Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Madzimai—Remekedzai Varume Venyu Zvikuru

Madzimai—Remekedzai Varume Venyu Zvikuru

Madzimai—Remekedzai Varume Venyu Zvikuru

‘Madzimai zviisei pasi pevarume venyu.’—VAEFESO 5:22.

1. Nei kuremekedza murume kazhinji kwakaoma?

MUNYIKA dzakawanda murume nomukadzi pavanochata, mwenga anopika mhiko, achivimbisa kuti acharemekedza zvikuru murume wake. Zvisinei, mabatiro anoita varume vakawanda madzimai avo anobatsira kuona kuti mhiko iyoyo yakaoma kuitevedzera here kana kuti haina. Asi mhuri yakatanga zvakanaka chaizvo. Mwari akatora mbabvu yaAdhamu, murume wokutanga, akaumba nayo mukadzi. Adhamu akati: “Iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.”—Genesisi 2:19-23.

2. Basa revakadzi uye maonero avanoita kuroorana zvachinja sei munguva ichangopfuura iyi?

2 Pasinei nokutanga zvakanaka ikoko, sangano rinonzi rusununguko rwevakadzi—kuedza kwaiitwa nevakadzi kuti vasununguke pakudzorwa nevarume—rakatanga kumavambo kwema1960 kuUnited States. Panguva iyoyo, varume vanenge 300 zvichienzaniswa nomudzimai mumwe chete vaisiya mhuri dzavo. Nechokunopera kwema1960 varume 100 zvichienzaniswa nomudzimai mumwe chete ndivo vakanga vava kusiya mhuri dzavo. Iye zvino zvava kuita sokuti vakadzi vava kutuka, kunwa, kusvuta, uye kuita unzenza sezvinongoita varume. Saka vakadzi vava kufara kupfuura kare here? Kwete. Mune dzimwe nyika, inenge hafu yevanhu vanoroorana vanoguma varambana. Kuedza kwakaitwa nevamwe vakadzi kuti vagadzirise mhuri dzavo kwakaita kuti zvinhu zvive nani here kana kuti zvitoipa?—2 Timoti 3:1-5.

3. Dambudziko rinonyanya kukanganisa mhuri nderei?

3 Dambudziko racho nderei? Ringangova dambudziko rakatanga kubvira Evha paakanyengedzwa nengirozi yakanga yapanduka, “nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.” (Zvakazarurwa 12:9; 1 Timoti 2:13, 14) Satani akashora zvinodzidziswa naMwari. Somuenzaniso, Dhiyabhorosi ave achiita kuti muchato uite sokuti unonyanya kudzvinyirira uye kuomesera munhu. Mashoko aanotaura achishandisa zvinobudisa nhau zvomunyika ino—yaari kutonga—akagadzirirwa kuita kuti mirayiridzo yaMwari iite seinoomesa zvinhu uye seyechinyakare. (2 VaKorinde 4:3, 4) Zvisinei, kana tikanyatsoongorora zvinotaurwa naMwari nezvenzvimbo yomukadzi mumhuri, tichaona kuti Shoko raMwari rine uchenjeri chaizvo uye rinoshanda zvikuru.

Nyevero Kune Vaya Vanoroora Kana Kuroorwa

4, 5. (a) Nei zvakanaka kuti mukadzi angwarire paanenge achifunga nezvokuroorwa? (b) Mukadzi anofanira kuitei asati abvuma kuroorwa?

4 Bhaibheri rine mashoko okunyevera. Rinoti munyika ino inotongwa naDhiyabhorosi, kunyange vaya vari mumhuri dzinobudirira vachava ne“dambudziko.” Saka kunyange zvazvo kuroorana huri urongwa hwaMwari, Bhaibheri rinonyevera vaya vanoroorana. Mumwe munyori weBhaibheri akafuridzirwa akati nezvomukadzi ane murume anenge afa uye anezenge asununguka kuroorwazve: “Anofara kwazvo kana akaramba ari sezvaari.” Jesu akatiwo zvakanaka kuti vaya va“nogona kuzviwanira nzvimbo” varambe vasina kuroora kana kuroorwa. Zvisinei, kana munhu akasarudza kuroora kana kuroorwa, anofanira kuzviita “munaShe chete,” kureva kuti anofanira kuroorana nomunamati waMwari akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa.—1 VaKorinde 7:28, 36-40; Mateu 19:10-12.

5 Chinoita kuti mukadzi anyanye kufunga nezvomunhu waanoroorwa naye inyevero iri muBhaibheri, yokuti: “Mukadzi akaroorwa akasungwa nomutemo kumurume wake.” Anozongo“sununguka pamutemo wake” kana murume wake akafa kana kuti aita unzenza vobva varambana. (VaRoma 7:2, 3) Zvinhu zvinoita kuti mudanane pamunongotanga kuonana zvingava zvakanaka, asi hazvisi izvo zvoga zvinoita kuti muzofara mumhuri. Naizvozvo, mukadzi asina kuroorwa anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoda here kupinda muurongwa hwokuti ndichava pasi pomutemo womurume uyu?’ Unofanira kufunga nezvomubvunzo uyu usati waroorwa, kwete watoroorwa.

6. Vakadzi vakawanda mazuva ano vanogona kusarudzei, uye nei izvi zvichikosha chaizvo?

6 Munzvimbo dzakawanda mazuva ano, mukadzi angasarudza kubvuma kana kuramba kuroorwa neanenge achimuda. Asi kusarudza nokuchenjera kungava chinhu chakaoma zvikuru chingaitwa nomunhukadzi, sezvo kuda kwaanoita kuva pedyo uye kudiwa mumhuri kungasimba zvikuru. Mumwe munyori akati: “Patinenge tichinyanya kuda kuita chimwe chinhu—kungava kuroora kana kuti kukwira rimwe gomo—kazhinji kacho hatitarisi zvakawanda uye tinongofunga nezvemashoko atinenge tichida kunzwa chete.” Kana munhu anoda kukwira gomo akasasarudza nokuchenjera angarasikirwa noupenyu hwake; kusarudza wokuroorana naye nenzira isiri yokuchenjera kungavawo nenjodzi.

7. Izano ripi rokuchenjera rakapiwa nezvokutsvaka wokuroorana naye?

7 Mukadzi anofanira kunyatsofungisisa zvingabatanidzwa pakuzviisa pasi pomutemo womurume anenge achimupfimba. Makore akawanda akapfuura, mumwe musikana wokuIndia akabvuma achizvininipisa kuti: “Vabereki vedu vakura uye vakachenjera kutipfuura, uye havanyengedzwi nyore nyore sezvatingaitwa. . . . Zviri nyore chaizvo kuti ndikanganise.” Rubatsiro runopiwa nevabereki nevamwe runokosha. Kwemakore akawanda mumwe chipangamazano akachenjera akakurudzira vechiduku kuti vazive vabereki vowavari kuda kuroorana naye uyewo kuti vanyatsoongorora matauriro aanoita nevabereki vake nevamwe vomumhuri make.

Nzira Iyo Jesu Akazviisa Nayo Pasi

8, 9. (a) Jesu aiona sei kuzviisa kwake pasi paMwari? (b) Kuzviisa pasi kunobatsirei?

8 Kunyange zvazvo kuzviisa pasi kungave kwakaoma, vakadzi vangakuona sokunokudzwa, sezvaiita Jesu. Kunyange zvazvo kuzviisa kwake pasi paMwari kwaisanganisira kutambura, kana kutofira padanda rokutambudzikira, akafara nokuzviisa pasi paMwari. (Ruka 22:41-44; VaHebheru 5:7, 8; 12:3) Vakadzi vanogona kutarira kuna Jesu somuenzaniso wavo, nokuti Bhaibheri rinoti: “Musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinde 11:3) Zvisinei, zviri pachena kuti vakadzi havazongovi pasi poumusoro hwevarume pavanoroorwa bedzi.

9 Bhaibheri rinotsanangura kuti vakadzi, vangave vakaroorwa kana kuti vasina, vanofanira kuzviisa pasi poumusoro hwevarume vanokwanisa pane zvokunamata vanotungamirira ungano yechiKristu. (1 Timoti 2:12, 13; VaHebheru 13:17) Vakadzi pavanotevera murayiro waMwari wokudaro, vanoratidza muenzaniso kungirozi dziri muurongwa hwesangano rake. (1 VaKorinde 11:8-10) Uyewo, vakadzi vakura vakaroorwa vanodzidzisa vakadzi vaduku ku“zviisa pasi pevarume vavo” nomuenzaniso wavo wakanaka uye nemazano avo anobatsira.—Tito 2:3-5.

10. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuzviisa pasi?

10 Jesu aiziva kukosha kwokuzviisa pasi kwakakodzera. Pane imwe nguva, akaudza muapostora Petro kuti abhadhare mutero wavo vari vaviri kuvanhu vaiva nesimba, akatopa Petro mari yacho yomutero yokuti abhadhare. Petro akazonyora kuti: “Zviisei pasi pechinhu chose chakaitwa nomunhu nokuda kwaShe.” (1 Petro 2:13; Mateu 17:24-27) Nezvomuenzaniso wakanaka kwazvo waJesu wokuzviisa pasi, tinoverenga kuti: “Akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu. Kupfuura izvozvo, paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu.”—VaFiripi 2:5-8.

11. Nei Petro akakurudzira madzimai kuti azviise pasi kunyange pevarume vasingatendi?

11 Paaikurudzira vaKristu kuti vazviise pasi kunyange pevane masimba vakaoma, vasingaruramisiri vari munyika ino, Petro akatsanangura kuti: “Chokwadi, makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Arondedzera kuti Jesu akanga atambura zvakadini uye kuti akanga atsungirira achizviisa pasi sei, Petro akakurudzira madzimai ane varume vasingatendi achiti: “Saizvozvowo, imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:1, 2.

12. Kuzviisa pasi kwaJesu kwakabatsirei?

12 Kuzviisa pasi paunenge uchisekwa uye uchitukwa kungaonekwa sokuti hauna kusimba. Asi Jesu aisazviona saizvozvo. “Paakanga achitukwa,” akanyora kudaro Petro, “haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira.” (1 Petro 2:23) Vamwe vakaona Jesu achitambura vakava vatendi, kusvika kumwero wakati, kusanganisira tsotsi raiva padanda raiva padivi pake uye mukuru mukuru wevarwi akaona achiurayiwa. (Mateu 27:38-44, 54; Mako 15:39; Ruka 23:39-43) Saizvozvowo, Petro akaratidza kuti vamwe varume vasingatendi—kunyange vaya vanotaura mashoko asina kunaka—vachava vaKristu kana vakaona kuzviisa pasi kunenge kuchiita madzimai avo. Tinoona izvi zvichiitika mazuva ano.

Zvingaita Kuti Madzimai Adiwe

13, 14. Kuzviisa pasi pevarume vasingatendi kwave kuchibatsira sei?

13 Madzimai akava vatendi akawana varume vawo nomufambiro wavo wakaita sowaKristu. Pane rimwe gungano reruwa reZvapupu zvaJehovha richangobva kuitwa, mumwe murume akati nezvomudzimai wake aiva muKristu: “Ndinofunga kuti ndaimubata zvine utsinye chaizvo. Asi aindiremekedza zvikuru. Haana kumbondinyadzisa kana kamwe chete zvako. Haana kuedza kundimanikidza kutenda zvaaitenda. Ainditarisira norudo. Paaienda kugungano, aishanda nesimba kuti asiye andibikira zvokudya zvangu uye kuti asiye aita basa romumba. Maitiro ake akaita kuti nditange kufarira Bhaibheri. Uye nhasi ndava Chapupu!” Chokwadi, akanga ‘awanwa pasina shoko’ nomufambiro womudzimai wake.

14 Sezvakataurwa naPauro, zvinotaurwa nomudzimai hazvisizvo zvinonyanya kuita kuti pave nemigumisiro yakanaka. Izvi zvakaratidzwa nomumwe mudzimai akadzidza chokwadi cheBhaibheri uye akanga akatsunga kupinda misangano yechiKristu. “Agnes, kana ukabuda nepasuo iroro, usadzoka!” murume wake akashevedzera kudaro. Haana kubuda “nepasuo iroro,” asi akabuda nerimwe racho. Usiku hwomusangano wakatevera, akamutyisidzira achiti: “Paunodzoka ndinenge ndisipo pano.” Chokwadi, akadzoka asipo—akaita mazuva matatu asipo. Paakadzoka, akabvunza nomutsa kuti: “Ungada chokudya here?” Agnes haana kumbotsauka pakuzvipira kwake kuna Jehovha. Pakupedzisira murume wake akabvuma kudzidza Bhaibheri, akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari, uye akazoshanda somutariri aine zvakawanda zvokuita.

15. Madzimai echiKristu anonzi ‘ashonge’ sei?

15 Muapostora Petro akataura chimwe chinhu chakaratidzwa nemadzimai ataurwa pamusoro apa, choku“shonga,” kwete nokunyanya “kuruka bvudzi” kana kuti “kupfeka nguo dzokunze.” Pane kudaro, Petro akati: “[Kushonga kwenyu] ngakuve munhu akavanzika womwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha kwazvo pamberi paMwari.” Mudzimu uyu unooneka mumatauriro uye mune zvaanoita zvinoratidza kuti haasi kupikisa kana kurayira. Saka mudzimai wechiKristu anoremekedza murume wake zvikuru.—1 Petro 3:3, 4.

Mienzaniso Yokudzidza Kwairi

16. Sara muenzaniso wakanaka kumadzimai echiKristu pakudini?

16 Petro akanyora kuti: “Kare vakadzi vatsvene vakanga vaine tariro muna Mwari vaizvishongedza saizvozvowo, vachizviisa pasi pevarume vavo.” (1 Petro 3:5) Vakadaro vaiziva kuti kufadza Jehovha nokuteerera zano rake kwaizoguma kwaita kuti mhuri ifare uye iwane mubayiro woupenyu husingaperi. Petro anotaura nezvaSara, mudzimai waAbrahamu aiva tsvarakadenga, achiti “aiteerera Abrahamu, achimuti ‘ishe.’” Sara aitsigira murume wake aitya Mwari, akanga apiwa basa naMwari rokunoshumira kune imwe nyika yaiva kure. Akasiya upenyu hwomutambarakede uye akatoisa upenyu hwake pangozi. (Genesisi 12:1, 10-13) Petro akarumbidza Sara nokuda kwomuenzaniso wake woushingi, achiti: “Mava vana vake, kana mukaramba muchiita zvakanaka uye musingatyi chero chinhu chipi zvacho chinovhundutsa.”—1 Petro 3:6.

17. Nei Petro angadaro aifunga nezvaAbhigairi somuenzaniso wemadzimai echiKristu?

17 Abhigairi aiva mumwe mukadzi akanga aine ushingi aiva netariro muna Mwari, uye Petro angavawo aifunga nezvake. “Akanga akangwara,” asi murume wake Nabhari “akanga aine hasha uye akaipa pamabasa ake.” Nabhari paakaramba kubatsira Dhavhidhi nevarume vake, vakagadzirira kuparadza Nabhari neimba yake yose. Asi Abhigairi akaita chimwe chinhu kuti aponese imba yake. Akatakudza mbongoro zvokudya ndokunosangana naDhavhidhi nevarume vake vaiva nezvombo vakanga vatova munzira. Paakaona Dhavhidhi, akaburuka, akawira patsoka dzake, akamuteterera kuti asakurumidzira zvinhu. Dhavhidhi akabayiwa mwoyo kwazvo. “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, akutuma nhasi kuti usangane neni!” akadaro, “kuchenjera kwako ngakukomborerwe.”—1 Samueri 25:2-33.

18. Kana madzimai akaedzwa nokupfimbwa nevamwe varume, angafunga nezvomuenzaniso waani, uye nei?

18 Mumwe muenzaniso wakanaka chaizvo kumadzimai ndewomusikana muShuramiti akaramba akavimbika kumukomana wake mufudzi murombo waakanga avimbisana naye kuti vaizoroorana. Akaramba achimuda zvakasimba pasinei nokupfimbwa kwaakaitwa namambo aiva akapfuma. Akurudzirwa kuti ataure manzwiro ake nezvomufudzi muduku, akati: “Ndiise pamwoyo wako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sezvakaita rufu . . . Mvura zhinji haikwanisi kudzima rudo, uyewo nzizi hadzigoni kurukukura.” (Rwiyo rwaSoromoni 8:6, 7) Vose vaya vanobvuma kuroorwa ngavatsunge kuramba vakavimbika kuvarume vavo vachivaremekedza zvikuru.

Rimwe Zano Rinobva Kuna Mwari

19, 20. (a) Nei madzimai achifanira kuzviisa pasi pevarume vawo? (b) Muenzaniso upi wakanaka wakasiyirwa madzimai?

19 Pakupedzisira, funga nezvemashoko akapoteredza rugwaro rwedu ruri kutungamirira runoti: ‘Madzimai zviisei pasi pevarume venyu.’ (VaEfeso 5:22) Nei zvichikosha kuzviisa pasi saizvozvo? Ndima inotevera inoenderera ichiti, “nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano.” Naizvozvo, madzimai anokurudzirwa kuti: “Ungano zvainozviisa pasi paKristu, madzimai ngaaitewo saizvozvo kuvarume vawo muzvinhu zvose.”—VaEfeso 5:23, 24, 33.

20 Kuti ateerere murayiro uyu, madzimai anofanira kudzidza uye kutevedzera muenzaniso weungano yaKristu yevateveri vakazodzwa. Tapota verenga 2 VaKorinde 11:23-28 wobva waziva zvakatsungirirwa neimwe nhengo yeungano yacho, muapostora Pauro, paakaramba akatendeka kuMusoro wake, Jesu Kristu. Kufanana naPauro, madzimai pamwe chete nevamwe vose vomuungano vanofanira kuramba vachizviisa pasi paJesu nokuvimbika. Madzimai anoratidza izvi nokuzviisa pasi pevarume vawo.

21. Chii chingakurudzira madzimai kuti arambe achizviisa pasi pevarume vawo?

21 Kunyange zvazvo madzimai akawanda mazuva ano achishora kuzviisa pasi, mukadzi akachenjera achafunga nezvezvazvakanakira. Somuenzaniso, kana aine murume asingatendi, kuzviisa pasi poumusoro hwake muzvinhu zvose zvisingapesani nemitemo yaMwari kungaita kuti pave nomubayiro wakanaka chaizvo wokuti anokwanisa ‘kuponesa murume wake.’ (1 VaKorinde 7:13, 16) Uyezve, anogona kugutsikana nokuziva kuti Jehovha Mwari anofarira zvaanoita uye achamukomborera zvikuru nokuda kwokutevedzera muenzaniso woMwanakomana wake anodiwa.

Unoyeuka Here?

• Nei zvingava zvakaomera mudzimai kuti aremekedze murume wake?

• Nei kubvuma kuroorwa iri nyaya yakakomba zvikuru?

• Jesu akasiyira madzimai muenzaniso wei, uye tingabatsirwa sei nokutevedzera muenzaniso wake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 19]

Nei kusarudza kubvuma kuroorwa iri nyaya yakakomba zvikuru?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Madzimai angadzidzei mumuenzaniso wevanhu vomuBhaibheri vakaita saAbhigairi?