Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJeremiya

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJeremiya

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJeremiya

MATAMBUDZIKO akaziviswa naJeremiya kuvanhu vomuzuva rake anofanira kunge aityisa chaizvo! Temberi yakanaka chaizvo yakanga yave ichinamatirwa kwemakore anopfuura mazana matatu yaizororomeswa. Guta reJerusarema nenyika yaJudha zvaizoparadzwa, vaigaramo votapwa. Izvi nezvimwe zvose zvakaziviswa pamusoro pokutongwa zvakanyorwa mubhuku raJeremiya, bhuku rechipiri pakukura pamabhuku ose omuBhaibheri. Rinorondedzerawo zvakaitika kuna Jeremiya paaiita ushumiri hwake akatendeka kwemakore 67. Mashoko ari mubhuku iri haana kunyorwa maererano nemisi yezviitiko zvacho, asi maererano nenyaya dzacho.

Nei tichifarira bhuku reBhaibheri raJeremiya? Uprofita hwaro hwakazadzika hunosimbisa kutenda kwedu kuti Jehovha Muzadzikisi wezvipikirwa zvake. (Isaya 55:10, 11) Basa raJeremiya somuprofita nezvaiitwa nevanhu paaitaura shoko rake zvakafanana nezviri kuitika mazuva ano. (1 VaKorinde 10:11) Uyezve, nhoroondo yemabatiro aiita Jehovha nevanhu vake inoratidza unhu hwake uye inofanira kutibatsira zvikuru.—VaHebheru 4:12.

“VANHU VANGU VAKAITA ZVINHU ZVIVIRI ZVAKAIPA”

(Jeremiya 1:1–20:18)

Jeremiya anogadzwa kuva muprofita mugore rechi13 rokutonga kwaJosiya, mambo waJudha, pachine makore 40 Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. (Jeremiya 1:1, 2) Zvakaziviswa kunyanya mumakore 18 akanga asara okutonga kwaJosiya zvinofumura kuipa kwaJudha uye zvinozivisa kutongwa kwayaizoitwa naJehovha. “Ndichaita Jerusarema murwi wematombo,” anozivisa kudaro Jehovha, “uye ndichaita maguta aJudha matongo, asina anogaramo.” (Jeremiya 9:11) Nei? “Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa,” anodaro.—Jeremiya 2:13.

Shoko racho rinotaurawo nezvokudzorerwa kuchaitwa vachazosara vanopfidza. (Jeremiya 3:14-18; 12:14, 15; 16:14-21) Kunyange zvakadaro, nhume yacho haigamuchirwi zvakanaka. “Mumiririri aitungamirira muimba yaJehovha” anorova Jeremiya uye anomuisa mumatanda usiku hwose.—Jeremiya 20:1-3.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:11, 12—Nei kuramba kwaJehovha akamuka pamusoro peshoko rake kune chokuita ne“nhungirwa yomuarumondi”? Muti womuarumondi ndomumwe wemiti inotanga kutumbuka chando chava kuda kunopera. Nenzira yokufananidzira Jehovha akaramba ‘achifumomuka uye achituma vaprofita vake’ kuti vanyevere vanhu vake nezvokutonga kwake uye ‘akaramba akasvinura’ kusvikira zvaitika.—Jeremiya 7:25.

2:10, 11—Chii chakaita kuti zvaiitwa nevaIsraeri vasina kutendeka zvishamise kudaro? Kunyange zvazvo marudzi echihedheni aiva nechokumadokero kweKitimu uye nechokumabvazuva kweKedhari angaunza vanamwari vemamwe marudzi kuwedzera kuna vanamwari vavo, hazvisati zvamboitika kuti vatsive zvachose vanamwari vavo nevanamwari vokune dzimwe nyika. Zvisinei, vaIsraeri vakasiya Jehovha, vakakudza zvidhori zvisina upenyu pane kukudza Mwari mupenyu.

3:11-22; 11:10-12, 17—Nei Jeremiya akataurawo nezvoumambo hwendudzi gumi hwokuchamhembe paaitaura zvirevo zvake, kunyange zvazvo Samariya rakanga rakundwa muna 740 B.C.E.? Yaiva mhaka yokuti kuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. kwakaratidza kuti Jehovha akanga atonga rudzi rwose rwaIsraeri, kwete Judha chete. (Ezekieri 9:9, 10) Uyezve, pashure pokunge hwakundwa, zvaifarirwa noumambo hwemadzinza gumi zvakaramba zvichiitwa muJerusarema, sezvo mashoko evaprofita vaMwari akaramba achibatanidza vaIsraeri.

4:3, 4—Murayiro uyu unorevei? VaJudha vasina kutendeka vaifanira kugadzirira ivhu remwoyo yavo, kuriita kuti ripfave, uye kurichenesa. Vaifanira kubvisa “zvikanda zvepamberi” zvemwoyo yavo, kureva kuti vaifanira kubvisa pfungwa, manzwiro uye vavariro dzisina kuchena. (Jeremiya 9:25, 26; Mabasa 7:51) Izvi zvaida kuti vachinje mararamiro avo—kurega kuita zvakaipa voita zvaizoita kuti vakomborerwe naMwari.

4:10; 15:18—Jehovha akanyengera vanhu vake vakanga vapanduka mupfungwa ipi? Muzuva raJeremiya, kwaiva nevaprofita ‘vaiprofita nhema.’ (Jeremiya 5:31; 20:6; 23:16, 17, 25-28, 32) Jehovha haana kuvarambidza kuzivisa mashoko anotsausa.

16:16—Chii chinorehwa nemashoko okuti Jehovha a“chashevedza vabati vehove vazhinji” uye “vavhimi vazhinji”? Izvi zvingareva kutumira mauto evavengi kuti atsvake vaJudha vasina kutendeka vaizotongwa naJehovha. Zvisinei, maererano nezvinotaurwa pana Jeremiya 16:15, ndima yacho ingangodaro ichirevawo kutsvaka vaIsraeri vainge vapfidza.

20:7—Jehovha ‘akashandisa sei simba rake’ kurwisa Jeremiya uye kumunyengera? Nokuti vanhu vaisakendenga, vaimuramba uye vaitambudza Jeremiya paaizivisa mutongo waizopiwa naJehovha, Jeremiya angave akafunga kuti akanga asina simba rokuramba achizivisa. Zvisinei, Jehovha akashandisa simba rake kuti Jeremiya akunde maonero iwayo, achimupa simba rokuti arambe achizivisa. Saka Jehovha akanyengera Jeremiya nokumushandisa kuti aite zvaaifunga kuti iye somuprofita aisagona kuita.

Zvatinodzidza:

1:8. Dzimwe nguva Jehovha anganunura vanhu vake kuti vasatambudzwa—zvichida nokuita kuti pave nevatongi vasingasaruri, nokuita kuti pave vakuru vakuru vanonzwisisa panzvimbo pevane utsinye, kana kuti nokupa vanomunamata simba rokutsungirira.—1 VaKorinde 10:13.

2:13, 18. VaIsraeri vasina kutendeka vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakasiya Jehovha, aivakomborera, kuvatungamirira, uye kuvadzivirira. Uye vakazvicherera migodhi yavo yokufananidzira nokuedza kubatana nemauto eIjipiti neAsiriya. Mazuva ano, kusiya Mwari wechokwadi tichida uzivi nedzidziso dzevanhu uye zvematongerwo enyika kwakafanana nokutsiva “tsime remvura mhenyu” ne“migodhi yakatsemuka.”

6:16. Jehovha anorayira vanhu vake vanopandukira kuti vamire, vazviongorore, uye vadzokere ku“migwagwa” yemadzitateguru avo akanga akatendeka. Hatifaniri here kuzviongorora nguva nenguva kuti tione kana tiri kunyatsofamba munzira iyo Jehovha anoda kuti tifambe nayo?

7:1-15. Kuvimba netemberi, vachiiona sechinhu chaivadzivirira, hakuna kuponesa vaJudha. Tinofanira kufamba nokutenda, kwete nokuona.—2 VaKorinde 5:7.

15:16, 17. Kufanana naJeremiya, tinogona kurwisa kuora mwoyo. Tinogona kuzviita kana tikanakidzwa nokunyatsodzidza Bhaibheri tiri toga nomwoyo wose, kana tikakudza zita raJehovha muushumiri, uye kana tikarega kushamwaridzana nevakaipa.

17:1, 2. Zvivi zvevanhu vaJudha zvakaita kuti zvibayiro zvavo zvisafadze Jehovha. Tsika dzisina kuchena dzinoita kuti zvibayiro zvedu zvokurumbidza zvisagamuchirwa.

17:5-8. Vanhu nemasangano vakakodzera kuti tivavimbe chete kana vachiita zvinoenderana nezvinodiwa naMwari uye nemitemo yomuBhaibheri. Panyaya dzakadai sokuponeswa, rugare rwechokwadi uye kuchengeteka, tinenge takachenjera kana tikavimba naJehovha chete.—Pisarema 146:3.

20:8-11. Hatifaniri kurega kusakendeka, kushorwa, kana kuti kutambudzwa kuchideredza kushingairira kwatinoita basa rokuparidza Umambo.—Jakobho 5:10, 11.

“ISAI MITSIPA YENYU PASI PEJOKO RAMAMBO WEBHABHIRONI”

(Jeremiya 21:1–51:64)

Jeremiya anotaura nezvokutongwa kuchaitwa madzimambo mana okupedzisira aJudha pamwe chete nevaprofita venhema, vafudzi vakaipa, uye vapristi vane uori. Achitaura nezvevaizosara vakatendeka semaonde akanaka, Jehovha anoti: “Ndicha[a]tarira zvakanaka.” (Jeremiya 24:5, 6) Uprofita hutatu huri muchitsauko 25 hunopfupikisa mashoko okutonga anozonyatsotsanangurwa muzvitsauko zvinotevera.

Vapristi nevaprofita vanoronga kuuraya Jeremiya. Shoko rake nderokuti vanofanira kushumira mambo weBhabhironi. Kuna Mambo Zedhekiya, Jeremiya anoti: “Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi.” (Jeremiya 27:12) Zvisinei, “Iye ari kuparadzira Israeri achamuunganidza [iye Israeri].” (Jeremiya 31:10) Nechikonzero chakanaka, vaRekabhi vane zvavanovimbiswa. Jeremiya anoiswa “muChivanze cheVarindi.” (Jeremiya 37:21) Jerusarema rinoparadzwa, uye vagari varo vakawanda vanoitwa nhapwa. Jeremiya nomunyori wake Bharuki ndevamwe vevanosiyiwa. Pasinei nokunyeverwa naJeremiya kuti vasaenda, vaya vanotya vanoenda kuIjipiti. Zvitsauko 46 kusvika ku51 zvinorondedzera shoko rinotaurwa naJeremiya nezvemarudzi acho.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

22:30—Mutemo uyu wakabvisa kodzero yaJesu Kristu yokugara pachigaro choumambo chaDhavhidhi here? (Mateu 1:1, 11) Aiwa, hauna. Murayiro wacho wakarambidza chero muzukuru upi zvake waJehoyakini ku“gara pachigaro choumambo chaDhavhidhi . . . pakati paJudha.” Jesu aizotonga ari kumatenga, kwete pachigaro choumambo chaiva muJudha.

23:33—“Mutoro waJehovha” chii? Muzuva raJeremiya, mashoko anokosha aitaurwa nomuprofita wacho nezvokuparadzwa kweJerusarema aiva mutoro kuvanhu vomunyika yake. Uyewo, vanhu vasingateereri vaivawo mutoro wakakura kwazvo kuna Jehovha zvokuti aizovaparadza. Saizvozvowo, shoko romuMagwaro rine chokuita nokuparadzwa kwechiKristudhomu kuchauya mutoro kuchiKristudhomu, uyewo vanhu vasingateereri mutoro kuna Mwari.

31:33—Mutemo waMwari unonyorwa sei mumwoyo? Kana munhu achida mutemo waMwari kwazvo zvokuti ane chido chakasimba chokuita zvinodiwa naJehovha, zvinganzi mutemo waMwari wakanyorwa mumwoyo make.

32:10-15—Chinangwa chokunyora magwaro maviri echibvumirano chimwe chete chaiva chei? Gwaro raisiyiwa rakavhurika raiitirwa kuti kana pane angada kuriona. Gwaro rainamwa raiitirwa kuti ritsigire riya rakarurama raisiyiwa rakavhurika. Jeremiya akatisiyira muenzaniso nokutevedzera mitemo ine musoro kunyange paaitengeserana nevoukama uye vaainamata navo.

33:23, 24—“Mhuri mbiri” dzinotaurwa nezvadzo pano ndedzipi? Imwe yacho imhuri youmambo yedzinza raMambo Dhavhidhi, uye imwe yacho imhuri yevapristi yevazukuru vaAroni. Pakaparadzwa Jerusarema netemberi yaJehovha, zvaiita sokuti Jehovha akanga aramba mhuri mbiri idzi uye akanga asingazovi noumambo panyika kana kuti aisazonamatwazve.

46:22—Nei inzwi reIjipiti richifananidzwa nerenyoka? Izvi zvingareva kushinyira kunoita nyoka kana ichidzokera shure kana kuti kuderera kwenzwi renyika yacho nokuti yakawirwa nedambudziko. Fananidzo yacho inoratidza kuti zvakanga zvisingabatsiri kuti vanaFarao vokuIjipiti vapfeke chishongo chomumusoro chaiva nomufananidzo wenyoka tsvene zvichiitirwa kuti vadzivirirwe namwarikadzi wenyoka Uatchit.

Zvatinodzidza:

21:8, 9; 38:19. Kunyange paawa yokupedzisira, Jehovha akaita kuti vagari vomuJerusarema vakanga vasingapfidzi, avo vakanga vakakodzera kufa, vasarudze zvavaida. Chokwadi, “ngoni dzake izhinji.”—2 Samueri 24:14; Pisarema 119:156.

31:34. Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha haayeuki zvivi zvevaya vaanokanganwira uye haazovarangi mune ramangwana!

38:7-13; 39:15-18. Jehovha haakanganwi basa redu ratakaita nokutendeka, rinosanganisira ku“shumira vatsvene.”—VaHebheru 6:10.

45:4, 5. Sezvazvakanga zvakaita mumazuva okupedzisira aJudha, “mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu epanguva ino haisi nguva yokutsvaka “zvinhu zvikuru,” zvakadai sepfuma, mukurumbira, kana kuti kuchengeteka mune zvokunyama.—2 Timoti 3:1; 1 Johani 2:17.

JERUSAREMA RINOPISWA

(Jeremiya 52:1-34)

Igore ra607 B.C.E. Zedhekiya ava nemakore 11 ari mambo. Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi ave akakomba Jerusarema kwemwedzi 18. Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu wegore rechi19 rokutonga kwaNebhukadhinezari, Nebhuzaradhani, mukuru wevarindi, ‘anosvika,’ kana kuti anouya kuJerusarema. (2 Madzimambo 25:8) Zvichida ari mumusasa wake uri kunze kwemasvingo eguta racho, Nebhuzaradhani anoongorora mamiriro acho ezvinhu uye anoronga zvokuita. Kwapera mazuva matatu, pazuva rechigumi romwedzi wacho, ‘anopinda’ muJerusarema. Uye anopisa guta racho.—Jeremiya 52:12, 13.

Jeremiya anotaura mashoko akakwana nezvokukundwa kweJerusarema. Saka zvaanorondedzera zvinoita kuti vanhu vacheme, kana kuti vaimbe nziyo dzemariro. Nziyo idzi dzemariro dzinowanikwa mubhuku reBhaibheri raMariro.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Zvakataurwa naJeremiya zvaisanganisira kutongwa kweJerusarema naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jehovha ‘akashandisa sei simba rake’ kurwisa Jeremiya?

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Ndichaona nenzira yakanaka nhapwa dzaJudha, . . . semaonde aya akanaka.”—Jeremiya 24:5