Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsira Vamwe Kuti Vateerere Zvinodzidzisa Bhaibheri

Batsira Vamwe Kuti Vateerere Zvinodzidzisa Bhaibheri

Batsira Vamwe Kuti Vateerere Zvinodzidzisa Bhaibheri

“Kana iri iya yepaivhu rakanaka, iyi ndivo vaya vanoti, pashure pokunzwa shoko nomwoyo wakarurama uye wakanaka, vanorichengeta, vobereka zvibereko nokutsungirira.”—RUKA 8:15.

1, 2. (a) Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakagadzirirwa chii? (b) Mumakore achangopfuura, Jehovha akakomborera sei zviri kuitwa nevanhu vake pakuita kuti vanhu vave vadzidzi?

“BHUKU racho rakazonaka. Vandinodzidza navo vanorida. Ndinorida. Bhuku racho rinoita kuti zvikwanisike kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pasuo ravo chaipo.” Akadaro mumwe mushumiri piyona wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha nezvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? * Achitaura nezvebhuku irori, mumwe muzivisi woUmambo akura akati: “Ndakava neropafadzo yokubatsira vanhu vakawanda kuti vasvike pakuziva Jehovha mumakore 50 andave ndichishingaira muushumiri. Asi ndinofanira kutaura kuti bhuku iri rakasiyana nemamwe ose. Mifananidzo yaro inokwezva nemienzaniso yaro zvinofadza.” Ndiwo manzwire aunoita here nezvebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Bhuku iri rokushandisa pakudzidza rakagadzirwa kuti rikubatsire kuzadzisa murayiro waJesu wokuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

2 Hapana mubvunzo kuti mwoyo waJehovha uri kufara paari kuona Zvapupu zvake zvinenge mamiriyoni 6,6 zvichiteerera nechido murayiro waJesu wokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Zvirevo 27:11) Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera zvavari kuita. Somuenzaniso, muna 2005, mashoko akanaka akaparidzwa munyika 235, uye paavhareji vanhu vanopfuura 6 061 500 vaidzidziswa Bhaibheri. Somugumisiro, vanhu vakawanda ‘vakanzwa shoko raMwari ndokurigamuchira kwete seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.’ (1 VaTesaronika 2:13) Mumakore maviri apfuura, vadzidzi vatsva vanodarika hafu yemiriyoni vakachinja upenyu hwavo kuti huenderane nezvinodiwa naJehovha ndokuzvitsaurira kuna Mwari.

3. Mibvunzo ipi ine chokuita nokushandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? ichaongororwa munyaya ino?

3 Munguva ichangopfuura wakawana mufaro wokudzidza Bhaibheri nomumwe munhu here? Munyika yose, muchine vanhu vane “mwoyo wakarurama uye wakanaka” vanoti kana vanzwa shoko raMwari “vanorichengeta, vobereka zvibereko nokutsungirira.” (Ruka 8:11-15) Ngatikurukurei kushandisa kwaungaita bhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? mubasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Pane zvatichakurukura tichaongorora mibvunzo mitatu iyi: (1) Ungatanga sei kudzidza Bhaibheri nomunhu? (2) Inzira dzipi dzokudzidzisa dzinonyatsobudirira? (3) Ungabatsira sei munhu kuti asangova mudzidzi asiwo mudzidzisi weShoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri?

Matangiro Aungaita Kudzidza Bhaibheri Nomunhu

4. Nei vamwe vangazeza kudzidza Bhaibheri, uye ungavabatsira sei kuti vasazeze?

4 Kudai waizokumbirwa kuyambuka rwizi rwakakura uchiita zvokusvetuka kamwe chete ungaramba chikumbiro chacho. Asi kana pakaiswa matombo okudanha nawo murwizi rwacho, ungangonzwa uchida kuedza kuyambuka. Saizvozvowo, munhu akawandirwa angazeza kudzidza Bhaibheri. Saimba angafunga kuti pane nguva yakawanda zvikuru inodiwa uye pane zvaanotarisirwa kuti aite pakuridzidza. Ungamubatsira sei kuti asazeze? Nokuitisa zvidzidzo zvipfupi, zvinobatsira, ungashandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kuti munhu adzidze nguva dzose Shoko raMwari. Kana ukanyatsogadzirira, paunodzoka pose zvichaita sokuti ndiro danho rake rokuti ave noushamwari naJehovha.

5. Nei uchifanira kuverenga bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

5 Zvisinei, usati wabatsira mumwe munhu kuti abatsirwe nebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?, unofanira kunyatsoriziva. Wakaverenga bhuku iri kubva kwarinotangira kusvika kwarinoperera here? Mumwe murume nomudzimai wake vakatakura bhuku racho pavaiva pazororo ndokutanga kuriverenga pavainge vakazorora zvavo pamhenderekedzo yegungwa. Mumwe mukadzi aitengesa zvinhu kuvafambi paakaenda pavaive, akaona musoro waiti Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Akaudza vaviri vacho kuti maawa mashomanana akanga apfuura, akanga anyengetera nezvomubvunzo iwoyo chaiwo, achikumbira Mwari kuti amupindure. Vaviri vacho vakafara kupa mukadzi wacho bhuku iri. ‘Wakatenga nguva’ yokuverenga bhuku iri here, zvichida kechipiri, uchimirira kuita chimwe chinhu kana paunenge uchimbozorora kubasa kana kuti kuchikoro? (VaEfeso 5:15, 16) Kana ukadaro, uchaziva bhuku iri rinobatsira pakudzidza Bhaibheri uye ungaita kuti pave nemikana yokuudza vamwe zviri mariri.

6, 7. Ungashandisa sei bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu?

6 Paunenge uchigovera bhuku racho muushumiri, shandisa zvakanaka mienzaniso yaro, magwaro, uye mibvunzo iri papeji 4, 5, ne6. Somuenzaniso, ungatanga kukurukura nokubvunza kuti, “Nezvinetso zvose zviri kusangana nevanhu nhasi, chii chamunofunga kuti ndicho chingatitungamirira zvakavimbika?” Wanyatsoteerera zvinopindurwa nomunhu wacho, verenga 2 Timoti 3:16, 17, uye tsanangura kuti Bhaibheri rinoratidza chaicho chichagadzirisa zvinetso zvevanhu. Wadaro, ratidza saimba mapeji 4, ne5 wobvunza kuti, “Pane zviri kuratidzwa pamifananidzo iri pamapeji aya, ndezvipi zvinonyanya kukudyai mwoyo?” Saimba wacho paanonongedza chimwe chete, ita kuti abate bhuku racho uchimuverengera rugwaro ruripo pamufananidzo wacho muBhaibheri rako. Wadaro, verenga mashoko ari papeji 6, uye bvunza saimba kuti, “Pamibvunzo mitanhatu yataurwa pasi papeji iyi, ndoupi wamunoda kuti upindurwe?” Munhu wacho akasarudza mumwe chete, muratidze chitsauko chinopindura mubvunzo wacho, musiyire bhuku racho, uye ronga kuti uzodzokazve mozokurukura mubvunzo wacho.

7 Mharidzo ichangobva kutaurwa ingatora maminitsi anenge mashanu. Zvisinei, mumaminitsi mashomanana iwayo, unenge waziva zviri kunetsa saimba, waverenga nokushandisa magwaro maviri, uye wasiya pokutangira kuti uzodzokazve. Kukurukura kwako muchidimbu nasaimba kungatova chinhu chinokurudzira uye chinonyaradza kwazvo chaanga asati ambova nacho kwenguva refu. Somugumisiro, kunyange munhu akawandirwa angangoda kutarisira mberi kupedza maminitsi mashomanana newe sezvaunomubatsira kutora danho rake rokupinda ‘mumugwagwa unotungamirira kuupenyu.’ (Mateu 7:14) Nokufamba kwenguva, saimba wacho paanowedzera kufarira, nguva yechidzidzo inogona kuwedzerwa. Izvi zvingaitwa nokumukumbira kuti mugare pasi modzidza kwenguva yakati rebei yamunenge mabvumirana.

Nzira Dzokudzidzisa Dzinonyatsobudirira

8, 9. (a) Ungagadzirira sei mudzidzi wako weBhaibheri kuti akunde zvipingamupinyi nemiedzo yaangangosangana nayo? (b) Zvinhu zvisingatsvi nomoto zvokuvakisa kutenda kwakasimba zvingawanika kupi?

8 Kana munhu angotanga kuteerera zvinodzidziswa neBhaibheri, zvichida achasangana nezvipingamupinyi zvingamuvhiringidza kuti afambire mberi. Muapostora Pauro akati: “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Pauro akafananidza miedzo nomoto unoparadza zvinhu zvokuvakisa zvisingakoshi uchisiya zvinhu zvakadai sendarama, sirivha, uye matombo anokosha zvisina kuparadzwa. (1 VaKorinde 3:10-13; 1 Petro 1:6, 7) Kuti ubatsire mudzidzi wako weBhaibheri kuva nounhu hunodiwa kuti akunde miedzo yaangasangana nayo, unofanira kumubatsira nokuvaka nezvinhu zvisingatsvi nomoto.

9 Munyori wepisarema anofananidza “mashoko aJehovha” ne“sirivha yakanatswa muvira rokunyungudutsira repanyika, yakacheneswa kanomwe.” (Pisarema 12:6) Zvechokwadi, Bhaibheri rine zvinhu zvose zvinokosha zvinogona kushandiswa kuvaka kutenda kwakasimba. (Pisarema 19:7-11; Zvirevo 2:1-6) Uye bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? rinoratidza kuti tingabudirira sei pakushandisa Magwaro.

10. Ungaita sei kuti mudzidzi afunge nezveBhaibheri?

10 Pamunenge muchidzidza, ita kuti mudzidzi afunge nezvemagwaro ari muchitsauko chimwe nechimwe chinenge chichikurukurwa. Shandisa mibvunzo kuti ubatsire mudzidzi wacho kunzwisisa ndima huru dzeBhaibheri uye kuti angadzishandisa sei. Chenjerera kuti usamuudza zvokuita. Asi, tevedzera muenzaniso waJesu. Murume aiziva Mutemo paakamubvunza, Jesu akapindura kuti: “MuMutemo makanyorwei? Unoverenga sei?” Murume wacho akapindura zvaiva muMagwaro, uye Jesu akamubatsira kuona kuti angashandisa sei mashoko acho. Achipa mufananidzo, Jesu akabatsirawo murume wacho kuona kuti izvi zvaifanira kumukurudzira kuti aite sei. (Ruka 10:25-37) Bhaibheri Rinombodzidzisei? rakazara nemifananidzo iri nyore yaunogona kushandisa kubatsira mudzidzi kuti ashandise mashoko anobva muMagwaro.

11. Munofanira kukurukura mashoko akawanda sei pachidzidzo chimwe nechimwe?

11 Sezvaiita Jesu kuti aitaura pfungwa dzakaoma nemashoko ari nyore, bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? rinoshandisa mutauro uri nyore, wakananga kutsanangura Shoko raMwari. (Mateu 7:28, 29) Tevedzera muenzaniso wake. Taura mashoko acho nenzira iri nyore, yakajeka, uye yakarurama. Usamhanya pakudzidza. Pane kudaro ita kuti mamiriro ezvinhu uye mano omudzidzi ateme kuti muchakurukura ndima ngani pose pamunodzidza. Jesu aiziva zvakanga zvisingakwaniswi nevadzidzi vake uye haana kuvaremedza nemashoko akawanda kupfuura avaida panguva yacho.—Johani 16:12.

12. Apendikisi inofanira kushandiswa sei?

12 Bhaibheri Rinombodzidzisei? rine apendikisi ine misoro 14. Zvichienderana nezvinodiwa nomudzidzi wacho, iwe somurayiridzi wake unofanira kukwanisa kuziva kuti mashoko aya angashandiswa sei zvakanaka. Somuenzaniso, kana mudzidzi achiomerwa nokunzwisisa imwe nyaya kana kuti aine mibvunzo yenyaya dzakananga nemhaka yezvaaimbodavira, zvingava zvakakwana kumuratidza chikamu chakakodzera cheapendikisi woita kuti azviverengere nyaya yacho. Asiwo, zvichienderana nezvinodiwa nomudzidzi wacho, zvingada kuti ukurukure naye mashoko acho. Apendikisi yacho ine nyaya dzomuMagwaro dzinokosha dzakadai sokuti “‘Mweya’ uye ‘Mudzimu’—Mashoko Aya Anomborevei Chaizvo?” uye “Kuziva ‘Bhabhironi Guru.’” Ungada kukurukura misoro iyi nomunhu waunodzidza naye. Sezvo pasina mibvunzo panyaya dzinokurukurwa dziri kuapendikisi, unofanira kuziva mashoko acho kuti ukwanise kuzoumba mibvunzo ine musoro.

13. Munyengetero unoita basa rei pakusimbisa kutenda?

13 Pisarema 127:1 inoti: “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshanda zvakaoma vachishandira pasina.” Saka sezvaunogadzirira kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Ita kuti minyengetero yaunonyengetera pakutanga uye paunopedza kudzidza iratidze kuti une ukama hwapedyo naJehovha. Kurudzira mudzidzi kuti anyengeterere uchenjeri hwaJehovha kuti anzwisise Shoko Rake uye ave nesimba rokushandisa zvarinotaura. (Jakobho 1:5) Kana akadaro, mudzidzi wacho achasimbiswa kuti atsungirire miedzo uye acharamba achiwedzera kusimba pakutenda.

Batsira Vadzidzi veBhaibheri Kuti Vave Vadzidzisi

14. Vadzidzi veBhaibheri vanofanira kufambira mberi zvakadini?

14 Kana vatinodzidza navo Bhaibheri vachizoteerera “zvinhu zvose” izvo Jesu akarayira vadzidzi vake, vanofanira kufambira mberi kubva pakuva vadzidzi veShoko raMwari kusvika pakuva vadzidzisi varo. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 1:6-8) Ungaitei kuti ubatsire mudzidzi kuti afambire mberi pakunamata saizvozvo?

15. Nei uchifanira kukurudzira munhu waunodzidza naye Bhaibheri kuti apinde misangano yechiKristu?

15 Kubvira pachidzidzo chokutanga, koka mudzidzi kuti apinde misangano yeungano newe. Mutsanangurire kuti kumisangano ndiko kwaunodzidziswa kuva mudzidzisi weShoko raMwari. Kwemavhiki anoverengeka, pose pamunopedza kudzidza Bhaibheri shandisa maminitsi mashomanana kutsanangura purogiramu yomurayiridzo wezvokunamata yaunowana pamisangano yakasiyana-siyana nemagungano. Taura nechido nezvokubatsirwa kwaunoitwa nemisangano iyi. (VaHebheru 10:24, 25) Kana mudzidzi angotanga kupinda misangano nguva dzose, angangozova mudzidzisi weShoko raMwari.

16, 17. Mudzidzi weBhaibheri angazviitira zvinangwa zvei ozvizadzisa?

16 Batsira mudzidzi weBhaibheri kuti ave nezvinangwa zvaanogona kuzadzikisa. Somuenzaniso, mukurudzire kuudzawo shamwari kana kuti voukama zvaari kudzidza. Uyewo, taura naye kuti ave nechinangwa chokuverenga Bhaibheri rose zvaro. Kana ukamubatsira kuva nepurogiramu yokuverenga Bhaibheri nguva dzose, zvicharamba zvichimubatsira kunyange azobhabhatidzwa. Kuwedzera kune izvozvo, wadii kukumbira mudzidzi kuti ave nechinangwa chokuyeuka inenge ndima imwe chete yomuBhaibheri inopindura mubvunzo mukuru muchitsauko chimwe nechimwe chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Kana akadaro, achava “mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Timoti 2:15.

17 Pane kudzidzisa mudzidzi kungodzokorora magwaro kana kuti kungotaura pfungwa huru yorugwaro rwacho, mukurudzire kutsanangura kuti ndima dzeBhaibheri dzinoenderana sei nezviri kukurukurwa sezvaanenge achipindura vaya vanenge vachida kuziva chinoita kuti ave nokutenda. Kumbodzidzira kwenguva pfupi kungabatsira, iwe uchiita sokuti ndiwe hama yake kana kuti mushandi ari kumubvunza kuti atsanangure zvaanotenda. Mudzidzi wacho paanopindura, muratidze kuti angapindura sei “nounyoro noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:15.

18. Kana mudzidzi weBhaibheri anzi anokodzera kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, ndezvipi zvimwe zvaungamubatsira?

18 Nokufamba kwenguva, mudzidzi angakwanisa kuita basa romumunda. Muudze kuti kubvumirwa kuitawo basa iri iropafadzo. (2 VaKorinde 4:1, 7) Kana vakuru vangosarudza kuti mudzidzi anokodzera kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, mubatsire kugadzirira mharidzo iri nyore, zvadaro enda naye mubasa romumunda. Ramba uchishanda naye nguva dzose muushumiri hwepachena hwakasiyana-siyana, uye mudzidzise kuti angagadzirira sei uye angabudirira sei pakudzokerazve. Muenzaniso wako wakanaka uchamubatsira.—Ruka 6:40.

“Uchazviponesa Iwe Nevaya Vanokuteerera”

19, 20. Tinofanira kuva nechinangwa chei, uye nei?

19 Hapana mubvunzo kuti zvinoda kushanda nesimba kuti ubatsire munhu kuti ave “nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Zvisinei, muupenyu hazvisi zvakawanda zvinofadza zvingaenzaniswa nokubatsira mumwe munhu kuti ateerere zvinodzidziswa neBhaibheri. (1 VaTesaronika 2:19, 20) Kutaura zvazviri, tine ropafadzo ‘yokushanda pamwe chete naMwari’ mubasa iri rokudzidzisa riri kuitwa munyika yose!—1 VaKorinde 3:9.

20 Achishandisa Jesu Kristu nengirozi dzine simba, munguva pfupi Jehovha achaita kuti “vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu” vazvidavirire. (2 VaTesaronika 1:6-8) Upenyu huri pangozi. Unogona here kuva nechinangwa chokudzidza Bhaibheri pamusha nomunhu mumwe chete zvake uchishandisa bhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Sezvaunoita basa iri, une mukana woku“qzviponesa iwe nevaya vanokuteerera.” (1 Timoti 4:16) Iye zvino kupfuura kare, zvava zvokukurumidzira kuti tibatsire vamwe kuti vateerere zvinodzidzisa Bhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Wadzidzei?

• Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? rakagadzirirwei?

• Ungatanga sei kudzidza nevanhu Bhaibheri uchishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

• Inzira dzipi dzokudzidzisa dzinonyanya kushanda?

• Ungabatsira sei mudzidzi kuti ave mudzidzisi weShoko raMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Uri kushandisa bhuku iri zvakanaka here?

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kukurukura zvishomanana kungaita kuti munhu ave nehavi yokuda kuziva Bhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ungaitei kuti uratidze mudzidzi zvinotaura Bhaibheri?

[Mufananidzo uri papeji 30]

Batsira mudzidzi kuti afambire mberi