Tinongotarisira Kuti Vamwe Vataure Chokwadi Here?
Tinongotarisira Kuti Vamwe Vataure Chokwadi Here?
“NDINOVENGA nhema, uye ndinovenga kureverwa nhema!” akadaro mumwe musikana ane makore 16. Ndiwo manzwiro anoita vakawanda vedu. Tinoda kuva nechivimbo chokuti mashoko atinoudzwa ndeechokwadi—pasinei nokuti taudzwa here kana kuti taita zvokunyorerwa. Asi patinotaurira vamwe zvinhu tinovaudza chokwadi here?
Muongororo yakaitwa kuGermany, vazhinji pane vakabvunzurudzwa vaifunga kuti “kureva nhema pazvinhu zviduku kuti uzvidzivirire kana kuti udzivirire vamwe kuti vasakuvadzwa kunobvumidzwa, chokwadi, vaifunga kuti kwakakodzera kuitira kuti vanhu vawirirane.” Uye mumwe munyori wenhau akati: “Kungotaura chokwadi nguva dzose kwakanaka chaizvo asi hakunakidzi.”
Zvingava here kuti tinoda kuti vamwe vataure chokwadi asi isu tichifunga kuti pane dzimwe nguva zvakakodzera kuti tireve nhema? Zvine basa here kana tikataura chokwadi kana kuti kwete? Migumisiro yokureva nhema ndeipi?
Zvakaipa Zvinokonzerwa Nenhema
Funga nezvezvakaipa zvingakonzerwa nenhema. Nhema dzinoita kuti vakaroorana uye vomumhuri vasavimbana. Makuhwa asina paakavakirwa angakanganisa zita romunhu. Kubiridzira kunoitwa nevashandi kunoita kuti kutarisira bhizimisi kudhure uye kunoguma kwaita kuti zvinhu zvinozotengeswa zvinyanye kudhura. Mashoko enhema anonyorwa pamafomu emitero anoita kuti hurumende ibirwe mari yokuita mabasa ainofanira kuitira vanhu. Nhema dzinotaurwa nevaongorori dzinokanganisa mabasa avo akanaka chaizvo uye dzinoshatisa zita remasangano anoremekedzwa. Zvirongwa zvisina kuvimbika zvokukurumidza kupfuma zvinoita kuti vanenge vakachengetesa mari yavanoda kuzoshandisa muupenyu hwavo kubhengi vabirwe nyore nyore kana kuti vaitirwe zvakatoipa kupfuura izvi. Ndokusaka Bhaibheri richitiudza kuti “rurimi runoreva nhema,” uye “chapupu chinonyengera chinoreva nhema” ndezvimwe zvinhu zvinosemesa Jehovha Mwari!—Zvirevo 6:16-19.
Kureva nhema, uko kwagara kuchiitwa nevanhu vakawanda, kunogona kukuvadza anoreva nhema wacho uye nzanga yose zvayo. Vakawanda vanobvumirana nepfungwa iyoyo. Saka nei vanhu vachireva nhema nemaune? Uye kusataura chokwadi kwose kunganzi inhema here? Tichakurukura mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe munyaya inotevera.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Nhema dzinoita kuti vakaroorana vasavimbana