Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usamborega Kuramba Uchionga

Usamborega Kuramba Uchionga

Usamborega Kuramba Uchionga

“Pfungwa dzenyu dzinokosha sei . . . ! Haiwa Mwari, dzose zvadzo izhinji sei!”—PISAREMA 139:17.

1, 2. Nei tichifanira kukoshesa Shoko raMwari, uye munyori wepisarema akatii nezvokurikoshesa kwaaiita?

ZVAAKAWANA zvaishamisa. Paigadziridzwa temberi yaJehovha muJerusarema, Mupristi Mukuru Hirikiya akawana “bhuku romutemo waJehovha wakapiwa pachishandiswa Mosesi,” pasina mubvunzo raiva bhuku rakatanga kunyorwa rakanga rapedzwa makore anenge 800 akanga apfuura! Ungafungidzira here kuti Mambo Josiya aitya Mwari akanzwa sei bhuku iroro parakaunzwa kwaari? Zvechokwadi, akarikoshesa uye akabva aita kuti munyori Shafani ariverenge zvinonzwika.—2 Makoronike 34:14-18.

2 Mazuva ano, Shoko raMwari, rose zvaro kana kuti chikamu charo, rinogona kuverengwa nemabhiriyoni evanhu. Asi izvozvo zvinoita kuti Magwaro asakosha here? Kana! Kutaura zvazviri, ane pfungwa dzoWemasimbaose dzatakanyorerwa kuti tibatsirwe. (2 Timoti 3:16) Achitaura manzwiro aaiita nezveShoko raMwari, munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Pfungwa dzenyu dzinokosha sei . . ! Haiwa Mwari, dzose zvadzo izhinji sei!”—Pisarema 139:17.

3. Chii chinoratidza kuti Dhavhidhi aiva murume ainyatsonzwisisa zvinhu zvokunamata?

3 Dhavhidhi akaramba achingokoshesa Jehovha, Shoko rake uye urongwa hwake hwokunamata kwechokwadi. Mapisarema akawanda akanaka chaizvo akanyorwa naDhavhidhi anoratidza manzwiro aaiita. Somuenzaniso, pana Pisarema 27:4, akanyora kuti: “Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha—ndicho chandichatsvaka, kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti ndione kufadza kwaJehovha uye kuti nditarire temberi yake ndichionga.” MuchiHebheru chokutanga, mashoko okuti ‘kutarira uchionga’ anoreva kuramba wakatarira uchifungisisa, kunyatsoongorora, kutarira uchifara, uchinakidzwa, uye uchiyemura. Zviri pachena kuti Dhavhidhi aiva murume ainyatsonzwisisa zvinhu zvokunamata aikoshesa zvose zvaaiitirwa naJehovha achimusimbisa kutenda uye ainakidzwa nechokwadi chero chipi zvacho chaiziviswa naMwari. Zvakakodzera kuti titevedzere muenzaniso wake wokukoshesa zvinhu zvokunamata.—Pisarema 19:7-11.

Onga Ropafadzo Yokuziva Chokwadi Chiri muBhaibheri

4. Chii chakaita kuti Jesu ‘afare kwazvo nomudzimu mutsvene’?

4 Kunzwisisa Shoko raMwari hakubvi pakuva nenjere kana kuti padzidzo yenyika, inowanzokurudzira kudada. Pane kudaro, kunobva pamutsa waJehovha usina kukodzera kuwanwa, waanoratidza vanhu vanozvininipisa, vane mwoyo yakatendeseka vanoziva zvavanoda pakunamata. (Mateu 5:3; 1 Johani 5:20) Jesu paaifungisisa kuti vamwe vanhu vasina kukwana vainyorwa mazita avo kudenga, “akafara kwazvo nomudzimu mutsvene, akati: ‘Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nenyika, nokuti makanyatsovanzira vakachenjera nevakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche.’”—Ruka 10:17-21.

5. Nei vadzidzi vaJesu vakanga vasingafaniri kurerutsa chokwadi choUmambo chavakaziviswa?

5 Anyengetera nomwoyo wose, Jesu akati kuvadzidzi vake: “Anofara maziso anoona zvinhu zvamuri kuona. Nokuti ndinoti kwamuri, Vaprofita vazhinji nemadzimambo vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvinhu zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.” Chokwadi, Jesu akakurudzira vateveri vake vakatendeka kuti vasarerutsa chokwadi chinokosha choUmambo chavakanga vaziviswa. Zvizvarwa zvekare zvevashumiri vaMwari zvakanga zvisina kuziviswa chokwadi ichi, uye chakanga chisina kuziviswa “vakachenjera nevakangwara” vomuzuva raJesu!—Ruka 10:23, 24.

6, 7. (a) Nei tichifanira kukoshesa chokwadi chaMwari? (b) Musiyano upi watinoona mazuva ano pakati pechitendero chechokwadi nechenhema?

6 Mazuva ano, tine zvikonzero zvakatowanda zvokuonga chokwadi chaMwari, nokuti Jehovha akaita kuti vanhu vake vatonzwisisa zvakadzama Shoko rake, achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45; Dhanieri 12:10) Nezvenguva yomugumo, muprofita Dhanieri akanyora kuti: “Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.” (Dhanieri 12:4) Haubvumi here kuti mazuva ano zivo yaMwari ya“wanda” uye kuti vashumiri vaJehovha vane zvokudya zvine chokuita nokunamata zvakawanda chaizvo?

7 Tinoona musiyano wakakura chaizvo pakati pokubudirira kwevanhu vaMwari pakunamata nokuvhiringika kwezvitendero zveBhabhironi Guru! Somugumisiro, vakawanda vanoodzwa mwoyo kana kuti vanoshatiriswa nezvitendero zvenhema vari kuenda kunonamatwa zvechokwadi. Ndivo vanhu vakaita semakwai va“singadi kugovana naro [Bhabhironi Guru] zvivi zvaro” kana “kuwana mamwe matambudziko aro.” Jehovha nevashumiri vake vanokoka vose vakadaro kuti vauye muungano yechiKristu.—Zvakazarurwa 18:2-4; 22:17.

Vanhu Vanoonga Vari Kuuya Kuna Mwari Vakawanda

8, 9. Mashoko aHagai 2:7 ari kuzadzikiswa sei mazuva ano?

8 Achifanotaura nezveimba yake yomudzimu yokunamatira, Jehovha akati: “Ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose zvichauya; uye ndichazadza imba ino nokubwinya.” (Hagai 2:7) Uprofita uhu hunoshamisa hwakazadzika munguva yaHagai vakasarira vakadzorerwa vevanhu vaMwari pavakavakazve temberi muJerusarema. Mazuva ano, mashoko aHagai ari kuzadzikazve panyaya ine chokuita netemberi huru yaJehovha yomudzimu.

9 Mamiriyoni akatouya kutemberi yokufananidzira kuitira kuti anamate Mwari “nomudzimu nechokwadi,” uye gore roga roga mazana ezviuru zve“zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” anoramba achiuya. (Johani 4:23, 24) Somuenzaniso, mushumo wenyika yose wegore rebasa ra2006 unoratidza kuti vanhu 248 327 vakabhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Nhamba iyoyo inomiririra avhareji yevanhu vatsva 680 zuva roga roga! Kuda kwavanoita chokwadi uye chishuvo chavo chokushumira Jehovha sevazivisi voUmambo zvinopa uchapupu hwokuti zvechokwadi vakaitwa kuti vauye kuna Mwari.—Johani 6:44, 65.

10, 11. Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kuti vanhu vakasvika sei pakukoshesa chokwadi cheBhaibheri.

10 Vakawanda veava vane mwoyo yakatendeseka vakakwezvwa kuti vauye kuchokwadi nokuti vakanzwisisa “kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.” (Maraki 3:18) Funga zvakaitika kuna Wayne naVirginia, murume nomudzimai vaipinda chechi yechiPurotesitendi asi vaiva nemibvunzo yakawanda yakanga isina kupindurwa. Vaivenga hondo uye vaivhiringidzwa uye vainetseka pavaiona vafundisi vachikomborera varwi nezvombo. Vaviri vacho pavaikura, vainzwa sokuti vamwe muchechi vakanga vasisina hanya navo, kunyange zvazvo Virginia akanga adzidzisa Sandisikuru kwemakore akawanda. “Hapana munhu aitishanyira kana kuti airatidza kuva nehanya nezvokunamata kwedu,” vakadaro. “Chechi yaingoda mari yedu chete. Takavhiringidzika.” Vakatozonyanya kuodzwa mwoyo chechi yavo payakabvumira ungochani.

11 Munguva iyi, Muzukuru waWayne naVirginia pamwe chete nomwanasikana wavo vakava Zvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo Wayne naVirginia vasina kufara nazvo pakutanga, pave paya vakazochinja maonero avo ndokubvuma kudzidza Bhaibheri. Wayne akati, “Mumwedzi mitatu chete, takadzidza zvakawanda nezveBhaibheri kupfuura zvatakanga tadzidza mumakore anopfuura 70 akanga adarika! Taisamboziva kuti Mwari anonzi Jehovha, uye hapana chataiziva nezvoUmambo uye kuti pasi richava Paradhiso.” Munguva pfupi, vaviri ava vaida chokwadi vakatanga kupinda misangano yechiKristu uye kuitawo ushumiri. “Tinoda kuudza munhu wose chokwadi,” akadaro Virginia. Vakabhabhatidzwa muna 2005, pavakanga vava nemakore anopfuura 80. “Tawana boka revaKristu vechokwadi,” vakadaro.

Onga Ku“shongedzerwa Zvakakwana Kuita Mabasa ose Akanaka”

12. Nguva dzose Jehovha anopa vashumiri vake chii, uye tinofanira kuitei kuti tibatsirwe?

12 Nguva dzose Jehovha anobatsira vashumiri vake kuti vaite zvaanoda. Somuenzaniso, Noa akapiwa mirayiridzo yakajeka, yakananga yemavakirwo eareka—basa raifanira kungotanga nokuitwa zvakarurama! Uye rakaitwa saizvozvo. Nei? Nokuti Noa “akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.” (Genesisi 6:14-22) Mazuva anowo, Jehovha anoshongedzera zvakakwana vashumiri vake kuti vaite zvaanoda. Chokwadi, basa redu guru nderokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa uye kubatsira vakafanirwa kuti vave vadzidzi vaJesu Kristu. Uye sezvakaitika kuna Noa, kuti tibudirire tinofanira kuteerera. Tinofanira kutevera kutungamirira kunoita Jehovha achishandisa Shoko rake nesangano rake.—Mateu 24:14; 28:19, 20.

13. Jehovha anotidzidzisa achishandisa chii?

13 Kuti tiite basa iroro, tinofanira kudzidza ‘kubata zvakarurama’ chinhu chatinonyanya kushandisa—Shoko raMwari—ri“nobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.” (2 Timoti 2:15; 3:16, 17) Sezvaaiita muzana remakore rokutanga, Jehovha anoshandisa ungano yechiKristu. Mazuva ano muungano 99 770 dziri munyika yose, Chikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa zvinoitwa vhiki yoga yoga kuti zvitibatsire muushumiri. Unoratidza here kuti unoonga misangano iyi inokosha nokugara uchiipinda uye uchishandisa zvaunodzidza?—VaHebheru 10:24, 25.

14. Vashumiri vaJehovha vanoratidza sei kuti vanoonga ropafadzo yokushumira Mwari? (Taurawo mashoko ari pachati iri pamapeji 27-30.)

14 Achishanda zvakasimba muushumiri, mamiriyoni evanhu vaMwari vari munyika yose ari kuratidza kuonga kudzidziswa kwaanoitwa. Somuenzaniso, mugore rebasa ra2006, vazivisi voUmambo 6 741 444 vakapedza maawa 1 333-966 199 vachiita basa racho rose, rinosanganisira kudzidzisa Bhaibheri vanhu 6 286 618 mumisha yavo. Izvi zvinongovawo zvimwe zvezvinokurudzira zvakanyorwa pamushumo wenyika yose. Tinokukumbira kuti uongorore mushumo uyu uye ukurudzirwe nawo, sezvakaita hama dzedu dzomuzana remakore rokutanga dzakakurudzirwa chaizvo nemishumo yokuwedzera kwebasa rokuparidza munguva yadzo.—Mabasa 1:15; 2:5-11, 41, 47; 4:4; 6:7.

15. Nei pasina munhu anofanira kuodzwa mwoyo nezvebasa raanoitira Jehovha nomwoyo wose?

15 Kushevedzera kukuru kwokurumbidza Mwari kunoitwa gore negore kunoratidza kuonga kwakadzama kunoita vashumiri vaJehovha ropafadzo yokuziva Jehovha uye yokupupura nezvake. (Isaya 43:10) Zvechokwadi, chibayiro chokurumbidza chinopiwa nedzimwe hama dzedu nehanzvadzi dzakwegura, dzinorwara, uye dziri ndonda chingaenzaniswa nemari duku yakapiwa nechirikadzi. Asi ngatiregei kukanganwa kuti Jehovha noMwanakomana wake vanokoshesa zvechokwadi vose vanoshumira Mwari nomwoyo wose, sezvavanoita zvose zvavanokwanisa kuita.—Ruka 21:1-4; VaGaratiya 6:4.

16. Zvishandiso zvipi zvokudzidzisa zvakagoverwa naMwari munguva ichangopfuura?

16 Kunze kwokutidzidzisa kuita ushumiri, Jehovha anotipa zvinhu zvakanaka chaizvo zvokushandisa pakudzidzisa, achishandisa sangano rake. Mumakumi emakore achangopfuura, izvi zvave zvichisanganisira mabhuku anoti Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, uye iye zvino, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Vaya vanoonga mabhuku aya zvechokwadi vanoashandisa zvakanaka muushumiri.

Shandisa Zvakanaka Bhuku Rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

17, 18. (a) Paunenge uchiita ushumiri unofarira kushandisa zvikamu zvipi zvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? (b) Mumwe mutariri wedunhu akatii nezvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

17 Zvariine zvitsauko 19, apendikisi ine zvakawanda, uye mutauro uri nyore, wakajeka, bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? chikomborero chaicho muushumiri. Somuenzaniso, chitsauko 12 chinokurukura musoro unoti “Kurarama Nenzira Inofadza Mwari.” Chitsauko ichi chinotsangurira mudzidzi kuti angava sei shamwari yaMwari, chinhu chisati chatombofungwa nevakawanda kuti chinoita. (Jakobho 2:23) Vanhu vari kutii nezvebhuku iri rinoyamura kudzidza Bhaibheri?

18 Mumwe mutariri wedunhu wokuAustralia anoti bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? “rinobva rangofarirwa navanasaimba zvichiita kuti vakurumidze kuda kukurukura.” Anowedzera kuti zviri nyore chaizvo kushandisa bhuku racho zvokuti “rakaita kuti vaparidzi voUmambo vakawanda vavezve nechivimbo uye vafare muushumiri. Ndokusaka vamwe vachiti bhuku racho igoridhe chairo!”

19-21. Rondedzera zvimwe zvakaitika zvinoratidza kukosha kwebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

19 “Munofanira kunge matumwa naMwari,” akadaro mumwe mukadzi kuGuyana achireva piyona aiva pasuo rake. Murume waaibika naye mapoto akanga achangobva kumusiya iye nevana vavo vaviri vaduku. Piyona wacho akavhura bhuku rinonzi Bhaibheri Rinodzidzisei? pachitsauko 1 ndokuverenga zvinonzwika ndima 11, iri pasi pomusoro muduku unoti “Mwari Anonzwa Sei Nokusaruramisira Kwatinotarisana Nako?” “Pfungwa dzacho dzakamubaya mwoyo,” akadaro piyona wacho. “Kutaura zvazviri, akasimuka, akaenda kuseri kwechitoro chake, ndokuchema chaizvo.” Mukadzi uyu akabvuma kudzidza Bhaibheri nguva dzose nehanzvadzi yokwaaigara uye achiri kufambira mberi.

20 José, anogara kuSpain, akafirwa nomudzimai wake mutsaona yomumugwagwa. Akazvinyaradza nokushandisa zvinodhaka, uye akabatsirwawo navanachiremba vepfungwa. Zvisinei, vanachiremba vepfungwa ava havana kukwanisa kupindura mubvunzo wainyanya kunetsa José wokuti: “Nei Mwari akarega mudzimai wangu achifa?” Rimwe zuva José akataura naFrancesc, waaishanda naye. Francesc akati vakurukure chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? chine musoro unoti “Nei Mwari Achibvumira Kutambura?” José akabayiwa mwoyo chaizvo netsanangudzo yomuMagwaro uye muenzaniso womudzidzisi nomudzidzi. Akatanga kudzidza nomwoyo wose, akapinda gungano redunhu uye iye zvino ava kupinda misangano paImba yoUmambo yokwaanogara.

21 Roman, mumwe muzvinabhizimisi ane makore 40 wokuPoland, akagara achiremekedza Shoko raMwari. Asi nokuti aiva akabatikana chaizvo nebasa rake, akangofambira mberi zvishoma pakudzidza kwaaiita Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, akapinda gungano reruwa ndokupiwa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Pashure paizvozvo, akatanga kufambira mberi. Anoti, “Nebhuku iri, dzidziso dzose dzinokosha dzeBhaibheri dzinoita sedzinoumba chinhu chakakwana.” Iye zvino Roman ava kudzidza Bhaibheri nguva dzose uye ari kufambira mberi zvakanaka chaizvo.

Ramba Uchionga

22, 23. Tingaramba sei tichiratidza kuti tinoonga tariro iri mberi kwedu?

22 Sezvakatsanangurwa paMagungano Eruwa ainakidza aiti “Kununurwa Kwava Pedyo!” vaKristu vechokwadi vanoshuva “kununurwa kusingaperi” kwakavimbiswa naMwari kukaitwa kuti kukwanisike neropa rakateurwa raJesu Kristu. Hapana nzira iri nani yatingaratidza nayo kuonga tariro iyi inokosha kupfuura kuramba tichicheneswa “pamabasa akafa kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene.”—VaHebheru 9:12, 14.

23 Chokwadi, zvinoshamisa chaizvo kuti vazivisi voUmambo vanopfuura mamiriyoni matanhatu vanotsungirira nokutendeka mubasa raMwari pasinei nepfungwa youdyire yakapararira panguva ino. Zvinoratidzawo kuti vashumiri vaJehovha vanoonga chaizvo ropafadzo yokushumira Mwari, vachiziva kuti ‘basa ravo harisi pasina munaShe.” Ngatisamborega kuramba tichionga!—1 VaKorinde 15:58; Pisarema 110:3.

Ungapindura Sei?

• Munyori wepisarema anotidzidzisei nezvokuonga Mwari nourongwa hwake hwokunamata?

• Mashoko aHagai 2:7 ari kuzadzika sei mazuva ano?

• Jehovha akashongedzera sei vashumiri vake kuti vabudirire kumushumira?

• Ungaitei kuti uratidze kuti unoonga kunaka kwaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 27-30]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA2006 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE

(Ona bhaundi vhoriyamu)

[Mifananidzo iri papeji 25]

Jehovha anotishongedzera zvizere kuti tiite zvaanoda