Chinoita Kuti Ndifarire Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
Nyaya Youpenyu
Chinoita Kuti Ndifarire Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
Yakataurwa naPamela Moseley
Muna 1941 hondo yakanga iri kupisa muEngland amai vangu pavakaenda neni kuLeicester kugungano reruwa reZvapupu zvaJehovha. Takanzwa hurukuro chaiyo yaJoseph Rutherford yaitaura nezvevana. Ini naAmai patakabhabhatidzwa pagungano iroro, ndakaona kuti vaya vakanga vatibatsira kufambira mberi pakunamata vakafara chaizvo. Panguva iyoyo ndakanga ndisingazivi kuti kubatsira vanhu kuti vave vadzidzi vaJesu Kristu kunofadza zvakadaro.
TAKATANGA kufambira mberi kuva vadzidzi mugore ra1940. Ndichiri kuyeuka zuva riya raityisa romuna September 1939 pakatanga Hondo Yenyika II. Ndakaona misodzi ichiyerera pamatama aamai vangu sezvavairamba vachibvunza kuti, “Nei nyika isingawani rugare?” Vabereki vangu vakanga vashanda muchiuto munguva yeHondo Yenyika I uye vakanga vaona kuipa kwayo. Amai vakanobvunza mufundisi weAnglican kuBristol mubvunzo iwoyo. Akangoti: “Pagara paine hondo uye dzichangogara dziripo.”
Zvisinei, izvozvo zvichangoitika, mumwe mukadzi wechikuru akashanyira musha wedu. Aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Amai vangu vakamubvunza mubvunzo uya wokuti: “Nei nyika isingawani rugare?” Chapupu chacho chakatsanangura kuti hondo ndechimwe chezviratidzo zvokuti tiri kurarama kumugumo wemamiriro ezvinhu epanguva ino ane chisimba. (Mateu 24:3-14) Munguva pfupi mwanasikana wake akanga ava kutidzidzisa Bhaibheri. Vaviri ava ndevamwe vakafara kutiona tichibhabhatidzwa. Nei basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi richifadza zvakadaro? Pave paya, ndakazoziva chikonzero chacho. Regai ndikuudzei zvimwe zvandakadzidza mumakore anopfuura 65 andave ndichibatsira vanhu kuti vave vadzidzi.
Kuziva Kufadza Kunoita Kudzidzisa
Ndakatanga kuparidza Umambo muBristol pandaiva nemakore 11. Imwe hama yakandipa giramufoni nekadhi rouchapupu uye yakati: “Chishanyira misha yose iri kudivi iro romugwagwa.” Saka ndakatanga kuparidza, ndiri ndoga. Chokwadi, ndaitya zvikuru. Ndairidza hurukuro yeBhaibheri ndobva ndaratidza saimba wacho kadhi rouchapupu, raikumbira vanhu kuti vabvume mabhuku eBhaibheri.
Kutanga kuma1950, zvakanyanya kusimbiswa kuti taifanira kuverenga Bhaibheri patinenge tichishanyira imba neimba. Pakutanga, zvaiva zvakandiomera kutaura nevanhu vandisingazivi ndichitsanangura magwaro eBhaibheri nokuti ndainyara. Asi ndakapedzisira ndava nechivimbo. Ndipo pandakatanga kunyatsonakidzwa noushumiri. Vamwe vanhu vaingotiona sevanhu vanotengesa mabhuku, asi pataivaverengera uye kuvatsanangurira magwaro eBhaibheri, vakatanga kutiziva sevadzidzisi veShoko raMwari. Ndainakidzwa nokuita izvi zvokuti ndaida kuita zvakawanda. Saka muna September 1955, ndakatanga ushumiri hwenguva yakazara sapiyona.
Kutsungirira Kunounza Mibayiro
Chimwe chezvinhu zvandakatanga kudzidza chaiva chokuti kutsungirira nenzira yomutsa kungaunza mubayiro. Pane imwe nguva, ndakasiyira mumwe mukadzi ainzi Violet Morice magazini yeNharireyomurindi. Pandakadzokera kunomuona, akavhura suo rake, akapeta maoko ake, ndokunyatsoteerera sezvandaimutsanangurira Magwaro. Pose pandaishanya, aiita sokuti ainyatsofarira. Zvisinei, pandaitaura nezvokudzidza Bhaibheri nguva dzose, aiti: “Aiwa. Ndichazozviona kana vana vakura.” Zvaindiodza mwoyo chaizvo! Bhaibheri rinotaura nezve“nguva yokutsvaka nenguva yokurega sezvarasika.” (Muparidzi 3:6) Ndakasarudza kuti ndaisazokanda mapfumo pasi.
Kwapera mwedzi, ndakadzokera ndokukurukura naViolet mamwe magwaro. Munguva pfupi, akanga ava kudzidza Bhaibheri vhiki nevhiki pasuo rake. Akazopedzisira ati: “Ndinofunga kuti zviri nani kuti upinde, haufungi kudaro?” Violet akazova mumwe wevatainamata navo akanaka chaizvo uye shamwari yangu chaiyo! Chokwadi, Violet akazobhabhatidzwa kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Rimwe zuva Violet akarohwa nehana paakaziva kuti murume wake akanga atengesa musha wavo iye asingazvizivi uye kuti akanga amusiya. Zvinofadza kuti akawana pamwe pokugara masikati iwayo chaiwo, achibatsirwa neimwe shamwari yake yaiva Chapupu. Kuratidza kuti aionga Jehovha, akasarudza kupedza upenyu hwake hwose ari piyona. Pandakaona mudzimu waJehovha uchiita kuti ashingairire kunamata kwechokwadi, ndakazoziva chinoita kuti basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi rifadze zvakadaro. Chokwadi, iri ndiro raizova basa rangu kwoupenyu hwose!
Muna 1957, ini naMary Robinson takanzi tinopayona munzvimbo yaiva nemabhizimisi yeRutherglen kuGlasgow, Scotland. Taiparidza kuine mhute, mhepo, mvura ichinaya, uye kuine sinou, asi kwaiva kufira zviripo. Rimwe zuva ndakaonana naJessie. Ndainakidzwa nokumudzidzisa Bhaibheri. Murume wake Wally aiva muKomonisiti, uye pakutanga akanga asingadi kutaura neni. Paakadzidza Bhaibheri ndokuziva kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchaunzira vanhu mamiriro ezvinhu akanaka, akafara chaizvo. Nokufamba kwenguva, vose vakazoitawo basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi.
Zvinoitwa Nomunhu Pakutanga Zvinganyengera
Pave paya takanzi tiende kuPaisley, Scotland. Rimwe zuva pandakanga ndichiparidzira ndiri ikoko, mumwe mukadzi akandivharira suo rake nehasha. Asi munguva pfupi akauya achinditsvaka kuti akumbire ruregerero. Pandakazodzoka vhiki yaitevera yacho,
akati: “Ndakanzwa sokuti ndakanga ndavharira Mwari suo. Ndaitofanira kukutsvaka.” Ainzi Pearl. Akandiudza kuti akanga aodzwa mwoyo chaizvo neshamwari nevoukama zvokuti akanga anyengetera kuna Mwari kuti awane shamwari yechokwadi. “Zvadaro wakauya pasuo,” akadaro. “Ndava kuziva kuti unofanira kunge uriwe shamwari iyoyo yechokwadi.”Kuva shamwari yaPearl kwaisava nyore. Aigara pamusoro pechikomo chaiva nemawere, uye ndaifanira kuchikwira netsoka. Pandakaenda kumba kwake kuti ndinomutora kuti tiende kumusangano waaizotanga kupinda, mhepo nemvura yainaya zvakapotsa zvandiwisira pasi. Ndakarasa amburera yangu payakabvaruka. Kwangopera mwedzi mitanhatu kubva paakandivharira suo rake nehasha, Pearl akabhabhatidzwa mumvura kuratidza kuti akanga azvitsaurira kuna Mwari.
Achangobhabhatidzwa, murume wake akasarudza kudzidza Bhaibheri, uye munguva pfupi, akaenda neni muushumiri hwepaimba neimba. Senguva dzose, kwainaya. “Usazvinetsa hako,” akadaro. “Ndinomira mumvura yakadai kwemaawa akawanda ndichiona nhabvu, saka chokwadi ndinogona kumira mumvura kuitira Jehovha.” Ndakagara ndichiyemura kutsunga kwevanhu vokuScotland.
Zvave zvichindikurudzira zvikuru kudzoka kwapera makumi emakore ndokuona kuti vakawanda vevandakadzidza navo vachakasimba pakutenda! Ndizvo zvinofadza pabasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (1 VaTesaronika 2:17-20) Muna 1966, kwapera makore anopfuura masere ndichipayona kuScotland, ndakakokwa kuti ndipinde Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kuti ndidzidziswe kuva mumishinari.
Kune Imwe Nyika
Ndakanzi ndiende kuBolivia, kutaundi rinopisa reSanta Cruz, kwaiva neungano yevanhu vanenge 50. Taundi racho rakandiyeuchidza kuMadokero kweUnited States sezvinoratidzwa mumafirimu eHollywood. Ndichifunga nezvezvakaitika, ndinofunga kuti ndave ndiri mumishinari akangofananawo nevamwe. Handisati ndamborumwa nemakarwe, handisati ndambokombwa nemhomho dzine chisimba, kurasika murenje, kana kuti kuputsikirwa nechikepe mugungwa. Asi ndave ndichinakidzwa zvikuru nebasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi.
Mumwe wevakadzi vandakatanga kudzidza navo Bhaibheri muSanta Cruz ainzi Antonia. Zvakanga zvakandiomera kudzidzisa Bhaibheri neSpanish. Pane imwe nguva, mwanakomana waAntonia muduku akati: “Amai, vanokanganisa nemaune kuitira kuti tiseke here?” Antonia pamwe naYolanda mwanasikana wake vakaguma vava kuita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Yolanda aiva neshamwari yaidzidzira kuva gweta, yaiva nezita remadunhurirwa rokuti Dito, yakatangawo kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yedu. Pandaimudzidzisa, ndakadzidza chimwezve chinhu nezvokudzidzisa chokwadi cheBhaibheri: Dzimwe nguva vanhu vanoda kubatsirwa kufunga.
Dito paakanga asingachawani nguva yokudzidza, ndakati: “Dito, Jehovha haakumanikidzi kuti utsigire Umambo hwake. Unofanira kusarudza.” Paakapindura kuti aida kushumira Mwari, ndakati: “Pano une mifananidzo yomutungamiriri wechimurenga. Mushanyi anoiona angagumisa kuti wasarudza kutsigira Umambo hwaMwari here?” Aida kungobatsirwa saizvozvo.
Kwapera mavhiki maviri, kurwa kwakatanga, uye vadzidzi vepayunivhesiti nemapurisa vakatanga kuridzirana pfuti. “Ngatitize!” Dito akashevedzera kushamwari yake. “Aiwa! Nhasi izuva redu guru ratanga takamirira,” shamwari yake yakapindura kudaro, ichitora pfuti uye ichimhanyira padenga reyunivhesiti yacho. Aiva mumwe weshamwari dzaDito sere dzakafa zuva iroro. Ungafungidzira here kuti zvinondifadza zvakadini kuona murume uyu, Dito, angadai akafa kudai akanga asina kusarudza kuva muKristu wechokwadi?
Kuona Mudzimu waJehovha Uchishanda
Rimwe zuva ndakapfuura pane rimwe suo, ndichifunga kuti takanga tatoshanyira musha iwoyo, pandakashevedzwa nomudzimai wepamba ipapo. Ainzi Ignacia. Aiziva nezveZvapupu zvaJehovha, asi kushora kwakasimba kwaiita murume wake—mupurisa aiva nomumhu
mukuru chaizvo ainzi Adalberto—kwaimutadzisa kufambira mberi pakunamata. Akanga asinganzwisisi dzidziso dzakawanda dzeBhaibheri dzinokosha, saka ndakatanga kudzidza naye Bhaibheri. Kunyange zvazvo Adalberto akanga akatsunga kutiregedzesa kudzidza Bhaibheri, ndakakwanisa kutaura naye kwenguva yakati rebei nezvedzimwe nyaya. Apa ndipo patakatanga kushamwaridzana.Fungidzira kuti ndakafara zvakadini pandakaona Ignacia achiva nhengo yeungano ine ushamwari, achinyaradza vakawanda vaida kunyaradzwa pakunamata uye mune zvimwewo zvinhu zvoupenyu. Nokufamba kwenguva, murume wake nevana vavo vatatu vakava Zvapupu. Kutaura zvazviri, Adalberto paakazonzwisisa zvinorehwa nemashoko akanaka, akadzokera kukamba yemapurisa akataura nechido zvokuti akaita kuti mapurisa azvinyorese magazini eNharireyomurindi neAwake! 200.
Jehovha Anoita Kuti Zvikure
Ndashumira muSanta Cruz kwemakore matanhatu, ndakanzi ndiende kuguta guru reBolivia, La Paz, kwandakapedzera makore 25 aitevera. Mukutanga kwema1970, musha webazi reZvapupu zvaJehovha waiva kuLa Paz waingova nevanhu 12. Basa rokuparidza zvaraiwedzera, zvichiita kuti padiwe nzvimbo yakakura, chivako chitsva chebazi chakavakwa muguta rakanga riri kukurumidza kukura reSanta Cruz. Bazi rakazotamisirwa ikoko muna 1998, uye ndakakokwa kuti ndinoshanda pabazi, iye zvino rava nevanhu vanopfuura 50.
Ungano imwe chete yaiva muSanta Cruz kare muna 1966 yava ungano dzinopfuura 50. Zvapupu 640 zvaiva muBolivia yose panguva iyoyo iye zvino zvava kuda kusvika 18 000!
Zvinofadza kuti basa randakaita muBolivia rakabereka zvibereko. Zvisinei, nguva dzose ndinokurudzirwa nokutendeka kwevaKristu vatinonamata navo vari kwose kwose. Tose tinofara kuona Jehovha achikomborera basa rokuparidza Umambo. Zvechokwadi zvinofadza kuitawo basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mateu 28:19, 20.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Ndichipayona muScotland
[Mifananidzo iri papeji 15]
Kushanda pahofisi yebazi muBolivia; (kamufananidzo kari pakati) pakupedza kudzidza kwekirasi yechi42 yeGiriyedhi