Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Samueri Anotsigira Kunamata Kwechokwadi

Samueri Anotsigira Kunamata Kwechokwadi

Samueri Anotsigira Kunamata Kwechokwadi

MUPROFITA anotsiura vaanonamata navo vari kukumbira kuti vave namambo ari munhu uye anovakurudzira kuti vateerere Mwari. Kuti aratidze kuti ane simba somuprofita waMwari, anokumbira Jehovha kuti aite chiratidzo chedutu. Madutu emvura haawanzoitiki muIsraeri munguva iyi yegore, mazuva okukohwa gorosi. Asi Mwari anotumira mabhanan’ana nemvura. Somugumisiro, vanhu vanotya Jehovha zvikuru nomumiririri wake, Samueri.—1 Samueri 12:11-19.

Samueri muprofita akanga ariwo munyori. Nhoroondo dzake dzinonakidza dzinotaura nezvezvakaitika mumakore anenge 330 uye dzinosanganisira zvinhu zvinoshamisa zvakaitwa neVatongi vaIsraeri. Somuenzaniso, nyaya yechokwadi youpenyu hwaSamsoni, murume akasimba kupfuura vamwe vose vakamborarama, yakakurudzirawo kunyorwa kwenhetembo nemitambo ine mimhanzi uyewo kubudiswa kwemimwe mitambo uye mafirimu. (Vatongi, zvitsauko 13–16) Samueri akanyorawo nezvaRute navamwene vake Naomi, vose vakanga vari chirikadzi uye vari varombo. Nyaya iyi yechokwadi yakazoguma nomufaro inobata mwoyo sezvinongoitawo yaSamsoni.—Rute, zvitsauko 1–4.

Ndezvipi zvatingadzidza kubva mune zvakanyorwa naSamueri noupenyu hwake? Akatsigira sei kunamata kwechokwadi?

Makore Ake Ouduku

Baba vaSamueri, Erikana, vaiva munamati waJehovha uye murume ane rudo. Mudzimai waErikana Hana akanga ari mukadzi akasimba mune zvokunamata. Hana akanga asingabereki akanyengetera ari paimba yaJehovha yaiva kuShiro, achipika kuti: “Haiwa Jehovha wemauto, chokwadi kana mukatarira kutambudzika kwomurandasikana wenyu, mukandiyeuka, mukasakanganwa murandasikana wenyu uye mukapa murandasikana wenyu mwana mukomana, ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, uye musoro wake hauzoveurwi nechisvo.” (1 Samueri 1:1-11) Izvi zvaireva kuti mwana uyu aizotsaurwa kuti aite basa raJehovha.

Hana akanyengetera chinyararire. Nhoroondo yacho inoti, “Miromo yake ndiyo yaingodedera.” Mupristi Mukuru Eri akafunga kuti akanga akadhakwa uye akamutsiura. Zvisinei, Hana akatsanangura nokuremekedza mamiriro ake ezvinhu, uye Eri akati: “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako chawamukumbira.” Zvechokwadi Jehovha akanzwa, nokuti nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Naizvozvo gore rava kunopera, Hana akava nepamuviri, akabereka mwanakomana, akamutumidza kuti Samueri, nokuti akati, ‘ndakamukumbira kuna Jehovha.’”—1 Samueri 1:12-20.

Samueri akarerwa “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) Samueri paakangorumurwa, Hana akaenda naye kuimba yaMwari kuShiro uye akamupa kuMupristi Mukuru Eri. Achitarisirwa naye, mukomana wacho “akava mushumiri waJehovha.” Mufaro mukuru waHana unoratidzwa nemashoko ake okuonga akazonyorwa naSamueri pachake.—1 Samueri 2:1-11.

Kana uri mubereki, uri kukurudzira vana vako kuti chive chido chavo kushumira Jehovha here kwoupenyu hwavo hwose? Kutsigira kunamata kwechokwadi ndiyo nzira yokushandisa simba zvakanakisisa ingaitwa nomunhu.

Samueri akakurumidza kujairana noupenyu hwepanzvimbo tsvene. “Akaramba achikura Jehovha ainaye” uye “aidiwa zvikuru naJehovha nevanhu.” Aiva nounhu huna Mwari hwaimuita kuti adiwe nevamwe.—1 Samueri 2:21, 26.

Izvi handizvo zvakanga zvakaita vanakomana pasina vaEri, Hofini naFiniyasi, vakanga ‘vasina hanya naJehovha.’ Vaiita unzenza uye vaizvitorera zvikamu zvakanakisisa pazvibayiro zvaiunzwa nevanhu kunzvimbo tsvene. Mwari akanga atotuma muprofita kuti azivise chirango chaifanira kutarisirwa naEri chaisanganisira kufa kwevanakomana vake vaviri. (1 Samueri 2:12, 15-17, 22-25, 27, 30-34) Jehovha aizoshandisa Samueri kuti azivise mutongo wake.

Samueri Anoshumira Somuprofita

Mwari akaudza Samueri kuti: “[Uudze Eri] kuti ndichatonga imba yake nokusingagumi nokuda kwokukanganisa kwaanoziva, nokuti vanakomana vake vari kutuka Mwari, asi iye haasi kuvatsiura.” Zvakanga zvisiri nyore kuzivisa mashoko akadaro, uye Eri akakomekedza Samueri kuti asamuvanzira shoko raMwari. Saka Samueri akatsanangura zvose zvakanga zvataurwa naJehovha. Zvaida kushinga!—1 Samueri 3:10-18.

Samueri zvaakaramba achikura kuva munhu mukuru, Israeri wose akasvika pakuziva kuti aiva muprofita waMwari. (1 Samueri 3:19, 20) Kutonga kwakafanotaurwa naSamueri kwakatanga Israeri paakakundwa zvinosiririsa nevaFiristiya. Hofini naFiniyasi vakafira muhondo, uye vaFiristiya vakapamba areka yesungano yaJehovha. Paakanzwa kuti vana vake vafa uye Areka yatorwa, Eri akadonha pachigaro chake negotsi, mutsipa wake ukatyoka ndokufa.—1 Samueri 4:1-18.

Makore makumi maviri gare gare, Samueri akakurudzira vaIsraeri kuti vasiye kunamata kwenhema. Vakapindura nokuparadza zvidhori zvavo, kutsanya, uye kureurura zvivi zvavo. Samueri akavanyengeterera uye akapa chipo chinopiswa nokuda kwavo. Zvakaguma nei? VaFiristiya pavakarwisa, Mwari akaita kuti vavhiringike, uye Israeri akarwisawo ndokukunda muvengi. Vachikomborerwa naJehovha, mamiriro ezvinhu evaIsraeri akavandudzika chaizvo, uye vakatorazve nharaunda yavakanga vatorerwa nevaFiristiya.—1 Samueri 7:3-14.

Zvechokwadi Samueri akatsigira kunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, aiva nechokwadi chokuti zvimwe zvezvaipambwa muhondo zvaishandiswa pakugadzirisa tebhenekeri. Akabatsira kuronga mhemberero dzePaseka uye mabasa evaRevhi vaichengeta magedhi. (1 Makoronike 9:22; 26:27, 28; 2 Makoronike 35:18) Gore negore Samueri aibva kumba kwake kuRama achienda kunotonga mumaguta akasiyana-siyana. Akava nomukurumbira wokuva akatendeseka uye asingasaruri. Nokuti vanhu vairemekedza Samueri, iye akakwanisa kuvabatsira mune zvokunamata. (1 Samueri 7:15-17; 9:6-14; 12:2-5) Hapana mubvunzo kuti kutendeseka kwake nokusimba kwake mune zvokunamata zvakakurudzira vakawanda kutevedzera muenzaniso wake. Mararamiro aSamueri ane zvaanoita pauri here?

Israeri Anokumbira Mambo

Paakanga akwegura, Samueri akagadza vanakomana vake, Joeri naAbhija kuti vave vatongi. “Havana kufamba munzira dzake, asi vakanga vachida kutevera mubereko usina kururama uye vaigamuchira pfumbamuromo votsaudzira pakutonga.” Zviito zvavo zvakaita kuti varume vakuru vaIsraeri vakumbire mambo. (1 Samueri 8:1-5) Izvi zvakanga zvakaipa kuna Samueri. Zvisinei, paakanyengetera nezvazvo Jehovha akati: “Havana kuramba iwe, asi varamba ini kuti ndive mambo wavo.” (1 Samueri 8:6, 7) Mwari akaudza Samueri kuti aite zvaidiwa nevanhu uye kuvanyevera kuti kutongwa nomunhu kwaizoita kuti varasikirwe norumwe rusununguko rwavo. Vanhu vacho pavakasimbirira, Jehovha akaita kuti Samueri azodze Sauro kuti ave mambo.—1 Samueri 8:6-22; 9:15-17; 10:1.

Samueri akatsigira urongwa uhwu pasinei nokuti akanga asingafari nazvo. Pashure pokunge vaIsraeri vakunda vaAmoni, akaunganidza vanhu kuGirigari kuti azivise kuti Sauro akanga ava mambo. (1 Samueri 10:17-24; 11:11-15) Samueri akadzokorora nhoroondo yevaIsraeri uye akarayira mambo nevanhu kuti vateerere Jehovha. Mwari akapindura munyengetero waSamueri nokuunza mabhanan’ana mumwaka usiri wemvura sezvambotaurwa kumavambo. Dutu iroro rakaita kuti vanhu vabvume kukanganisa kwavo kwokuramba Jehovha. Pavakakumbira kuti Samueri avanyengeterere, akapindura kuti: “Handingambofungi zvakadaro, kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai; ndichakurayiridzai munzira yakanaka neyakarurama.” Uyu muenzaniso wakazonaka worudo rwokuvimbika kuna Jehovha nevanhu vake! (1 Samueri 12:6-24) Unodawo kutsigira urongwa hwechiKristu uye kunyengeterera vaunonamata navo here?

Madzimambo Maviri Okutanga aIsraeri

Sauro aiva murume aizvininipisa, aifarirwa naMwari. (1 Samueri 9:21; 11:6) Zvisinei, nokufamba kwenguva haana kuteerera kutungamirira kwaMwari. Somuenzaniso, Samueri akamutsiura nokuti akabayira chipo achitadza kumirira nokushivirira, sezvaakanga arayirwa. (1 Samueri 13:10-14) Sauro paasina kuteerera ndokurega Mambo Agagi wevaAmareki ari mupenyu, Samueri akamuudza kuti: “Jehovha abvarura kutonga kwoumambo hwaIsraeri kwauri nhasi, uye achahupa mumwe wokwako ari nani kupfuura iwe.” Samueri pachake akauraya Agagi ndokubva aenda kunochema Sauro.—1 Samueri 15:1-35.

Pakupedzisira Jehovha akati kuna Samueri: “Uchachema Sauro kusvikira rini, ini ndamuramba kuti arege kuva mambo waIsraeri?” Zvadaro, Jehovha akatuma Samueri kuBheterehema kunozodza mwanakomana waJese kuti ave mambo. Samueri akaongorora vanakomana vaJese mumwe pashure pomumwe kusvikira Jehovha asarudza Dhavhidhi, muduku pane vose, kuti azodzwe. Pazuva iroro, Samueri akadzidza chidzidzo chinokosha chokuti: “Maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.”—1 Samueri 16:1-13.

Sezvo kusateerera kwaSauro kwakarwadza Samueri, zvinofanira kunge zvakamutambudza zvikuru Sauro paakatanga kuvenga Dhavhidhi zvokuda kumuuraya! Pasinei nemiedzo yakadaro, Samueri akaramba achishingaira mumakore ake okukwegura uye akaita zvose zvaaikwanisa mubasa raJehovha.—1 Samueri 19:18-20.

Nhaka yaSamueri

Samueri paakafa, Israeri akachema muprofita uyu aizvininipisa uye aiva akashinga akachinja upenyu hwevakawanda. (1 Samueri 25:1) Samueri aiva asina kukwana, uye pane dzimwe nguva aikanganisa pakutonga. Zvisinei, pasinei zvapo nezvaaikanganisawo, Samueri akazvipira kuna Jehovha zvakazara uye akashanda zvakaoma kubatsira vamwe kuti vaite saizvozvo.

Zvakawanda zvachinja kubva panguva yaSamueri, asi nyaya youpenyu hwake ine zvinhu zvinokosha zvatinodzidza. Kupfuura zvose, Samueri ainamata uye aitsigira kunamata Jehovha zvechokwadi. Ndizvo zvauri kuita here?

[Bhokisi riri papeji 16]

FUNGISISA NEZVOUPENYU HWASAMUERI

• Sezvakaita vabereki vaSamueri, vakamudzidzisa shoko raMwari, rera vana vako “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”—VaEfeso 6:4.

• Kurudzira vana vako kuti chive chido chavo kushumira Jehovha kwoupenyu hwavo hwose saSamueri.

• Unhu huna Mwari hwakaratidzwa naSamueri hwakaita kuti adiwe nevamwe, uye nokudaro akatisiyira muenzaniso.

• Samueri akaita zvose zvaaikwanisa kutsigira kunamata kwechokwadi, ndizvo zvatinofanira kuitawo.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Samueri akatsigira kunamata kwechokwadi uye akapa rubatsiro rwokunamata nokuzvidira