Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungadzidzei Kuvana?

Ungadzidzei Kuvana?

Ungadzidzei Kuvana?

“URI kuita somwana chaiye!” Kudai taizoudzwa mashoko iwayo, pamwe taizogumbuka. Kunyange zvazvo vana vachifadza, zviri pachena kuti havana kukura mupfungwa, havana ruzivo uye uchenjeri hunowanzova nevanhu vakura.—Jobho 12:12.

Kunyange zvakadaro, pane imwe nguva Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana mukasatendeuka mova sevana vaduku, hamungambopindi muumambo hwokumatenga.” (Mateu 18:3) Jesu airevei? Unhu hupi hune vana vaduku hunofanira kutevedzerwa nevanhu vakuru?

Kuzvininipisa Sezvinoita Vana

Funga nezvemamiriro ezvinhu akaita kuti Jesu azotaura izvozvo. Asvika muKapenaume pashure porwendo rurefu, Jesu akabvunza vadzidzi vake kuti: “Manga muchiitirana nharo pamusoro pei mumugwagwa?” Vadzidzi vacho vakaramba vakanyarara vava kunyara, nokuti vakanga vaitirana nharo dzokuti ndiani aiva mukuru wavo. Pakupedzisira, vakashinga kubvunza Jesu kuti: “Ndiani mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga?”—Mako 9:33, 34; Mateu 18:1.

Zvingaita sezvinoshamisa kuti pashure pokunge vagara naJesu kwemakore anoda kusvika matatu, vadzidzi vake vaizoitirana nharo pamusoro pechinzvimbo. Zvisinei, vaiva vakurira muchitendero chechiJudha, chainyanya kukoshesa nyaya dzakadaro. Zviri pachena kuti chitendero chavakanga vakurira machiri ichi, pamwe chete nokuti vaiva vanhu vasina kukwana, ndizvo zvaiita kuti vadzidzi ava vafunge saizvozvo.

Jesu akagara pasi, akadana vadzidzi vake, akati: “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva wokupedzisira pane vamwe vose nomushumiri wevamwe vose.” (Mako 9:35) Mashoko aya angangodaro akavashayisa romuromo. Maonero aiita Jesu ukuru akanga akasiyana zvachose nemaonero aiita vaJudha! Zvadaro Jesu akadana mwana muduku kuti auye padivi pake. Achimbundira mwana wacho noushamwari, akasimbisa pfungwa yacho achiti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana mukasatendeuka mova sevana vaduku, hamungambopindi muumambo hwokumatenga. Naizvozvo, munhu wose achazvininipisa somwana uyu muduku ndiye mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga.”—Mateu 18:3, 4.

Muenzaniso une simba zvikuru wokuzvininipisa! Fungidzira mamiriro acho ezvinhu. Boka revarume vakuru, raida kunzwisisa nomwoyo wose rakaunganira kamwana kaduku kacho, rakanyatsokatarira. Mwana wacho ainyara uye aivimba navo chaizvo! Akanga asina makwikwi kana ruvengo! Aizviisa pasi uye aisazvikoshesa! Chokwadi, mwana wacho muduku akaratidza unhu hwaMwari hwokuzvininipisa.

Pfungwa yaJesu yakajeka. Kuti tigare nhaka Umambo hwaMwari tose zvedu tinofanira kuzvininipisa sezvinoita vana. Muurongwa hwaJehovha hwemhuri, hamuna zvokukwikwidzana kana kuti kudada. (VaGaratiya 5:26) Kutaura zvazviri, uhwu ndihwo unhu hwakaita kuti Satani Dhiyabhorosi apandukire Mwari pakutanga. Ndokusaka Jehovha achihuvenga!—Zvirevo 8:13.

VaKristu vechokwadi vanoda kushumira, kwete kushandisa simba. Kuzvininipisa kwechokwadi kunoita kuti tishumire vamwe, pasinei nokuti basa racho harinakidzi zvakadini kana kuti ari kushumirwa wacho akaderera zvakadini. Basa rokuzvininipisa rakadaro rinounza mibayiro inogutsa. Jesu anoti: “Munhu wose anogamuchira mumwe wevana vaduku vakadai nokuda kwezita rangu, anondigamuchira; uye munhu wose anondigamuchira, haagamuchiri ini chete, asiwo iye akandituma.” (Mako 9:37) Kuva norupo, kuzvininipisa uye unhu hwakaita sohwevana zvinoita kuti tibatane noMunhu mukuru zvikuru pazvose zvakasikwa uye kuti tibatane noMwanakomana wake. (Johani 17:20, 21; 1 Petro 5:5) Tichawana mufaro unobva pakupa. (Mabasa 20:35) Uye tinogutswa nokuita kuti vanhu vaMwari vave norugare uye vabatane.—VaEfeso 4:1-3.

Vanobvuma Kudzidziswa uye Vanovimba Nevamwe

Jesu anozotaurazve chimwe chidzidzo chingadzidzwa nevanhu vakuru kuvana, achiti: “Munhu wose asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombopindi mahuri.” (Mako 10:15) Vana havangozvininipisi chete; vanobvuma kudzidziswa. Vamwe amai vanoti: “Vanogamuchira mashoko ose sokunwira mvura kunoita chipanji.”

Saka kuti tigare nhaka Umambo hwaMwari, tinofanira kugamuchira uye kuteerera shoko roUmambo. (1 VaTesaronika 2:13) Sezvinoita vacheche vanenge vachangoberekwa, tinofanira ‘kupanga mukaka usina kushatiswa weshoko raMwari, kuti tikure nawo tizoponeswa.’ (1 Petro 2:2) Asi zvakadini kana dzidziso yeBhaibheri ichiita seyakaoma kunzwisisa? Mumwe anotarisira vana akati, “Vana vanoramba vachibvunza kuti ‘Nei’ kusvikira mibvunzo yavo yapindurwa zvinogutsa.” Tingaita zvakanaka kana tikatevedzera muenzaniso wavo. Saka ramba uchidzidza. Taura nevaKristu vava noruzivo. Kumbira Jehovha uchenjeri. (Jakobho 1:5) Hapana mubvunzo kuti nokufamba kwenguva minyengetero yaunoramba uchipa ichapindurwa.—Mateu 7:7-11.

Zvisinei, vamwe vangashamisika kuti, ‘Vanhu vanobvuma kudzidziswa havanganyengedzwi nyore nyore here?’ Havanyengedzwi kana vachitungamirirwa nenzira yakavimbika. Somuenzaniso, vana vanongoberekwa vachida kutungamirirwa nevabereki vavo. “Vabereki vanoratidza kuti vanogona kuvimbwa nokudzivirira uye kupa vana vavo zvavanoda zuva nezuva,” vanodaro vamwe baba. Zvechokwadi tine zvikonzero zvakafanana zvokuvimba naBaba vedu vokudenga, Jehovha. (Jakobho 1:17; 1 Johani 4:9, 10) Jehovha anototitungamirira achishandisa Shoko rake rakanyorwa. Mudzimu wake mutsvene nesangano rake zvinotinyaradza nokutitsigira. (Mateu 24:45-47; Johani 14:26) Kushandisa urongwa uhwu kuchaita kuti tisakanganiswa pakunamata.—Pisarema 91:1-16.

Kuvimba naMwari sezvinoita vana kunotizorodzawo mupfungwa. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Patinenge tiri vana tinofamba rwendo tisina mari, uye tisingambozivi kuti tichasvika sei kwatiri kuenda, asi tinenge tiine chokwadi chokuti vabereki vedu vachaita kuti tisvike kwatiri kuenda takachengeteka.” Tinovimba naJehovha saizvozvo here patinofamba murwendo rwoupenyu?—Isaya 41:10.

Kuvimba naMwari zvakakwana kuchatibatsira kuti tisafunga zvinhu zvingakanganisa kunamata kwedu uye tisazviita. Pane kudaro, tinovimba kwazvo nemashoko aJesu okuti Baba vedu vokudenga vanoziva zvatinoita uye kuti chero bedzi tichitanga kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari, vachatitarisira. Izvi zvichatibatsira kudzivisa muedzo wokunyanya kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvokunyama tichiregeredza mabasa edu okunamata.—Mateu 6:19-34.

“Vacheche Pane Zvakaipa”

Kunyange zvazvo vana vaduku vachiberekwa vasina kukwana, mwoyo yavo nepfungwa zvakachena zvinozorodza. Ndokusaka Bhaibheri richikurudzira vaKristu kuti: “Ivai vacheche pane zvakaipa.”—1 VaKorinde 14:20.

Funga nezvaMonique ane makore mashanu, akaudza amai vake achifara kuti: “Shamwari yangu itsva, Sarah, ine bvudzi rakamonana sezvakangoita rangu!” Haana kana kutombotaura nezveganda raSarah uye nezvorudzi rwake. Mumwe mubereki anoti: “Vana vaduku havaoni kusiyana kworuvara rweganda. Havatombofungi nezveganda uyewo havasarurani.” Panyaya iyi, vana vanoratidza zvakanaka chaizvo maonero anoita Mwari wedu asingasaruri, anoda vanhu vemarudzi ose.—Mabasa 10:34, 35.

Vana vanokwanisawo kukanganwira zvinoshamisa. Mumwe mubereki anoti: “Jack naLevi pavanorwa, tinovaudza kuti vakumbirane ruregerero, uye munguva pfupi vanenge vava kutotambazve vachifara. Havafundumwari, havayeuchidzani zvakaitika kare, kana kutanga vataura zvakawanda vasati vakanganwirana. Vanongoramba vachitamba vose.” Muenzaniso wakanaka chaizvo wokuti vakuru vatevedzere!—VaKorose 3:13.

Uyezve, vana vaduku vanobvuma kuti Mwari ariko. (VaHebheru 11:6) Kusununguka kwavo kunowanzoita kuti vaparidzire vamwe noushingi. (2 Madzimambo 5:2, 3) Minyengetero yavo iri nyore, inobva pamwoyo inogona kubaya mwoyo yakaoma zvikuru. Uye pavanoedzwa, zvinoshamisa kuti vanogona kuramba vaine tsika dzakanaka. Vana vaduku zvipo zvinokosha zvikuru!—Pisarema 127:3, 4.

Kuva Nounhu Hwakanaka Zvakare

Ungashamisika kuti, ‘Zvinoita here kuti vanhu vakuru vavezve nounhu hwakanaka hune vana?’ Mhinduro iri nyore uye inokurudzira ndeyokuti hungu! Zvechokwadi murayiro waJesu woku“va sevana vaduku” unoratidza kuti zvinoita.—Mateu 18:3.

Somuenzaniso: Boka renyanzvi dzokudhirowa dzinogadzirisa zvinhu ringagadzirisa mufananidzo wakagadzirwa nounyanzvi. Padzinenge dzichidaro, dzinobvisa tsvina inenge yavapo dzogadzirisa zvakanga zvamboedza kuitwa nevanhu vasiri nyanzvi. Pashure pokunge nyanzvi idzi dzatora nguva refu dzichiugadzirisa, vanhu vose vanoona mavara awo akanaka uye kunaka kwawakaita. Saizvozvowo, kana tikaramba tichiedza, tichibatsirwa nomudzimu mutsvene waJehovha, uye tichitsigirwa norudo neungano yechiKristu, tinogona kuvazve nounhu hwakanaka hwataiva nahwo pataiva vana.—VaEfeso 5:1.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vana vanoberekwa vachizvininipisa

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vana vaduku havasarurani, uye vanokurumidza kukanganwira uye kukanganwa