Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufara Kumirira Jehovha

Kufara Kumirira Jehovha

Kufara Kumirira Jehovha

WAKAMBODYA muchero usina kuibva here? Hapana mubvunzo kuti hauna kuufarira. Muchero unotora nguva kuti uibve, uye kumirira kuti udaro kunokosha zvikuru. Mune mamwe mamiriro ezvinhu kumirira kwakanaka. “Zvakanaka kuti munhu amirire ruponeso rwaJehovha, akanyarara,” rinodaro Bhaibheri. (Mariro 3:26; Tito 2:13) Munzira dzipi idzo vaKristu vanofanira kumirira Jehovha? Tinobatsirwa sei nokumumirira?

Kumirira Mwari—Kunosanganisirei?

SevaKristu, tiri ‘kumirira uye tichiramba tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha.’ Tinotarisira kununurwa pa‘chaparadzwa vanhu vasingadi Mwari.’ (2 Petro 3:7, 12) Jehovha pachake anoda zvikuru kugumisa uipi hwose, asi ari kumbomira kuitira kuti aunze ruponeso rwevaKristu nenzira ichaita kuti zita rake rikudzwe. Bhaibheri rinoti: “Mwari akashivirira nomwoyo murefu kwazvo midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa, kunyange zvazvo aida kuratidza hasha dzake uye kuita kuti simba rake rizivikanwe, kuti azivise pfuma yokukudzwa kwake pamidziyo yengoni.” (VaRoma 9:22, 23) Sezvaakaita mumazuva aNoa, Jehovha anoziva nguva yakakodzera yokununura vanhu vake nhasi. (1 Petro 3:20) Saka kumirira Mwari kunosanganisira kumirira nguva yake yokuita chimwe chinhu.

Sezvatinomirira zuva raJehovha, pane dzimwe nguva tinganetseka kuona tsika dzenyika ino dzichiramba dzichiderera zvikuru. Panguva dzakadaro, zvakanaka kuyeuka mashoko omuprofita waMwari Mika, akanyora kuti: “Munhu akavimbika aparara panyika, uye pakati pevanhu hapana munhu akarurama.” Akatizve: “Asi ini, ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha. Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.” (Mika 7:2, 7) Chii chinombonzi “kumirira” kwatinofanira kuita? Sezvo dzimwe nguva kumirira kuchiodza mwoyo, tingawana sei mufaro patinenge tichimirira Mwari?

Kufara Patinenge Tichimirira

Tinogona kudzidza unhu hwakanaka kuna Jehovha. Haana kumborega kuva “Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Anofara paanenge achimirira nokuti anoramba achishanda kuti azadzike chinangwa chake chokukwidziridza vanhu vanomuda kuti vasvike pakukwana sezvavakanga vakaita paakavasika. (VaRoma 5:12; 6:23) Anoona migumisiro inofadza pabasa rake—mamiriyoni evanhu akafarira kunamata kwechokwadi. Jesu akati: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino.” (Johani 5:17) Kuitira vamwe zvinhu ndicho chinhu chinokosha chinoita kuti munhu afare. (Mabasa 20:35) Saizvozvowo, vaKristu vechokwadi havamiriri vagere zvavo. Asi, vanoramba vachishanda kuti vabatsire vamwe kudzidza nezvechinangwa chaMwari nokuda kwevanhu.

Vanhu vakatendeka vave vachigutsikana nokurumbidza Mwari sezvavanomirira nguva yake yokuti aite chimwe chinhu. Somuenzaniso, funga nezvomunyori wepisarema Dhavhidhi. Dhavhidhi akatambudzwa namambo wake, akatengeswa neshamwari yake yapedyo, uye mwana wake akamupandukira. Muzviitiko zvose izvi, Dhavhidhi aigona kufara here sezvaaimirira kununurwa naJehovha munguva yake? Pisarema 71, sezviri pachena rakanyorwa naDhavhidhi, rinoti: “Asi ini ndicharamba ndakamirira, ndichawedzera pakurumbidzwa kwenyu kwose. Muromo wangu ucharondedzera kururama kwenyu, noruponeso rwenyu zuva rose.” (Pisarema 71:14, 15) Pane kumirira akaora mwoyo, Dhavhidhi akaratidza mufaro nokuti aishingaira achirumbidza Jehovha uye achisimbisa vamwe mukunamata kwechokwadi.—Pisarema 71:23.

Kumirira bhazi ranonoka kunoodza mwoyo, asi kumirira Jehovha kwakasiyana neizvi. Kwakafanana nokumirira kwevabereki kunofadza, sezvavanomirira mwana wavo achikura kuva munhu mukuru wavanogona kudada naye. Vane zvakawanda zvavanoita mumakore iwayo—kudzidzisa, kurayiridza, uye kuranga—zvose zvinoitirwa kuwana migumisiro inodiwa. Saizvozvowo, isu tinomirira Jehovha tinowana mufaro mukubatsira vamwe kuti vaswedere pedyo naMwari. Isuwo tinoda kufarirwa naMwari uye pakupedzisira toponeswa.

Kuramba Uine Tariro

Kumirira Jehovha kunoreva kuramba tichimuda uye kumushumira tisingarasikirwi netariro yedu. Izvi zvingasava nyore. Vashumiri vaMwari vakawanda nhasi vanogara munzvimbo munosekwa vaya vanotenda zvipikirwa zvaMwari. Zvisinei, funga nezvomuenzaniso wevaIsraeri vakatendeka vakaramba vaine tariro kwemakore 70 vari nhapwa muBhabhironi. Chii chakavabatsira kuita izvozvo? Hapana mubvunzo kuti kuverenga mapisarema kwakavasimbisa. Rimwe remapisarema rinokurudzira ringava rakanyorwa panguva iyoyo rinoti: “Ndakamirira shoko rake. Mweya wangu wakamirira Jehovha kupfuura varindi vanomirira mangwanani, vanenge vachimirira mangwanani. Israeri ngaarambe akamirira Jehovha.”—Pisarema 130:5-7.

VaJudha vaya vakaita kuti tariro yavo irambe yakasimba nokuverenga uye nokutaura nezveBhabhironi, vakakomborerwa parakakundwa nechisimba. Zviuru zvevaJudha vakatendeka zvakakurumidza kudzokera kuJerusarema. Nezvenguva iyoyo, zvakanyorwa kunzi: “Jehovha paakadzosa nhapwa dzeZiyoni, . . . miromo yedu yakazadzwa nokuseka.” (Pisarema 126:1, 2) VaJudha ivavo havana kuora mwoyo, asi vakaramba vachisimbisa kutenda kwavo. Uye havana kurega kuimbira Jehovha rumbidzo.

Saizvozvowo, vaKristu vechokwadi vanomirira Mwari pa‘kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino,’ vanoedza kuramba vachiita kuti kutenda kwavo kurambe kwakasimba. Vanodzidza Shoko raMwari, vanokurudzirana, uye vanoramba vachirumbidza Jehovha nokuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwake.—Mateu 24:3, 14.

Kumirira Kuti Tibatsirwe Nokurangwa

Muprofita waMwari Jeremiya akanyora kuti: “Zvakanaka kuti munhu amirire ruponeso rwaJehovha, akanyarara.” (Mariro 3:26) Jeremiya aireva kuti zvainge zvakanaka kuti vanhu vaMwari varege kunyunyuta nezvenzira iyo Jehovha akavaranga nayo paakabvumira kuti Jerusarema riparadzwe. Asi vaifanira kubatsirwa nezvakaitika nokufungisisa kusateerera kwavo uye kuti vachinje mafungiro avo.—Mariro 3:40, 42.

Kubatsirwa kwatinoita nechirango chaJehovha kungaenzaniswa nokukura kunoita muchero kusvikira waibva. Nezvechirango chinobva kuna Mwari, Bhaibheri rinoti: ‘Chinoberekera vakarovedzwa nacho chibereko chine rugare, iko kururama.’ (VaHebheru 12:11) Kungofanana nomuchero unoda nguva kuti uibve, saka nguva inodiwa kuti tichinje mafungiro edu nokuteerera kurovedzwa kwatinoitwa naMwari. Somuenzaniso, kana mufambiro usina kunaka ukaita kuti tirasikirwe neropafadzo muungano, kuda kwedu kumirira Mwari kuchaita kuti tisaore mwoyo toneta. Muzviitiko zvakadaro, mashoko akafuridzirwa aDhavhidhi anokurudzira anoti: “Kutsamwirwa na[Mwari] ndokwenguva pfupi, kufarirwa naye ndekwoupenyu hwose. Kusvimha misodzi kungavapo manheru, asi mangwanani kunova nokushevedzera.” (Pisarema 30:5) Kana tikava nemafungiro okumirira uye toshandisa zano ratinowana muShoko raMwari nesangano rake, nguva yedu yo‘kushevedzera kwokufara’ ichasvika.

Kukura Mune Zvokunamata Kunoda Nguva

Kana uri muduku kana kuti wakabhabhatidzwa munguva pfupi yapfuura, ungada kuva nezvokuita muungano yechiKristu. Asi zvinotora nguva kuti ukure mune zvokunamata zvinodiwa kuti uite mabasa akadaro. Saka shandisa makore ako okutanga kuti usimbe pakunamata. Somuenzaniso, paunenge uri muduku ndiyo nguva yakanaka yokuti uverenge Bhaibheri rose, kuva nounhu hwomuKristu, uye kudzidza unyanzvi hwokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Muparidzi 12:1) Kana ukava nemafungiro okumirira nokuzvininipisa, nguva yaJehovha yokuti uve nezvakawanda zvokuita ichasvika.

Basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi rinoda kushivirira. Kungofanana nomurimi anofanira kuramba achidiridzira kusvikira Mwari aita kuti mbeu ikure, ndozvakaitawo basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (1 VaKorinde 3:7; Jakobho 5:7) Kukudziridza kutenda uye kuonga Jehovha mumwoyo yevamwe kunotora mwedzi yakawanda kunyange makore okudzidza Bhaibheri nomunhu nokushivirira. Kumirira Jehovha kunosanganisira kutsungirira, kunyange kana pakutanga vadzidzi vangasaita chimwe chinhu pane zvavanenge vachidzidza. Kana vakaratidza kuonga, chingava chiratidzo chokuti mudzimu waJehovha uri kuvabatsira. Kana ukashivirira, ungava nomufaro wokuona Jehovha achiita kuti wauri kudzidza naye akure kuva mudzidzi waKristu.—Mateu 28:20.

Kuratidza Rudo Nokumirira

Somuenzaniso wokuti kumirira kunogona kuva chiratidzo chorudo nechivimbo, funga nezvemamiriro ezvinhu eimwe hanzvadzi chapupu yakwegura inogara mugwenga reAndes, kuSouth America. Iyo neimwe hanzvadzi yechiKristu munharaunda yavo ndivo Zvapupu zvaJehovha chete. Ungafungidzira here kuti vanomirira nechido chakaita sei kushanyirwa nevamwe vaKristu? Pane imwe nguva, mutariri anofambira akarasika paakanga achivashanyira kokutanga. Akadzokera kwaakanga atangira rwendo rwake kuti aone kuti angafamba sei uye akanonoka kwemaawa anoverengeka. Kwakanga kwava kuda kutonoedza paakazoona musha wacho uri nechokure. Sezvo nzvimbo yacho yakanga isina magetsi, akashamisika kuona chiedza chichivheneka. Akafara zvikuru pakupedzisira paakasvika panzvimbo iyi ndokuona kuti chiedza chaiva cherambi raiva rakasimudzwa naambuya ava! Vaiva nechokwadi chokuti aizouya, saka vainge vakamirira.

Tinofara kumirira Jehovha tichishivirira zvakadaro. Tine chokwadi chokuti achaita sezvaakavimbisa. Kufanana nomutariri anofambira uya, tinoonga vose vanotimirira norudo. Saka hazvishamisi kuti Mwari anoonga vose vanomumirira. Bhaibheri rinoti: “Jehovha anofarira . . . vaya vanomirira mutsa wake worudo.”—Pisarema 147:11.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Vanhu vane zvakawanda zvokuita vachirumbidza Mwari vanowana mufaro mukumirira Jehovha