Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Madhimoni—Tingaarwisa Sei?

Madhimoni—Tingaarwisa Sei?

Madhimoni—Tingaarwisa Sei?

“Ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera, [Mwari] akadzichengeta dzakasungwa nezvisungo zvisingagumi murima gobvu nokuda kwokutongwa kwepazuva guru.”—JUDHA 6.

1, 2. Mibvunzo ipi inomuka pamusoro paSatani Dhiyabhorosi nemadhimoni?

“SVINURIRAI, rindai,” anonyevera kudaro muapostora Petro. “Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Nezvemadhimoni, muapostora Pauro anoti: “Handidi kuti mugoverane nemadhimoni. Hamugoni kunwira mukapu yaJehovha uye mukapu yemadhimoni; hamugoni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ uye patafura yemadhimoni.”—1 VaKorinde 10:20, 21.

2 Zvisinei, Satani Dhiyabhorosi uye madhimoni ndivanaani? Vakavapo sei uye rini? Mwari ndiye akavasika here? Kufurira kwavanoita vanhu kwakasimba sei? Pane here chingatidzivirira pakurwisana navo?

Satani Nemadhimoni Vakavapo Sei?

3. Zvakafamba sei kuti ngirozi yaMwari ive Satani Dhiyabhorosi?

3 Kare vanhu vachangotanga kuvapo mumunda weEdheni, imwe ngirozi yaMwari yakapanduka. Nei? Nokuti yakanga isingagutsikani nebasa rayo muurongwa hwaJehovha hwokudenga. Pakasikwa Adhamu naEvha, yakaona mukana wokuvatsausa kuti vasateerera uye vasanamata Mwari wechokwadi asi vanamate iyo. Payakapandukira Mwari ikanyengedza vanhu vaviri vokutanga kuti vatadze, ngirozi iyi yakazviita Satani Dhiyabhorosi. Nokufamba kwenguva, dzimwe ngirozi dzakapandukawo. Sei?—Genesisi 3:1-6; VaRoma 5:12; Zvakazarurwa 12:9.

4. Mafashamo ezuva raNoa asati aitika, dzimwe ngirozi dzakapanduka dzakaitei?

4 Magwaro akafuridzirwa anotiudza kuti pane imwe nguva Mafashamo akakura omuzuva raNoa asati aitika, dzimwe ngirozi dzakatanga kufarira vakadzi vaiva panyika zvakanyanya. Nechinangwa chisina kunaka, “vanakomana [vokudenga] vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka,” rinodaro Bhaibheri, “vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” Mwari akanga asina kumboronga kuti vanhu nengirozi varoorane, saka vana vakaberekwa vaiva hofori vaizivikanwa sevaNefirimu. (Genesisi 6:2-4) Saka zvisikwa zvomudzimu zvisina kuteerera Mwari zvakabatana naSatani pakupandukira Jehovha.

5. Chii chakaitika kuvapanduki Jehovha paakaparadza achishandisa Mafashamo makuru?

5 Jehovha paakaunza Mafashamo pavanhu, vaNefirimu navanaamai vavo vepanyika vakaparara. Ngirozi dzakapanduka dzakamanikidzwa kubvisa miviri yadzo yevanhu uye kudzokera kunzvimbo inogara zvisikwa zvomudzimu. Zvisinei, Mwari haana kudzidzorera pa“nzvimbo yadzo yepakutanga.” Pane kudaro, dzakaiswa “murima gobvu” rezvokunamata, rinozivikanwa seTatarosi.—Judha 6; 2 Petro 2:4.

6. Madhimoni anonyengedza sei vanhu?

6 Kubvira padzakarasa “nzvimbo yadzo yepakutanga,” ngirozi dzakaipa dzave dziri madhimoni anoshanda pamwe chete naSatani uye dzave dzichiita zvaanoda zvakaipa. Kubvira panguva iyoyo, madhimoni haasisina simba rokupfeka miviri yevanhu. Zvisinei, anogona kunyengedza varume nevakadzi kuti vaite unzenza hwakasiyana-siyana. Madhimoni anoshingairirawo kunyengedza vanhu achishandisa kuita zvemidzimu, kungasanganisira zvinhu zvakadai sezvitsinga, mashiripiti, uye masvikiro. (Dheuteronomio 18:10-13; 2 Makoronike 33:6) Mugumo wengirozi dzakaipa wakangofanana newaDhiyabhorosi—dzichatsakatiswa zvachose. (Mateu 25:41; Zvakazarurwa 20:10) Zvisinei, iye zvino tinofanira kumira takasimba toarwisa. Zvakanaka kuti tikurukure kuti Satani ane simba rakadini uye kuti tingabudirira sei kumurwisa iye nemadhimoni ake.

Satani Ane Simba Rakadini?

7. Satani ane simba rokuitei munyika?

7 Nguva yose iyi Satani ave achitaura mashoko okuchera Jehovha. (Zvirevo 27:11) Uye akafurira vanhu vakawanda chaizvo. “Nyika yose iri musimba reakaipa,” inodaro 1 Johani 5:19. Ndokusaka Dhiyabhorosi aigona kuedza Jesu nokumupa simba uye kukudzwa kwo“umambo hwose hwenyika inogarwa.” (Ruka 4:5-7) NezvaSatani, muapostora Pauro anoti: “Zvino, chokwadi kana mashoko akanaka atinozivisa akafukidzwa, akafukidzwa kune vaya vanoparara, kune vasingatendi, vaya vakapofumadzwa pfungwa namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino, kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka anokudzwa ane chokuita naKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.” (2 VaKorinde 4:3, 4) Satani “murevi wenhema nababa venhema” asi anozviita se“ngirozi yechiedza.” (Johani 8:44; 2 VaKorinde 11:14) Ane simba nenzira dzinodiwa kuti apofumadze pfungwa dzevatongi venyika nevanhu vavanotonga. Akanyengedza vanhu nemashoko asina kururama, nengano uye nhema dzechitendero.

8. Bhaibheri rinoratidzei nezvokufurira kwaSatani?

8 Simba raSatani uye kufurira kwaanoita zvakaoneka panguva yomuprofita Dhanieri, anenge mazana mashanu emakore Nguva yedu Yavose isati yakwana. Jehovha paakatuma ngirozi kuna Dhanieri nemashoko okukurudzira, ngirozi yacho yakadziviswa no“muchinda [womudzimu] woumambo hwePezhiya.” Ngirozi iyi yakatendeka yakamiswa kwemazuva 21 kusvikira “Mikaeri, mumwe wemachinda makuru,” auya kuzoibatsira. Nhoroondo iyoyo inotaurawo nezvo“muchinda wokuGirisi” aiva dhimoni. (Dhanieri 10:12, 13, 20) Uye pana Zvakazarurwa 13:1, 2, Satani anonzi “dhiragoni” anopa chikara chezvematongerwo enyika “simba racho nechigaro chacho choumambo nemasimba makuru.”

9. VaKristu vari kurwisana nani?

9 Ndokusaka muapostora Pauro akanyora kuti: “Hatirwi neropa nenyama, asi nehurumende, nevanhu vane masimba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Kunyange mazuva ano, masimba emadhimoni anotungamirirwa naSatani Dhiyabhorosi haaoneki, anofurira vatongi vevanhu uye vanhu vose zvavo, achivakurudzira kuti vaite zvinhu zvisingatauriki zvokuparadza marudzi, ugandanga, uye kuponda. Iye zvino ngationgororei kuti tingabudirira sei kurwisa aya masimba emidzimu ine simba.

Chii Chinotidzivirira?

10, 11. Tingarwisa sei Satani nengirozi dzake dzakaipa?

10 Hatigoni kurwisa Satani nengirozi dzake dzakaipa nesimba redu toga kana kuti nenjere dzedu toga. Pauro anotipa zano rokuti: “Rambai muchiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake.” Tinofanira kukumbira Mwari kuti atidzivirire. Pauro anowedzera kuti: “Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi . . . Torai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari, kuti mukwanise kurwisa pazuva rakaipa uye, kumira makasimba pashure pokunge manyatsoita zvinhu zvose.”—VaEfeso 6:10, 11, 13.

11 Kaviri Pauro anokurudzira vaKristu vaanonamata navo kuti vapfeke “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.” Shoko rokuti “dzose” rinoratidza kuti kana tikasazviita nomwoyo wose hatingakwanisi kurwisa madhimoni. Saka ndezvipi zvinokosha panhumbi dzokurwa nadzo dzokunamata dzinofanira kukurumidza kupfekwa nevaKristu nhasi kuti varwise madhimoni?

“Mirai Makasimba”—Sei?

12. VaKristu vangasunga sei zviuno zvavo nechokwadi?

12 Pauro anotsanangura kuti: “Naizvozvo, mirai makasimba, zviuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, uye makapfeka chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama.” (VaEfeso 6:14) Zvombo zviviri zviri kurehwa pano ibhandi nechinovhariridza chipfuva. Murwi aifanira kuramba akasunga bhandi rake zvakasimba kuti adzivirire muchiuno make, (muhudyu uye dumbu) uye kuti rikwanise kutakura bakatwa rake rairema. Saizvozvowo, chokwadi cheBhaibheri chinofanira kuita sechakatisunga zvakasimba, kuitira kuti tirarame maererano nacho. Takaronga kuverenga Bhaibheri zuva nezuva here? Tinoverenga semhuri here? Tinogara tichikurukura rugwaro rwezuva semhuri here? Uyezve, tinofambirana netsanangudzo dziri mumabhuku edu atinopiwa no“muranda akatendeka, akangwara” here? (Mateu 24:45) Kana zvakadaro, tiri kuedza kushandisa zano raPauro. Tinewo maDVD nemavhidhiyo anotiudza zvinotaurwa neMagwaro. Kubatisisa chokwadi kungatibatsira kusarudza nokuchenjera uye kuchatidzivirira pakutevedzera nzira isina kunaka.

13. Tingadzivirira sei mwoyo wedu wokufananidzira?

13 Chinovhariridza chipfuva chaidzivirira chipfuva chomurwi, mwoyo wake uye dzimwe nhengo dzinokosha. MuKristu angadzivirira mwoyo wake wokufananidzira—zvaari mukati—nokukudziridza kuda kururama kwaMwari uye nokuomerera pazvinodiwa naJehovha zvakarurama. Chinovhariridza chipfuva chokufananidzira chinotidzivirira kuti tisarerutsa Shoko raMwari. Sezvatinosvika ‘pakuvenga zvakaipa, tichida zvakanaka,’ tinodzora tsoka dzedu “mumakwara ose akaipa.”—Amosi 5:15; Pisarema 119:101.

14. Zvinorevei kuti ‘tsoka dzedu dzipfeke kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare’?

14 Tsoka dzevarwi veRoma dzaiwanzopfekedzwa kuti dzikwanise kufamba madaro marefu emazana emakiromita emigwagwa yeRoma yaiva muumambo hwacho hwose. Mashoko okuti “tsoka dzenyu dzakapfeka kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare” anorevei kuvaKristu? (VaEfeso 6:15) Anoreva kuti pane zvatakagadzirira kuita. Takagadzirira kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari panguva dzose dzakakodzera. (VaRoma 10:13-15) Kushingaira kwedu muushumiri hwechiKristu kunotidzivirira pa“manomano” aSatani.—VaEfeso 6:11.

15. (a) Chii chinoratidza kuti nhoo huru yokutenda inokosha zvikuru? (b) Ndezvipi “zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa” zvingakanganisa kutenda kwedu?

15 “Kupfuura zvinhu zvose,” Pauro anoenderera achidaro, “torai nhoo huru yokutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa.” (VaEfeso 6:16) Asati ataura zano rokuti torai nhoo huru yokutenda anotanga ati “kupfuura zvinhu zvose,” zvichiratidza kuti chombo ichi chinokosha zvikuru. Hapana chinofanira kumboperevedza pakutenda kwedu. Kufanana nenhoo huru yokuzvidzivirira nayo, kutenda kwedu kunotidzivirira pa“zvombo [zvaSatani] zvinopisa zvinoita zvokukandwa.” Izvi zvingamiririra chii nhasi? Zvingareva kutukwa zvinorwadza, nhema, uye mashoko asiri echokwadi chakakwana anoparadzirwa nevavengi uye nevakaramba kutenda vachiedza kuita kuti kutenda kwedu kushaye simba. Izvi ‘zvombo zvinoita zvokukandwa’ zvingavawo miedzo yokunyanya kuda pfuma, zvichiita kuti tishaye nguva tichingotenga zvinhu zvakawanda uye kunyange kutinyengedza kuti tikwikwidzane nevaya vanoda upenyu hwokushamisira. Zvichida vakatenga misha nemotokari zvakakura uye zviri nani kana kuti vanoshamisira nezvishongo zvavo zvinodhura uye nezvipfeko zviri mufashoni. Pasinei nezvinoitwa nevamwe, tinofanira kuva nokutenda kwakasimba zvokuti hatina zvatinoitwa neizvi “zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa.” Tinovaka sei kutenda kwakasimba uye tingaramba sei tinako?—1 Petro 3:3-5; 1 Johani 2:15-17.

16. Chii chingatibatsira kuvaka kutenda kwakasimba?

16 Tinogona kuswedera pedyo naMwari nokugara tichidzidza Bhaibheri nguva dzose uye tichinyengetera nomwoyo wose. Tinogona kuteterera Jehovha kuti asimbise kutenda kwedu tobva taita zvinoenderana neminyengetero yedu. Somuenzaniso, tinonyatsogadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki tiine chinangwa chokuzopindurawo here? Kutenda kwedu kuchava kwakasimba kana tikadzidza Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri.—VaHebheru 10:38, 39; 11:6.

17. ‘Tingagamuchira sei ngowani yoruponeso’?

17 Pauro anogumisa rondedzero yake yenhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzokunamata nezano rokuti: “Gamuchirai ngowani yoruponeso, nebakatwa romudzimu, iro shoko raMwari.” (VaEfeso 6:17) Ngowani yaidzivirira musoro womurwi nouropi hwake, zvinhu zvaiita kuti asarudze zvokuita. Saizvozvowo, tariro yedu yechiKristu inodzivirira simba redu rokufunga. (1 VaTesaronika 5:8) Pane kuzadza pfungwa dzedu nezvinangwa zvenyika uye kunyanya kuda zvinhu, tinofanira kunyanya kufunga nezvetariro yedu yatakapiwa naMwari, sezvakaita Jesu.—VaHebheru 12:2.

18. Nei tisingafaniri kuregeredza purogiramu yedu yokuverenga Bhaibheri nguva dzose?

18 Chinhu chokupedzisira chinotidzivirira kuti tisafurirwa naSatani nemadhimoni ake ishoko raMwari, rakanyorwa muBhaibheri. Ichi ndicho chimwe chikonzero nei tisingafaniri kuregeredza kuverenga Bhaibheri nguva dzose. Zivo yakarurama uye yakadzama yeShoko raMwari inotidzivirira panhema dzaSatani uye pamashoko anoparadzirwa nemadhimoni pamwe chete nezvinotaurwa nokunyorwa nevakaramba kutenda.

‘Nyengeterai Nguva Dzose’

19, 20. (a) Chii chakamirira Satani nemadhimoni ake? (b) Chii chingatisimbisa pakunamata?

19 Kubviswa kwaSatani, madhimoni ake, nenyika yakaipa kwava pedyo. Satani anoziva kuti ane “nguva pfupi.” Akatsamwa uye ari kurwa nevaya “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:12, 17) Zvinokosha kuti tirwise Satani nemadhimoni ake.

20 Tinofanira kuonga zano rokupfeka nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari! Pauro anogumisa kukurukura kwake zvombo zvokunamata nezano iri, rokuti: “Muchiramba muchinyengetera mumudzimu nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera. Nokuda kwaizvozvo rambai makamuka nguva dzose muchitetererera vatsvene vose.” (VaEfeso 6:18) Munyengetero unogona kutisimbisa pakunamata uye kutibatsira kuti tirambe takamuka. Ngatifungisisei mashoko aPauro toramba tichinyengetera, nokuti izvi zvichatibatsira kurwisa Satani nemadhimoni ake.

Wadzidzei?

• Satani nemadhimoni ake vakavapo sei?

• Dhiyabhorosi ane simba rakadini?

• Pane chingatidzivirira here pana Satani nemadhimoni ake?

• Tingapfeka sei nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 26]

“Vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu”

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ungataura wotsanangura nhumbi dzedu nhanhatu dzokuzvidzivirira nadzo pakunamata here?

[Mifananidzo iri papeji 29]

Kuita zvinhu izvi kungatidzivirira sei pana Satani nemadhimoni ake?