Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Mutsa waJehovha

Tevedzera Mutsa waJehovha

Tevedzera Mutsa waJehovha

JEHOVHA MWARI ndiye anotungamirira uye ndiye muenzaniso wakanaka kwazvo womunhu anoratidza vamwe mutsa munzira dzakawanda zvikuru, kunyange vanhu vasingaongi uye vakaipa, achivakurudzira kuti vapfidze. (Ruka 6:35) VaKristuwo, vari pasi pejoko raKristu romutsa, vanokurudzirwa kuti vapfeke mutsa uye vave nezvibereko zvomudzimu waMwari, zvinosanganisira mutsa. (VaGaratiya 5:22; VaKorose 3:12) Pavanoita izvi vanoratidza kuti vashumiri vaMwari.—2 VaKorinde 6:4-6.

Mutsa Worudo waJehovha

Mutsa worudo unhu hunokosha hwaJehovha Mwari hwaanofarira, uye anohuratidza pane zvose zvaanoitira vashumiri vake. (Pisarema 36:7) Kudai anga asingadaro, vangadai vakaparara kare kare. (Mariro 3:22) Zita guru raJehovha uye kuti Iye ndiMwari ane mutsa worudo ndizvo zvakaita kuti Mosesi atetererere vaIsraeri vaipandukira.—Numeri 14:13-19.

Magwaro anoratidza kuti mutsa worudo waJehovha, kana kuti rudo rwokuvimbika, unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana uye mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana—mumabasa okununura uye okuchengetedza, okudzivirira, uye sechinhu chinozorodza pamatambudziko. (Pisarema 6:4; 31:16, 21; 40:11) Vanhu vakasarudzwa naMwari vanobatsirwa nawo.—Pisarema 44:26.

Kubvira panguva iyo rudzi rwaIsraeri rwakatanga, mutsa worudo waJehovha une chokuita nesungano yake wakaramba uchikura. (Eksodho 15:13) Izvi zvakaitika kuna Dhavhidhi, uyewo kuna Ezra nevaya vaiva naye. (2 Samueri 7:15; Ezra 7:28; 9:9) Achitsigira sungano youmambo yaakaita naDhavhidhi, Jehovha akaramba achiratidza mutsa wake worudo kunyange Jesu afa, nokuti akamutsa uyu “akavimbika” achizadzika uprofita hwokuti: “Ndichakupai mutsa worudo wakatendeka kuna Dhavhidhi.”—Pisarema 16:10; Mabasa 13:34.

Uyu mutsa worudo waJehovha ndiwo unoita kuti vanhu vauye kwaari. (Jeremiya 31:3) Va- noonga Jehovha nokuda kwomutsa wake wo- rudo, vanomurumbidza uye vanomukudza no- kuda kwawo, uye vanoudza vamwe nezvawo. Zvechokwadi uyu mutsa worudo wakaita senzira yakanaka yokufamba nayo.—Pisarema 25:10.

Kazhinji uhwu unhu hwakanaka chaizvo hwaJehovha, mutsa wake worudo, hwakabatana nohumwe unhu hunoshamisa—ngoni dzaMwari, nyasha, chokwadi, kukanganwira, kururama, rugare, kutonga, uye kururamisira.—Eksodho 34:6; Nehemiya 9:17; Pisarema 85:10.

Mutsa waMwari Usina Kukodzera Kuwanwa

Jehovha Mwari akanyanya kuratidza vanhu mutsa usina kukodzera kuwanwa nokuvadzikinura pachivi achishandisa ropa romwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu. (VaEfeso 1:7) Mwari anoita kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe achishandisa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa. (Tito 2:11) Saka zvinotaurwa naPauro zvine musoro, zvokuti: “Zvino kana zviri maererano nomutsa usina kukodzera kuwanwa, hazvisisirizve nokuda kwemabasa; kudai zvisina kudaro, mutsa usina kukodzera kuwanwa hawaizovazve mutsa usina kukodzera kuwanwa.”—VaRoma 11:6.

Pauro akataura nezvomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa kupfuura mumwe munyori chero upi zvake—kanopfuura ka90 mutsamba dzake 14. Pauro aiva nechikonzero chakanaka chokutaura nezvomutsa waJehovha usina kukodzera kuwanwa, nokuti aimbova “munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa.” “Kunyange zvakadaro,” anotsanangura kudaro, “ndakanzwirwa ngoni, nokuti ndakanga ndisingazivi uye ndakazviita ndisina kutenda. Asi mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe wedu wakava mukuru kwazvo pamwe chete nokutenda norudo ruri muna Kristu Jesu.” (1 Timoti 1:13, 14) Pauro haana kuramba mutsa usina kukodzera kuwanwa iwoyo, sezvakaita vamwe vakauramba vachiratidza kuti mapenzi, asi iye akaugamuchira nomufaro uye achionga uye akakurudzira vamwe vanougamuchirawo ‘kuti vasatadza kunzwisisa chinangwa chawo.’—2 VaKorinde 6:1.

Mutsa Worudo Wevanhu

MuBhaibheri mune mienzaniso yakawanda yevanhu vakaratidza vamwe mutsa worudo. Somuenzaniso, Sara akaratidza rudo rwokuvimbika rwakadaro kumurume wake pavaiva munyika yomuvengi, akamudzivirira nokutaura kuti aiva hanzvadzi yake. (Genesisi 20:13) Jakobho akakumbira Josefa kuti amuitire mutsa worudo nokupika kuti asazomuviga muIjipiti. (Genesisi 47:29; 50:12, 13) Rakabhi akakumbira vaIsraeri kuti vamuitire mutsa worudo nokuchengetedza vemhuri yake vari vapenyu, sezvaakanga aitirawo vasori vechiIsraeri. (Joshua 2:12, 13) Bhoazi akarumbidza Rute nokuti akanga aratidza mutsa worudo. (Rute 3:10) Jonatani akakumbira Dhavhidhi kuti amuratidze mutsa worudo iye nemhuri yake.—1 Samueri 20:14, 15.

Zvinangwa uye mamiriro ezvinhu anoita kuti vanhu varatidze mutsa kana kuti mutsa worudo zvinosiyana-siyana zvikuru. Kugamuchira vaeni pano neapo kungaratidza tsika dzakanaka kana kuti munhu ane ushamwari, asi hazvirevi hazvo kuti munhu akadaro anoda Mwari. (Enzanisa naMabasa 27:1, 3; 28:1, 2.) Mumwe murume wokuguta reBheteri akaitirwa mutsa nokuti pane zvaaitarisirwa kuti azoitawo. (Vatongi 1:22-25) Pane dzimwe nguva vaiva vamboitirwa zvakanaka vaikumbirwa kuti varatidze mutsa worudo, zvichida nokuti aikumbira wacho ainge ari mumamiriro ezvinhu akaoma. (Genesisi 40:12-15) Asi dzimwe nguva vanhu vaikundikana kuzoratidzawo mutsa worudo.—Genesisi 40:23.

Sezvinoratidzwa nechimwe chirevo, varume vakawanda vaizozviti vane mutsa worudo, asi vashomanana vakatendeka ndivo vaizouratidza. (Zvirevo 20:6) Sauro naDhavhidhi vakayeuka mutsa worudo wakanga waratidzwa nevamwe, uye zvinoita sokuti madzimambo aIsraeri aiva nomukurumbira wokuratidza mutsa worudo, zvichida kana zvichienzaniswa nevatongi vemamwe marudzi. (1 Samueri 15:6, 7; 2 Samueri 2:5, 6; 1 Madzimambo 20:31) Zvisinei, pane imwe nguva kuratidza mutsa worudo kwakaita Dhavhidhi kwakaonekwa zvisina kunaka.—2 Samueri 10:2-4.

Vaya vanoda kufarirwa naMwari vanofanira ‘kuda mutsa’ uye ‘kuitirana mutsa worudo nengoni.’ (Mika 6:8; Zekariya 7:9) Sezvinotaurwa nechimwe chirevo, “Chinhu chinodiwa pamunhu wepanyika ndiwo mutsa wake worudo.” (Zvirevo 19:22; 11:17) Mwari akayeuka uye akafara nomutsa worudo wakaratidzwa rudzi rwaIsraeri parwakanga ruchiri ruduku. (Jeremiya 2:2) Asi parwakava “semakore emangwanani uye sedova rinokurumidza kuenda,” Jehovha haana kufara, nokuti “ini ndinofarira mutsa worudo, kwete chibayiro,” anodaro.—Hosiya 6:4, 6.

VaIsraeri vakatsiurwa nokuti vakanga vasina mutsa worudo, kutsiurwa kwacho kwaitova kuratidzwa kwomutsa worudo waMwari. (Hosiya 4:1) Rudzi irworwo rwakaudzwawo kuti rudzokere kuna Mwari nokuratidza mutsa worudo uye kururamisira. (Hosiya 12:6) Unhu hwakadaro hunofanira kuratidzwa nguva dzose kana munhu achizonzwirwa nyasha naMwari nevanhu.—Jobho 6:14.