Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvine Basa Here Kuti Wasarudza Chitendero Chipi?

Zvine Basa Here Kuti Wasarudza Chitendero Chipi?

Zvine Basa Here Kuti Wasarudza Chitendero Chipi?

VAKAWANDA vedu tingada kusarudza kana paine zvinhu zvakawanda patinoenda kunotenga. Kana pamusika paine michero uye miriwo yakasiyana-siyana, tingasarudza iya inonyanya kutinakira uye inodiwa nemhuri yedu. Kana chitoro chembatya chiine mbatya dzakanaka dzinotengeka, tinogona kusarudza dziya dzakanyatsotinakira. Zvimwe zvatinosarudza muupenyu zvinongoratidza zvinhu zvatinofarira. Kunyange zvakadaro, zvimwe zvatinosarudza zvine zvazvinoita patiri, somuenzaniso, kusarudza zvokudya zvinovaka muviri kana kuti shamwari dzakanaka. Zvakadiniko nechitendero chatinosarudza? Manamatiro atinoita anongofanira kuratidza zvatinofarira somunhu oga here? Kana kuti inyaya inokosha ine zvainoita pakugara kwedu zvakanaka?

Kune zvitendero zvakasiyana-siyana zvatingasarudza. Nyika dzakawanda dzava kubvumira rusununguko rwokupinda chitendero chaunoda, uye vanhu vari kuwedzera kunzwa vakasununguka kusiya chitendero chevabereki vavo. Ongororo yakaitwa muUnited States yakawana kuti 80 muzana yevanhu vokuAmerica “vanodavira kuti kuva nechitendero chinopfuura chimwe chete kungaita kuti vaponeswe.” Maererano neongororo iyoyo, “munhu mumwe chete pavashanu vakabvunzurudzwa akati akanga achinja zvitendero atove munhu akura.” Ongororo yakaitwa muBrazil yakaratidza kuti inoda kusvika kota yevanhu vokuBrazil vakachinja chitendero.

Kare, vanhu vaikakavadzana zvakasimba pamusoro pokusiyana kwedzidziso dzezvitendero. Iye zvino maonero akurumbira ndeokuti, ‘Hazvikoshi hazvo kuti unosarudza chitendero chipi.’ Asi ndizvozvo here? Chitendero chaunosarudza chine zvachingaita pauri here?

Kufanana nevatengi vakachenjera vanobvunza kwakabva zvinhu zvavari kutenga, kuchenjerawo kubvunza kuti, ‘Zvitendero zvose izvi zvakatanga sei, uye nei?’ Bhaibheri rine mhinduro dzacho.

Zvitendero Zvinotanga Sei?

Kare muIsraeri, Mambo Jerobhoamu akatanga chitendero chitsva anenge makore chiuru chimwe Jesu asati auya pasi pano. Jerobhoamu akanga ari mambo wokutanga woumambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwakanga hwakazvimiririra. Akasangana nedambudziko rokuti vanhu vaite zvaakanga achida. “Mambo akarangana nevamwe, akagadzira mhuru mbiri dzendarama, akati kuvanhu: ‘Kuenda kuJerusarema kwakakuomerai. Haiwa imi vaIsraeri, heuno Mwari wenyu.’” (1 Madzimambo 12:28) Zviri pachena kuti mambo akanga achida kushandisa chitendero kuti vanhu vasafunga kuti kuJerusarema ndiko chete kwavaigona kunonamatira. Chitendero chakatangwa naJerobhoamu chakavapo kwemazana emakore uye chakaita kuti mamiriyoni evanhu aparadzwe, Mwari paakazoparadza rudzi rwaIsraeri rwakanga rwaramba kutenda. Chitendero chaJerobhoamu chainge chiri chokuti afambisire mberi zvematongerwo enyika. Zvimwe zvitendero zveHurumende zvichiripo nanhasi zvakatanga saizvozviwo kuti zvisimbise zvematongerwo enyika.

Muapostora Pauro akataura chimwe chinoita kuti vanhu vatange chitendero chitsva paakati: “Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere. (Mabasa 20:29, 30) Vatungamiriri vanozvikudza vanowanzotanga zvitendero kuti vadiwe nevanhu. Machechi anonyepera kuva echiKristu akaparadzana kuva tumapoka twakawanda.

Zvitendero Zvinoda Kufadza Ani?

Kuda kuita zvinodiwa nevoruzhinji kunoita kuti vamwe vatange chitendero chitsva. Somuenzaniso, magazini inonzi Economist yakataura nezveanonzi machechi makuru ari muUnited States. Nyaya yacho inoti machechi aya ari kukura nokuti “nokuti anonyanya kusimbisa pfungwa inosimbiswa nemabhizimisi ose anobudirira: yokuisa mutengi pakutanga.” Mamwe “anovaraidza vanhu nemavhidhiyo, mitambo uye mimhanzi yemazuva ano.” Vamwe vatungamiriri vezvitendero vari mumachechi aya vanoti vanodzidzisa vanhu vomuchechi mavo kuti vave “vapfumi, vave noutano hwakanaka uye kuti vasatambudzika.” Kunyange zvazvo machechi akadaro achitsoropodzwa nokuti anoita basa rokuravaidza vanhu kana kuti “akafanana nemasangano anongoyamura nhengo dzawo,” inodaro magazini yacho, “ari kungoita zvinodiwa nevanhu.” Nyaya yacho inoti: “Kubatana kwebhizimisi nechitendero kwave kuchibudirira zvikuru.”

Kunyange zvazvo zvimwe zvitendero zvisinganyanyi kuita zvebhizimisi, machechi ari “kutevedzera zvinodiwa nevanhu” anotiyeuchidza nezvenyevero yakapiwa naPauro. Akanyora kuti: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nezvavanoda, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.—2 Timoti 4:3, 4.

Sezvo zvitendero zvakawanda zvakatanga pamusana pokuda simba rezvematongerwo enyika, mukurumbira, uye kuita zvinodiwa nevakawanda panzvimbo pokuda kufadza Mwari, hazvishamisi kuti zvinoitawo zvinhu zvakaipa zvakaita sokushungurudza vana, uori, hondo, kana kuti ugandanga. Kakawanda, chitendero chinonyengedza vanhu. Ungaita sei kuti usanyengedzwa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Zvitendero zvakawanda zvakatanga pamusana pokuda simba rezvematongerwo enyika, mukurumbira, uye kuita zvinodiwa nevakawanda panzvimbo pokuda kufadza Mwari