Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya—II

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya—II

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya—II

ISAYA ari kuita basa rake somuprofita nokutendeka. Mashoko aakazivisa pamusoro poumambo hwendudzi gumi dzaIsraeri atoitika. Iye zvino ane rimwe shoko rinotaura nezveremangwana reJerusarema.

Guta reJerusarema richaparadzwa, uye vagari varo vachatapwa. Zvisinei, kuparadza kwacho hakusi kuzova kwechigarire. Kwapera nguva yakati, kunamata kwechokwadi kuchadzorerwa. Aya ndiwo mashoko anokosha aIsaya 36:1–66:24. * Tinogona kubatsirwa nokukurukura zvinotaurwa muzvitsauko izvi nokuti uprofita hwakawanda huri muchikamu ichi huri kutozadzika zvikuru muzuva redu, kana kuti huchazadzika munguva yemberi iri pedyo. Chikamu chino chebhuku raIsaya chinewo uprofita hunonakidza hune chokuita naMesiya.

“TARIRA! MAZUVA ACHAUYA”

(Isaya 36:1–39:8)

Mugore rechi14 rokutonga kwaMambo Hezekiya (732 B.C.E.), vaAsiriya vanopinda muJudha nechisimba. Jehovha anovimbisa kuti achadzivirira Jerusarema. Ngozi yokupinda nechisimba uku inoguma ngirozi yaJehovha painouraya varwi veAsiriya 185 000 iri yoga.

Hezekiya anorwara. Jehovha anopindura munyengetero wake uye anomuporesa, achiwedzera makore 15 paupenyu hwake. Mambo weBhabhironi paanotumira nhume kuzomukorokotedza, Hezekiya nokusachenjera anovaratidza pfuma yake yose. Isaya anounza shoko raJehovha kuna Hezekiya achiti: “Tarira! Mazuva achauya, uye zvose zviri mumba mako nezvakaunganidzwa nemadzitateguru ako kusvikira nhasi zvichaendeswa kuBhabhironi.” (Isaya 39:5, 6) Anoti pfuurei makore 100 gare gare, uprofita hwacho hunozadzika.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

38:8—Chii chaiva “matanho” apo mumvuri wakadzokera shure? Sezvo zvinhu zvairatidza nguva zvakanga zvava kushandiswa muIjipiti nomuBhabhironi pakazosvika zana remakore rechisere B.C.E., matanho aya anogona kureva madhigirii echinhu chairatidza nguva icho Ahazi, baba vaHezekiya vangangodaro vaiva nacho. Kana kuti paiva nematanho mukati meimba yacho. Mbiru yaiva parutivi pematanho acho zvichida yaiunza mumvuri zvishoma nezvishoma pamatanho acho, izvo zvaigona kushanda sechokuyeresa nguva.

Zvatinodzidza:

36:2, 3, 22. Kunyange zvazvo akanga anzi achirega kushanda somutariri, Shebna akabvumirwa kuramba achishandira mambo ari munyori weakanga atora basa rake. (Isaya 22:15, 19) Kana tikabviswa pane imwe ropafadzo musangano raJehovha nokuda kwechimwe chikonzero, hatifaniri here kuramba tichishumira Mwari tiri panzvimbo chero yaanenge abvumira?

37:1, 14, 15; 38:1, 2. Panguva yenhamo, kuchenjera kunyengetera kuna Jehovha uye kuvimba naye zvakazara.

37:15-20; 38:2, 3. Jerusarema paraiva mungozi yokurwiswa neAsiriya, Hezekiya akanga achinyanya kuva nehanya nokuzvidzwa kwezita raJehovha kwaizounzwa nokukundwa kweJerusarema. Paakaziva kuti urwere hwake hwaizomuuraya, Hezekiya aiva nehanya nezvinopfuura kungozvityira iye pachake. Chainyanya kumushungurudza ndechokuti kufa kwake asina mugari wenhaka kwaizorevei padzinza remadzimambo raDhavhidhi. Ainetsekawo kuti ndiani aizotungamirira pakurwa nevaAsiriya. SaHezekiya, tinonyanya kufunga nezvokutsveneswa kwezita raJehovha uye kuzadzika kwechinangwa chake, kupfuura kufunga nezvokuponeswa kwedu.

38:9-20. Rwiyo urwu rwaHezekiya runotidzidzisa kuti hapana chinonyanya kukosha muupenyu kupfuura kukwanisa kurumbidza Jehovha.

“RICHAVAKWAZVE”

(Isaya 40:1–59:21)

Pashure pokufanotaura nezvokuparadzwa kweJerusarema uye kutapwa kwaizoita vanhu vachienda kuBhabhironi, Isaya anoprofita nezvokudzorerwa. (Isaya 40:1, 2) Jerusarema “richavakwazve,” inodaro Isaya 44:28. Zvidhori zvavanamwari vokuBhabhironi zvichaendwa nazvo se“mikwende.” (Isaya 46:1) Bhabhironi richaparadzwa. Izvi zvose zvinoitika pashure pemakore mazana maviri.

Jehovha achapa mushumiri wake kuti ave “chiedza chemamwe marudzi.” (Isaya 49:6) “Matenga” eBhabhironi, kana kuti boka revatongi, “achapararira-pararira sezvinoita utsi,” uye vanotongwa vacho “vachafa sezvinoita unyunyu”; asi ‘mwanasikana weZiyoni akatapwa achasunungura zvisungo zviri mumutsipa wake.’ (Isaya 51:6; 52:2) Kune vaya vanouya kwaari voteerera, Jehovha anoti: “Ndichabva ndangoita nemi sungano inogara nokusingagumi pamusoro pomutsa worudo wakatendeka kuna Dhavhidhi.” (Isaya 55:3) Kurarama maererano nezvinodiwa naMwari zvakarurama kunoita kuti tigone “kufadza Jehovha kwazvo.” (Isaya 58:14) Asi kukanganisa kwevanhu ‘kunovaparadzanisa naMwari.’—Isaya 59:2.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

40:27, 28—Nei Israeri akati: “Nzira yangu yange yakavanzika kuna Jehovha, uye kururamisira kwandiri kunonzvenga Mwari wangu”? Vamwe vaJudha vaiva muBhabhironi vangave vakanzwa sokuti kusaruramisirwa kwavaiitirwa kwaiva kwakavanzwa kuna Jehovha kana kuti aisakuona. Vakayeuchidzwa kuti Bhabhironi rakanga risiri kure noMusiki wenyika, uyo asinganeti kana kupera simba.

43:18-21—Nei vakanga vava kudzoka kubva kwavakanga vatapwa vakaudzwa kuti ‘vasayeuka zvinhu zvokutanga’? Uku kwaisava kuti vakanganwe mabasa aJehovha okununura aakanga aita. Asi Jehovha aida kuti vamurumbidze vachifunga nezve“chinhu chitsva” chavaizozvionera voga, zvakadai sokufamba vakachengeteka vachienda kuJerusarema, zvichida vachitoenda nenzira yomurenje inoti dimbudzirei. “Boka guru revanhu” vanobuda “mukutambudzika kukuru” vachavawo nezvikonzero zvitsva uye zvavo voga zvokukudza Jehovha.—Zvakazarurwa 7:9, 14.

49:6—Mesiya “chiedza chemamwe marudzi” sei, kunyange zvazvo ushumiri hwake panyika pano aihuitira vanakomana vaIsraeri chete? Izvi zvakadaro pamusana pezvakaitika Jesu afa. Bhaibheri rinoratidza kuti mashoko ari pana Isaya 49:6 anoreva vadzidzi vake. (Mabasa 13:46, 47) Nhasi, vaKristu vakazodzwa, vachibatsirwa neboka guru revanamati, vanoshumira se“chiedza chemamwe marudzi,” vachipa vanhu kunzwisisa kusvikira “kumugumo wenyika.”—Mateu 24:14; 28:19, 20.

53:10—Jehovha akafarira kupwanya Mwanakomana wake mupfungwa ipi? Zvinofanira kunge zvakarwadza Jehovha, Mwari anonzwira tsitsi, uye ane ngoni, kuona Mwanakomana wake anodiwa achitambura. Kunyange zvakadaro, akafara nokuteerera kwaJesu kwokuzvidira uye migumisiro yaizovapo nokutambura kwake kwose uye kufa.—Zvirevo 27:11; Isaya 63:9.

53:11—Izivo ipi iyo Mesiya “achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama” nayo? Iyi izivo iyo Jesu akawana nokuuya pasi, ndokuva munhu, uye yaakawana nokutambura zvisina kururama kusvikira afa. (VaHebheru 4:15) Nokuita izvozvo akapa chibayiro chorudzikinuro, chaidiwa kuti chibatsire vaKristu vakazodzwa neboka guru kuti vave vakarurama pamberi paMwari.—VaRoma 5:19; Jakobho 2:23, 25.

56:6—“Vokune imwe nyika,” ndivanaani, uye munzira dzipi dzavari “kubatisisa sungano” yaJehovha? “Vokune imwe nyika,” “mamwe makwai” aJesu. (Johani 10:16) Vanobatisisa sungano itsva nokuteerera mitemo ine chokuita nesungano iyoyo, vanoshandira pamwe zvakakwana nourongwa hwakaitwa kuburikidza nayo, vanodya zvokudya zvine chokuita nokunamata zvinodyiwawo nevaKristu vakazodzwa, uye vanovatsigira mubasa rokuparidza Umambo nokuita kuti vanhu vave vadzidzi.

Zvatinodzidza:

40:10-14, 26, 28. Jehovha ane simba uye munyoro, ane simba rose uye ane uchenjeri hwose uye anonzwisisa kupfuura zvatingafungidzira.

40:17, 23; 41:29; 44:9; 59:4. Zvematongerwo enyika uye zvidhori “zvinhu pasina.” Kuvimba nazvo hakumbobatsiri zvachose.

42:18, 19; 43:8. Kuvhara maziso edu kuti asaona Shoko raMwari rakanyorwa uye kuvhara nzeve dzedu kuti tisanzwe zvaanorayira achishandisa “muranda akatendeka, akangwara” kunonzi kuva bofu nematsi mune zvokunamata.—Mateu 24:45.

43:25. Jehovha anodzima kudarika nokuda kwake. Kununurwa kwedu pauranda hwechivi norufu ndokuwana upenyu hakukoshi sezvinoita kutsveneswa kwezita raJehovha.

44:8. Tinotsigirwa naJehovha, uyo akatsiga uye akasimba sedombo. Hatimbofaniri kutya kuzivisa kuti ndiye Mwari!—2 Samueri 22:31, 32.

44:18-20. Kunamata zvidhori chiratidzo chokuipa kwomwoyo. Hapana chinofanira kutora nzvimbo yaJehovha mumwoyo wedu.

46:10, 11. Kukwanisa kwake kuita kuti ‘zvaakaronga zvimire,’ kureva kuti, kuzadzisa chinangwa chake, uchapupu hwechokwadi hwokuti Jehovha ndiMwari.

48:17, 18; 57:19-21. Kana tikatarira kuna Jehovha kuti atiponese, toswedera pedyo naye, uye toteerera mitemo yake, rugare rwedu ruchawanda semvura inoyerera murwizi uye kururama kwedu kuchawanda semafungu egungwa. Vaya vasingateereri Shoko raMwari vakaita “segungwa riri kubvongodzwa.” Havana rugare.

52:5, 6. VaBhabhironi vakagumisa zvisizvo kuti Mwari wechokwadi akanga asina simba. Havana kuziva kuti Jehovha haana kufara nevanhu vake ndosaka akavaita kuti vave varanda. Dambudziko parinowira vamwe, tinenge takachenjera kana tikasakurumidza kufungira zvarikonzera.

52:7-9; 55:12, 13. Tine zvikonzero zvinenge zvitatu zvokufara mubasa rokuparidza Umambo uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Tsoka dzedu dzakanaka kune vanhu vanozvininipisa vane nzara yezvokunamata. Tinoona Jehovha “chiso nechiso,” kana kuti tinova noukama hwapedyo naye. Tinonakidzwawo nokubudirira mune zvokunamata.

52:11, 12. Kuti tive vanokodzera kutakura “midziyo yaJehovha”—urongwa hwebasa rake dzvene—tinofanira kunge takachena mune zvokunamata uye mutsika.

58:1-14. Kuratidza kuzvipira uye kuva akarurama nenzira younyengeri hakushandi. Vanamati vechokwadi vanofanira kuratidza zviito zvechokwadi zvokuzvipira kuna Mwari nemabasa anoratidza kuti tinoda hama.—Johani 13:35; 2 Petro 3:11.

59:15b-19. Jehovha anoona mabasa evanhu uye anopindira panguva yake yakafanira.

‘RICHAVA KORONA YORUNAKO’

(Isaya 60:1–66:24)

Ichitaura nezvokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi kare uyewo muzuva redu, Isaya 60:1 inoti: “Simuka, haiwa iwe mukadzi, vhenekera, nokuti chiedza chako chauya uye kubwinya kwaJehovha kwapenyera pauri.” Ziyoni ‘richava korona yorunako muruoko rwaJehovha.’—Isaya 62:3.

Isaya anonyengetera kuna Jehovha nokuda kwevanhu vomunyika yake vachapfidza pavanenge vari kuBhabhironi kwavakatapwa. (Isaya 63:15–64:12) Asiyanisa vashumiri vechokwadi nevenhema, muprofita wacho anotaura kuti Jehovha achakomborera sei vaya vanomushumira.—Isaya 65:1–66:24.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

61:8, 9—“Sungano inogara nokusingagumi” chii, uye “vana” ndivanaani? Iyi isungano itsva iyo Jehovha akaita nevaKristu vakazodzwa. “Vana” ndivo “mamwe makwai”—mamiriyoni anoteerera shoko ravo.—Johani 10:16.

63:5—Hasha dzaMwari dzinomutsigira sei? Hasha dzaMwari manzwiro ake aanodzora—kutsamwa kwakarurama. Hasha dzake dzinomutsigira uye dzinomukurudzira kutonga zvakarurama.

Zvatinodzidza:

64:6. Vanhu vasina kukwana havagoni kuzviponesa. Kana toreva nezvokuyananisira zvivi, mabasa avo akarurama hapana zvaari akangoita senguo dzakasviba.—VaRoma 3:23, 24.

65:13, 14. Jehovha anokomborera vashumiri vake vakatendeka, achivagutsa zvikuru pazvinodiwa zvavo zvokunamata.

66:3-5. Jehovha anovenga unyengeri.

“Pemberai Nomufaro”

Uprofita hwokudzorerwa hunofanira kunge hwaifadza zvikuru kuvaJudha vakatendeka vaiva nhapwa kuBhabhironi! “Pemberai nomufaro,” akadaro Jehovha, “uye farirai zvandiri kusika nokusingaperi. Nokuti tarirai ndiri kusika Jerusarema kuti rive chikonzero chokufara uye vanhu varo vave chikonzero chokupemberera nomufaro.”—Isaya 65:18.

Isuwo tiri kurarama panguva yakafukidzwa nyika nerima uye marudzi ari muzarima. (Isaya 60:2) “Nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzavapo. (2 Timoti 3:1) Naizvozvo, shoko raJehovha rokuponesa riri mubhuku reBhaibheri raIsaya rinotikurudzira zvikuru.—VaHebheru 4:12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kuti uone mashoko anokurukura Isaya 1:1–35:10, ona nyaya inoti, “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raIsaya I” iri muNharireyomurindi yaDecember 1, 2006.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Unoziva chikonzero chikuru chakaita kuti Hezekiya anyengeterere kuponeswa pavaAsiriya here?

[Mufananidzo uri papeji 11]

“Dzakanaka sei pamusoro pemakomo tsoka dzaiye ari kuuya nemashoko akanaka!”