Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva Kwaungaita Chitendero Chechokwadi

Kuziva Kwaungaita Chitendero Chechokwadi

Kuziva Kwaungaita Chitendero Chechokwadi

ZVITENDERO zvakawanda zvinoti zvazvinotaura zvinobva kuna Mwari. Naizvozvo, zvakanaka kuti titeerere mashoko omuapostora waJesu Johani, uyo akanyora kuti: “Vadiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vazhinji vakaoneka munyika.” (1 Johani 4:1) Tingaedza sei chimwe chinhu kuti tione kana chichibva kuna Mwari?

Zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari zvinoratidza unhu hwake, kunyanya rudo. Somuenzaniso, pfungwa yedu yokunhuhwidza, iyo inoita kuti tinakidzwe nomunhuhwi wemakwenzi, maruva, kana kuti chingwa chichangobva kubikwa, inoratidza rudo rwaMwari. Kukwanisa kwedu kuona zvinhu zvakadai sezuva richinyura, shavishavi, kana kuti kunyemwerera kwomwana muduku zvinoratidza rudo rwaMwari kwatiri. Ndozvakaitawo kukwanisa kwedu kunzwa mimhanzi inonakidza, kurira kweshiri, kana kuti inzwi romumwe munhu watinoda. Kunyange tisina kukwana, zvatiri zvinoratidza rudo rwaMwari. Ndicho chikonzero nei kakawanda tichiona mashoko akataurwa naJesu ari echokwadi, anoti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Tinonakidzwa nokuratidza rudo nokuti takasikwa “nomufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:27) Kunyange zvazvo Jehovha aine humwe unhu hwakasiyana-siyana, rudo ndirwo chinhu chikuru paunhu hwake hwose.

Mashoko akanyorwa anobva kuna Mwari anofanira kuratidza rudo rwake. Zvitendero zvenyika zvine mashoko akawanda akanyorwa kare. Mashoko akadaro anosvika papi kana tichitaura nezvokuratidza rudo rwaMwari?

Chokwadi ndechokuti, mabhuku mazhinji echitendero anotsanangura zvishoma nezvokutida kunoita Mwari kana kuti madire atingaita Mwari. Saka mamiriyoni evanhu haawani mhinduro paanobvunza kuti, “Nei tichiona chiratidzo chokuti Mwari ane rudo muzvinhu zvakasikwa nepo kutambura nouipi zvichingowanda?” Asiwo, Bhaibheri ndiro roga bhuku rekare rechitendero rinotsanangura rudo rwaMwari zvakazara. Rinotidzidzisawo kuti tingaratidza sei rudo.

Bhuku Rinotaura Nezvorudo

Shoko raMwari Bhaibheri, rinotaura nezvaJehovha sa“Mwari worudo.” (2 VaKorinde 13:11) Bhaibheri rinotsanangura kuti rudo rwakaita kuti Jehovha ape vanhu vokutanga upenyu hwakanga husina kurwara norufu. Asi kupandukira chiremera chaMwari ndiko kwakaita kuti vanhu vatambure. (Dheuteronomio 32:4, 5; VaRoma 5:12) Jehovha akaita kuti zvakanga zvarasika zviwanikwezve. Shoko raMwari rinoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Magwaro Matsvene anojekesazve rudo rwaMwari paanotsanangura kuti Mwari akatanga hurumende yakakwana inotongwa naJesu kuti aunze rugare kune vanhu vanoteerera.—Dhanieri 7:13, 14; 2 Petro 3:13.

Bhaibheri rinotaura muchidimbu zvinofanira kuitwa nomunhu richiti: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Mutemo wose, . . . [w]akavakirwa pamirayiro iyi miviri.” (Mateu 22:37-40) Bhaibheri rinotaura kuti rakafuridzirwa naMwari. Sezvo richinyatsoratidza unhu hwake, tinogona kuva nechokwadi chokuti rinobva kuna “Mwari worudo.”—2 Timoti 3:16.

Kana tikaratidza rudo urwu, tinogona kuziva kuti pamashoko ekare, ndeapi anobva kuna Mwari zvechokwadi. Rudo runoratidza kuti vanamati vechokwadi ndevapi, nokuti vanotevedzera Mwari nokuratidza rudo.

Kuzivikanwa Kungaitwa Vanhu Vanoda Mwari

Vanhu vanoda Mwari zvechokwadi vanooneka zviri nyore, zvikurukuru iye zvino nokuti tiri kurarama munguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira.” Vanhu vari kuwedzera ‘kuzvida, kuda mari, uye kuda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.’—2 Timoti 3:1-4.

Ungaziva sei vanhu vanoda Mwari? Bhaibheri rinoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.” (1 Johani 5:3) Kuda Mwari kunoita kuti tiremekedze mitemo yetsika iri muBhaibheri. Somuenzaniso, Shoko raMwari rine mitemo yezvepabonde nomuchato. Vanhu vakachata bedzi ndivo vanobvumidzwa kurara vose, uye muchato unofanira kugara nariini. (Mateu 19:9; VaHebheru 13:4) Mumwe mukadzi wokuSpain akadzidza zvechitendero paakapinda musangano weZvapupu zvaJehovha zvakanga zvichidzidza tsika dzomuBhaibheri nomwoyo wose, akati: “Ndakabva ipapo ndakurudzirwa, kwete bedzi nokunzwisisa hurukuro dzaibva muMagwaro asiwo nokubatana kwakaita vanhu ava, tsika dzavo dzakanaka zvikuru uye unhu hwavo hwakanaka.”

Kuwedzera pakuda Mwari kwavanoita, zviri nyore kuziva vaKristu vechokwadi nenzira yavanoratidza nayo rudo kuvavakidzani vavo. Basa ravo rinokosha kwazvo nderokutaura nevamwe nezvetariro bedzi yevanhu, Umambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Hapana chinhu chingaunza zvikomborero zvisingaperi kuvavakidzani vavo chinopfuura kuvabatsira kuti vawane zivo yaMwari. (Johani 17:3) VaKristu vechokwadi vanoratidzawo rudo rwavo nedzimwe nzira. Vanoedza kubatsirawo vaya vari kutambura. Somuenzaniso, kudengenyeka kwepasi pakwakaparira njodzi muItaly, pepanhau romunzvimbo iyoyo rakazivisa kuti Zvapupu zvaJehovha “zvinobatsira, zvinoyamura vaya vanotambura, zvisina basa nokuti vanopinda chitendero chipi.”

Kunze kwokungoda Mwari nomuvakidzani, vaKristu vechokwadi vanodanana. Jesu akati: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:34, 35.

Kudanana kunoita vaKristu vechokwadi kwakanyatsosiyana here? Mumwe mudzimai anonzi Ema anoshanda mumba anofunga kudaro. Anoshanda muLa Paz, Bolivia, uye ikoko kusiyana kwemadzinza kunowanzoparadzanisa vapfumi nevarombo. Akati: “Nguva yandakatanga kuenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha, ndakaona mumwe murume akanga akapfeka zvakanaka akagara achitaurirana nomumwe mudzimai wechiIndia. Ndakanga ndisati ndamboona zvakadaro. Panguva iyoyo ndakabva ndaziva kuti ava vaifanira kuva vanhu vaMwari.” Saizvozvowo, mumwe mudzimai wechiduku wokuBrazil anonzi Miriam akati: “Ndakanga ndisingazivi chinonzi kufara, kunyange nemhuri yangu. Ndakatanga kuona vanhu vanodanana pakati peZvapupu zvaJehovha.” MuUnited States, mumwe anotungamirira nhau dzepaterevhizheni akanyora kuti: “Kudai vanhu vakawanda vairarama sezvinodzidziswa nechitendero chenyu, nyika ino ingadai isiri sezvairi. Ndiri mumwe wevatapi venhau anoziva kuti sangano renyu rine vanhu vanodanana uye vanotenda zvakasimba kuti kune Musiki.”

Tsvaka Chitendero Chechokwadi

Rudo ndirwo runoratidza chitendero chechokwadi. Jesu akafananidza kuwana chitendero chechokwadi nokuwana nzira chaiyo uye kusarudza kufamba nayo. Ndiyo bedzi nzira inotungamirira kuupenyu husingaperi. Jesu akati: “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Pane boka rimwe bedzi revaKristu vechokwadi rinofamba rakabatana naMwari mumugwagwa unoenda kuchitendero chechokwadi. Naizvozvo, zvine basa kuti chitendero chipi chaunosarudza. Kana ukawana nzira yacho ndokusarudza kufamba nayo, uchave wawana nzira yakanakisisa youpenyu, nokuti inzira yorudo.—VaEfeso 4:1-4.

Chimbofungidzira mufaro mukuru waungava nawo sezvaunofamba munzira inoenda kuchitendero chechokwadi! Zvakafanana nokufamba naMwari. Kuna Mwari unogona kudzidza uchenjeri uye rudo kuti ugonakidzwa nokushamwaridzana nevamwe. Kwaari unogona kudzidza nezvechinangwa choupenyu, uye unogona kunzwisisa zvipikirwa zvaMwari wova netariro yeramangwana. Hauzombofi wakazvidemba kuti wakatsvaka chitendero chechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pamashoko akanyorwa kare echitendero, Bhaibheri bedzi ndiro rinotaura nezvorudo rwaMwari

[Mifananidzo iri papeji 7]

VaKristu vechokwadi vanozivikanzwa nokuti vanodanana