Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisa Chaizvo Zvinodzidziswa neBhaibheri

Dzidzisa Chaizvo Zvinodzidziswa neBhaibheri

Dzidzisa Chaizvo Zvinodzidziswa neBhaibheri

“Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa.”—MATEU 28:19, 20.

1. Chii chingataurwa nezvokuwanika kweBhaibheri?

SHOKO RAJEHOVHA, Bhaibheri Dzvene, nderimwe remabhuku ekare zvikuru uye rinoparadzirwa kwazvo munyika. Chinenge chikamu charo chakashandurirwa mumitauro inodarika 2 300. Vanhu vari panyika vanodarika 90 muzana vanaro mururimi rwavo.

2, 3. (a) Nei kuine kuvhiringidzika nezvezvinodzidziswa neBhaibheri? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

2 Mamiriyoni evanhu anoverenga ndima dzeBhaibheri zuva nezuva. Vamwe vakariverenga rose kakawanda. Mapoka ezvitendero anosvika zviuru anoti dzidziso dzawo dzinobva muBhaibheri, asi haabvumirani pane zvarinodzidzisa. Zvinotowedzera kuvhiringidza ndezvokuti nhengo dzechitendero chimwe chete hadzibvumirani zvachose. Vamwe vanoomerera kungano dzinotaurwa nezveBhaibheri, nezvekwarakabva, uye nezvokukosha kwaro. Vakawanda vanoriona sebhuku dzvene rinongoshandiswa mumhemberero dzetsika pakuita mhiko kana pakupika kuti utaure chokwadi mudare.

3 Chaizvoizvo, Bhaibheri rine shoko kana kuti mashoko aMwari ane simba nokuda kwevanhu. (VaHebheru 4:12) Saka seZvapupu zvaJehovha, tinoda kuti vanhu vazive zvinodzidziswa neBhaibheri. Tinofara kuita basa riya rakapa Jesu vateveri vake paakati: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa.” (Mateu 28:19, 20) Muushumiri hwedu hwatinoita kune vanhu vose, tinowana vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanenge vakaora mwoyo nokuvhiringidzika kwechitendero kwose kwose munyika. Vanoda kuziva chokwadi nezvoMusiki wedu uye vanoda kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvechinangwa choupenyu. Ngatikurukurei mibvunzo mitatu iri kunetsa vanhu vakawanda. Pamubvunzo woga woga, tichaona kukanganisa kwevatungamiriri vezvitendero pane zvavanotaura, tobva taongorora zvinodzidziswa chaizvo neBhaibheri. Mibvunzo yacho ndeiyi: (1) Mwari ane hanya nesu here? (2) Nei tiri pano? (3) Chii chinoitika kwatiri patinofa?

Mwari Ane Hanya Here?

4, 5. Nei vanhu vachifunga kuti Mwari haana hanya nesu?

4 Ngatitange nomubvunzo wokuti, Mwari ane hanya nesu here? Zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda vanofunga kuti haana hanya nesu. Nei vachifunga saizvozvo? Chimwe chikonzero ndechokuti vanorarama munyika yakazara nokuvengana, hondo, uye kutambura. ‘Kana Mwari aine hanya chaizvoizvo,’ vanodaro, ‘chokwadi angadai aiita kuti zvinhu zvinosuruvarisa kudaro zvisaitike.’

5 Chimwe chikonzero nei vanhu vachifunga kuti Mwari haana hanya nesu ndechokuti vatungamiriri vezvitendero vakaita kuti vanzwe saizvozvo. Vafundisi vanowanzoti kudii panoitika njodzi? Mumwe mukadzi paakafirwa nevana vake vaviri vaduku mutsaona yemotokari, mufundisi wake akati: “Ndizvo zvanga zvichida Mwari. Mwari anga achida dzimwezve ngirozi mbiri.” Vafundisi pavanotaura mashoko akadai, kutaura zvazviri vanenge vachipomera Mwari kuti ndiye anokonzera zvinhu zvakaipa zvinoitika. Asi mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Jehovha Mwari haambokonzeri zvakaipa. Kutaura zvazviri, “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa.”—Jobho 34:10.

6. Ndiani ari kukonzera uipi nokutambura munyika ino?

6 Kana zvakadaro, nei kuine uipi hwakawanda kwazvo uye kutambura? Chimwe chikonzero ndechokuti vanhu vakawanda vakaramba Mwari kuti ave Mutongi, havadi kuteerera mitemo yake yakarurama uye zvaanotaura. Vasingazivi, vanhu vakateerera Muvengi waMwari, Satani, nokuti “nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Kuziva izvi kunoita kuti zvive nyore kunzwisisa kuti nei kuine zvinhu zvakaipa. Satani akaipa, anotivenga, anonyengera, uye ane utsinye. Saka tinofanira kutarisira nyika kuti iratidze unhu hwomutongi wayo. Ndosaka kuine uipi hwakawanda kwazvo!

7. Kumwe kutambura kunokonzerwa nei?

7 Kutambura kwatiri kuita kuri kukonzerwawo nokusakwana kwevanhu. Vanhu vanoita zvivi vanongoda kutonga vamwe, uye kazhinji kacho zvinoguma nehondo, kudzvinyirirana, uye kutambura. Muparidzi 8:9 inotaura zvakajeka kuti: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” Chimwe chikonzero nei tichitambura i“nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Vanhu vanowanzosangana nenjodzi nokuti zvinongoitikawo kuti vanenge vari panzvimbo ichabva yangoitikira tsaona.

8, 9. Tinoziva sei kuti Jehovha ane hanya nesu zvechokwadi?

8 Zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha haakonzeri kutambura. Asi Mwari ane hanya zvechokwadi nezviri kuitika muupenyu hwedu here? Mhinduro inonyevenutsa mwoyo ndeyokuti hungu! Tinoziva kuti Jehovha ane hanya nesu nokuti Shoko rake rakafuridzirwa rinotiudza kuti nei akabvumira vanhu kuti vatevere nzira yakaipa. Zvikonzero zvaMwari zvinosanganisira nyaya mbiri: kuva changamire kwake uye kuvimbika kwevanhu. Nokuti ndiye Musiki wemasimbaose, Jehovha haasungirwi kutiudza kuti nei achibvumira kutambura. Kunyange zvakadaro, anotiudza nokuti ane hanya nesu.

9 Chimbofunga humwe uchapupu hunoratidza kuti Mwari ane hanya nesu. “Akarwadziwa mumwoyo make” uipi pahwakazadza nyika mumazuva aNoa. (Genesisi 6:5, 6) Mwari anonzwa zvakasiyana here nhasi? Kwete, nokuti haachinji. (Maraki 3:6) Anovenga kusaruramisira uye kuona vanhu vachitambura. Bhaibheri rinodzidzisa kuti nokukurumidza Mwari achabvisa kutambura kwose kwakakonzerwa nokutonga kwevanhu uye kunobva kuna Dhiyabhorosi. Uhwu hahusi uchapupu hunoita kuti tibvume kuti Mwari ane hanya nesu here?

10. Jehovha anonzwa sei nokutambura kwevanhu?

10 Vatungamiriri vezvitendero vanomiririra Mwari nenzira isiri iyo pavanenge vachiti kutambura kwatinoita kuda kwake. Kusiyana neizvi, Jehovha anoda chaizvo kugumisa kutambura kwevanhu. “Ane hanya nemi,” inodaro 1 Petro 5:7. Ndizvo chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri!

Nei Tiri Pano?

11. Zvitendero zvenyika zvinowanzoti kudii nezvoupenyu hwevanhu panyika?

11 Iye zvino ngatichikurukurai mubvunzo wechipiri unonetsa vakawanda wokuti, Nei tiri pano? Zvitendero zvenyika zvinowanzopindura mubvunzo uyu zvichiti vanhu vari panyika ino kwenguva pfupi. Zvinoona nyika yedu sechiteshi, kana kuti danhiko rokuenda kunorarama kune imwe nzvimbo. Vamwe vafundisi vanodzidzisa nhema dzokuti rimwe zuva Mwari achaparadza nyika ino. Pamusana pedzidziso dzakadaro, vanhu vakawanda vakagumisa kuti zviri nani kuti vararame upenyu hwomutambarakede iye zvino vachiri vapenyu nokuti vachazongofa. Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo pamubvunzo uyu wokuti nei tiri pano?

12-14. Bhaibheri rinodzidzisei nezvechinangwa chaMwari nokuda kwepasi rino nevanhu?

12 Mwari ane chinangwa chakanaka nokuda kwenyika nevanhu. Haa“na kungoisikira pasina [nyika], akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Uyezve, Jehovha “akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Kuziva zvinhu izvi nezvechinangwa chaMwari nokuda kwenyika nevanhu kunogona kutibatsira kunzwisisa kuti nei tiri pano.

13 Zvitsauko 1 ne2 zvaGenesisi zvinoratidza kuti Jehovha akanyatsogadzira pasi kuti rizogarwa nevanhu. Nyika yedu payakapera kusikwa, zvinhu zvose zvainge “zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:31) Mwari akaisa murume nomukadzi vokutanga, Adhamu naEvha, mumunda wakanaka chaizvo weEdheni ndokuvapa zvokudya zvakanaka zvakawanda. Vanhu vaviri vokutanga vakaudzwa kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” Vaifanira kuva nevana vakakwana, kuwedzera miganhu yomusha wavo pasi pose, uye kutarisira mhuka norudo.—Genesisi 1:26-28.

14 Chinangwa chaJehovha ndechokuti vanhu vakakwana vagare pasi pano nokusingaperi. Shoko raMwari rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Chokwadi, vanhu vaifanira kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. Ndicho chinangwa chaMwari, uye izvi ndizvo chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri!

Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?

15. Zvitendero zvakawanda zviri munyika zvinodzidzisei nezvezvinoitika kwatiri patinofa?

15 Iye zvino ngatikurukurei mubvunzo wechitatu unonetsa vakawanda: Chii chinoitika kwatiri patinofa? Zvitendero zvakawanda zviri munyika zvinodzidzisa kuti pane chinhu chiri mumunhu chinoramba chichirarama kana muviri uchinge wafa. Zvimwe zvitendero zvichiri kuomerera papfungwa yokuti Mwari anoranga vakaipa nokuita kuti vatambure nokusingaperi mumoto wehero. Asi ichokwadi here ichocho? Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo nezvorufu?

16, 17. Maererano neBhaibheri, vakafa vari mumamiriro api ezvinhu?

16 Shoko raMwari rinoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva, havasisina kana mubayiro.” Sezvo vakafa ‘vasina kana chavanoziva,’ havagoni kunzwa, kuona, kutaura, kubata kana kuti kufunga. Havasisina mubayiro. Vangagova nawo sei? Havana kana basa ravanogona kuita! Uyezve, “rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara,” nokuti havagoni kutaura manzwiro avanoita.—Muparidzi 9:5, 6, 10.

17 Zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi zviri nyore uye zvakajeka—vakafa havarambi vachirarama vari kune imwe nzvimbo. Hapana chinobuda mumuviri parufu choramba chichirarama kuitira kuti chizoberekwazve mune mumwe muviri, sezvinotaurwa nevaya vanodavira dzidziso yokuberekwazve. Tingaenzanisa nyaya yacho seizvi: Upenyu hwatinahwo hwakaita serimi rekenduru. Rimi racho parinodzimwa, hapana kwarinoenda. Harisisipo.

18. Mudzidzi weBhaibheri paanodzidza kuti vakafa havana chavanoziva, angagumisei?

18 Chimbofunga zvinorehwa nemashoko iwayo echokwadi ari nyore asi akasimba. Mudzidzi weBhaibheri paanodzidza kuti vakafa havana zvavanoziva, anofanira kukwanisa kugumisa kuti pasinei nokuti madzisekuru ake akafa angave akamutsamwira zvakadini pavaiva vapenyu, havagoni kumunetsa. Anofanirawo kukurumidza kunzwisisa kuti vadiwa vake vakafa havachagoni kunzwa, kuona, kutaura, kubata, kana kuti kufunga. Naizvozvo, vanenge vasiri kusurukirwa mupurigatori—nyika yevakafa kana kuti vachitambura munzvimbo inopiswa vanhu. Zvisinei, Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa vanoyeukwa naMwari vachamutswa. Itariro inoshamisa zvakadini!—Johani 5:28, 29.

Bhuku Idzva Rokuti Tishandise

19, 20. SevaKristu, tine basa rei, uye ibhuku ripi rinoyamura kunzwisisa Bhaibheri rakanyanya kugadzirirwa kuti tirishandise muushumiri hwedu?

19 Tangokurukura mibvunzo mitatu chete inonetsa vanhu vakawanda. Pamubvunzo mumwe nomumwe, zvinodzidziswa neBhaibheri zvakajeka uye zvakananga. Zvinofadza zvikuru kuudzawo vaya vanoda kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri chokwadi chakadaro! Asi pane mimwe mibvunzo yakawanda inokosha iyo vane mwoyo yakatendeseka vangada kupindurwa zvinogutsa. SevaKristu, tine basa rokuvabatsira kupindura mibvunzo yakadaro.

20 Zvakaoma kudzidzisa chokwadi chomuMagwaro nenzira yakajeka uye inobaya mwoyo. Kuti zvitiitire nyore, “muranda akatendeka, akangwara” akabudisa bhuku rakanyatsogadzirirwa kuti tishandise muushumiri hwedu hwechiKristu. (Mateu 24:45-47) Bhuku iri rine mapeji 224 rine musoro unoti Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

21, 22. Ndezvipi zvatinofanira kuziva nezvazvo zviri mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

21 Bhuku iri rakabudiswa muna 2005/06 paMagungano eRuwa eZvapupu zvaJehovha aiti “Kuteerera Mwari,” rine zvikamu zvakasiyana-siyana zvinokosha. Somuenzaniso pamapeji mashanu okutanga pane mashoko ari kubatsira zvikuru pakutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pamusha. Ungawana zviri nyore kukurukura mifananidzo uye magwaro ari mumashoko okutanga aya. Ungadawo kushandisa mashoko ari muchikamu ichi kuti uratidze vadzidzi kuti vangawana sei zvitsauko zveBhaibheri nendima dzacho.

22 Manyorerwo akaitwa bhuku iri ari nyore uye akajeka. Bhuku iri rinoedza kubaya mwoyo womudzidzi nokuita kuti ataurewo pose pazvinenge zvichiita. Chitsauko chimwe nechimwe chine mibvunzo inoverengeka yokusuma uye chine bhokisi riri kwokupedzisira rine musoro unoti “Zvinodzidziswa neBhaibheri.” Bhokisi racho rine mhinduro dzomuMagwaro dzemibvunzo iri pokutanga. Mifananidzo yakanaka nemashoko anotsanangura mifananidzo pamwe chete nemienzaniso iri mubhuku iri zvichabatsira mudzidzi kuti anzwisise pfungwa itsva. Kunyange zvazvo mashoko omubhuku iri ari nyore zvikuru, pane apendikisi inoita kuti ukwanise kuongorora nyaya 14 dzinokosha kana mudzidzi achida mamwe mashoko.

23. Mazano api anopiwa ane chokuita nokushandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? pakudzidzisa Bhaibheri?

23 Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? rakagadzirirwa kutibatsira kudzidzisa vanhu vane dzidzo yakasiyana-siyana uye vanobva muzvitendero zvakasiyana-siyana. Kana mudzidzi asingatombozivi Bhaibheri, mungadzidza kaviri kana kupfuura kuti mupedze chitsauko chimwe chete. Usangomhanyira kupedza, asi edza kubaya mwoyo womudzidzi. Kana asinganzwisisi mumwe muenzaniso unoshandiswa mubhuku racho, utsanangure kana kuti shandisa mumwe une pfungwa yakafanana. Nyatsogadzirira, ita nepaunogona napo kuti ubudirire kushandisa bhuku racho, uye nyengetera kuti Mwari akubatsire kuitira kuti ugone ku“bata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Timoti 2:15.

Onga Ropafadzo Dzako Dzisingaenzaniswi

24, 25. Jehovha akapa vanhu vake ropafadzo dzipi dzinokosha?

24 Jehovha akapa vanhu vake ropafadzo dzisingaenzaniswi. Akaita kuti tizive chokwadi nezvake. Hatimbofaniri kurerutsa ropafadzo iyoyo! Kutaura zvazviri, Mwari akavanzira vanozvikudza zvinangwa zvake asi akazvizivisa vanozvininipisa. Nezvenyaya iyi, Jesu akati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche.” (Mateu 11:25) Iropafadzo isingawanikwi nomunhu wose wose kuva mumwe wevanozvininipisa vanoshumira Jehovha, Changamire Wezvose Zvakasikwa.

25 Mwari akatipawo ropafadzo yokudzidzisa vamwe nezvake. Yeuka kuti ave achitaurwa zvisiri izvo nezvake nevaya vanodzidzisa vanhu nhema. Saka vanhu vakawanda vane pfungwa dzisina kururama nezvaJehovha, vanofunga kuti munhu asina hanya uye ane mwoyo wakaoma. Unoda here, chokwadi, une chido here, chokugadzirisa pfungwa dzisina kururama idzodzo? Unoda kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka kwose kwose vazive chokwadi nezvaMwari here? Saka nepaunogona napo, ratidza kuti unoteerera Mwari nokushingaira kuparidza uye nokudzidzisa vamwe zvinotaurwa neMagwaro panyaya dzinokosha. Vanotsvaka chokwadi vanofanira kuziva zvinodzidziswa chaizvo neBhaibheri.

Ungapindura Sei?

• Tinoziva sei kuti Mwari ane hanya nesu?

• Nei tiri pano panyika?

• Chii chinoitika kwatiri patinofa?

• Unonyanya kufarira zvikamu zvipi mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 22]

Bhaibheri rinodzidzisa kuti kutambura kuchaguma

[Kwazvakatorwa]

Pamusoro kurudyi, musikana: © Bruno Morandi/age fotostock; kuruboshwe, mukadzi: AP Photo/Gemunu Amarasinghe;pasi kurudyi, vapoteri: © Sven Torfinn/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vakarurama vachararama nokusingaperi muParadhiso