Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha ndiMwari Anoonga

Jehovha ndiMwari Anoonga

Jehovha ndiMwari Anoonga

“Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VAHEBHERU 6:10.

1. Jehovha akaratidza sei kuti aionga Rute mukadzi muMoabhi?

JEHOVHA anokoshesa zvikuru zvinoitwa nevaya vanoda kuita zvaanoda nomwoyo wose, uye anovakomborera chaizvo. (VaHebheru 11:6) Murume akatendeka Bhoazi ainyatsoziva unhu uhwu hwaMwari hwakanaka, nokuti akati kuna Rute mukadzi muMoabhi, aitarisira norudo vamwene vake vaiva chirikadzi: “Jehovha ngaakupe mubayiro wezvaunoita, uye ngapave nomubayiro wako wakakwana unobva kuna Jehovha.” (Rute 2:12) Rute akakomborerwa naMwari here? Chokwadi akakomborerwa! Kutaura zvazviri, nyaya yake yakanyorwa muBhaibheri! Uyezve, akaroorwa naBhoazi, akazova mbuya vaMambo Dhavhidhi uye vaJesu Kristu. (Rute 4:13, 17; Mateu 1:5, 6, 16) Muenzaniso iwoyo ndomumwe weyakawanda iri muBhaibheri inoratidza kuti Jehovha anoonga vashumiri vake.

2, 3. (a) Chii chinoita kuti kuonga kwaJehovha kushamise? (b) Nei Jehovha achikwanisa kuonga zvechokwadi? Taura muenzaniso.

2 Kudai Jehovha aizoratidza kusaonga aizozviona sokuti haana kururama. VaHebheru 6:10 inoti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.” Mashoko aya anoshamisa nokuti Mwari anoratidza kuti anoonga vanhu vakazvipira kunyange zvazvo vari vatadzi uye vasingasviki pakubwinya kwake.—VaRoma 3:23.

3 Nokuti hatina kukwana, tingaona sokuti mabasa edu okuzvipira kuna Mwari haakoshi uye haana kukodzera kukomborerwa naMwari. Kunyange zvakadaro, Jehovha anonyatsonzwisisa zvatinoda kuita uye mamiriro edu ezvinhu, uye zvechokwadi anoonga basa redu ratinoita nomweya wose. (Mateu 22:37) Somuenzaniso: Amai vanowana patafura yavo paine chipo—chishongo chomuhuro chisingadhuri. Vangaona chipo chacho sechinhu chisingakoshi vobva vachikanda padivi. Asi kadhi riri muchipo chacho rinoratidza kuti chipo chacho chabva kumwanasikana wavo muduku, apedza mari yose yaanga akachengeta achivatengera chipo ichocho. Iye zvino amai vacho vava kuona chipo chacho zvakasiyana. Zvichida misodzi yayangarara mumaziso avo, vanombundira mwana wavo vomuonga nomwoyo wose.

4, 5. Jesu akatevedzera sei Jehovha pakuratidza kuti anoonga?

4 Zvaanonyatsoziva vavariro dzedu uye zvatisingakwanisi kuita, Jehovha anoonga zvakanakisisa zvatinomupa, zvingava zviri zvishoma kana kuti zvakawanda. Panyaya iyi, Jesu akaratidza unhu hwaBaba vake nenzira yakakwana. Yeuka nhoroondo yomuBhaibheri yechirikadzi yaiva murombo. Jesu “paakatarira akaona vapfumi vachidonhedzera zvipo zvavo mumidziyo yokuisa mari. Akabva aona imwe chirikadzi yaishayiwa ichidonhedzera imomo tumari tuviri twaisambokosha, uye akati: ‘Chokwadi ndinokuudzai kuti, Chirikadzi iyi, kunyange iri murombo, yadonhedzera kupfuura zvavaita vose. Nokuti ava vose vadonhedzera zvipo vachibvisa pamari yavo yakasara, asi mukadzi uyu adonhedzera achibvisa pakushayiwa kwake zvose zvokurarama nazvo zvaanga ainazvo.’”—Ruka 21:1-4.

5 Chokwadi, zvaaiziva mamiriro ezvinhu omukadzi wacho—kuti aiva chirikadzi uye aiva murombo—Jesu akanyatsonzwisisa kukosha kwaiita chipo chake, uye akachikoshesa chaizvo. Ndizvo zvingataurwawo nezvaJehovha. (Johani 14:9) Hazvikurudziri here kuziva kuti pasinei nemamiriro ako ezvinhu, unogona kunzwirwa nyasha naMwari wedu anoonga noMwanakomana wake?

Jehovha Anokomborera muItiopiya Anotya Mwari

6, 7. Nei Jehovha akaratidza kuonga zvakanga zvaitwa naEbhedhi-mereki, uye akazviratidza sei?

6 Magwaro anoratidza kakawanda kuti Jehovha anoonga vaya vanoita zvaanoda. Funga zvaakaitira muItiopiya aitya Mwari ainzi Ebhedhi-mereki, akararama panguva imwe chete naJeremiya uye aiva mushandi muimba yaMambo waJudha aiva asina kutendeka, Zedhekiya. Ebhedhi-mereki akaziva kuti machinda aJudha akanga apomera muprofita Jeremiya kuti aimukira uye akanga amukanda mugomba, maaizofanira kufira asina chokudya. (Jeremiya 38:1-7) Achiziva kuti Jeremiya ainyanya kuvengerwa mashoko aaiparidza, Ebhedhi-mereki akaisa upenyu hwake pangozi ndokukwidza nyaya yacho kuna mambo. Noushingi, muItiopiya wacho akataura achiti: “Haiwa ishe wangu mambo, varume ava vaita zvakaipa pane zvose zvavaitira muprofita Jeremiya, wavakanda mumugodhi, kuti afire imomo nenzara.” Arayirwa namambo, Ebhedhi-mereki akatora varume 30 ndokununura muprofita waMwari.—Jeremiya 38:8-13.

7 Jehovha akaona kuti Ebhedhi-mereki aiva nokutenda, kutenda kwakamubatsira kuti akurire kutya kwaangave aiita. Saka Jehovha akaratidza kuti aionga uye akaudza Ebhedhi-mereki achishandisa Jeremiya, kuti: “Tarira ndiri kuita kuti mashoko angu ave echokwadi pamusoro peguta rino nokuda kwedambudziko, kwete nokuda kwezvakanaka . . . Ndichakununura pazuva iroro . . . hauzoiswi mumaoko evarume vaunotya. Nokuti chokwadi ndichakupukunyutsa, . . . ; uye uchava nomweya wako sezvakapambwa, nokuti wakavimba neni.” (Jeremiya 39:16-18) Chokwadi, Jehovha akanunura Ebhedhi-mereki pamwe chete naJeremiya pamachinda akaipa aJudha uye gare gare pavaBhabhironi vakaparadza Jerusarema zvachose. Jehovha “anorinda mweya yevakavimbika vake; anovanunura mumaoko evakaipa,” inodaro Pisarema 97:10.

“Baba Vako Vanoona Vari Pakavanda Vachakuripa”

8, 9. Sezvakaratidzwa naJesu, Jehovha anoonga minyengetero yorudzii?

8 Humwe uchapupu hwokuti Jehovha anoonga uye anokoshesa kuzvipira kwatinoita kwaari hungaonekwa mune zvinotaurwa neBhaibheri nezvomunyengetero. “Munyengetero wevakarurama unomufadza [Mwari],” akadaro murume akachenjera. (Zvirevo 15:8) Panguva yaJesu, vatungamiriri vezvitendero vakawanda vainyengetera pachena, vasingazviitiri kuti vaiva nokutenda kwechokwadi, asi nokuti vaida kufadza vanhu. “Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana,” akadaro Jesu. Akarayiridza vateveri vake kuti, “Zvisinei, iwe paunonyengetera, pinda muimba yako uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako vari pakavanda; ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa.”—Mateu 6:5, 6.

9 Chokwadi, Jesu akanga asiri kushora munyengetero unoitwa pane vanhu vakawanda, nokuti pane dzimwe nguva iye pachake akanyengetera paine vanhu vakawanda. (Ruka 9:16) Jehovha anoonga zvikuru patinonyengetera kwaari nomwoyo wose, tisingazviitiri kufadza vamwe. Kutaura zvazviri, minyengetero yatinoita tiri toga inoratidza kuti tinoda Mwari zvakadini uye kuti tinovimba naye zvakadini. Ndokusaka zvisingashamisi kuti Jesu aiwanzotsvaka nzvimbo dzaiva kwadzo dzoga kuti anyengetere. Pane imwe nguva, akaita izvi “mangwanani-ngwanani, kuchine rima.” Pane imwe nguva “akakwira mugomo ari oga kuti anonyengetera.” Uye asati asarudza vaapostora vake 12, Jesu akapedza usiku hwose ari oga achinyengetera.—Mako 1:35; Mateu 14:23; Ruka 6:12, 13.

10. Minyengetero yedu painoratidza kuti ndeyemwoyo wose uye yakadzama, tingava nechokwadi chei?

10 Fungidzira kuti Jehovha anofanira kunge akanyatsoteerera zvakadini mashoko oMwanakomana wake aibva pamwoyo! Chokwadi, dzimwe nguva Jesu ainyengetera “achichema kwazvo uye achisvimha misodzi, uye akanzwiwa nokuda kwokutya kwake Mwari.” (VaHebheru 5:7; Ruka 22:41-44) Minyengetero yedu painoratidza kuti ndeyechokwadi uye kuti inobva pamwoyo, tingava nechokwadi chokuti Baba vedu vokudenga vanonyatsoiteerera uye vanofara. Chokwadi, “Jehovha ari pedyo navose vaya . . . vanodana kwaari zvechokwadi.”—Pisarema 145:18.

11. Jehovha anonzwa sei nezvezvatinoita tiri toga?

11 Kana Jehovha achifara patinonyengetera kwaari tiri toga, anofanira kunge achifara zvikuru patinomuteerera tiri toga! Chokwadi, Jehovha anoziva zvatinoita tiri toga. (1 Petro 3:12) Kutaura zvazviri, kutendeka uye kuteerera kwedu patinenge tiri toga chiratidzo chakanaka chokuti tine “mwoyo wakakwana” kuna Jehovha, une vavariro dzakachena uye unoomerera pakuita zvakanaka. (1 Makoronike 28:9) Mufambiro wakadaro unoita kuti mwoyo waJehovha ufare zvikuru!—Zvirevo 27:11; 1 Johani 3:22.

12, 13. Tingarinda sei pfungwa dzedu nemwoyo yedu tova saNatanieri mudzidzi akanga akatendeka?

12 Somugumisiro, vaKristu vakatendeka havaiti zvivi pakavanda zvingakanganisa pfungwa dzavo nemwoyo, zvakadai sokuona zvinonyadzisira uye chisimba. Kunyange zvazvo vanhu vachigona kuvanzirwa zvimwe zvivi, tinoziva kuti “zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13; Ruka 8:17) Kana tikaedza kurega zvinhu zvisingafadzi Jehovha, tinova nehana yakachena uye tinofara kuziva kuti tinofarirwa naMwari. Chokwadi, hapana mubvunzo kuti Jehovha anonyatsokoshesa munhu “anofamba asina mhosva uye anoita zvakarurama uye anotaura chokwadi mumwoyo make.”—Pisarema 15:1, 2.

13 Zvisinei, tingarinda sei pfungwa dzedu nemwoyo yedu munyika yakazara uipi? (Zvirevo 4:23; VaEfeso 2:2) Kuwedzera pakushandisa zvizere urongwa hwose hune chokuita nokunamata, tinofanira kuedza kurega zvakaipa toita zvakanaka, tichikurumidza kuita chiito kuitira kuti zvishuvo zvakaipa zvisakura zvikabereka chivi. (Jakobho 1:14, 15) Imbofunga kuti waizofara zvakadini kudai Jesu aizotaura pamusoro pako zvaakataura kuna Natanieri: ‘Onai, munhu asina unyengeri maari.’ (Johani 1:47) Natanieri, ainziwo Bhatoromeyo, akazova neropafadzo yokuva mumwe wevaapostora 12 vaJesu.—Mako 3:16-19.

“Mupristi Mukuru Ane Ngoni uye Akatendeka”

14. Maonero akaita Jesu zvakaitwa naMariya akanga akasiyana sei neevamwe?

14 Nguva dzose Jesu anotevedzera zvakakwana Baba vake pakuratidza kuonga vaya vanoshumira Mwari nomwoyo wakachena, sezvo ari “mufananidzo waMwari asingaoneki,” Jehovha. (VaKorose 1:15) Somuenzaniso, kwasara mazuva mashanu kuti ape upenyu hwake, Jesu nevamwe vadzidzi vake vaiva vaeni mumusha waSimoni wokuBhetani. Manheru acho, Mariya, hanzvadzi yaRazaro uye munun’una waMarita, “akatora paundi yemafuta anonhuhwirira, nadhi chaiyo, inodhura kwazvo,” (yaitengwa nemari ingada kuenzana nemari yaitambira munhu pagore), akaidurura mumusoro maJesu nepatsoka dzake. (Johani 12:3) Vamwe vakati, “Nei mafuta aya apambadzwa kudai?” Zvisinei, Jesu akaona zvakaitwa naMariya nenzira yakasiyana chaizvo. Akazviona sokuratidza rupo rukuru uye sezvaiva nezvikuru zvazvaireva achifunga nezvokufa uye kuvigwa kwake kwakanga kwaswedera. Saka pane kutsoropodza Mariya, Jesu akamukudza. “Kwose kuchaparidzwa mashoko aya akanaka munyika yose,” akadaro, “zvaitwa nomukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”—Mateu 26:6-13.

15, 16. Tinobatsirwa sei nokumborarama kwakaita Jesu somunhu achishumira Mwari?

15 Takaropafadzwa zvikuru kuti munhu anoonga akaita saJesu ndiye Mutungamiriri wedu! Kutaura zvazviri, upenyu hwaJesu somunhu hwakaita kuti agadzirire basa raakanga akachengeterwa naJehovha—kushumira soMupristi Mukuru uye saMambo, kutanga weungano yevakazodzwa uyewo wenyika yose.—VaKorose 1:13; VaHebheru 7:26; Zvakazarurwa 11:15.

16 Asati auya pasi pano, Jesu akanga achitofarira vanhu uye achivada chaizvo. (Zvirevo 8:31) Paakararama ari munhu, akanzwisisa zvizere miedzo yatinotarisana nayo pakushumira kwatinoita Mwari. Jesu “aisungirwa kuti ave se‘hama’ dzake muzvinhu zvose,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka . . . Nokuti iye zvaakatambura paaiedzwa, anokwanisawo kuyamura vaya vari kuedzwa.” Jesu anokwanisa “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu” nokuti “akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi.”—VaHebheru 2:17, 18; 4:15, 16.

17, 18. (a) Tsamba dzakanyorerwa ungano nomwe dzokuAsia Minor dzinoratidzei nezvokunzwisisa kunoita Jesu? (b) VaKristu vakazodzwa vakanga vari kugadzirirwa kuzoitei?

17 Kunyatsonzwisisa kwaiita Jesu miedzo yevashumiri vake kwakava pachena pashure pokunge amutswa. Funga nezvetsamba dzake dzaakanyorera ungano nomwe dzokuAsia Minor, achishandisa muapostora Johani. Kuungano yokuSimina, Jesu akati: “Ndinoziva kutambudzika nourombo hwako.” Pano zvainyatsorehwa naJesu ndezvokuti, ‘Ndinonzwisisa zvizere matambudziko ako; ndinonyatsoziva zviri kuitika kwauri.’ Zvadaro, nokuti iye wacho akatambura kusvikira pakufa, achinzwira tsitsi uye achivasimbisa chaizvo, Jesu akawedzera kuti: “Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.”—Zvakazarurwa 2:8-10.

18 Tsamba dzakanyorerwa ungano nomwe dzizere mashoko anoratidza kuti Jesu ainyatsoziva matambudziko evadzidzi vake uye kuti aionga zvechokwadi kutendeka kwavo. (Zvakazarurwa 2:1–3:22) Yeuka kuti vaya vakataurwa naJesu vakanga vari vaKristu vakazodzwa vaiva netariro yokutonga pamwe chete naye kudenga. Kufanana naIshe wavo, vakanga vari kutoitwa kuti vagadzirire basa ravo rakakwirira rokubatsira kutarisira vanhu vachinzwira tsitsi chaizvo vari kugomera vari kubatsirwa nechibayiro chorudzikinuro chaKristu.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 22:1-5.

19, 20. Vaya vanoumba “boka guru” vanoratidza sei kuti vanoonga Jehovha noMwanakomana wake?

19 Chokwadi, Jesu anoda vateveri vake vakazodzwa sezvaanoitawo “mamwe makwai” akatendeka, mamiriyoni awo ava kuumba “boka guru revanhu, . . . vanobva kumarudzi ose,” vachapona pa“kutambudzika kukuru” kuri kuuya. (Johani 10:16; Zvakazarurwa 7:9, 14) Ava ndivo vari kudirana kudivi raJesu nokuti vanoonga chibayiro chake chorudzikinuro uye vane tariro youpenyu husingaperi. Vanoratidza sei kuti vanoonga? Vanozviratidza noku“itira [Mwari] basa dzvene masikati nousiku.”—Zvakazarurwa 7:15-17.

20 Mushumo wenyika yose wegore rebasa ra2006, wakanyorwa pamapeji 27 kusvika ku30, unopa uchapupu huri pachena hwokuti vashumiri ava vakatendeka zvechokwadi vari kuitira Jehovha “basa dzvene masikati nousiku.” Kutaura zvazviri, mugore iri, ivo pamwe chete neboka duku zvikuru revaKristu vakazodzwa vasara vakapa nguva inosvika maawa 1 333-966 199 kubasa roushumiri hwepachena—yakaenzana nemakore anopfuura 150 000!

Ramba Uchiratidza Kuti Unoonga!

21, 22. (a) Pakuratidza kuonga, nei vaKristu vachifanira kunyanya kungwarira mazuva ano? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

21 Pavanobata nevanhu vasina kukwana, Jehovha noMwanakomana wake vave vachiratidza kuonga kunotoshamisa zvechokwadi. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda havafungi nezvaMwari, pane kudaro vanofunga nezvezvinovanetsa ivo. Achirondedzera vanhu vaizorarama “mumazuva okupedzisira,” Pauro akanyora kuti: “Vanhu vachangozvifunga ivo, vachikara mari . . . Vachange vasingatomboongi zvachose.” (2 Timoti 3:1-5, Phillips) Vanhu vakadaro vakasiyana chaizvo nevaKristu vechokwadi, vanoratidza kuti vanoonga zvose zvavakaitirwa naMwari nokunyengetera zvinobva pamwoyo, kuteerera nechido, uye kuita basa nomwoyo wose!—Pisarema 62:8; Mako 12:30; 1 Johani 5:3.

22 Munyaya inotevera, tichadzokorora humwe urongwa hwakawanda hune chokuita nokunamata hwatakapiwa naJehovha norudo. Sezvatinofungisisa ‘nezvezvipo izvi zvakanaka,’ ngatirambei tichionga zvikuru.—Jakobho 1:17.

Ungapindura Sei?

• Jehovha akaratidza sei kuti ndiMwari anoonga?

• Patinenge tiri toga, tingaita sei kuti mwoyo waJehovha ufare?

• Jesu akaratidza sei kuti aionga?

• Kurarama somunhu kwakabatsira sei Jesu kuti ave mutongi anonzwira tsitsi uye anonzwisisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Sezvinoita mubereki anofarira chipo chisingadhuri chinobva kumwana wake, Jehovha anoonga patinomupa zvakanakisisa zvedu