Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutendeseka

Muenzaniso Wokutendeseka

Muenzaniso Wokutendeseka

NELMA, anoita basa rokugadzira bvudzi revanhu muCruzeiro do Sul, kuBrazil, munguva ichangopfuura iyi kuvimbika kwake somuKristu kwakaedzwa. Mafashamo paakaitika munzvimbo yaanogara, Nelma akapiwa zvipfeko nomumwe munhu waanogadzira bvudzi. Paairongedza zvipfeko zvacho, akawana mari inokwana US$1 000 muhomwe yemimwe midhebhe.

Nelma aizokwanisa kuwana mari yakadai pashure pokunge ashanda kwemwedzi minomwe, uye chokwadi aida mari iyi. Imba yake yakanga yaparadzwa nemafashamo, uye zvinhu zvakawanda zvababa vake nezvevana vaamai vake zvakanga zvaparara. Nemari iyi, aikwanisa kugadzirisa imba yavo uye achitosara neimwe yokubatsira hama dzake. Zvisinei, hana yaNelma yakadzidziswa neBhaibheri haina kumubvumira kuti agare nemari yacho.—VaHebheru 13:18.

Mangwanani-ngwanani ezuva rakatevera racho, akaenda kubasa vanhu vasati vatanga kushanda ndokuonana nomuzvinabhizimisi wechikadzi akanga amupa zvipfeko zvacho. Nelma akamutenda kuti akanga amupa zvokupfeka asi akabva amuudza kuti akanga asingakwanisi kugara aine mari yaakanga awana muzvipfeko izvi. Mukadzi wacho akafara kwazvo kuwana mari yake. Akanga aiisa padivi kuti azobhadhara vashandi vake. “Kashoma kuwana vanhu vakatendeseka,” akadaro muzvinabhizimisi uyu.

Chokwadi, vamwe vangafunga kuti kuva akatendeseka hakubatsiri. Asi, kutendeseka kunokosheswa chaizvo nevaya vari kuedza kufadza Mwari wechokwadi, Jehovha. (VaEfeso 4:25, 28) “Ndaizotadza kurara usiku kudai ndisina kutendeseka,” akadaro Nelma.