Murume Nomukadzi—Vakasikirwa Kuti Vabatsirane
Murume Nomukadzi—Vakasikirwa Kuti Vabatsirane
MURUME nomukadzi vakagara vachingoda kuva pamwe chete. Ndiwo masikirwo avakaitwa naMwari. Jehovha akaona kuti zvakanga zvisina kunaka kuti murume wokutanga, Adhamu, arambe ari oga. Saka Mwari akaita “mubatsiri [womurume], kuti ave mukwanisi wake.”
Jehovha akaita kuti Adhamu arare hope huru, ndokubva atora imwe yembabvu dzake “akatanga kuumba mukadzi nembabvu . . . akamuunza kumunhu.” Adhamu akafara zvikuru paakaona tsvarakadenga iyi yakanga yasikwa naJehovha zvokuti akati: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.” Nounhukadzi hwake, mukadzi akakwana Evha, zvechokwadi aidiwa. Uye Adhamu nechiremera chake chokuva munhurume aiva akakodzera kukudzwa. Vakanga vasikirwa kuti vabatsirane. Bhaibheri rinoti: “Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”—Genesisi 2:18-24.
Zvisinei, nhasi mhuri dziri kuparara, uye ukama hwomurume nomukadzi kazhinji ndehwokushungurudzana chete kana kuti hune udyire. Makwikwi pakati pavo aita kuti pave nokupesana uye kusawirirana. Zvose izvi zvinopesana nechinangwa chaMwari nokuda kwomurume nomukadzi. Murume akasikwa kuti aite basa rinokosha panyika. Mukadzi aifanira kuva nenzvimbo yakasiyana inokudzwa somukwanisi womurume. Vaifanira kushanda pamwe chete vachiwirirana. Kubva pamavambo okuvapo kwevanhu, varume nevakadzi vanotya Mwari vakaedza nokutendeka kuita basa ravakasikirwa naJehovha, uye izvi zvakaita kuti vafare nokugutsikana. Mabasa api iwayo, uye tingaaita sei?
[Mufananidzo uri papeji 3]
Murume nomukadzi vakasikwa kuti vaite mabasa anokudzwa muurongwa hwaMwari