudzidza 56 uye vanhu 6 366 vakanga vabva kunyika dzakasiyana-siyana. Akataura mashoko ePisarema 86:11, anoti: “Haiwa Jehovha, ndirayiridzei pamusoro penzira yenyu. Ndichafamba muchokwadi chenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.” Hama Jackson vakataura zvinhu zvitatu zvinotaurwa mundima iyoyo. Vakati: “Mutsetse wokutanga unotaura nezvomurayiridzo; wechipiri, nezvokuushandisa; uye wechitatu, nezvokukurudzira. Zvinhu zvitatu izvi zvinonyanya kukosha kwamuri imi mamishinari sezvamuchaenda kwamuchanzi munoshanda.” Zvadaro vakasuma hurukuro dzaitevedzana uye kubvunzurudza kwaitaura nezvezvinhu zvacho zvose zviri zvitatu.

Mashoko Okurayiridza Anokurudzira

William Malenfant, anoshanda padzimbahwe, akakurukura musoro unoti “Upenyu Hwakanaka Kwazvo Hwaungararama.” Akataura nezvomuenzaniso waMariya, munun’una waMarita. Pane imwe nguva Jesu paakashanyira musha wavo, Mariya akasarudza kugara patsoka dzake kuti amuteerere, nokuti ndizvo zvaaikoshesa. Jesu akaudza Marita kuti: “Mariya, asarudza mugove wakanaka, uye haazoutorerwi.” (Ruka 10:38-42) “Chimbofungai nezvazvo,” akadaro mukurukuri wacho. “Mariya achagara achingoyeuka kuti akambogara patsoka dzaJesu achiteerera chokwadi chakaisvonaka chezvokunamata vari vaviri—nemhaka yokuti akasarudza zvakanaka.” Arumbidza vadzidzi nokuda kwokusarudza zvakanaka zvine chokuita nokunamata, akati: “Zvamakasarudza zvaita kuti muve noupenyu hwakanaka kwazvo.”

Anthony Morris, nhengo yeDare Rinodzora, akazokurukura musoro waiti “Pfekai Ishe Jesu Kristu,” waibva pana VaRoma 13:14. Tingazviita sei? Hama Morris vakati kupfeka Ishe Jesu Kristu kunosanganisira kutevedzera tsika dzake. Saka izvi zvinoreva kutevedzera muenzaniso waJesu uye unhu hwake. “Jesu aiita kuti vanhu vanzwe vakasununguka pavaiva naye,” akadaro mukurukuri wacho, “nokuti aivafarira zvechokwadi, uye ivo vaizviona.” Zvadaro mukurukuri wacho akakurukura kuti vadzidzi vakanga vawana sei zivo yakawanda muzvidzidzo zvavo zveGiriyedhi ‘kuitira kuti vanzwisise kuti kufara nokureba nokukwirira nokudzika kwechokwadi chii,’ sezvinotaurwa pana VaEfeso 3:18. Asi akavayeuchidza nezvendima 19, inoti: “Uye kuti muzive rudo rwaKristu runopfuura zivo.” Hama Morris vakakurudzira vadzidzi vacho kuti: “Sezvamucharamba muchidzidza muri moga, fungisisai kuti mungatevedzera sei kunzwira tsitsi kworudo kwaKristu ‘monyatsopfeka Ishe Jesu Kristu.’”

Mazano Okuonekana Kubva Kuvarayiridzi veGiriyedhi

Hurukuro yakatevera yakapiwa nomurayiridzi weGiriyedhi anonzi Wallace Liverance, yaiva nomusoro waibva pana Zvirevo 4:7. Vakati kunyange zvazvo uchenjeri hwaMwari huri ihwo hunonyanya kukosha, tinofanirawo ku“wana kunzwisisa,” kunosanganisira kubatanidza mashoko akasiyana-siyana uye kuona kuti anobatana sei kuitira kuti tinzwisise nyaya yacho. Mukurukuri wacho akaratidza kuti kuwana kunzwisisa kunoita kuti tifare. Somuenzaniso, munguva yaNehemiya, vaRevhi “vakanga vachitsanangurira vanhu mutemo” uye “vachiita kuti zvaiverengwa zvacho zvinzwisisike.” Pashure paizvozvo, vanhu vakaramba vachi“fara kwazvo, nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakanga vaziviswa.” (Nehemiya 8:7, 8, 12) Hama Liverance vakagumisa vachiti: “Kunzwisisa Shoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu kunoita kuti tifare.”

Mark Noumair, mumwe murayiridzi weGiriyedhi, akakurukura musoro waiti: “Muvengi Wako Chaiye Ndiani?” Muhondo, varwi vakawanda vanourayiwa nemabara anobva kune vamwe vavo vanenge vasina kuvapfura nemaune. “Zvakadini nehondo yezvokunamata yatiri mairi?” akabvunza kudaro. “Kana tikasangwarira, tingavhiringika kuti muvengi wedu chaiye ndiani tokuvadza mauto edu.” Godo ringavhiringidza vamwe. Rakaita kuti Mambo Sauro aedze kuuraya Dhavhidhi waainamata naye, asi chokwadi ndechokuti vaFiristiya ndivo vaiva vavengi. (1 Samueri 18:7-9; 23:27, 28) Zvadaro, mukurukuri wacho akaenderera mberi achiti: “Zvakadini kana uchishanda nomumishinari anogona zvakawanda? Uchakuvadza murwi wokudivi rako nemashoko okutsoropodza, kana kuti uchabvuma kuti vamwe vanokupfuura munzira dzakasiyana-siyana here?” Kusashivirira kukanganisa kwevamwe kungativhiringidza totadza kuziva kuti muvengi wedu chaiye ndiani. Rwisa muvengi chaiye, Satani.”

Zviitiko Zvinonakidza uye Kubvunzurudza Kunobatsira

Hurukuro yaitevera yaiti, “Ita Basa Romuevhangeri,” yakakurukurwa nomurayiridzi weGiriyedhi Lawrence Bowen uye yaisanganisira kubvunzurudza nezvakaitika. Basa guru romumishinari akadzidziswa kuGiriyedhi nderokuparadzira mashoko akanaka, uye kirasi ino yakaparidza kwose kwayaiwana vanhu.” Zvimwe zvakaitika zvinonakidza zvakadzokororwa semaitikiro azvo.

Hurukuro mbiri dzakazokurukurwa papurogiramu yacho dzakataurwa naMichael Burnett uye Scott Shoffner, vose vari nhengo dzemhuri yeBheteri. Vakabvunzurudza nhengo dzeDare Rebazi dzokuAustralia, Barbados, Korea, uye Uganda. Zvakataurwa nehama dziri mumatare aya zvakaratidza kuti pane zvakawanda zvinoitwa kuti dzitarisire zvinodiwa nemamishinari, kusanganisira kuvapa pokugara pakakodzera uye kutarisira utano hwavo. Nhengo dzematare emapazi idzi dzakataura kuti mamishinari anobudirira ndeaya anoda kuchinja kuti aite zvinoenderana nezvinoitwa munyika iyoyo.

Nguva Inokurudzira uye Inobaya Mwoyo

Hurukuro inokosha yepurogiramu yacho yaiti “Ityai Mwari Mumukudze,” yakataurwa naJohn E. Barr, ave nenguva refu ari muDare Rinodzora. Akakurukura Zvakazarurwa 14:6, 7, inoti: “Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga iine mashoko akanaka asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika, nokumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu, ichiti nenzwi guru: ‘Ityai Mwari mumukudze, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.’”

Hama Barr vakakurudzira vadzidzi vacho kuti vayeuke zvinhu zvitatu zvine chokuita nengirozi iyoyo. Kutanga, yaifanira kuzivisa mashoko akanaka asingaperi okuti iye zvino Kristu ari kutonga zvizere nesimba roUmambo. Mukurukuri wacho akati: “Tine chokwadi chokuti akagadzwa muna 1914. Saka aya mashoko anofadza anofanira kuziviswa munyika yose.” Chechipiri, ngirozi yacho yakati: “Ityai Mwari.” Mukurukuri wacho akatsanangura kuti vakapedza kudzidza vanofanira kubatsira vanhu vavanodzidza navo Bhaibheri kuti vatye Mwari kuitira kuti vasaita chero chinhu chipi zvacho chisingamufadzi. Chechitatu, ngirozi yacho yakarayira kuti: ‘Kudzai Mwari.’ Vadzidzi vakakurudzirwa kuti, “Musambokanganwa kuti tinoshumira Mwari kuti akudzwe, kwete kuti isu tikudzwe.” Zvadaro, pavaikurukura nezve“awa yokutonga,” Hama Barr vakati: “Kwangosara nguva shoma kuti kutonga kwokupedzisira kuitwe. Vakawanda vari mundima dzedu vachiri kuda kunzwa mashoko akanaka nguva isati yapera.”

Vachiri kuyeuka mashoko aya, vadzidzi 56 vacho vakapiwa zvitupa zvavo uye vakatumwa kumigumo yenyika. Vakapedza kudzidza pamwe chete nevamwe vaiva vakateerera vakabayiwa mwoyo chaizvo nemazano anokurudzira avakawana zuva iroro raifadza.

[Bhokisi riri papeji 17]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 6

Nyika dzavakatumirwa: 25

Vadzidzi: 56

Avhareji yezera: 35,1

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 18,3

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13,9

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kirasi Yechi121 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Fox, Y.; Kunicki, D.; Wilkinson, S.; Kawamoto, S.; Consolandi, G.; Mayen, C. (2) Santiago, N.; Clancy, R.; Fischer, M.; de Abreu, L.; Davis, E. (3) Hwang, J.; Hoffman, D.; Wridgway, L.; Ibrahim, J.; Dabelstein, A.; Bakabak, M. (4)Peters, M.; Jones, C.; Ford, S.; Parra, S.; Rothrock, D.; Tatlot, M.; Perez, E. (5) de Abreu, F.; Kawamoto, S.; Ives, S.; Burdo, J.; Hwang, J.; Wilkinson, D. (6) Fox, A.; Bakabak, J.; Cichowski, P.; Forier, C.; Mayen, S.; Consolandi, E.; Wridgway, W. (7)Parra, B; Perez, B.; Tatlot, P.; Santiago, M.; Ibrahim, Y.; Kunicki, C. (8) Burdo, C.; Cichowski, B.; Ives, K.; Ford, A.; Rothrock, J.; Hoffman, D.; Davis, M. (9) Peters, C.; Dabelstein, C.; Jones, K.; Clancy, S.; Fischer, J.; Forier, S.