Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vana, Teererai Vabereki Venyu”

“Vana, Teererai Vabereki Venyu”

“Vana, Teererai Vabereki Venyu”

“Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nokuti izvi ndizvo zvakarurama.”—VAEFESO 6:1.

1. Kuteerera kungakudzivirira sei?

TINGAVA tiri vapenyu iye zvino nokuti takateerera, asi vamwe havasisiri vapenyu nokuti havana kuteerera. Kuteerera chii? Somuenzaniso, nyevero dzinobva mumiviri yedu ya“kaitwa nenzira inoshamisa.” (Pisarema 139:14) Maziso edu anoona makore akasviba, nzeve dzedu dzinonzwa kutinhira kwemabhanan’ana. Zvadaro, mhepo inoita kuti bvudzi redu rimire. Kune vaya vakadzidziswa nezvengozi dzingangovapo, izvi zviratidzo zvinenge zvichitinyevera kuti titsvake nzvimbo yakachengeteka yokuvanda dutu rava pedyo nokupenya kwaro uye nechimvuramabwe chingaisa upenyu hwedu pangozi.

2. Nei vana vachida kunyeverwa, uye nei vachifanira kuteerera vabereki vavo?

2 Imi vechiduku munofanira kunyeverwa nezvengozi dzingangouya, uye vabereki venyu ndivo vanofanira kukunyeverai. Ungayeuka uchiudzwa kuti: “Usabata moto. Unopisa.” “Usaswedera pedyo norwizi. Zvine ngozi.” “Tanga watarisa mativi ose usati wayambuka mugwagwa.” Zvinosuruvarisa kuti vana vakakuvadzwa kana kuti vakatourayiwa nokuti havana kuteerera. Kuteerera vabereki vako “ndizvo zvakarurama”—zvakanaka uye zvakakodzera. Kuchenjerawo. (Zvirevo 8:33) Rumwe rugwaro rweBhaibheri runoti “zvinofadza kwazvo” Ishe wedu Jesu Kristu. Zvechokwadi, Mwari anokurayira kuti uteerere vabereki vako.—VaKorose 3:20; 1 VaKorinde 8:6.

Zvikomborero Zvisingagumi Zvokuteerera

3. Kune vakawanda vedu “upenyu chaihwo” chii, uye vana vangatarisira kuhuwana sei?

3 Kuteerera vabereki vako kunodzivirira “upenyu” hwako iye zvino, asi kuteerera kunoitawo kuti ukwanise kunakidzwa noupenyu “huchauya,” hunonzi “upenyu chaihwo.” (1 Timoti 4:8; 6:19) Kune vakawanda vedu, upenyu chaihwo upenyu husingagumi pasi pano munyika itsva yaMwari, yaanopikira vaya vanoomerera kumitemo yake vakatendeka. Mumwe wemitemo iyi unokosha zvikuru unoti: “‘Kudza baba vako naamai vako’; uyo uri murayiro wokutanga une chipikirwa chokuti: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’” Saka kana ukateerera vabereki vako, uchafara. Ramangwana rako richave rakachengeteka, uye ungangowana upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano!—VaEfeso 6:2, 3.

4. Vana vangakudza sei Mwari vobva vabatsirwa?

4 Paunokudza vabereki vako nokuvateerera, unokudzawo Mwari nokuti ndiye anokurayira kuti uvateerere. Uyewo unobatsirwa. “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe,” rinodaro Bhaibheri. (Isaya 48:17; 1 Johani 5:3) Kuteerera kunokubatsira sei? Kunofadza amai vako nababa vako, uyewo ivo vacharatidza mufaro wavo nenzira dzichaita kuti utofara zvikuru. (Zvirevo 23:22-25) Asi chinotonyanya kukosha zvikuru ndechokuti kuteerera kwaunoita kunofadza Baba vako vokudenga, uye vachakukomborera zvinoshamisa! Ngationei kuti Jehovha akakomborera uye akadzivirira sei Jesu, uyo akati nezvake: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.”—Johani 8:29.

Jesu—Mushandi Aishingaira

5. Chii chinoita kuti tibvume kuti Jesu aiva mushandi aishingaira?

5 Jesu ndiye aiva dangwe raamai vake, Mariya. Baba vake vokurera, Josefa, vaiva muvezi. Jesu akavawo muvezi, uye zviri pachena kuti akadzidzira basa racho kuna Josefa. (Mateu 13:55; Mako 6:3; Ruka 1:26-31) Unofunga kuti Jesu aiva muvezi akaita sei? Paaiva kudenga, amai vake vaiva mhandara vasati vabata pamuviri pake nenzira inoshamisa, souchenjeri hunotaurwa somunhu, akatsanangura kuti: “Ndaiva padivi pake [Mwari] ndiri mhizha, uye ndakava munhu waaida kwazvo zuva nezuva.” Mwari akafadzwa naJesu uyo aiva mushandi aishingaira kudenga. Unofunga kuti paaiva muduku ari pasi pano aiedzawo nomwoyo wose kuva mushandi aishingaira, muvezi aigona basa rake here?—Zvirevo 8:30; VaKorose 1:15, 16.

6. (a) Unofunga kuti nei Jesu angadaro aiita mabasa epamba paaiva mwana? (b) Vana vangatevedzera sei Jesu?

6 Hapana mubvunzo kuti Jesu paaiva mwana, dzimwe nguva aitamba mitambo, kunyange sezvinotaura Bhaibheri kuti kare ndizvo zvaiitwa nevana. (Zekariya 8:5; Mateu 11:16, 17) Asi unogona kuva nechokwadi chokuti zvaaiva iye dangwe mumhuri yakakura yevarombo, ane mabasa aaifanira kuita kunze kwokudzidziswa kuveza naJosefa. Pave paya, Jesu akava muparidzi uye akazvipira kuti aite ushumiri hwake zvokuti akatorega zvimwe zvinhu zvaimunakidza. (Ruka 9:58; Johani 5:17) Unoona here kuti ungatevedzera sei Jesu? Vabereki vako vanoti uchenese mumba mako here kana kuti uite mamwe mabasa? Vanokukurudzira kunamatawo Mwari nokupinda misangano yechiKristu uye kutaurirawo vamwe zvaunotenda here? Unofunga kuti Jesu muduku angadai akaita sei dai aizonzi aite izvozvo?

Mudzidzi weBhaibheri Anoshingaira uye Mudzidzisi

7. (a) Jesu angadaro akaenda naani kuPaseka? (b) Vamwe pavakatanga rwendo rwokudzokera kumba Jesu aiva kupi, uye aiitei ikoko?

7 Vanhurume vose vomumhuri yechiIsraeri vairayirwa kuenda kunonamata Jehovha kutemberi panguva yemitambo mitatu yechiJudha. (Dheuteronomio 16:16) Jesu paaiva nemakore 12, vomumhuri make vose vangangodaro vakaita rwendo rwokuenda kuJerusarema kuPaseka. Zvichida vamwe vana vaMariya naJosefa vakaendawo. Zvisinei, vaya vaifamba nevomumhuri yaJesu vangangodaro vaisanganisira Sarome, uyo zvimwe aiva munun’una waMariya, pamwe chete nomurume wake Zebhedhi nevanakomana vavo Jakobho naJohani, vakazova vaapostora. * (Mateu 4:20, 21; 13:54-56; 27:56; Mako 15:40; Johani 19:25) Pavakanga vava kudzoka, Josefa naMariya vangangodaro vakafunga kuti Jesu aiva nevoukama, saka pakutanga havana kutombozviona kuti haapo. Kwapera mazuva matatu, Mariya naJosefa vakazowana Jesu ari mutemberi, “akagara pakati pevadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.”—Ruka 2:44-46.

8. Jesu akaitei mutemberi, uye nei vanhu vakashamiswa?

8 Jesu akanga ari ‘kubvunza’ vadzidzisi vacho sei? Mabvunziro ake angadaro akanga asiri okungoda kuziva kana kuti kungowana mashoko. Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rinogona kureva kubvunza mibvunzo seiya inobvunzwa panenge pachiongororwa nyaya mudare uye ingasanganisira mibvunzo yokuda kunyatsoziva. Chokwadi, kunyange aiva pwere, Jesu akanga atova mudzidzi weBhaibheri aishamisa vadzidzisi vezvitendero vakanga vakadzidza chaizvo! Bhaibheri rinoti, “Vose vaya vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.”—Ruka 2:47.

9. Ungatevera sei muenzaniso waJesu wokudzidza Bhaibheri?

9 Unofunga kuti sei Jesu akakwanisa kuita kuti kunyange vadzidzisi vaiva noruzivo vashamiswe nezivo yake yeBhaibheri iye akanga achiri muduku? Chokwadi, akakomborerwa nokuva nevabereki vaitya Mwari vaimurayiridza zvinodiwa naMwari kubvira achiri mucheche. (Eksodho 12:24-27; Dheuteronomio 6:6-9; Mateu 1:18-20) Tinogona kuva nechokwadi chokuti Josefa aienda naJesu kusinagogi paaiva muduku kuti anonzwa Magwaro achiverengwa uye achikurukurwa. Iwewo une vabereki vanodzidza newe Bhaibheri uye vanoenda newe kumisangano yechiKristu here? Unokoshesa here zvavanoita, sokukoshesa kwaiita Jesu zvaiitwa nevabereki vake? Unoudzawo vamwe zvaunenge wadzidza, sezvaiita Jesu here?

Jesu Aizviisa Pasi

10. (a) Nei vabereki vaJesu vaifanira kunge vakaziva kwokumuwana? (b) Jesu akasiyira vana muenzaniso upi wakanaka?

10 Unofunga kuti Mariya naJosefa vakanzwa sei pavakazowana Jesu ari mutemberi kwapera mazuva matatu? Hapana mubvunzo kuti vakazorodzwa chaizvo. Zvisinei, Jesu akashamiswa chaizvo kuti vabereki vake vakanga vasingazivi kwaaiva. Vose vaiziva nezvokuberekwa kwaJesu kunoshamisa. Uyezve, kunyange zvazvo vakanga vasina mashoko akakwana, vangadai vaiziva chimwe chinhu nezvebasa raaizoita mune ramangwana soMuponesi uye Mutongi woUmambo hwaMwari. (Mateu 1:21; Ruka 1:32-35; 2:11) Saka, Jesu akavabvunza kuti: “Nei maifanira kufamba muchinditsvaka? Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” Zvisinei, achiratidza kuti aiteerera, Jesu akadzokera nevabereki vake kumusha kwavo kuNazareta. Bhaibheri rinoti: “Akaramba achizviisa pasi pavo.” Uyezve, “amai vake vakanyatsochengeta mashoko aya ose mumwoyo mavo.”—Ruka 2:48-51.

11. Ungadzidzei kuna Jesu panyaya yokuteerera?

11 Unoona zviri nyore kutevedzera Jesu here, kugara uchiteerera vabereki vako? Kana kuti unoona sokuti kazhinji havanzwisisi zvemazuva ano uye kuti iwe unoziva kuvapfuura here? Chokwadi, ungaziva zvakawanda nezvezvimwe zvinhu—zvichida nezvokushandisa serura, makombiyuta, kana kuti zvimwe zvinhu zvemazuva ano. Asi funga nezvaJesu, akashamisa vadzidzisi vakanga vaine ruzivo “nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” Zvimwe uchabvuma kuti kana ukaenzaniswa naye, unoziva zvishomanana chaizvo. Asi Jesu aizviisa pasi pevabereki vake. Izvi hazvirevi hazvo kuti nguva dzose aibvumirana nezvavaisarudza. Kunyange zvakadaro, “akaramba achizviisa pasi pavo”—mumakore ake ose okuyaruka. Unofunga kuti ungadzidzei pamuenzaniso wake?—Dheuteronomio 5:16, 29.

Kuteerera—Idambudziko

12. Kuteerera kungakuponesa sei?

12 Hazvisi nyore kuteerera nguva dzose, sezvinoratidzwa nezvakaitika makore mashomanana apfuura vamwe vasikana vaduku vaviri pavakanga vava kuda kuyambuka mugwagwa mukuru unofamba motokari nhanhatu dzinenge dzichienda kudivi rimwe pane kuti vafambe nomugwagwa wepamusoro wetsoka. “Handei kani John,” vakakurudzira shamwari yavo vachidaro sezvaaienda kumugwagwa uya wetsoka wepamusoro. “Hausi kuda kuenda nesu here?” Paakaratidza kuti aizeza, mumwe musikana wacho akamutsvinyira achiti, “Uri mbwende chaiyo!” Kunyange zvake akanga asingatyi, John akati, “Ndinofanira kuteerera amai vangu.” Kwapera maminitsi mashomanana, akanzwa ruzha rwematayi emotokari ndokutarira akaona vasikana vaya varohwa nemotokari. Mumwe musikana wacho akafa, uye mumwe wacho akakuvara zvakaipisisa zvokuti gumbo rake raifanira kudimburwa. Amai vevasikana vacho, vakanga vambovaudza kuti vayambuke nomugwagwa wepamusoro wetsoka, vakazoudza amai vaJohn kuti, “Chokwadi ndinoshuva kuti dai vakanga vangoteerera sezvinoita mwanakomana wenyu.”—VaEfeso 6:1.

13. (a) Nei uchifanira kuteerera vabereki vako? (b) Zvingava zvakakodzera kuti mwana asaita zvaanoudzwa nomubereki kana zvaita sei?

13 Nei Mwari achiti: “Vana, teererai vabereki venyu”? Kana ukateerera vabereki vako, unoteererawo Mwari. Kunze kwaizvozvo, vabereki vako vanoziva zvakawanda kukupfuura. Somuenzaniso, makore mashanu tsaona yarondedzerwa pamusoro apa isati yaitika, amai vaJohn vaiva neshamwari yavo yaiva nomwana akatsikwa ndokufa achiedza kuyambuka mugwagwa iwo uya! Chokwadi, zvingasava nyore kuteerera vabereki vako nguva dzose, asi Mwari anoti unofanira kuteerera. Asiwo, kana vabereki vako—kana kuti vamwe vanhu—vakakuudza kuti ureve nhema, ube, kana kuita chero chinhu chipi zvacho chisingabvumirwi naMwari, unofanira “kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” Ndokusaka pashure pokunge Bhaibheri rati “teererai vabereki venyu” richizowedzera kuti “munaShe.” Izvi zvinosanganisira kuteerera vabereki vako muzvinhu zvose zvine chokuita nemitemo yaMwari.—Mabasa 5:29.

14. Nei kuteerera kuri nyore kumunhu akakwana, asi nei achifanira kuzokudzidzira?

14 Kudai wanga wakakwana—kureva kuti ‘usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi,’ sezvakanga zvakaita Jesu—unofunga kuti zvaizokuitira nyore kuteerera vabereki vako nguva dzose here? (VaHebheru 7:26) Kudai wanga wakakwana, waisazoda kuita zvakaipa, sezvaunoita iye zvino. (Genesisi 8:21; Pisarema 51:5) Zvisinei, kunyange Jesu aifanira kudzidza kuteerera. Bhaibheri rinoti: “Kunyange zvazvo [Jesu] akanga ari Mwanakomana, akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura.” (VaHebheru 5:8) Kutambura kwakabatsira sei Jesu kuti adzidze kuteerera, chidzidzo chaakanga asina kumbodzidza paaiva kudenga?

15, 16. Jesu akadzidza kuteerera sei?

15 Vachitungamirirwa naJehovha, Josefa naMariya vakadzivirira Jesu kuti asakuvadzwa paaiva mwana. (Mateu 2:7-23) Zvisinei, pakupedzisira Mwari akarega kudzivirira Jesu nenzira inoshamisa. Kutambura kwakaita Jesu mupfungwa uye munyama kwakakura chaizvo zvokuti Bhaibheri rinoti “aiteterera uyewo aikumbira . . . achichema kwazvo uye achisvimha misodzi.” (VaHebheru 5:7) Izvi zvakaitika rini?

16 Zvakanyanya kuitika mumaawa okupedzisira oupenyu hwaJesu paaiva pasi pano, Satani paakaedza kuita kuti arege kuva akavimbika. Zviri pachena kuti Jesu akatambudzwa chaizvo nepfungwa dzokuti kufa kwaaizoita somunhu ainzi muiti wezvakaipa kwaizoita kuti zita raBaba vake risaonekwa zvakanaka zvokuti pa“akaramba achinyengetera [ari mumunda weGetsemane] ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.” Kwapera maawa mashomanana, mafiro aakaita padanda rokutambudzikira airwadza chaizvo zvokuti Jesu ‘akachema kwazvo uye akasvimha misodzi.’ (Ruka 22:42-44; Mako 15:34) Saka “akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura” ndokubva aita kuti mwoyo waBaba vake ufare. Iye zvino zvaari kudenga, Jesu anonzwisisa kurwadziwa kwatinoitwa patinoedza kuteerera kakawanda.—Zvirevo 27:11; VaHebheru 2:18; 4:15.

Kudzidza Kuteerera

17. Tinofanira kuona sei kurangwa?

17 Baba vako naamai vako pavanokuranga, zvinoratidza kuti vanoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka, uye kuti vanokuda. “Ndoupi mwanakomana uyo baba vasingarangi?” rinobvunza kudaro Bhaibheri. Zvaisazonzwisa tsitsi here kudai vabereki vako vasina kukuratidza rudo zvokutadza kukuwanira nguva yokuedza kukururamisa? Saizvozvowo, nemhaka yokuti Jehovha anokuda, anokururamisa. “Chokwadi, hapana kurangwa kunoita sokunofadza panguva ino, asi kunoshungurudza; pashure kwozoberekera vakarovedzwa nakwo chibereko chine rugare, iko kururama.”—VaHebheru 12:7-11.

18. (a) Kuranga norudo kunoratidzei? (b) Wakaona vanhu vachiumbwa zvakanaka nokurangwa kwakadaro sei?

18 Mumwe mambo womuIsraeri yekare, akataurwa naJesu nokuda kwouchenjeri hwake hukuru, akataura kuti munhu anofanira kururamiswa norudo nevabereki. “Munhu anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake,” akanyora kudaro Soromoni, “asi anomuda ndiye anotsvaka kumuranga.” Soromoni akatoti munhu anorangwa norudo angaita kuti mweya wake ununurwe parufu. (Zvirevo 13:24; 23:13, 14; Mateu 12:42) Mumwe mukadzi wechiKristu anoyeuka kuti achiri mwana paaiita misikanzwa kumisangano yechiKristu, baba vake vaivimbisa kuzomurova kana vadzokera kumba. Iye zvino anoyeuka baba vake norudo nokuti vakamuranga norudo zviri izvo zvakaita kuti akure zvakanaka chaizvo.

19. Nei uchifanira kunyanya kuteerera vabereki vako?

19 Kana uine vabereki vanokuda zvokuti vanowana nguva uye vanoedza kukuranga nenzira yorudo, unofanira kuvaonga. Vateerere, sezvakaita Ishe wedu Jesu Kristu, uyo akateerera vabereki vake, Josefa naMariya. Asi unofanira kunyanya kuvateerera pamusana pokuti Baba vako vokudenga, Jehovha Mwari, vanoti uvateerere. Ukadaro zvichakubatsira, uye ‘zvichakufambira zvakanaka uye uchagara panyika kwenguva refu.’—VaEfeso 6:2, 3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona bhuku rinonzi Insight on the Scriptures, Volume 2, peji 841, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Vana vangabatsirwa sei nokuteerera vabereki vavo?

• Somwana, Jesu akaratidza sei muenzaniso pakuteerera vabereki vake?

• Jesu akadzidza sei kuteerera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Jesu aiva nemakore gumi nemaviri ainyatsoziva Magwaro

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jesu akadzidza sei kuteerera nokutambura kwaakaita?