Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngatikudzei Zita raJehovha Pamwe Chete

Ngatikudzei Zita raJehovha Pamwe Chete

Ngatikudzei Zita raJehovha Pamwe Chete

“Haiwa kudzai Jehovha pamwe chete neni, ngatikudzei zita rake pamwe chete.”—PISAREMA 34:3.

1. Muenzaniso upi wakanaka chaizvo wakasiyiwa naJesu paaiita ushumiri hwake pasi pano?

USIKU hwaNisani 14, 33 C.E., Jesu nevaapostora vake vakaimba pamwe chete nziyo dzokurumbidza Jehovha vari muimba yepamusoro pane imwe imba muJerusarema. (Mateu 26:30) Jesu ndipo paakapedzisira kuimba nevaapostora vake. Zvisinei, zvakanga zvakakodzera kuti agumise musangano waakaita navo nokuimba. Kubvira paakatanga ushumiri hwake pasi pano kusvikira apedza, Jesu akarumbidza Baba vake uye akashingairira kuita kuti zita Ravo rizivikanwe. (Mateu 4:10; 6:9; 22:37, 38; Johani 12:28; 17:6) Kutaura zvazviri, akadzokorora mashoko omunyori wepisarema okukumbira noushamwari okuti: “Haiwa kudzai Jehovha pamwe chete neni, ngatikudzei zita rake pamwe chete.” (Pisarema 34:3) Muenzaniso wakanaka chaizvo wokuti titevedzere!

2, 3. (a) Tinoziva sei kuti Pisarema 34 rine uprofita hunokosha? (b) Munyaya ino neinotevera tichakurukurei?

2 Kwapera maawa mashomanana aimba nziyo dzokurumbidza naJesu, muapostora Johani akapupurira chiitiko chakasiyana zvikuru. Akaona Tenzi wake nematsotsi maviri vachiurayirwa pamatanda okutambudzikira. Varwi vaiva vaRoma vakatyora makumbo ematsotsi acho maviri kuti vaakurumidzise kufa. Asi Johani anoti havana kutyora makumbo aJesu. Varwi vacho pavakasvika paiva naJesu, akanga atofa. MuEvhangeri yake, Johani akatsanangura kuti chiitiko ichi kwaiva kuzadzika kwechimwe chikamu chePisarema 34, chinoti: “Hapana pfupa rake richatyorwa.”—Johani 19:32-36; Pisarema 34:20, Septuagint.

3 Pisarema 34 rine dzimwe pfungwa dzakawanda dzinofarirwa nevaKristu. Nokudaro, munyaya ino neinotevera, tichadzokorora mamiriro ezvinhu aiva naDhavhidhi paakanyora pisarema racho tobva tazokurukura zviri mupisarema racho zvinokurudzira.

Dhavhidhi Anotiza Sauro

4. (a) Nei Dhavhidhi akazodzwa kuti ave mambo aizotonga Israeri mune ramangwana? (b) Nei Sauro ‘akada’ Dhavhidhi kwazvo?

4 Dhavhidhi paaiva muduku, Sauro ndiye aiva mambo muIsraeri. Zvisinei, Sauro haana kuteerera uye haana kuzofarirwa naJehovha. Nemhaka yeizvozvo, muprofita Samueri akamuudza kuti: “Jehovha abvarura kutonga kwoumambo hwaIsraeri kwauri nhasi, uye achahupa mumwe wokwako ari nani kupfuura iwe.” (1 Samueri 15:28) Pave paya, Jehovha akaudza Samueri kuti azodze mwanakomana waJese muduku pane vose Dhavhidhi, kuti ave mambo aizotevera weIsraeri. Munguva iyi, asisina mudzimu waMwari, Mambo Sauro ane nguva dzaainzwa akasurukirwa. Dhavhidhi, nyanzvi yezvemimhanzi, akaendeswa kuGibhiya kunoshumira mambo, uye mimhanzi yaDhavhidhi yakazorodza Sauro, “iye akamuda kwazvo.”—1 Samueri 16:11, 13, 21, 23.

5. Nei Sauro akachinja maonero aaiita Dhavhidhi, uye Dhavhidhi akamanikidzwa kuitei?

5 Nokufamba kwenguva, Jehovha akaratidza kuti aiva naDhavhidhi. Jehovha akamubatsira kukunda hofori yechiFiristiya Goriyati uye akatsigira Dhavhidhi paakauya kuzopembererwa muIsraeri nokuda kwounyanzvi hwake hwokurwa. Zvisinei, kukomborerwa kwaiitwa Dhavhidhi naJehovha kwakaita kuti Sauro ave negodo, uye akatanga kuvenga Dhavhidhi. Kaviri Dhavhidhi paairidzira Sauro udimbwa hwake, mambo wacho akamupotsera pfumo. Panguva yacho yose, Dhavhidhi akanzvenga pfumo racho. Sauro paakaedza kumuuraya kechitatu, mambo weIsraeri weramangwana akaziva kuti aifanira kutiza kuti ararame. Pakupedzisira, nokuti Sauro akaramba achiedza kumubata uye kuti amuuraye, Dhavhidhi akatsunga kutizira kunze kwenyika yeIsraeri.—1 Samueri 18:11; 19:9, 10.

6. Nei Sauro akarayira kuti vanhu vaigara kuNobhu vaurayiwe?

6 Paaienda kumuganhu weIsraeri, Dhavhidhi akambomira muguta reNobhu, maiva netebhenekeri yaJehovha. Zviri pachena kuti paakatiza, Dhavhidhi akaperekedzwa nemajaya, uye akatsvaka zvokuti vadye, ivo pamwe naye. Sauro akaudzwa kuti mupristi mukuru akanga apa Dhavhidhi nevarume vake zvokudya uye avapa bakatwa rakatorwa naDhavhidhi Goriyati paakanga afa. Atsamwa, Sauro akaita kuti vanhu vose vomuguta vaurayiwe, kusanganisira vapristi 85.—1 Samueri 21:1, 2; 22:12, 13, 18, 19; Mateu 12:3, 4.

Anopukunyukazve

7. Nei Gati yaiva nzvimbo isina kuchengeteka yokuti Dhavhidhi avande?

7 Achibva kuNobhu, Dhavhidhi akatiza makiromita anenge 40 achienda kumadokero munyika yevaFiristiya uye akatizira kuna Mambo Akishi mutaundi rokumusha kwaGoriyati reGati. Zvichida Dhavhidhi akafunga kuti Sauro aisazombofunga zvokumutsvaka ikoko. Zvisinei, nenguva isipi vashumiri vamambo wokuGati vakaziva Dhavhidhi. Dhavhidhi paakanzwa vachitaurirana kuti vakanga vamuziva, “akatya kwazvo Akishi mambo weGati.”—1 Samueri 21:10-12.

8. (a) Pisarema 56 rinotiudzei nezvezvakaitika kuna Dhavhidhi paaiva muGati? (b) Dhavhidhi akapukunyukazve nepaburi retsono sei?

8 Panguva iyoyo vaFiristiya vakabata Dhavhidhi. Pano Dhavhidhi ndipo paangadaro akanyora pisarema raakanyora nomwoyo wose raaiteterera Jehovha kuti: “Isai misodzi yangu muhombodo yenyu.” (Pisarema 56:8 uye mashoko okusuma) Saka akaratidza kuti aivimba naJehovha kuti aisazokanganwa kushungurudzika kwaaiita asi aizomutarisira uye kumudzivirira norudo. Dhavhidhi akafungawo zano rokunyengedza naro mambo wevaFiristiya. Akaita somunhu anopenga. Achiona izvi, Mambo Akishi akatuka vashandi vake achiti vakanga vamuunzira munhu “anopenga.” Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera zano raDhavhidhi. Dhavhidhi akadzingwa muguta racho, zvaakanga apukunyukazve nepaburi retsono.—1 Samueri 21:13-15.

9, 10. Nei Dhavhidhi akanyora Pisarema 34, uye Dhavhidhi angave aifunga nezvaani paakanga achinyora pisarema racho?

9 Bhaibheri haritauri kuti vatsigiri vaDhavhidhi vakatizira kuGati naye here kana kuti vakaramba vakarinda kuti vamudzivirire vari mumisha yaiva pedyo muIsraeri. Chero zvazvingava, vanofanira kunge vakafara chaizvo pavakazosanganazve, Dhavhidhi achivaudza manunurirwo aakanga aitwa naJehovha. Izvozvo ndizvo zvakazoita kuti anyore Pisarema 34, sezvinoratidzwa nemashoko aro okusuma. Mundima nomwe dzokutanga dzepisarema racho, Dhavhidhi anorumbidza Mwari kuti akamununura uye anokumbira vatsigiri vake kuti vakudzewo Jehovha naye soMununuri Mukuru wevanhu Vake.—Pisarema 34:3, 4, 7.

10 Dhavhidhi nevarume vake vakavanda mubako reAdhuramu munzvimbo ine makomo yeIsraeri, makiromita anenge 15 kumabvazuva kweGati. Ikoko, vaIsraeri vakanga vasingagutsikani nemamiriro ezvinhu paitonga Mambo Sauro vakatanga kuuya kuzobatana navo. (1 Samueri 22:1, 2) Dhavhidhi paakanyora mashoko ePisarema 34:8-22, angangove aifunga nezvevanhu ivavo. Zviyeuchidzo zviri mundima idzodzo zvinokoshawo kwatiri nhasi, uye zvechokwadi tichabatsirwa nokunyatsokurukurirana pisarema iri rakanaka.

Zvaunokoshesa Zvakafanana nezvaDhavhidhi Here?

11, 12. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvokurumbidza Jehovha nguva dzose?

11 “Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kuchava mumuromo mangu nguva dzose.” (Pisarema 34:1) Zvaakanga ava mudzingwa, Dhavhidhi anofanira kunge ainetseka chaizvo pamusoro pezvinhu zvokunyama, asi sezvinoratidzwa nemashoko aya, zvaimunetsa zuva nezuva izvi hazvina kuvhiringidza kutsunga kwake kurumbidza Jehovha. Muenzaniso wakanaka chaizvo kwatiri patinotarisana nematambudziko! Tingava tiri kuchikoro, kubasa, tiine vaKristu vatinonamata navo, kana kuti tiri muushumiri hwepachena, chido chedu chikuru chinofanira kuva chokurumbidza Jehovha. Chimbofunga nezvezvikonzero zvakawanda zvatiinazvo zvokumurumbidza! Somuenzaniso, pazvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naJehovha, zvatinogona kuwana todzidza nezvazvo tichinakidzwa hazviperi. Uye funga nezvezvaakaita achishandisa chikamu chepasi chesangano rake! Jehovha ave achishandisa chaizvo vanhu vakatendeka mazuva ano, kunyange zvazvo vasina kukwana. Mabasa aMwari angaenzaniswa neaya evarume vanonamatwa nenyika here? Haubvumirani naDhavhidhi here, akanyorawo kuti: “Pakati pavanamwari hapana akaita semi, haiwa Jehovha, uyewo hapana mabasa akaita seenyu.”—Pisarema 86:8.

12 Kufanana naDhavhidhi, tinonzwa tichida kurumbidza Jehovha nguva dzose nemhaka yemabasa ake asina chinoenzana nawo. Uyezve, tinofara kuziva kuti Umambo hwaMwari iye zvino huri kutongwa noMugari wenhaka yaDhavhidhi wechigarire, Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 11:15) Izvi zvinoreva kuti kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino kwava pedyo. Ramangwana risingaperi revanhu vanopfuura mabhiriyoni matanhatu riri pangozi. Iye zvino ndipo patava kufanira kunyanya kuudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari uye zvahuchaita munguva pfupi iri kuuya uye kuvabatsira kurumbidza Jehovha pamwe nesu. Zvechokwadi muupenyu tinofanira kushandisa mikana yose kuti tikurudzire vamwe kugamuchira aya “mashoko akanaka” nguva isati yapera.—Mateu 24:14.

13. (a) Dhavhidhi aizvikudza muna ani, uye vanhu vorudzii vakakurudzirwa nazvo? (b) Vanyoro vanokweverwa kuungano yechiKristu sei mazuva ano?

13 “Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanyoro vachazvinzwa uye vachafara.” (Pisarema 34:2) Pano Dhavhidhi akanga asiri kuzvikudza pamusoro pezvaakanga aita iye. Somuenzaniso, haana kuzvikudza nezvenzira yaakanyengedza nayo mambo wokuGati. Aiziva kuti Jehovha ndiye akamudzivirira paaiva kuGati uye kuti akapukunyuka achibatsirwa naJehovha. (Zvirevo 21:1) Saka Dhavhidhi haana kuzvikudza asi akakudza Jehovha. Nokuda kweizvi, vanyoro vakaitwa kuti vauye kuna Jehovha. Jesuwo aikudza zita raJehovha, uye izvi zvakaita kuti vanhu vanozvininipisa, vanoda kudzidziswa, vauye Kwaari. Mazuva ano, vanyoro vemarudzi ose vanokweverwa kuungano yemarudzi ose yevaKristu vakazodzwa, avo Jesu ari Musoro wavo. (VaKorose 1:18) Vanyoro vakadaro vanokurudzirwa pavanonzwa zita raMwari richikudzwa nevashumiri vake vanozvininipisa uye pavanonzwa shoko reBhaibheri, ravanobatsirwa kunzwisisa nomudzimu mutsvene waMwari.—Johani 6:44; Mabasa 16:14.

Misangano Inosimbisa Kutenda Kwedu

14. (a) Dhavhidhi aingogutsikana nokurumbidza Jehovha ari oga here? (b) Jesu akaratidza muenzaniso wei pamusoro pemisangano yokunamata?

14 “Haiwa kudzai Jehovha pamwe chete neni, ngatikudzei zita rake pamwe chete.” (Pisarema 34:3) Dhavhidhi haana kungogutsikana nokurumbidza Jehovha ari oga. Akakumbira vaaizivana navo noushamwari kuti vakudzewo zita raMwari pamwe chete naye. Saizvozvowo, Jesu Kristu, Dhavhidhi Mukuru, akafara kurumbidza Jehovha pachena—musinagogi romunyika iyoyo, pamitambo yaiitirwa patemberi yaMwari muJerusarema, uye pamwe nevateveri vake. (Ruka 2:49; 4:16-19; 10:21; Johani 18:20) Tine ropafadzo inofadza yokutevedzera muenzaniso waJesu wokurumbidza Jehovha pamikana yose yatinokwanisa pamwe chete nevatinonamata navo, kunyanya iye zvino sezvatino“ona zuva richiswedera pedyo”!—VaHebheru 10:24, 25.

15. (a) Zvakaitika kuna Dhavhidhi zvakaita kuti varume vake vanzwe sei? (b) Tinobatsirwa sei nokupinda misangano yedu?

15 “Ndakabvunza Jehovha, iye akandipindura, akandinunura pazvinhu zvose zvaindityisa.” (Pisarema 34:4) Izvi zvaikosha kuna Dhavhidhi. Nokudaro, akaenderera mberi achiti: “Uyu anotambudzika akashevedza, Jehovha akazvinzwa. Akamununura mukutambudzika kwake kwose.” (Pisarema 34:6) Patinenge tichiwadzana nevatinonamata navo, tine mikana yakawanda yokurondedzera zvakaitika zvinokurudzira zvokuti Jehovha akatibatsira sei kutsungirira mamiriro ezvinhu akaoma. Izvi zvinosimbisa kutenda kwevatinonamata navo, sezvo mashoko aDhavhidhi akasimbisa kutenda kwevaimutsigira. Kana ari Dhavhidhi, vaaishamwaridzana navo “vakatarira kwaari [Jehovha] vakafara, zviso zvavo zvaisagona kunyadziswa.” (Pisarema 34:5) Kunyange zvazvo vaitiza Mambo Sauro, havana kunyara. Vaiva nechivimbo chokuti Mwari akanga ari kutsigira Dhavhidhi, uye zviso zvavo zvaipenya. Saizvozvowo, vachangotanga kufarira pamwe nevaya vave vari vaKristu vechokwadi kwenguva refu vanotarira kuna Jehovha kuti avatsigire. Sezvavakabatsirwa naye, zviso zvavo zvakajeka zvinoratidza kuti vakatsunga kuramba vakatendeka.

Onga Kubatsira Kwengirozi

16. Jehovha ave achishandisa sei ngirozi dzake kuti dzitinunure?

16 “Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya, uye inovanunura.” (Pisarema 34:7) Dhavhidhi haana kufunga kuti iye chete ndiye aigona kununurwa naJehovha. Zvechokwadi, Dhavhidhi aiva muzodziwa waJehovha, mambo wemangwana waIsraeri, asi aiziva kuti Jehovha anoshandisa ngirozi dzake kuti atarisire vanamati vake vose vakatendeka, pasinei nokuti vakakwirira here kana kuti vakaderera. Mazuva ano, vanamati vechokwadi vave vachidzivirirwawo naJehovha. MuGermany yevaNazi—uyewo kuAngola, Malawi, Mozambique, nedzimwe nyika dzakawanda—vane masimba vakati vaida kuparadza Zvapupu zvaJehovha. Izvi hazvina kubudirira. Pane kudaro, vanhu vaJehovha vari munyika idzodzo vari kuramba vachiwanda sezvavanokudza zita raMwari pamwe chete. Nei? Nokuti Jehovha anoshandisa ngirozi dzake tsvene kuti adzivirire uye atungamirire vanhu vake.—VaHebheru 1:14.

17. Ngirozi dzaMwari dzinotibatsira munzira dzipi?

17 Uyezve, ngirozi dzaJehovha dzinogona kuita kuti vose vaya vanogumbura vamwe vabviswe pakati pevanhu vaJehovha. (Mateu 13:41; 18:6, 10) Uye kunyange zvazvo panguva iyoyo tingava tisiri kuzviziva, ngirozi dzinotibvisira zvipingamupinyi zvingativhiringidza kushumira kwatinoita Mwari, uye dzinotidzivirira pazvinhu zvingakanganisa ukama hwedu naJehovha. Chinonyanya kukosha, dzinotitungamirira mubasa rokuzivisa “mashoko akanaka asingaperi” kuvanhu vose, kusanganisira munzvimbo dziri kuitwa basa rokuparidzira mumamiriro ezvinhu ane ngozi. (Zvakazarurwa 14:6) Uchapupu hwokubatsira kunoita ngirozi hwave huchirondedzerwa kakawanda mumabhuku eBhaibheri anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. * Zviitiko zvakadaro zvakawanda zvikuru zvokuti hatingati zvinongoitikawo.

18. (a) Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe nengirozi? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Kuti tirambe tichibatsirwa nokutungamirira uye kudzivirira kwengirozi, tinofanira kuramba tichikudza zita raJehovha kunyange patinoshorwa. Yeuka kuti ngirozi yaMwari inodzika musasa ‘ichikomba vaya vanotya Jehovha chete.’ Izvozvo zvinorevei? Kutya Mwari kuita sei, uye tingawedzera sei kumutya? Nei Mwari ane rudo angada kuti timutye? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Ona bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, peji 550; 2005 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 53-54; Nharireyomurindi, March 1, 2000, mapeji 5-6; January 1, 1991, peji 27; uye February 15, 1991, peji 26.

Ungapindura Sei?

• Dhavhidhi akatsungirira miedzo ipi paaiva jaya?

• Kufanana naDhavhidhi, chii chatinonyanya kunetseka nezvacho?

• Tinoona sei misangano yechiKristu?

• Jehovha anoshandisa sei ngirozi dzake kuti dzitibatsire?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mepu iri papeji 21]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Rama

Gati

Zikragi

Gibhiya

Nobhu

Jerusarema

Bhetrehema

Adhuramu

Keira

Hebroni

Zifi

Horeshi

Kameri

Maoni

Eni-gedhi

Gungwa Romunyu

[Kwazvakatorwa]

Map: Based on maps copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kunyange paaiva mudzingwa, Dhavhidhi akakudza zita raJehovha

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kutenda kwedu kunosimbiswa patinoteerera zvakaitika zvinokurudzira zvinorondedzerwa pamisangano yedu yechiKristu