Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mawaniro Akaita Hana Rugare

Mawaniro Akaita Hana Rugare

Mawaniro Akaita Hana Rugare

MUKADZI akatendeka anonyengetera zvinonzwika achirumbidza Jehovha. Anonzwa kuti Mwari amusimudza muguruva, achitsiva kuora mwoyo kwake nokupemberera.

Mukadzi wacho anonzi Hana. Chii chaita kuti achinje manzwiro ake zvinoshamisa? Nei ava kufara zvakadai? Tingabatsirwa sei nezvakaitika kwaari? Kuti tipindurwe mibvunzo iyi, ngatikurukurei nyaya yaHana.

Mhuri Iri Kunetseka

Hana ndomumwe wemadzimai maviri aErikana, mumwe muRevhi anogara munharaunda yaEfremu. (1 Samueri 1:1, 2a; 1 Makoronike 6:33, 34) Kunyange zvazvo pakutanga Mwari akanga asina kuronga kuti munhu ave nebarika, muMutemo waMosesi zvinobvumidzwa uye pane mitemo inototaura nezvazvo. Mhuri yaErikana inonamata Jehovha, asi kazhinji barika rinoita kuti pave nokukakavadzana, sezvinoratidzwa nezvinoitika mumhuri yaErikana.

Hana haabereki, asi Penina, mumwe mudzimai waErikana, ane vana vakati wandei. Penina anokwikwidzana naHana.—1 Samueri 1:2b.

Kushaya mbereko kunozvidzisa kuvakadzi vechiIsraeri uye kunonzi chiratidzo chokuti munhu haakoshi mumaziso aMwari. Asi hapana chinoratidza kuti kushaya mbereko kwaHana uchapupu hwokuti haafarirwi naMwari. Zvisinei, pane kuedza kunyaradza Hana, Penina anoita kuti upenyu huomere mukadzinyina wake nokuti iye anobereka.

Nzendo Dzokuenda Kunzvimbo Tsvene yaJehovha

Pasinei nokunetsana uku, gore negore mhuri yaErikana inoita rwendo rwokunobayira zvibayiro panzvimbo tsvene yaJehovha kuShiro. * Vangangodaro vachifamba netsoka rwendo urwu rwemakiromita anenge 60 kuenda nokudzoka. Nguva iyi inofanira kunge yakanyanya kuomera Hana nokuti Penina nevana vake vanopiwa migove inoverengeka yechibayiro chokugoverana, asi Hana anongopiwa mugove mumwe chete. Penina anoshandisa mikana yakadaro kuti ashungurudze Hana, achimurwadzisa nokuti zvinoita sokuti Jehovha “akanga avhara chibereko chake.” Hana anotambudzwa saizvozvo gore negore, zvichiita kuti acheme uye arege kudya. Nzendo dzinofanira kunge dzichimunakidza dzinova nguva dzenhamo. Kunyange zvakadaro, Hana anoita nzendo idzi dzokuenda kunzvimbo tsvene yaJehovha.—1 Samueri 1:3-7.

Unoona here kuti Hana akatisiyira sei muenzaniso wakanaka? Paunenge wakaora mwoyo, unoita sei? Unozviita zindoga worega kuwadzana nevaunonamata navo here? Hana haana kudaro. Aiva netsika yokuva paiva nevanamati vaJehovha. Pasinei nemamiriro ezvinhu anonetsa, ndizvo zvatinofanirawo kuita.—Pisarema 26:12; 122:1; Zvirevo 18:1; VaHebheru 10:24, 25.

Erikana anoedza kunyaradza Hana uye kumukurudzira kuti ataure manzwiro aari kuita pamwoyo. Anobvunza kuti, “Hana, unosvimhirei misodzi, unoregererei kudya, mwoyo wako unonetsekerei? Handisi nani kwauri kupfuura vanakomana gumi here?” (1 Samueri 1:8) Pamwe Erikana haasi kuziva nezvokushusha kwaPenina, uye zvingangodaro kuti Hana anosarudza kutambura chinyararire pane kuti anyunyute. Chero zvazviri, Hana akasimba pakunamata anoratidza kuti anovimba naJehovha nokunyengetera kwaari.

Hana Anopika Mhiko

Zvibayiro zvokugoverana zvaidyirwa munzvimbo tsvene yaJehovha. Abuda muimba yokudyira, Hana anononyengetera kuna Mwari. (1 Samueri 1:9, 10) Anoteterera achiti, “Haiwa Jehovha wemauto, chokwadi kana mukatarira kutambudzika kwomurandasikana wenyu, mukandiyeuka, mukasakanganwa murandasikana wenyu uye mukapa murandasikana wenyu mwana mukomana, ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, uye musoro wake hauzoveurwi nechisvo.”—1 Samueri 1:11.

Munyengetero waHana wakananga. Anokumbira mwana mukomana uye anopika kuti achamutsaurira kuna Jehovha kuti ave muNaziri kwoupenyu hwake hwose. (Numeri 6:1-5) Mhiko yakadaro inofanira kubvumirwa nomurume wake, uye zvinozoitwa naErikana zvinoratidza kuti anobvumirana nemhiko yomudzimai wake waanoda.—Numeri 30:6-8.

Manyengeterero anoita Hana anoita kuti Mupristi Mukuru Eri afunge kuti akadhakwa. Miromo yake inobvunda, asi mupristi haanzwi mashoko, nokuti Hana ari kutaurira mumwoyo make. Munyengetero wake ndewomwoyo wose. (1 Samueri 1:12-14) Imbofungidzira kuti Hana anonzwa sei Eri paanomutsiura achimuti akadhakwa! Asi anopindura mupristi mukuru wacho noruremekedzo. Eri paanoziva kuti Hana ave achinyengetera “nokuda kwokunetseka kwa[ke] kukuru uye kutambudzika kwa[ke],” anoti: “Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako chawamukumbira.” (1 Samueri 1:15-17) Zvadaro, Hana anobva aenda achifara onodya, uye “chiso chake hachina kuzonetsekazve.”—1 Samueri 1:18.

Tingadzidzei pane zvose izvi? Patinonyengetera kuna Jehovha nezvezvinotinetsa, tinogona kumuudza manzwiro atinoita tokumbira nomwoyo wose. Kana pasisina zvimwe zvatinogona kuita kuti tigadzirise dambudziko racho, tinofanira kusiyira nyaya yacho mumaoko ake. Hapana nzira iri nani yatingatevera inopfuura iyi.—Zvirevo 3:5, 6.

Pashure pokunge vanyengetera nomwoyo wose, kazhinji vashumiri vaJehovha vanova norugare rwakafanana norwaHana. Nezvomunyengetero, muapostora Pauro akanyora kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Patinokanda mutoro wedu pana Jehovha, tinofanira kumubvumira kuti autarisire. Kana tadaro, hatichafaniri kunyanya kuzvidya mwoyo, sezvakaita Hana.—Pisarema 55:22.

Mwanakomana Akapiwa Jehovha

Zvino Mwari anofunga nezvaHana; anova nepamuviri uye anobereka mwanakomana. (1 Samueri 1:19, 20) Aka ndiko kamwe kashoma munhoroondo dziri muBhaibheri Mwari paanotarisira kuberekwa kwomunhu achava mushumiri wake. Samueri mwanakomana waErikana naHana anofanira kuva muprofita waJehovha, achaita basa rinokosha pakutangwa kwoumambo hwaIsraeri.

Hapana mubvunzo kuti Hana anotanga kudzidzisa Samueri nezvaJehovha kubvira achiri mucheche. Asi anokanganwa here mhiko yaakaita? Kana! “Kana mukomana angorumurwa, ndichauya naye, ave pamberi paJehovha, agareko nokusingagumi,” anodaro. Samueri paanorumurwa, zvichida paanenge ava nemakore matatu kana kuti ati kurei kupfuura ipapo, Hana anoenda naye kunzvimbo tsvene yaJehovha, sezvaakapikira.—1 Samueri 1:21-24; 2 Makoronike 31:16.

Pashure pokunge chibayiro chapiwa kuna Jehovha, Hana nomurume wake vanoenda naSamueri kuna Eri. Hana angangodaro akabata kakomana kake ruoko sezvaanoti kuna Eri: “Pamusoroi, ishe wangu! Noupenyu hwomweya wenyu, ishe wangu, ndini mukadzi uya akanga akamira nemi munzvimbo ino kuti ndinyengetere kuna Jehovha. Ndakanyengetera pamusoro pomukomana uyu kuti Jehovha andipe chikumbiro changu chandakamukumbira. Iniwo, ndamupa Jehovha. Mazuva ose aanenge ari mupenyu, ndiye akakumbirirwa Jehovha.” Saka Samueri anotanga kuitira Mwari basa rinokosha kwoupenyu hwake hwose.—1 Samueri 1:25-28; 2:11.

Nguva zvainofamba, chokwadi Hana haakanganwi Samueri. Magwaro anoti: “Amai vake vaimugadzirira jasi duku risina maoko, uye vaienda naro kwaari gore negore pavaienda nomurume wavo kunobayira chibayiro chegore negore.” (1 Samueri 2:19) Zvechokwadi Hana anoramba achinyengeterera Samueri. Paanomushanyira gore negore, hapana mubvunzo kuti anomukurudzira kuti arambe akatendeka pakushumira Mwari.

Pane imwe nguva yakadaro, Eri anokomborera vabereki vaSamueri uye anoti kuna Erikana: “Jehovha ngaaite kuti uve nomumwe mwana nomudzimai uyu kutsiva akapiwa, uya akapiwa Jehovha.” Maererano nemashoko iwayo, Hana naErikana vanokomborerwa nevamwe vanakomana vatatu nevanasikana vaviri.—1 Samueri 2:20, 21.

Erikana naHana muenzaniso wakanaka chaizvo kuvabereki vechiKristu! Zvinoita sokuti vanaamai navanababa vakawanda vave vachida kupa Jehovha vanakomana nevanasikana vavo, nokuvakurudzira kuti vaite ushumiri hwenguva yakazara vari kune imwewo nzvimbo. Vabereki vane rudo vakadaro vanofanira kurumbidzwa nokuzvibayira kwavanoita. Uye Jehovha achavakomborera.

Munyengetero waHana Wokufara

Hana aimbenge asingabereki anofara zvikuru! Minyengetero yevakadzi yakanyorwa muMagwaro mishomanana chaizvo. Zvisinei, tinoziva nezvemiviri yaHana. Wokutanga mashoko ake paakanga achitambudzika uye achishungurudzika, uye wechipiri munyengetero wokufara uye wokuonga. “Mwoyo wangu unopembera nomufaro nokuda kwaJehovha,” Hana anotanga achidaro. Anofara kuti “kunyange asingabereki abereka,” uye anorumbidza Jehovha achiti “Anokwidziridza, Anosimudza akaderera kubva muguruva.” Chokwadi, “anosimudza murombo kubva mugomba remadota.”—1 Samueri 2:1-10.

Nhoroondo yakafuridzirwa ine chokuita naHana inoratidza kuti tingarwadziswa nokusakwana kwevamwe kana kuti utsinye hwavangatiitira. Asi hatifaniri kuita kuti miedzo yakadaro ititadzise kufara pakushumira Jehovha. Ndiye Munzwi mukuru womunyengetero, anoteerera kuchema kwevanhu vake vakatendeka, achivanunura pakutambura uye achivapa rugare nezvimwewo zvikomborero.—Pisarema 22:23-26; 34:6-8; 65:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Bhaibheri rinodana nzvimbo iyi yokunamata kwechokwadi kuti “temberi” yaJehovha. Zvisinei, munguva iyi yenhoroondo yaIsraeri, areka yesungano ichiri kugara mutende, kana kuti mutebhenekeri. Temberi yokutanga yechigarire yaJehovha ichavakwa panenge pava kutonga Mambo Soromoni.—1 Samueri 1:9; 2 Samueri 7:2, 6; 1 Madzimambo 7:51; 8:3, 4.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Hana akapa Samueri kuna Jehovha