Amosi—Aiva Mukohwi Here Kana Kuti Aibaya Maonde?
Amosi—Aiva Mukohwi Here Kana Kuti Aibaya Maonde?
KARE muzana remakore rechipfumbamwe B.C.E., muprofita Amosi akarambidzwa kuprofita muna Israeri naAmaziya akaipa, mupristi ainamata mhuru. Amosi akaramba, achiti: “Ndaiva mufudzi nomunhu aibaya maonde emitsamvi. Jehovha akanditora kuti ndirege kutarisira makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu vaIsraeri.’” (Amosi 7:14, 15) Chokwadi, Jehovha akatuma Amosi kuti ave muprofita; Amosi haana kungozvigadza. Asi Amosi airevei paakati aiva “munhu aibaya” maonde emitsamvi?
Mashoko echiHebheru akashandurwa kuti munhu aibaya maonde anooneka kamwe chete muShanduro Yenyika Itsva. Mamwe maBhaibheri anoshandura shoko racho achiti “muunganidzi,” “aisakurira,” “mutarisiri,” kana kuti “murimi,” pane kuti “munhu aibaya” maonde emitsamvi. Zvisinei, magazini inonzi Economic Botany inoti shanduro yakarurama yeshoko racho ndeyokuti “aibaya” nokuti shoko iri rinoratidza zvaiitwa nomurimi wemaonde emitsamvi.
Muitiro wokubaya maonde emitsamvi achiita tumaburi tuduku, wave uchizivikanwa muEgypt uye muCyprus kubvira kare kare. MuIsrael yemazuva ano havachabayi nokuti vava kurima mamwe maonde akasiyana-siyana munyika iyoyo. Zvisinei, vaIsraeri vomuzuva raAmosi vaibaya maonde, sezvo mitsamvi yairimwa muIsraeri panguva iyoyo yakanga yabva kuIjipiti.
Zviri pachena kuti kubaya maonde kunoita kuti anwire mvura uye ave nomuto wakawanda. Kunoitawo kuti anyanye kubudisa gasi rinonzi ethylene, rinoita kuti akurumidze kuibva, zvichiita kuti maonde acho ave akakura uye atapire. Uyezve, mago haakanganisi muchero wacho nokuti unokurumidza kuibva.
Pasinei nokuti aiva mufudzi uye munhu aibaya maonde, Amosi haana kutya vavengi vake. Pane kudaro, akazivisa noushingi shoko raJehovha rokuti aizotonga Israeri. Muenzaniso wakanaka zvikuru kuvashumiri vaMwari nhasi, vanofanirawo kuzivisa shoko risingafarirwi!—Mateu 5:11, 12; 10:22.