Nei Tichifanira Kutaura Chokwadi?
Nei Tichifanira Kutaura Chokwadi?
PAAIVA nemakore 18, Manfred akanga ava kutodzidziswa basa romuhofisi. * Kambani yaaishandira yakaronga kuti iye nevamwe vaidzidzira basa iri vaende kukoreji inodzidzisa mabasa ounyanzvi kwemazuva maviri vhiki yoga yoga. Rimwe zuva kirasi yacho yakakurumidza kupedza zvidzidzo. Maererano nemitemo yekambani yacho, vaifanira kudzokera kubasa kuti vanoshanda zuva rose. Pane kudaro, vose vakaenda havo kumafaro, kunze kwaManfred, uyo akadzokera kubasa. Sezvineiwo, mukuru mukuru wekambani aivatarisira akapfuura nepo. Paakaona Manfred, akabvunza kuti: “Nei usiri kuchikoro nhasi? Uye vamwe vako vari kupi?” Manfred anofanira kupindura achitii?
Manfred ari parumananzombe. Otaura chokwadi here, kana kuti ovharidzira vaanodzidza navo? Kutaura chokwadi kungareva kuti zvichaipira vamwe uye kungaita kuti asava nezita rakanaka. Zvakanaka here kureva nhema mumamiriro ezvinhu akadaro? Ungadai wakaita sei? Tichazoona kuti Manfred akaitei, asi ngatimbotanga takurukura zvatinofanira kuita kana tikanzi tisarudze kuti totaura chokwadi here kana kuti nhema.
Chokwadi Nenhema—Zvinhu Zvinokosha Zvinorwisana
Pakutanga kwenhoroondo yevanhu, zvinhu zvose zvaingova zvechokwadi. Hapana aireva nhema, aichinja chokwadi kana kuti kuchitsaudzira. Jehovha, Musiki, ndi“Mwari wechokwadi.” Shoko rake ichokwadi; haagoni kureva nhema, uye anoshora kureva nhema nevanhu vanoreva nhema.—Pisarema 31:5; Johani 17:17; Tito 1:2.
Kana zvakadaro, nhema dzakazotanga sei? Jesu Kristu akapa mhinduro yechokwadi paakaudza vechitendero vaimushora, vaida kumuuraya, kuti: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Zviri pachena kuti Jesu akanga achitaura nezvezvakaitika mumunda weEdheni Satani paakanyengedza vanhu vaviri vokutanga kuti varege kuteerera Mwari vachibva vazotadza ndokufa.—Genesisi 3:1-5; VaRoma 5:12.
Mashoko aJesu anonyatsoratidza kuti Satani ndiye “baba venhema,” ndiye akatanga kureva nhema uye kusataura chokwadi. Satani ndiye achiri mutsigiri mukuru wenhema uye kutaura zvazviri, ari “kutsausa nyika yose inogarwa.” Ndiye anonyanya kuparira zvakaipa zviri kuitika kuvanhu nhasi zvakakonzerwa nenhema.—Zvakazarurwa 12:9.
Kurwisana kunokosha kwechokwadi nenhema kwakatangwa naSatani Dhiyabhorosi kuchiri kuenderera mberi. Kwakapararira munzanga dzose dzevanhu uye kunovhiringidza munhu wose. Mararamiro anoita munhu anomuisa kudivi rechokwadi kana renhema. Vaya vari kudivi raMwari vanorarama zvinoenderana nechokwadi cheShoko raMwari, Bhaibheri. Munhu wose asingateveri nzira yechokwadi anowira mumaoko aSatani achiziva kana kuti asingazivi, nokuti “nyika yose iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19; Mateu 7:13, 14.
Nei Vanhu Vachiwanzoreva Nhema?
Kuti “nyika yose” iri musimba raSatani kunotiratidza chinoita kuti vanhu vakawanda vareve nhema. Asi tingabvunza kuti, ‘Nei Satani, ivo “baba venhema,” akareva nhema?’ Satani aiziva kuti Jehovha ndiye akakodzera kuva Changamire wezvose zvaakasika, kusanganisira vaviri vokutanga. Asi Satani aida chinzvimbo ichi chakakwirira uye chinokosha, chaakanga asina kukodzera kuwana. Nemhaka yemakaro uye youdyire, akaronga kubvuta nzvimbo yaJehovha. Kuti abudirire kuita izvi, Satani akareva nhema uye akanyengera.—1 Timoti 3:6.
Zvakadini nanhasi? Haubvumi here kuti makaro uye udyire ndizvo zvichiri kunyanya kuita kuti vanhu vakawanda vareve nhema? Mabhizimisi anoratidza makaro, uori hwezvematongerwo enyika, uye chitendero chenhema zvakazara nounyengeri, nhema, kumonyanisa mashoko uye kubiridzira. Nei? Haisi here mhaka yokuti kazhinji vanhu vanokurudzirwa nemakaro nechido chokuva pamberi kana kuti chokuwana pfuma, simba, kana kuti chinzvimbo chavanenge vasina kukodzera kuwana? Mutongi akachenjera, Mambo Soromoni weIsraeri yekare akanyevera kuti: “Uya anoda kuchimbidza kuwana pfuma haazorambi asina mhosva.” (Zvirevo 28:20) Uye muapostora Pauro akanyora kuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose.” (1 Timoti 6:10) Tinogonawo kutaura zvakafanana nezvokunyanya kuda simba kana kuti chinzvimbo.
Chimwe chinoita kuti vanhu vareve nhema kutya—kutya zvingazoitika kana kuti kutya zvingafungwa nevamwe kana ukataura chokwadi. Munhu wose anoda kudiwa kana kufarirwa nevamwe. Zvisinei, chido ichi chingaita kuti vamwe vasataura chokwadi, kunyange kutoreva nhema zvishoma, kuitira kuti vavhare zvavanenge vakanganisa, vasataura mashoko akaipa nezvavo, kana kungoti vaite kuti vamwe vavaone sevanhu vakanaka. Zvakakodzera kuti Soromoni akanyora kuti: “Kutya munhu ndiko kunounza musungo, asi anovimba naJehovha achadzivirirwa.”—Zvirevo 29:25.
Kuvimbika Kuna Mwari Wechokwadi
Manfred akatii paakabvunzwa zvakanga zvaitika nomukuru mukuru wekambani yake? Manfred akataura chokwadi. Akati: “Nhasi mudzidzisi aita kuti tikurumidze kupedza, saka ini ndauya kubasa. Asi handingatauriri vamwe. Zvichida munogona kuzovabvunza moga.”
Manfred aigona kunge akapindura nenzira yaizoita kuti zviite sokuti akachenjera, achireva nhema, ozviita munhu ane zita rakanaka nevamwe vake. Asi aiva nezvikonzero zvakanaka zvokuramba achitaura chokwadi nokuvimbika. Manfred mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kutendeseka kwake kwakaita kuti hana yake irambe yakachena. Kwakaitawo kuti avimbwe nowaaishandira. Pakudzidziswa kwake basa, Manfred
akanzi anoshandira kudhipatimendi rezvishongo, kwaisawanzobvumidzwa vaidzidziswa basa kuti vashandireko. Kwapera makore 15, Manfred paakakwidziridzwa mukambani yacho, mukuru mukuru uya akamuridzira runhare achimukorokotedza uye achirondedzera zvaakaita zvinoratidza kuti aitaura chokwadi.Jehovha zvaari Mwari wechokwadi, munhu wose anoda kuva noukama hwepedyo naye anofanira ku“bvisa nhema” ‘otaura chokwadi.’ Mushumiri waMwari anofanira kuda chokwadi. “Chapupu chakatendeka ndechiya chisingazorevi nhema,” akanyora kudaro murume akachenjera. Zvisinei, nhema chii?—VaEfeso 4:25; Zvirevo 14:5.
Nhema Chii?
Nhema dzose kutaura mashoko asiri echokwadi, asi hazvirevi kuti mashoko ose asiri echokwadi inhema. Nei? Rimwe duramazwi rinorondedzera nhema richiti “kutaura chimwe chinhu chaunoziva kana kuti chaunodavira kuti hachisi chechokwadi uine chinangwa chokunyengera.” Chokwadi, kureva nhema kunosanganisira chinangwa chokunyengera mumwe munhu. Saka kutaura mashoko asiri echokwadi usina kuronga—zvakadai sokuudza munhu zvinhu zvisiri izvo asi usingaiti nemaune—hazvina kufanana nokureva nhema.
Uyezve, tinofanira kuona kana munhu ari kubvunza wacho akakodzera kupiwa mhinduro izere. Somuenzaniso, ngatitii Manfred akanga abvunzwa mibvunzo yakafanana nomukuru mukuru weimwe kambani. Manfred aifanira kumutaurira zvose here? Kwete hazvo. Sezvo mukuru mukuru iyeye akanga asina kodzero yokuziva mashoko akadaro, Manfred aisafanira hake kumuudza. Chokwadi, kunyange muchiitiko ichi, zvaizova zvisina kunaka kuti areve nhema.
Jesu Kristu akatisiyira muenzaniso wei panyaya iyi? Pane imwe nguva, Jesu akanga achitaura nevamwe vasingatendi vairatidza kufarira urongwa hwenzendo dzake. Vakamuti, “Pfuura pano uende muJudhiya.” Jesu akapindura kutii? “Imi kwirai kumutambo [kuJerusarema]; ini handisati ndava kukwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu yakakodzera haisati yanyatsosvika.” Izvozvo zvichangoitika, Jesu akaenda kuJerusarema kumutambo. Nei akapindura saizvozvo? Vakanga vasina kodzero yokuziva kwose kwaaizova. Saka kunyange zvazvo Jesu asina kureva nhema, haana kuvapa mhinduro yakakwana achiitira kuti mukana wokuti vamukuvadze iye kana kuti vateveri vake uve muduku zvikuru. Idzi dzakanga dzisiri nhema nokuti muapostora Petro akanyora nezvaKristu kuti: “Haana kuita chivi, uyewo unyengeri hahuna kuwanikwa mumuromo make.”—Johani 7:1-13; 1 Petro 2:22.
Zvakadini naPetro? Usiku hwakasungwa Jesu, Petro haana here kuramba katatu kuti aiziva Jesu? Chokwadi, Petro akakurirwa nokutya munhu ndokubva areva nhema. Asi akakurumidza ku“svimha misodzi kwazvo” ndokupfidza, uye chivi chake chakakanganwirwa. Uyezve, Mateu 26:69-75; Mabasa 4:18-20; 5:27-32; Jakobho 3:2.
akadzidza pane zvaakakanganisa. Kwapera mazuva akati, akataura pachena nezvaJesu uye akaramba achitaura kunyange paakatyisidzirwa nevane masimba vechiJudha vaiva muJerusarema. Zvechokwadi kumbovhiringidzika kwakaita Petro nokukurumidza kupengenuka kwaakazoita kunofanira kutikurudzira tose isu vanhu vanogona kukurirwa zviri nyore patinoedzwa tokanganisa pane zvatinotaura kana zvatinoita.—Chokwadi Chicharamba Chiripo Nokusingaperi
“Muromo wechokwadi ndiwo uchasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi rwenhema ruchangovapo kwenguva duku,” inotsanganura kudaro Zvirevo 12:19. Kutaura zvazviri, mashoko echokwadi anogara kwenguva refu. Uye ukama hwevanhu hunova hwakasimba uye hunogutsa zvikuru kana vanhu vakatsunga kutaura chokwadi uye kuita zvinoenderana nacho. Kutaura zvazviri, kutaura chokwadi kunokurumidza kuunza mibayiro. Iyi inosanganisira hana yakachena, zita rakanaka, uye ukama hwakasimba pane vakaroorana, mumhuri, shamwari, kunyange mumabhizimisi.
Asiwo nokufamba kwenguva nhema dzinoguma dzafumurwa. Rurimi runoreva nhema runganyengera kwekanguva, asi nokufamba kwenguva nhema hadzibudiriri. Uyezve, Jehovha, Mwari wechokwadi, haazorambi achingotsungirira vaya vasingatauri chokwadi nevaya vanotsigira nhema. Bhaibheri rinovimbisa kuti Jehovha achabvisa kufurira kunoita Satani Dhiyabhorosi, baba venhema, ari kutsausa nyika yose inogarwa. Munguva pfupi iri kuuya Jehovha achagumisa nhema dzose uye achaparadza vose vanoreva nhema.—Zvakazarurwa 21:8.
Zvichazorodza zvikuru pakupedzisira “muromo wechokwadi” pauchasimbiswa nokusingaperi!
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 2 Handiro zita rake chairo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Makaro uye udyire ndizvo zvinoita kuti vanhu vakawanda vareve nhema
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Nhema dzose kutaura mashoko asiri echokwadi, asi hazvirevi kuti mashoko ose asiri echokwadi inhema
[Mufananidzo uri papeji 6]
Tinodzidzei pakuramba Kristu kwakaita Petro?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kutaura chokwadi kunoita kuti pave noukama hwakasimba uye hunogutsa