Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufambira Mberi Mukudhinda maBhaibheri Emitauro yomuAfrica

Kufambira Mberi Mukudhinda maBhaibheri Emitauro yomuAfrica

Kufambira Mberi Mukudhinda maBhaibheri Emitauro yomuAfrica

VAVERENGI veBhaibheri vomwoyo wose vokuEurope neNorth America vakagara vaona kare kudiwa kwokuti vanhu vomuAfrica vakwanise kuverenga Shoko raMwari mumitauro yavo. Kuti vaite basa iri rakanaka kwazvo, varume vakawanda vakaenda kuAfrica kunodzidza mitauro yeikoko. Vamwe vakaita kuti mitauro yacho ikwanise kunyorwa ndokuita kuti pave nemaduramazwi. Zvadaro, vakatanga kushandura Bhaibheri mumitauro yakawanda yomuAfrica. Iri rakanga risiri basa riri nyore. “Munhu aigona kutsvakurudza kwemakore asati awana shoko rakarurama kunyange redzidziso dzechiKristu dziri nyore chaizvo asi dzinokosha,” rinotsanangura kudaro The Cambridge History of the Bible.

Muna 1857 vanhu vanotaura Tswana ndivo vakatanga kuva neshanduro yeBhaibheri rakakwana mune imwe yendimi dzomuAfrica dzakanga dzisinganyorwi. * Rakadhindwa uye rakabatanidzwa muzvikamu, kwete sebhuku rimwe chete. Nokufamba kwenguva, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzakavapo mumimwe mitauro yomuAfrica. Dzakawanda pashanduro idzi dzomuAfrica dzaiva nezita raMwari rokuti Jehovha, muMagwaro acho ose echiHebheru, kana kuti “Testamende Yekare,” neechiKristu echiGiriki, kana kuti “Testamende Itsva.” Zvisinei, kudzokororwa kwemaBhaibheri ekare uye dzimwe shanduro itsva zvakabudiswa nevanhu vakanga vasingaremekedzi zita dzvene roMunyori weBhaibheri, Jehovha. Pane kudaro, vakatevera tsika yechiJudha yokudavira mashura nokutsiva zita raMwari nemazita okuremekedza akadai saMwari kana kuti Ishe. Saka vanhu vanoda Mwari vomuAfrica vaitofanira kuva neshanduro yeBhaibheri yaizodzorera zita raMwari.

Kubvira kuma1980, Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rakaedza chaizvo kuita kuti Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene ishandurirwe mumitauro mikuru yakawanda yomuAfrica. Somugumisiro, nhasi mazana ezviuru zvevanhu vanoda Bhaibheri vomuAfrica ava, vava kugona kuverenga Shanduro yeNyika Itsva mumutauro wavo. Kusvika iye zvino Shanduro yeNyika Itsva yakazara kana kuti chikamu chayo, yava kuwanika mumitauro 17 yomuAfrica.

Vaverengi vemaBhaibheri aya omutauro womuAfrica vanofara kuva neshanduro inoshandisa zita rinokudzwa raMwari, Jehovha. Somuenzaniso, Jesu paakamira musinagogi muNazareta, akazivisa basa rake nokuverenga chikamu chomupumburu waIsaya, chinowanika zita raBaba vake. (Isaya 61:1, 2) Maererano neEvhangeri yaRuka semashandurirwe ayakaitwa muShanduro yeNyika Itsva, Jesu akaverenga kuti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, akandituma kuti ndiparidze kusunungurwa kunhapwa uye kuzoita kuti mapofu aone, kuzoita kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka, kuti ndiparidze gore rakakodzera raJehovha.”Ruka 4:18, 19.

Kumwe kufambira mberi mukudhinda maBhaibheri emitauro yomuAfrica kwakaitika muna August 2005. Mumwedzi iwoyo, maBhaibheri anopfuura 76 000 eShanduro yeNyika Itsva mumitauro inotaurwa muAfrica akadhindwa pabazi reZvapupu zvaJehovha romuSouth Africa. Nhamba iyoyo yaisanganisirawo maBhaibheri 30 000 omutauro weShona. Shanduro iyi yakabudiswa paGungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha muZimbabwe raiti “Kuteerera Mwari.”

Mumwedzi iwoyo usingakanganwiki, vaishanya kubazi reSouth Africa vaifara kuona kudhindwa kwemaBhaibheri matsva mumitauro yomuAfrica. “Ndakafara zvikuru kuva neropafadzo yokubatsirawo pakudhindwa kweShanduro yeNyika Itsva muShona nemimwe mitauro yomuAfrica,” akadaro Nhlanhla, nhengo yemhuri yeBheteri inoshanda mudhipatimendi rokudhinda. Chokwadi, iwayo ndiwo manzwiro anoita mhuri yose yepaBheteri kuSouth Africa.

MaBhaibheri matsva ava kuzosvika kune vanhu vomuAfrica nokukurumidza uye zvisingadhuri pane zvazvaiva paaidhindwa uye paaitumirwa achibva kumhiri kwemakungwa. Zvinotokosha ndezvokuti vanhu vomuAfrica vava neshanduro yakarurama inowanikwa nyore inoshandisa zita dzvene roMunyori weBhaibheri, Jehovha Mwari.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Pakazosvika 1835 Bhaibheri rakanga ratoshandurirwa mumutauro unonzi Malagasy wokuMadagascar, uye pakazosvika 1840 mumutauro unonzi Amharic wokuEthiopia. Mitauro iyi yakanga yagara ichinyorwa Bhaibheri risati rashandurirwa mairi.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Zita raMwari muBhaibheri reTswana rakabudiswa muna 1840

[Kwazvakatorwa]

Harold Strange Library of African Studies

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vashanyi vanobva kuSwaziland vanotarisa maBhaibheri matsva ari kudhindwa pabazi reSouth Africa