Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Ubudirire

Zvaungaita Kuti Ubudirire

Zvaungaita Kuti Ubudirire

BABA vedu vokudenga vane hanya nesu uye vanoda kuti tibudirire, sezvinongoita vabereki vane hanya nevana vavo uye vanoda kuti vabudirire. Kuratidza kuti vane hanya nesu, vanotaura zvakawanda nezvokubudirira uye kukundikana. Kutaura zvazviri, nezvomunhu anoteerera zvinotaura Mwari, Bhaibheri rinotaura mashoko aya richitivimbisa kuti: “Zvose zvaanoita zvichabudirira.”—Pisarema 1:3.

Kana zvakadaro, nei vanhu vakawanda vasingabudiriri muupenyu, vasingafari, uye vasingagutsikani? Tichawana mhinduro uye tichaona kuti isuwo tingabudirira sei kana tikanyatsoongorora pisarema iri.

“Zano Revakaipa”

Munyori wepisarema anonyevera nezvengozi yokufamba “maererano nezano revakaipa.” (Pisarema 1:1) “Akaipa” mukuru ndiSatani Dhiyabhorosi. (Mateu 6:13) Magwaro anotiudza kuti ndiye “mutongi wenyika ino” uye kuti “nyika yose iri musimba reakaipa.” (Johani 16:11; 1 Johani 5:19) Saka hazvishamisi kuti mazano akawanda ari munyika anoratidza mafungiro omunhu iyeye akaipa.

Vakaipa vanopa mazano orudzii? Kazhinji, vanhu vakaipa havaremekedzi Mwari. (Pisarema 10:13) Mazano avo asingatsigiri kana kuti asingaremekedzi zvinodiwa naMwari tinoawana kwose kwose. Nyika yanhasi inotsigira “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Johani 2:16) Zvinobudisa nhau zvinopa pfungwa yokuti “wana zvose zvaunokwanisa muupenyu.” Munyika yose, makambani anopedza mabhiriyoni anopfuura 500 emari yokuAmerica pagore achishambadzira kuti anyengetedze vanhu kutenga zvaanogadzira—vangave vachizvida kana kuti vasingazvidi. Uye kushambadzira uku hakuna kungochinja matengero anoita vanhu. Kwakavhiringidza maonero anoita nyika kubudirira.

Somugumisiro, kunyange zvazvo vakawanda vava nezvinhu zvavaingoita zvokufungidzira kuti vaizova nazvo makore akawanda apfuura, vachiri kuda zvimwe zvinhu zvakawanda. Vanoona sokuti haungafari uye haungabudiriri kana usina zvinhu izvozvo. Mafungiro aya haana kururama uye ‘haabvi kuna Baba, asi anobva munyika.’—1 Johani 2:16.

Musiki wedu anoziva zvichaita kuti tibudirire zvechokwadi. Zano rake rinosiyana “nezano revakaipa.” Naizvozvo, kuedza kukomborerwa naMwari iwe uchifamba munzira yenyika yokubudirira kwakafanana nokuedza kufamba munzira mbiri panguva imwe chete. Hazviiti. Ndokusaka Bhaibheri richinyevera kuti: “Musaita zvinoenderana netsika dzenyika ino”!—VaRoma 12:2, Today’s English Version.

Usaita Kuti Nyika Ikuumbe

Nyika inotongwa naSatani inoedza kuita seinotifarira. Zvisinei, tinofanira kungwarira. Yeuka kuti nenzira youdyire Satani akanyengedza mukadzi wokutanga Evha kuti aite zvaaida iye Satani. Zvadaro akamushandisa kuti afurire Adhamu kuti atadzewo. Mazuva ano Satani anoshandisawo vanhu kuti ataure mazano ake akaipa.

Somuenzaniso, David, ambotaurwa munyaya yapfuura, aitarisirwa kushanda mamwezve maawa pashure pebasa rake uye kugara achienda kune dzimwe nzvimbo nebasa. “Ndaibva pamba uri Muvhuro mangwanani-ngwanani ndozodzoka China manheru,” akadaro David. Shamwari dzechokwadi, vomumhuri, uye vaaishanda navo vaikurudzira David kuti: “Shandira mhuri yako,” vachinzwisisa kuti aifanira kuzvipira nenzira iyoyo kuti abudirire munyika. Vaiti aifanira kushanda saizvozvo kwemakore mashomanana chete kusvikira agadzikana. David akatsanangura kuti: “Vakati izvi zvaizova nani nokuda kwemhuri yangu nokuti zvaizoita kuti ndiuye nemari yakawanda kumba—ndaigona kubudirira zvikuru. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingagari nemhuri yangu, shamwari dzangu dzakaita kuti ndibvume kuti ndakanga ndiri kuitira mhuri yangu zvakawanda.” SaDavid, vakawanda vari kushanda nesimba kuti vape mhuri dzavo zvose zvavanofunga kuti dzinoda. Asi kutevera zano rorudzi urwu kunoita kuti munhu abudirire here? Mhuri inombonyatsodei chaizvo?

David akazoziva zvaidiwa nemhuri yake paakanga aenda kune imwe nzvimbo nebasa. “Ndaitaura parunhare nomwanasikana wangu Angelica, uyo akati: ‘Baba, nei musingadi kugara nesu pamba?’ Zvakandishungurudza,” akadaro David. Zvakataurwa nomwanasikana wake zvakasimbisa chido chake chokukumbira kuti arege basa. David akasarudza kupa mhuri yake zvayaida chaizvo—iye wacho.

Kushandisa Zano raMwari Kunoita Kuti Tibudirire

Ungaita sei kuti usakanganiswa nemashoko anotsausa akazara munyika ino? Munyori wepisarema anotiudza kuti munhu anobudirira uye anofara ndouya “anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku.”—Pisarema 1:2.

Mwari paakagadza Joshua kuti ave mutungamiriri worudzi rwaIsraeri, akamuudza kuti: “Unofanira kuriverenga [Shoko raMwari] nenzwi riri pasi masikati nousiku.” Chokwadi, kuverenga uye kufungisisa Shoko raMwari kwaikosha, asi Joshua aifanirawo ‘kuchenjerera kuita maererano nezvose zvaiva zvakanyorwa mariri.’ Chokwadi, kungoverenga Bhaibheri hakuiti kuti ungoerekana wabudirira. Unofanira kuita zvaunenge waverenga. Joshua akaudzwa kuti: “Kana ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera.”—Joshua 1:8.

Fungidzira mwana ari kunyemwerera akagara pagumbo romubereki ane rudo vachiverenga nyaya yaanofarira. Pasinei nokuti vakamboverenga nyaya yacho kakawanda sei, vanokoshesa nguva dzakadaro. Saizvozvowo, munhu anoda Mwari anonakidzwa nokuverenga Bhaibheri zuva nezuva—nguva inofadza yaanopedza aina Baba vake vokudenga. Nokutevera zano raJehovha uye kubvuma kutungamirirwa naye, munhu akadaro anova “somuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, unobereka michero yawo mumwaka wawo uye une mashizha asingasvavi, uye zvose zvaanoita zvichabudirira.”—Pisarema 1:3.

Muti unorondedzerwa nomunyori wepisarema haungoerekani wamera. Unodyarwa nokungwarira pedyo nemvura uye unotarisirwa nomurimi. Saizvozvowo, Baba vedu vokudenga vanogadzirisa uye vanoruramisa mafungiro edu vachishandisa zano rinowanikwa muMagwaro. Somugumisiro, tinokura uye tinobereka zvibereko zvinoenderana nezano raMwari.

Zvisinei, “vakaipa havana kudaro.” Chokwadi, zvingaita sokuti vanombobudirira, asi pakupedzisira vanova nomugumisiro wakaipa. Hava“zomiri pakutongwa.” Pane kudaro, “nzira yevakaipa ichaparara.”—Pisarema 1:4-6.

Saka usaita kuti nyika iumbe zvinangwa zvako nezvaunokoshesa. Kunyange zvazvo ungava nounyanzvi uye uchikwanisa kubudirira munyika ino, ngwarira kuti unoshandisa sei unyanzvi hwako kana kuti unorega nyika ichihushandisa sei. Zvinotsvakwa nenyika zvisingabatsiri, zvokunyanya kuda pfuma, zvingaita kuti munhu ‘asvave.’ Asiwo, kuva noukama hwakanaka naMwari kunoita kuti ubudirire zvechokwadi uye ufare.

Ungabudirira Sei

Kana munhu akatevera zano raMwari, nei zvose zvaanoita zvichizobudirira? Munyori wepisarema akanga asiri kutaura nezvokubudirira munyika ino. Kubudirira kwomunhu waMwari kune chokuita nokuita kwake zvinodiwa naMwari—uye nguva dzose zvinodiwa naMwari zvinobudirira. Ngationei kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kungaita sei kuti ubudirire.

Mhuri: Magwaro anorayira varume kuti vanofanira “kuda madzimai avo semiviri yavo,” uye mukadzi wechiKristu anorayirwa kuti “anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:28, 33) Vabereki vanokurudzirwa kuti vapedze nguva yakawanda nevana vavo, vaseke navo, uye kuti vavadzidzise zvinhu zvinokosha muupenyu. (Dheuteronomio 6:6, 7; Muparidzi 3:4) Shoko raMwari rinopawo vabereki zano rokuti: “Musatsamwisa vana venyu.” Zano iri parinoshandiswa, zviri nyore kuti vana ‘vateerere vabereki vavo’ uye ‘vakudze baba vavo naamai vavo.’ (VaEfeso 6:1-4) Kutevera zano raMwari iri kungaita kuti upenyu hwemhuri hugume hwabudirira.

Shamwari: Vanhu vakawanda vanoda shamwari. Tinogona kuda vamwe vanhu uye tinodawo kudiwa. Jesu akaudza vateveri vake kuti ‘vadanane.’ (Johani 13:34, 35) Pavateveri vaJesu tinowana shamwari dzatingada uye dzatingavimba nadzo—dzatingatoudza zviri mumwoyo yedu uye manzwiro atinoita. (Zvirevo 18:24) Kupfuura zvose, kana tikaita zvinotaurwa neBhaibheri, tinogona ‘kuswedera pedyo naMwari’ uye kufanana naAbrahamu, tinogona kunzi “shamwari yaJehovha.”—Jakobho 2:23; 4:8.

Chinangwa Choupenyu: Pane kungorarama zuva nezuva vasina chinangwa, vaya vanobudirira zvechokwadi vanoziva zvinorehwa noupenyu uye chinangwa chahwo. Upenyu hwavo hahuna kuvakirwa pamamiriro ezvinhu epanguva ino asina kugadzikana. Zvinangwa zvavo zvinoita kuti vagutsikane zvechokwadi uye nokusingaperi, zvazvakavakirwa pachinangwa chaicho choupenyu. Chii chinoita kuti munhu ave nechinangwa muupenyu? “Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.”—Muparidzi 12:13.

Tariro: Kuita kuti Mwari ave Shamwari yedu kunotipawo tariro yeramangwana. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu “kuti vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari.” Nenzira iyi, vanenge “vachizvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:17-19) Upenyu chaihwo uhwu huchauya munguva pfupi iri kuuya Umambo hwaMwari hwokudenga pahuchaita kuti nyika ino ive Paradhiso zvakare.—Ruka 23:43.

Hazvirevi kuti kana ukaita zvinotaura Bhaibheri hauzovi nematambudziko, asi uchadzivisa kurwadziwa nokushungurudzwa uko vakaipa vanozviunzira. David, ambotaurwa pakutanga, nemamiriyoni akaita saiye vakaziva kukosha kwokushandisa zvinotaura Bhaibheri muupenyu hwavo. Awana rimwe basa raiva nepurogiramu yakakodzera, David akati: “Ndinofara noukama hwandiinahwo nomudzimai wangu nevana uyewo ndinoonga ropafadzo yokukwanisa kushumira Jehovha Mwari somukuru muungano.” Ndokusaka pisarema richiti nezvomunhu anoteerera zano raMwari: “Zvose zvaanoita zvichabudirira”!

[Chati iri papeji 6]

MATANHO MASHANU OKUTI UBUDIRIRE

1 Ramba kuumbwa nezvinhu zvinokosheswa nenyika ino.

Pisarema 1:1; VaRoma 12:2

2 Verenga uye fungisisa Shoko raMwari zuva nezuva.

Pisarema 1:2, 3

3 Shandisa zano reBhaibheri muupenyu hwako.

Joshua 1:7-9

4 Ita kuti Mwari ave shamwari yako.

Jakobho 2:23; 4:8

5 Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake.

Muparidzi 12:13

[Mifananidzo iri papeji 7]

Uri kushandisa matanho aya okuti ubudirire here?