Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nakidzwa Noupenyu Uchitya Jehovha

Nakidzwa Noupenyu Uchitya Jehovha

Nakidzwa Noupenyu Uchitya Jehovha

“Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vaya vanomutya havana chavanoshayiwa.”—PISAREMA 34:9.

1, 2. (a) ChiKristudhomu chave chichiona kutya Mwari nenzira dzipi dzakasiyana? (b) Iye zvino tichaongorora mibvunzo ipi?

VAFUNDISI vechiKristudhomu vanodzidzisa vanhu kutya Mwari kazhinji vanovadzidzisa zvichibva padzidziso isiri mumagwaro yokuti Mwari anoranga vatadzi mumoto wehero nokusingaperi. Dzidziso yakadaro inopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro paJehovha saMwari ane rudo uye anoruramisira. (Genesisi 3:19; Dheuteronomio 32:4; VaRoma 6:23; 1 Johani 4:8) Vamwe vafundisi vechiKristudhomu vanozviona zvakasiyana. Havatombotauri nezvokutya Mwari. Pane kudaro, vanodzidzisa kuti Mwari haana basa nemararamiro anoita vanhu, anogamuchira anenge munhu wose zvake. Kunyange naizvozvowo hazvidzidziswi neBhaibheri.—VaGaratiya 5:19-21.

2 Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotikurudzira kutya Mwari. (Zvakazarurwa 14:7) Izvozvo zvinomutsa mibvunzo. Nei Mwari ane rudo achida kuti timutye? Mwari anoda kuti timutye sei? Kutya Mwari kungatibatsira sei? Tichapindura mibvunzo iyi sezvatinoenderera mberi nokukurukura Pisarema 34.

Chinoita Kuti Titye Mwari

3. (a) Unoona sei murayiro wokutya Mwari? (b) Nei vanotya Jehovha vachifara?

3 Zvaari Musiki uye Changamire Mutongi wezvose zvakasikwa, Jehovha akakodzera kutyiwa. (1 Petro 2:17) Zvisinei, kumutya kwacho hakusi kutya kwokudedera mwari ane utsinye. Kutya kwokuremekedza Jehovha nemhaka yezvaari. Kutyawo kuita zvisingamufadzi. Kutya Mwari kwakanaka uye kunobatsira, hakupedzi simba kana kudederesa. Jehovha, “Mwari anofara,” anoda kuti vanhu vake vaakasika vanakidzwe noupenyu. (1 Timoti 1:11) Zvisinei, kuti tinakidzwe noupenyu, tinofanira kurarama zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Kune vakawanda, izvozvo zvinoreva kuchinja mararamiro avo. Vose vanochinja sezvinodiwa vanoona kuti mashoko omunyori wepisarema Dhavhidhi ndeechokwadi, anoti: “Haiwa ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; anofara murume anopotera kwaari. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vaya vanomutya havana chavanoshayiwa.” (Pisarema 34:8, 9) Vose vanotya Jehovha havana chavanoshayiwa chatingati chinokosha, nokuti vane ukama hwakanaka naMwari.

4. Dhavhidhi naJesu vakavimbisei?

4 Dhavhidhi aikudza varume vake nokuvati “vatsvene” semashandiro aiita shoko iroro muzuva rake. Vaiva vamwe vorudzi rwaMwari rutsvene. Vakanga vari kuisawo upenyu hwavo pangozi kuti vatevere Dhavhidhi. Kunyange zvazvo vakanga vari kutiza Mambo Sauro, Dhavhidhi aiva nechivimbo chokuti Jehovha aizoramba achivapa zvinokosha zvavaida. Dhavhidhi akanyora kuti: “Vana veshumba vava nezenze vave vaine zvishoma, vakava nenzara; asi vaya vanotsvaka Jehovha havazoshayiwi chero chinhu chipi zvacho chakanaka.” (Pisarema 34:10) Jesu akavimbisawo vateveri vake zvakafanana.—Mateu 6:33.

5. (a) Vakawanda vevateveri vaJesu vaiva vanhu vakaita sei? (b) Jesu akapa zano rei panyaya yokutya?

5 Vakawanda vevakateerera Jesu vaiva veboka revaJudha raiva risina zvakawanda, raiva rakaderera. Saka Jesu “akasiririswa navo, nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Vanhu vakaderera ivavo vaizoshinga kutevera Jesu here? Kuti vamutevere, vaizofanira kuwedzera kutya kwavaiita Jehovha, kwete kutya vanhu. Jesu akati: “Musatya vaya vanouraya muviri asi vasingazokwanisi kuita chimwe chinhu chinopfuura izvozvo. Asi ndichakuratidzai wokutya: Ityai iye anoti kana auraya ane simba rokukanda muGehena. Chokwadi, ndinokuudzai, ityai Iyeyu. Shiri duku shanu hadzitengeswi nemari mbiri dzisingakoshi here? Asi hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari. Asi kunyange nebvudzi remisoro yenyu rose rakaverengwa. Musatya; imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”—Ruka 12:4-7.

6. (a) Mashoko api aJesu akasimbisa vaKristu? (b) Nei Jesu ari iye muenzaniso wakanaka zvikuru wokuratidza kutya Mwari?

6 Vanotya Jehovha pavanonetswa nevavengi vavo vachinzi varege kushumira Mwari, vangayeuka zano raJesu rokuti: “Munhu wose anobvuma kuti ari pamwe neni pamberi pevanhu, Mwanakomana womunhu achabvumawo kuti ari pamwe naye pamberi pengirozi dzaMwari. Asi iye anondiramba pamberi pevanhu acharambwawo pamberi pengirozi dzaMwari.” (Ruka 12:8, 9) Mashoko aya akasimbisa vaKristu, kunyanya munyika dzakarambidzwa kunamata kwechokwadi. Vanhu vakadaro vanoramba vachirumbidza Jehovha vachichenjerera pamisangano yechiKristu uye muushumiri hwavo hwepachena. (Mabasa 5:29) Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka chaizvo wo“kutya . . . Mwari.” (VaHebheru 5:7) Richitaura nezvake, Shoko rouprofita rakafanoti: “Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake, mudzimu . . . wokutya Jehovha; uye iye achafara pakutya Jehovha.” (Isaya 11:2, 3) Saka Jesu ndiye akanyatsokodzera kutidzidzisa zvakanakira kutya Mwari.

7. (a) Kutaura zvazviri, vaKristu vanoita sei pavanonzwa kukoka kwakafanana nokwakaitwa naDhavhidhi? (b) Vabereki vangatevedzera sei muenzaniso wakanaka waDhavhidhi?

7 Vose vanotevera muenzaniso waJesu uye vanoteerera zvaanodzidzisa vari kutoteerera kukoka kwakafanana nekwakaitwa naDhavhidhi kwokuti, “Uyai, imi vanakomana, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.” (Pisarema 34:11) Dhavhidhi aidana varume vake kuti “vanakomana” nokuti vaimuona somutungamiriri wavo. Dhavhidhi akabatsira vateveri vake kutya Mwari kuitira kuti vabatane uye vanzwirwe nyasha naMwari. Iwoyo muenzaniso wakanaka chaizvo kuvabereki vechiKristu! Jehovha akavapa simba pamusoro pevanakomana nevanasikana vavo kuti varambe va“chivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) Kana vabereki vakakurukura nyaya dzokunamata nevana vavo zuva nezuva uye vakadzidza navo Bhaibheri nguva dzose, vachabatsira vana vavo kuti vanakidzwe noupenyu vachitya Jehovha.—Dheuteronomio 6:6, 7.

Kuratidza Kwatingaita Kuti Tinotya Mwari

8, 9. (a) Nei mararamiro okutya Mwari achifadza kwazvo? (b) Kuchengetedza rurimi rwedu kunosanganisirei?

8 Sezvambotaurwa, kutya Jehovha hakuiti kuti tisafara. Dhavhidhi akabvunza kuti: “Ndiani murume anofarira upenyu, anoda mazuva akakwana kuti aone zvakanaka?” (Pisarema 34:12) Zviri pachena kuti kutya Jehovha ndiko kunoita kuti munhu anakidzwe noupenyu kwenguva refu uye aone zvakanaka. Zvisinei, zviri nyore kutaura kuti “Ndinotya Mwari.” Asi hazvisi nyore kuratidza kuti tinomutya nomufambiro wedu. Nokudaro, Dhavhidhi anoenderera mberi otsanangura kuti tingaratidza sei kuti tinotya Mwari.

9 “Chengetedza rurimi rwako pane zvakaipa, nemiromo yako pakutaura zvokunyengera.” (Pisarema 34:13) Muapostora Petro akafuridzirwa kutaura chikamu ichi chePisarema 34 pashure pokunge apa vaKristu zano rokuti vabatane zvakanaka vachidanana sehama. (1 Petro 3:8-12) Kuchengetedza rurimi rwedu pane zvakaipa kunoreva kuti ticharega kuparadzira makuhwa anokuvadza. Pane kudaro, nguva dzose tichaedza kukurudzira patinotaura nevamwe. Uyezve, tichaedza kuva noushingi totaura chokwadi.—VaEfeso 4:25, 29, 31; Jakobho 5:16.

10. (a) Tsanangura zvinoreva kubva pane zvakaipa. (b) Kuita zvakanaka kunosanganisirei?

10 “Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; tsvaka rugare, urutevere.” (Pisarema 34:14) Tinorega kuita zvinonzi naMwari zvakaipa, zvakadai sounzenza, kuona zvinonyadzisira, kuba, kuita zvemidzimu, chisimba, kudhakwa, uye kushandisa zvinodhaka. Tinorambawo kuvaraidzwa nemitambo inobudisa zvinhu zvakadaro zvinosemesa. (VaEfeso 5:10-12) Pane kudaro, tinoshandisa nguva yedu kuita zvakanaka. Chinhu chakanaka zvikuru chatingaita kuparidza Umambo nguva dzose uye kuita basa rokuita vadzidzi, tichibatsira vamwe kuti vaponeswe. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Kuita zvakanaka kunosanganisirawo kugadzirira uye kupinda misangano yechiKristu, kutsigira basa romunyika yose nemari, kutarisira Imba yedu yoUmambo, uye kuva nehanya nezvinodiwa nevaKristu vanoshayiwa.

11. (a) Dhavhidhi akaita sei zvinoenderana nezvaaitaura nezvorugare? (b) Ungaitei kuti ‘utsvake rugare’ muungano?

11 Dhavhidhi akaratidza muenzaniso wakanaka pakutsvaka rugare. Kaviri, akava nomukana wokuuraya Sauro. Kaviri kacho, haana kuita zvechisimba uye pave paya akataura namambo noruremekedzo, aine tariro yokuti vave norugare zvakare. (1 Samueri 24:8-11; 26:17-20) Mazuva ano chii chingaitwa kana mamiriro ezvinhu achiita seangakanganisa rugare rweungano? Tinofanira ‘kutsvaka rugare, torutevera.’ Saka kana tikaona kuti ukama hwedu nowatinonamata naye hwakanganisika, tinoteerera zano raJesu rokuti: “Tanga waita kuti uve norugare nehama yako.” Zvadaro tinoramba tichiita mamwe mabasa ane chokuita nokunamata kwechokwadi.—Mateu 5:23, 24; VaEfeso 4:26.

Kutya Mwari Kunounza Zvikomborero Zvakawanda

12, 13. (a) Vanhu vanotya Mwari vanobatsirwa nei mazuva ano? (b) Munguva pfupi iri kuuya vanamati vakatendeka vachawana mubayiro mukuru wei?

12 “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pisarema 34:15) Zvakanyorwa nezvezvakaitwa naMwari kuna Dhavhidhi zvinoratidza kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. Mazuva ano, tinofara zvikuru uye tine rugare rwomumwoyo nokuti tinoziva kuti Jehovha ari kutitarisira. Tine chivimbo chokuti achatipa zvatinoda nguva dzose, kunyange patinenge tichishungurudzika zvikuru. Tinoziva kuti munguva pfupi iri kuuya vanamati vechokwadi vose vacharwiswa naGogi weMagogi sezvakafanotaurwa, uye vachatarisana ne“zuva . . . rinotyisa raJehovha.” (Joeri 2:11, 31; Ezekieri 38:14-18, 21-23) Pasinei nemamiriro ezvinhu atichafanira kutarisana nawo panguva iyoyo, mashoko aDhavhidhi achashanda kwatiri, okuti: “Vakachema, Jehovha akanzwa, akavanunura pakutambudzika kwavo kwose.”Pisarema 34:17.

13 Zvichange zvichifadza zvikuru panguva iyoyo kuona Jehovha achikudza zita rake guru! Mwoyo yedu ichazadzwa nokutya uye kuremekedza zvisina kumboitika, uye vashori vose vachaparadzwa zvinonyadzisa. “Chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvakaipa, kuti abvise kutaurwa nezvavo panyika.” (Pisarema 34:16) Kununurwa tichipinda munyika tsva yaMwari kuchava mubayiro wakakura zvikuru!

Zvipikirwa Zvinotibatsira Kutsungirira

14. Chii chichatibatsira kutsungirira pasinei nematambudziko?

14 Iye zvino, kuramba tichiteerera Jehovha munyika ine uori uye ine utsinye zvinoda kutsungirira. Kutya Mwari kunobatsira zvikuru kuti tiwedzere kuteerera. Nemhaka yenguva dzakaoma dzatiri kurarama madziri, vamwe vashumiri vaJehovha vanotambura zvikuru zvokuti zvinovarwadza chaizvo uye vanoora mwoyo. Zvisinei, vanogona kuva nechokwadi chokuti kana vakavimba naJehovha, achavabatsira kutsungirira. Mashoko aDhavhidhi anonyaradza zvechokwadi, okuti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” (Pisarema 34:18) Dhavhidhi akaenderera mberi achikurudzira kuti: “Matambudziko omunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ose.” (Pisarema 34:19) Pasinei nokuti tinowirwa nematambudziko akawanda sei, Jehovha akasimba zvokuti anokwanisa kutinunura.

15, 16. (a) Achangopedza kunyora Pisarema 34, Dhavhidhi akaziva nezvedambudziko ripi? (b) Chii chichatibatsira kutsungirira miedzo?

15 Achangopedza kunyora Pisarema 34, Dhavhidhi akanzwa nezvedambudziko rakanga rawira vanhu vaigara kuNobhu, apo Sauro akavauraya uyewo akauraya vapristi vakawanda. Anofanira kunge akarwadziwa zvikuru paakayeuka kuti kushanya kwaakanga aita kuNobhu ndiko kwakashatirisa Sauro! (1 Samueri 22:13, 18-21) Hapana mubvunzo kuti Dhavhidhi akakumbira Jehovha kuti amubatsire, uye zvechokwadi akanyaradzwa netariro yeramangwana yokumutswa kuchazoitwa “vakarurama.”—Mabasa 24:15.

16 Mazuva ano, tariro yorumuko inotisimbisawo. Tinoziva kuti hapana chingaitwa nevavengi vedu chingatikuvadza zvechigarire. (Mateu 10:28) Dhavhidhi akataurawo kuti ndizvo zvaaitenda achiti: “Anorinda mapfupa ose aiyeye [akarurama]; hapana rimwe chete rawo rakatyoka.” (Pisarema 34:20) Ndima iyoyo yakazadzika pane zvakaitika kuna Jesu. Kunyange zvazvo Jesu akaurayiwa zvine utsinye, hapana pfupa rake kana rimwe zvaro raka“pwanywa.” (Johani 19:36) Iri Pisarema 34:20 rinoshandawo pakutivimbisa kuti pasinei nemiedzo inotarisana nevaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo “mamwe makwai,” havazombokuvadzwi zvachose. Mapfupa avo haazombopwanywi, nenzira yokufananidzira.—Johani 10:16.

17. Vanhu vasingapfidzi vanovenga vanhu vaJehovha vakamirira dambudziko ripi?

17 Kune vakaipa, mamiriro acho ezvinhu akasiyana. Munguva pfupi vachakohwa zvakaipa zvavakadyara. “Dambudziko richauraya munhu akaipa; vanovenga munhu akarurama vachanzi vane mhosva.” (Pisarema 34:21) Vose vanoramba vachishora vanhu vaMwari vachatarisana nedambudziko rakaipa zvikuru kupfuura ratingafungidzira. Pacharatidzwa Jesu Kristu, “vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi.”—2 VaTesaronika 1:9.

18. “Boka guru revanhu” rakatonunurwa mupfungwa ipi, uye richawanei munguva pfupi iri kuuya?

18 Pisarema raDhavhidhi rinoguma nemashoko aya anopa chivimbo, anoti: “Jehovha anodzikinura mweya yevashumiri vake; pane vaya vanopotera kwaari hapana kana mumwe chete achanzi ane mhosva.” (Pisarema 34:22) Ava kuda kunopedza makore 40 okutonga kwake, Mambo Dhavhidhi akati: “[Mwari] akadzikinura mweya wangu pakutambudzika kwose.” (1 Madzimambo 1:29) Kufanana naDhavhidhi, munguva pfupi inouya vaya vanotya Jehovha vachakwanisa kutarira shure vofara kuti vakanunurwa pakuva nemhosva chero kupi zvako kunokonzerwa nechivi uye vakanunurwa pamiedzo yavo yose. VaKristu vakazodzwa vakawanda vakatogamuchira mubayiro wavo wokudenga. “Boka guru revanhu” rinobva mumarudzi ose iye zvino riri kubatana nehama dzaJesu pakushumira Mwari saka rakachena pamberi paJehovha. Izvi imhaka yokuti vanotenda musimba rinonunura reropa raJesu rakateurwa. Mukutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru kuri kuuya, vachayamurwa nokubatsira kwose kunoita chibayiro chorudzikinuro, zvichiita kuti vave vanhu vakakwana.—Zvakazarurwa 7:9, 14, 17; 21:3-5.

19. Nhengo dze“boka guru revanhu” dzakatsunga kuitei?

19 Nei “boka guru revanhu” vanonamata Mwari richizowana zvikomborero zvose izvi? Nokuti vakatsunga kuramba vachitya Jehovha, vachimushumira nokutya uye vachimuteerera zvokumuremekedza. Zvechokwadi, kutya Jehovha kunoita kuti upenyu hunakidze iye zvino uye kunotibatsira ‘kubatisisa upenyu chaihwo’—upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari.—1 Timoti 6:12, 18, 19; Zvakazarurwa 15:3, 4.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kutya Mwari, uye kumutya kunorevei?

• Kutya Mwari kunofanira kuita kuti tizvibate sei?

• Zvikomborero zvipi zvinobva pakutya Mwari?

• Zvipikirwa zvipi zvinotibatsira kutsungirira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vanhu vanotya Jehovha vanoshandisa uchenjeri pavanenge vachirambidzwa kunamata

[Mufananidzo uri papeji 28]

Chinhu chakanakisisa chatingaitira vavakidzani vedu ndechokuvaudza mashoko akanaka oUmambo