Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kumirira Umambo Husiri “Hwenyika Ino”

Kumirira Umambo Husiri “Hwenyika Ino”

Nyaya Youpenyu

Kumirira Umambo Husiri “Hwenyika Ino”

Yakataurwa naNikolai Gutsulyak

Kwemazuva 41 nousiku 41, ndaiva mujeri raiva nevanhu vaipandukira. Ndakangoerekana ndamutswa nokurira kwepfuti. Motokari dzehondo nevarwi vakapinda nechisimba mumusasa wevasungwa, vachirwisa vasungwa. Upenyu hwangu hwaiva pangozi.

ZVAKAFAMBA sei kuti ndive mumamiriro ezvinhu akadai? Regai nditsanangure. Izvi zvakaitika muna 1954. Panguva iyoyo, ndaiva nemakore 30. Kungofanana neZvapupu zvaJehovha zvakawanda zvaigara muSoviet, ndakasungirwa kuramba ndisina kwandakarerekera panyaya dzezvematongerwo enyika uye kuti ndaiudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari. Boka redu reZvapupu zvakanga zvasungwa raiva nevarume 46 nevakadzi 34. Takaiswa mumusasa webasa rokumanikidzirwa pedyo nomusha weKengir waiva nechepakati peKazakhstan. Taigara ikoko nezviuru zvevamwe vasungwa.

Joseph Stalin, aiva mutungamiriri weSoviet Union, akanga afa gore rakanga rapfuura racho. Vasungwa vakawanda vaitarisira kuti hurumende itsva yomuMoscow yaizoteerera zvavainyunyuta nezvazvo pamusoro pemagariro omujeri aiva akaoma chaizvo. Kusagutsikana kwevasungwa kwakaguma kwaita kuti vapandukire vari mujeri imomo. Pakurwisana kwakazotevera, isu Zvapupu taifanira kutsanangurira vapanduki vakanga vakatsamwa nevarindi vechiuto pataive timire chaipo. Zvaida kutenda muna Mwari kuti tisava nokwatakarerekera.

Kumukira!

Musi waMay 16 vaiva mumusasa wejeri vakatanga kupandukira. Kwapera mazuva maviri, vasungwa vanopfuura 3 200 vakaramba kuenda kubasa, vachiti vaida kuti mumisasa muve nemagariro ari nani uyewo kuti vakanga vasungirwa zvematongerwo enyika vavewo nekodzero dzavo. Zvinhu zvakakurumidza kuitika. Kutanga vapanduki vakadzinga varindi mumusasa wacho. Zvadaro vakaboora-boora fenzi yaiva yakakomberedza musasa wacho. Vakazoputsa madziro aiparadzanisa dzimba dzaigara vanhurume nevanhukadzi, vachiita kuti vanhu vangogara mumusasa wacho vakasangana. Mumazuva ainakidza akatevera, vamwe vasungwa vakatoroorana, vachichatiswa nevapristi vakanga vakasungwawo. Vakawanda vevasungwa 14 000 vaiva mumisasa mitatu vakapandukirawo.

Vapanduki vacho vakaronga dare romumusasa raizotaurirana nemauto. Zvisinei, pasina nguva vedare racho vakatanga kuitirana nharo, uye musasa wakaguma wava kutarisirwa nevanhu vakaoma musoro zvikuru. Zvinhu zvakatonyanya kuoma. Vatungamiriri vevapanduki vakaronga dhipatimendi rokuchengetedza, dhipatimendi remauto, uye dhipatimendi remashoko kuti zvinhu zvive “zvakarongeka.” Vatungamiriri vacho vaishandisa gudzanzwi raiiswa pamatanda aiva akakomberedza musasa wacho kuti vataure mashoko ane uturu, vachitokurudzira vanhu kuti vapanduke. Vapanduki vacho vairambidza vamwe kuti vatize, vairanga vaya vaisavatsigira, uye vakazivisa kuti vakanga vakagadzirira kuuraya chero munhu upi zvake aisazoita zvavaida. Paiva norunyerekupe rwokuti vamwe vasungwa vakanga vatourayiwa.

Sezvo vapanduki vaitarisira kuti mauto aizorwisa, vakanyatsogadzirira kuzvidzivirira. Kuti vave nechokwadi chokuti vasungwa vakawanda sezvinobvira vaizova vakagadzirira kudzivirira musasa wacho, vatungamiriri vacho vakati vasungwa vose vave nezvombo. Kuti vazviwane, vasungwa vakabvisa simbi pamahwindo ndokugadzira mapanga nezvimwe zvombo zvesimbi. Vakatokwanisa kuwana pfuti nezvinhu zvinoputika.

Kumanikidzwa Kuti Tipandukirewo

Panguva iyoyo, vapanduki vaviri vakauya kwandiri. Mumwe wacho akanditambidza banga rakanga richangobva kurodzwa. “Tora banga iri!” akadaro. “Uchazorida kuti uzvidzivirire.” Chinyararire, ndakakumbira Jehovha kuti andibatsire kuti ndidzikame. Ndakapindura kuti, “Ndiri muKristu, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ini nezvimwe Zvapupu takasungirwa kuti hatirwi nevanhu, asi nemasimba emidzimu isingaoneki. Zvombo zvatinorwisa nazvo masimba acho kutenda kwedu uye tariro yedu muUmambo hwaMwari.”—VaEfeso 6:12.

Zvakandishamisa kuti murume wacho akagutsurira musoro achiratidza kuti akanga anzwisisa. Zvisinei, mumwe wacho akandirova zvakasimba. Zvadaro vakaenda. Vapanduki vacho vakapinda mumisasa yacho yose, vachiedza kumanikidza Zvapupu kuti zvimukirewo. Asi hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzose dzakaramba.

Pamusangano wakaitwa nedare revapanduki pakakurukurwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina kwazvakarerekera. “Vamwe vezvitendero zvose—vaPentecostal, vaAdventist, vaBaptist nevamwe vanhu vose—vari kumukirawo. Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvaramba,” vakadaro. “Toita sei nazvo?” Mumwe akati Chapupu chimwe chete chikandwe muhovhoni yomujeri kuti vatityisidzire. Asi mumwe aimbova mukuru mukuru wemauto, musungwa airemekedzwa nevamwe, akasimuka akati: “Ikoko hakusi kuchenjera. Tinofanira kuvaisa vose muimba imwe chete nechokumucheto kwomusasa, pedyo negedhi. Tikadaro, kana uto rikatirwisa nemotokari dzehondo, Zvapupu ndizvo zvichatanga kuurayiwa. Uye isu hatizovi nemhosva yokuzviuraya.” Vamwe vakabvuma zvaakataura.

Kuiswa Munzvimbo ine Ngozi

Vachangopedza musangano wacho, vasungwa vakatenderera musasa vachidanidzira kuti, “Zvapupu zvaJehovha, budai panze!” Zvadaro vakatitungamirira tose tiri 80 kuimba yaiva nechokumucheto kwomusasa. Vakabudisa mibhedha yakaturikidzana yaiva mudzimba dzacho kuti muve nenzvimbo yakakura ndokutiudza kuti tipinde. Imba iyoyo ndiyo yakava jeri redu.

Hanzvadzi dzechiKristu dzaiva muboka redu dzakasonanidza mashitsi kuti dziganhure nzvimbo yaizogara vanhurume nevanhukadzi. (Chimwe Chapupu chokuRussia chakazodhirowa mufananidzo wedzimba idzi, sezvinoratidzwa pasi apa.) Pataigara mudzimba idzodzo dzakamanikana, taiwanzonyengetera tiri pamwe chete, tichikumbira Jehovha nomwoyo wose kuti atipe uchenjeri uye “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinde 4:7.

Nguva yose iyoyo, takanga tiri munzvimbo yaiva nengozi pakati pevapanduki neuto reSoviet. Hapana nomumwe wedu aiziva kuti vapanduki kana kuti uto reSoviet vaizoitei. “Musaramba muchingofungidzira,” yakakurudzira kudaro imwe hama yechiKristu yakatendeka. “Jehovha haazotisiyi.”

Hanzvadzi dzedu dzechiKristu dzataida chaizvo—vakuru nevaduku—vakatsungirira zvaishamisa. Mumwe wacho akanga ava nemakore anenge 80 uye aitoda kubatsirwa chaizvo. Vamwe vairwara uye vaifanira kurapwa. Panguva yose iyoyo, masuo edzimba dzacho aifanira kuramba akavhurika kuitira kuti vapanduki vagare vachitiongorora. Usiku, vasungwa vaiva nezvombo vaipfuura nomudzimba dzacho. Dzimwe nguva taivanzwa vachiti, “Umambo hwaMwari hwakarara.” Masikati, pavaitibvumira kuenda kuimba yokudyira yepamusasa wacho, taingogara tiri pamwe chete uye tainyengetera kuti Jehovha atidzivirire pavanhu ava vaida zvechisimba.

Taiedza kutsigirana pakunamata pataiva mumisasa yacho. Somuenzaniso, kazhinji hama yairondedzera nhoroondo yomuBhaibheri nenzwi riri pamusoro zvokuti tose tainzwa. Zvadaro yaitaura kuti nhoroondo yacho yaishanda sei mumamiriro edu ezvinhu. Imwe hama yechikuru yainyanya kuda kutaura nezveuto raGidhiyoni. “Muzita raJehovha, varume 300 vaiva vakabata zviridzwa vakarwisa varwi 135 000 vaiva nezvombo,” yakatiyeuchidza kudaro. “Vose vari 300 vakadzoka vasina kukuvadzwa.” (Vatongi 7:16, 22; 8:10) Muenzaniso uyu nemimwe yomuBhaibheri zvakatisimbisa pakunamata. Ndakanga ndisina nguva refu ndava Chapupu, asi kuona kutenda kwakasimba kwehama nehanzvadzi dzakanga dzava nenguva dziri Zvapupu kwakandikurudzira zvikuru. Ndakaona kuti Jehovha aiva nesu zvechokwadi.

Hondo Yacho Inotanga

Vhiki dzakapfuura, uye zvinhu zvakaramba zvichiipa mumusasa. Kukurukurirana kwevapanduki nehurumende kwakawedzera. Vatungamiriri vevapanduki vakasimbirira kuti hurumende yokuMoscow itumire mumiririri aizotaura navo. Hurumende yaiti vapanduki ngavakande mapfumo pasi, vasiye zvombo zvavo, vadzokere kubasa. Hapana divi raida kuita zvainge zvataurwa nevamwe. Panguva iyoyo, musasa wakanga wakombwa nemauto ehondo akanga akagadzirira kurwisa kana angoudzwa. Vapandukiwo vakanga vakagadzirira kurwa, sezvo vakanga vavaka midhuri mirefu uye vaunganidza zvombo zvakawanda. Vanhu vose vaitarisira kuti mauto nevasungwa vaitozopedzisira varwisana chete.

Musi waJune 26 takamutswa noruzha rwaivhara nzeve pfuti hombe dzichirira. Motokari dzehondo dzakapwanya fenzi dzikapinda mumusasa wacho. Dzaiteverwa nemauto aipfura nezvigwagwagwa. Vasungwa—varume nevakadzi—vakamhanya vakananga motokari dzehondo vachishevedzera kuti “Heee!” uye vachikanda matombo, mabhomba avakanga vagadzira, uye chero chinhu chipi zvacho chavainhonga. Vakarwisana zvaityisa, uye isu Zvapupu taiva pakati chaipo pevapanduki nemauto. Jehovha aizopindura sei minyengetero yedu yokuti tibatsirwe?

Varwi vakabva vangopinda mudzimba dzedu. “Budai imi vatsvene!” vakashevedzera kudaro. “Kurumidzai, endai kunze kwefenzi!” Mukuru mukuru wacho akaudza varwi kuti vasatipfura asi kuti varambe vainesu uye vatidzivirire. Pairwiwa hondo yacho, takanga tigere mubani raiva nechepanze pomusasa. Kwemaawa mana takateerera kuputika, kurira kwepfuti, kuridza mhere, uye kuyuwira kwaiitika mumusasa wacho. Zvadaro, zvose zvakabva zvati ziii. Gare gare, kwaedza, takaona varwi vachibudisa vakanga vafa mumusasa wacho. Takaudzwa kuti mazana evanhu akanga akuvara kana kuti kufa.

Gare gare zuva iroro, mumwe mukuru mukuru wandaiziva akauya kwataiva. Akabvunza achidadirira kuti, “Saka Nikolai, ndiani akuponesai? Tisu here kana kuti ndiJehovha?” Takamutenda nomwoyo wose kuti akanga atiponesa, tichiwedzera kuti, “Tine chokwadi chokuti Mwari wedu wemasimba ose, Jehovha, aita kuti musatiuraya, sezvaakaita kuti vamwe vanunure vashumiri vake munguva inotaurwa muBhaibheri.”—Ezra 1:1, 2.

Mukuru mukuru iyeye akatitsanangurirawo kuti varwi vaiziva sei kuti takanga tiri vanaani uye kuti takanga tichigara kupi. Akati pane imwe nguva paikurukurirana mauto nevapanduki, mauto akapomera vapanduki kuti vakanga vari kuuraya vasungwa vakanga vasiri kuvatsigira. Vapanduki vakaramba vakati Zvapupu zvaJehovha hazvina kwazvakarerekera asi hazvina kuurayiwa. Pane kudaro, sechirango, Zvapupu zvose zvakaiswa muimba imwe chete. Vakuru vakuru vemauto vakayeuka mashoko iwayo.

Takaramba Takasimba Nokuda kwoUmambo

Munyori anonyatsozivikanwa wokuRussia Aleksandr Solzhenitsyn, anotaura nezvokupanduka kwomujeri kwakaitika tirimo, mubhuku rake rinonzi The Gulag Archipelago. Nezvechiitiko ichocho, anonyora kuti chakaita kuti kupanduka kwacho kutange ndechokuti, “chokwadi tinoda kusunungurwa, . . . asi ndiani angatisunungura?” SeZvapupu zvaJehovha zvaiva mumusasa iwoyo, isuwo taida kusunungurwa. Zvisinei, taisangoda kusunungurwa mujeri chete asiwo taida rusununguko runongogona kuunzwa noUmambo hwaMwari. Pataiva mujeri, taiziva kuti taida simba rinobva kuna Mwari kuti tirambe takasimba tiri kudivi roUmambo hwake. Uye Jehovha akatipa zvose zvataida. Akaita kuti tikunde tisingashandisi mapanga kana kuti magirinedhi.—2 VaKorinde 10:3.

“Umambo hwangu hahusi hwenyika ino,” Jesu Kristu akaudza Pirato kudaro. “Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa.” (Johani 18:36) Naizvozvo, sevateveri vaKristu, hatinawo kurwa hondo dzezvematongerwo enyika. Takafara kuti munguva yokumukira uye pashure pacho, zvaiva pachena kune vamwe kuti takanga takavimbika kuUmambo hwaMwari. Solzhenitsyn akanyora nezvokuzvibata kwataiita panguva iyoyo achiti: “Zvapupu zvaJehovha zvainyatsotevedzera mitemo yazvo uye zvakaramba kuvaka masvingo okurwisa kana kuti kuva varindi.”

Kwapera makore anopfuura 50 kubva pakaitika zvinhu izvozvo zvinotyisa. Zvisinei, ndinowanzofunga zvakaitika kare ndichionga nokuti ndine zvandakadzidza zvandisingakanganwi, zvakadai sokumirira Jehovha uye kuvimba zvizere noruoko rwake rune simba. Chokwadi, kufanana nezvimwe Zvapupu zvinodiwa zvomunyika yaimbova Soviet Union, ndakaona kuti zvechokwadi Jehovha anosunungura, anodzivirira, uye anonunura vaya vanomirira Umambo ‘husiri hwenyika ino.’

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Musasa webasa rokumanikidzirwa wataigara tiri vasungwa kuKazakhstan

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mufananidzo weimba yeZvapupu, divi raigara vakadzi

[Mufananidzo uri papeji 11]

Ndiine hama dzangu dzechiKristu, patakasunungurwa