Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chokwadi Riri Nyore, asi Rakarurama Here?

Chokwadi Riri Nyore, asi Rakarurama Here?

Chokwadi Riri Nyore, asi Rakarurama Here?

MUNA September 2005, Church of England yakatsigira nomwoyo wose kubudiswa kweBhaibheri rinonzi The 100-Minute Bible. Zvayakagadzirwa nenzira yokuti igone kuverengwa mumanitsi 100, shanduro itsva iyi inopfupikisa Magwaro echiHebheru kuva zvikamu 17, chimwe nechimwe chiine peji imwe chete uye Magwaro echiGiriki kuva zvikamu 33, chimwe nechimwe chiine peji imwe chete, ichisiya zvikamu zvose zviya “zvinofinha,” sokutaurwa kwazvakaitwa nomumwe munyori. Chokwadi Bhaibheri iri riri nyore kuverenga, asi rakarurama here?

Vadzidzi veBhaibheri vanongwarira vachaona kuti kunze kwokusiya zita raMwari rokuti Jehovha, rine zvimwe zvarakasiya. (Pisarema 83:18) Somuenzaniso, chikamu 1 chinoti Mwari “akasika denga nenyika mumazuva matanhatu.” Zvisinei, Genesisi 1:1 inongoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” Pashure paizvozvo, nhoroondo yokutanga inorondedzera mamwe mabasa okusika anosanganisira nyika, yakasikwa mu“mazuva” matanhatu, kana kuti zvikamu zvenguva. Zvadaro, Genesisi 2:4 inopfupikisa nguva yose yokusika, ichiiti “zuva iro Jehovha Mwari akasika nyika nedenga.”

Maererano neThe 100-Minute Bible, Jobho, murume akatendeka, akadenhwa “nomumwe wevashumiri [vaMwari], Satani . . . aiva nebasa rokuwanira vanhu mhosva.” Unoona here kuti hazvisi kuenderana pano? Shoko rokuti “Satani” rinoreva kuti “Mudzivisi.” Pane kuva Mushumiri waMwari, kutaura zvazviri Satani ndiye muvengi mukuru waMwari uye ndiye akazvigadza kuti ape vanhu mhosva.—Zvakazarurwa 12:7-10.

Zvakadini nechikamu cheMagwaro echiKristu echiGiriki cheThe 100-Minute Bible? Mumufananidzo wemakwai nembudzi, shanduro yacho itsva inoti Jesu anofarira vaya vakabatsira “munhu chero upi zvake, zvisinei nokuti akaderera zvakadini,” asi zvakataurwa naJesu chaizvo ndezvokuti anokomborera vaya vanoitira zvakanaka vateveri vetsoka dzake—“hama” dzake. (Mateu 25:40) Pfupiso yebhuku raZvakazarurwa inoudza vaverengi varo kuti “Roma, Bhabhironi guru, raizoparadzwa zvachose.” Zvisinei, vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti pamanyoro akatanga kunyorwa hapana chikamu chinotsigira pfungwa iyoyo nezve“Bhabhironi Guru.”—Zvakazarurwa 17:15–18:24.

Kune vaya vanoda kuziva Musiki wedu uye kunzwisisa chinangwa chake, hapana chingatsiva Bhaibheri rakazara. Chokwadi, kuverenga Bhaibheri kuchatora maminitsi anopfuura 100, asi kuriverenga kunounza mibayiro isingaenzaniswi. (Johani 17:3) Bvuma basa iri uwane mibayiro.—2 Timoti 3:16, 17.