Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Akangoita Kuti Tipinde”

“Akangoita Kuti Tipinde”

“Akangoita Kuti Tipinde”

KUGAMUCHIRA vaeni kunozivikanwa chaizvo kunyika dzokuMadokero. Somuenzaniso, kuIndia mhuri ingatorara nenzara ichiitira kupa zvokudya mueni anenge auya asingatarisirwi. Amai vokuIran vanogara vakazadza firiji nezvokudya zvakawanda kuitira kuti vazogamuchira vaeni vangauya vasingatarisirwi.

Vanhu vakawanda vanotaurwa muBhaibheri vaiva norupo. Mumwe muenzaniso wakakurumbira ndowaRidhiya, angadaro aiva mutendeuki wechiJudha aigara kuFiripi, guta rinokosha reruwa rweMakedhoniya. Pane rimwe zuva resabata, muapostora Pauro nevamwe vake vaaifamba navo vakawana Ridhiya nevamwe vakadzi vakaungana parutivi porwizi kunze kweFiripi. Jehovha akazarura mwoyo waRidhiya, Pauro sezvaaitaura panguva iyoyo. Somugumisiro, akabhabhatidzwa pamwe chete neveimba yake. Akabva ateterera kune vafambi ava achiti: “Kana muchiona kuti ndakatendeka kuna Jehovha, pindai mumba mangu, mugare.” Mumwe aifamba naPauro ainzi Ruka akati: “Akangoita kuti tipinde.”—Mabasa 16:11-15.

SaRidhiya, vaKristu nhasi vanoratidza mutsa kune vavanonamata navo, vakadai sevatariri vanofambira nevadzimai vavo. Vagamuchiri vacho ‘vanongoita kuti vapinde.’ Zvadaro, vaya vanogamuchira vaeni vanokomborerwa nokukurukura zvinovaka uye kuwadzana mune zvokunamata. Kunyange zvazvo vazhinji veZvapupu zvaJehovha vasina zvakawanda, ‘vanotevera nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.’ (VaRoma 12:13; VaHebheru 13:2) Rupo rwavo runoita kuti vafare. Jesu aiva akarurama zvechokwadi paakati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.