Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tarira! Chiedza Chinoshamisa!

Tarira! Chiedza Chinoshamisa!

Tarira! Chiedza Chinoshamisa!

KANA wakambotsvanzvadzira chinhu murima, unoziva kuti zvinonetsa sei. Chiedza chingaita kuti zvikuitire nyore zvikuru! Ungadarowo wakanga uri mumamiriro ezvinhu angafananidzwa nerima. Zvichida izvi zvakaitika kwauri pawakanga usingakwanisi kuona nzira yokugadzirisa nayo dambudziko. Zvadaro zvishoma nezvishoma wakaona chiedza—wakawana nzira yokugadzirisa nayo. Kubuda murima rakadaro uchienda muchiedza chinhu chakanaka chaizvo.

Muzana remakore rokutanga, vanhu vakawanda vakanga vari murima rezvokunamata. Achitaura nevaya vakanga vasingachatendi zvavaitenda uye vakanga vagamuchira chiKristu, muapostora Petro akanyora kuti: “[Mwari] akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9) Kwavari, zvakanga zvakaita sokubva muzarima kuenda muchiedza chakajeka. Zvingaenzaniswawo nokuva woga usina tariro wozova nhengo yemhuri ine ramangwana rakachengeteka.—VaEfeso 2:1, 12.

“Wakasiya Rudo Rwawaiva Narwo Pakutanga”

VaKristu vokutanga vakawana “chokwadi”—kutenda kwechokwadi kwechiKristu. (Johani 18:37) Vakaona chiedza chinoshamisa chechokwadi vakachinja kubva murima rezvokunamata kuenda muchiedza chakajeka. Zvisinei, nokufamba kwenguva, kushingaira kwaiita vamwe vaKristu pakutanga kwakaderera. Somuenzaniso, pakazopera zana remakore rokutanga, pakanga pava nedambudziko rakakura muungano yeEfeso. Jesu Kristu akamutswa akataura nezvedambudziko racho, achiti: “Ndinopesana newe pachinhu ichi, kuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga. Naizvozvo yeuka kuti wakawa pachii, upfidze uite mabasa ekare.” (Zvakazarurwa 2:4, 5) VaKristu vaiva muEfeso vaifanira kumutsidzira kuda kwavaiita Mwari uye chokwadi.

Zvakadini nesu? Isuwo takava nomufaro wokuona chiedza, wokusvika pakuziva chokwadi chinoshamisa cheShoko raMwari. Takasvika pakuda chokwadi. Asi matambudziko anowira vanhu vose angaderedza kuda kwatinoita chokwadi. Izvi zvingawedzerwawo nematambudziko e“mazuva okupedzisira.” Tiri kurarama munguva inozivikanwa se“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo”—nyika ine vanhu “vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika.” (2 Timoti 3:1, 2) Zvavanoita zvingaderedza kushingaira kwedu uye zvingaita kuti kuda kwatinoita Jehovha kuderere.

Kana tisisina rudo rwataiva narwo pakutanga, tinofanira ‘kuyeuka kuti takawa pachii, topfidza.’ Tinofanira kuita zvataimboita panyaya dzokunamata. Uyezve, tinofanira kungwarira kuti tisarega kuda kwataiita chokwadi kuchiderera. Zvinokosha zvikuru kuti tose zvedu tirambe tiine tariro uye tichifara uye kuti tirambe tichida Mwari nechokwadi chake!

‘Chokwadi Chinotisunungura’

Chiedza chechokwadi chomuMagwaro chinoshamisa nokuti Bhaibheri rinopindura mibvunzo inokosha yave ichivhiringidza vanhu kwemamiriyoni emakore. Mimwe yemibvunzo yacho ndeyokuti: Nei tiri pano? Chinangwa choupenyu chii? Nei paine uipi? Kune upenyu pashure porufu here? Jehovha akatijekesera chokwadi chinoshamisa chine chokuita nedzidziso dzeBhaibheri. Hatifaniri kumuonga nomwoyo wose here? Ngatisamborerutsa zvatakadzidza!

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Chibayiro chaJesu chorudzikinuro chakaita kuti tisunungurwe pachivi norufu. Asi chokwadi ichi chinokosha chakatisunungurawo pakusaziva uye kusava nechokwadi kuri munyika iri murima. Kufungisisa tichionga zvatakadzidza kuchatibatsira kusimbisa kuda kwatinoita Jehovha neShoko rake.

Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muTesaronika kuti: “Pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari, riri kushandawo mamuri imi vatendi.” (1 VaTesaronika 2:13) VaTesaronika vakanzwa uye ‘vakagamuchira shoko raMwari nomufaro.’ Vakanga vasisiri mu“rima.” Asi vakanga vava “vanakomana vechiedza.” (1 VaTesaronika 1:4-7; 5:4, 5) VaKristu ivavo vakasvika pakuziva kuti Jehovha ndiye Musiki uye kuti ane masimbaose, akachenjera, ane rudo, uye ane ngoni. Kufanana nevamwe vateveri vaKristu, vakazivawo kuti Jehovha akaita urongwa hwokudzima zvivi zvavo achishandisa chibayiro choMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Mabasa 3:19-21.

Kunyange zvazvo vaTesaronika vakanga vasingazivi zvose zvavaifanira kuziva nezvechokwadi, vaiziva kwavaigona kutsvaka zivo. Magwaro akafuridzirwa angaita kuti munhu waMwari “akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) VaKristu vomuTesaronika vaigona kuramba vachidzidza, vachiona vaonazve kushamisa kunoita chiedza chinobva kuna Mwari. Vaiva nezvikonzero zvokufara nguva dzose. (1 VaTesaronika 5:16) Uye isuwo tinazvo.

Chiedza Panzira Yedu

Achitaura chikonzero nei chiedza chichishamisa kwazvo, munyori wepisarema akaimba kuti: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Kutungamirirwa kwatinoitwa naMwari achishandisa Shoko rake kungatibatsira kuti tifambe munzira yakarurama uye tive noupenyu hune chinangwa. Hatifaniri kuita sechikepe chiri kukukurwa. Kuziva uye kushandisa chokwadi kunotidzivirira paku“kandwa kwose kwose sokunge tinokandwa nemafungu uye tichitakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.”—VaEfeso 4:14.

Bhaibheri rinoti, “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa.” Rinotiwo: “Anofara munhu anobatsirwa naMwari waJakobho, anotarira kuna Jehovha Mwari wake.” (Pisarema 146:3, 5) Uyezve, kuvimba naJehovha kunotibatsira kuti tisatya uye tisazvidya mwoyo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Kutungamirirwa nechiedza cheShoko raMwari kunotibatsira zvechokwadi.

Penyai Sezvinhu Zvinovheneka Munyika

Chimwezve chinoita kuti chiedza cheShoko raMwari chishamise ndechokuti chinoita kuti vanhu vave nomukana wokupiwa basa rinokosha chaizvo. Jesu akarayiridza vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Asati ataura murayiro iwoyo akatanga ati: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.”—Mateu 28:18-20.

Funga kuti ndiani ari kubatsira vaKristu vechokwadi mubasa rokuparidza mashoko akanaka uye kudzidzisa vanhu vemarudzi ose chokwadi cheBhaibheri. Jesu akavimbisa vateveri vake kuti aizova navo. Zvechokwadi ave achivabatsira uye achivatsigira muushumiri hwavo ‘sezvavanoita kuti chiedza chavo chivheneke’ pakuita basa iroro nemamwe “mabasa . . . akanaka.” (Mateu 5:14-16) Ngirozi dzinoitawo basa iri rokuparidza. (Zvakazarurwa 14:6) Zvakadini naJehovha Mwari? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ini ndakadyara, Aporo akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure.” Iropafadzo yakakura chaizvo kuva mumwe we“vashandi pamwe chete naMwari”!—1 VaKorinde 3:6, 9.

Fungawo kuti zvatinoita mubasa iri ratakapiwa naMwari zvinokomborerwa sei. Hapana chingaenzana neropafadzo yedu yatakapiwa naMwari yo“kupenya . . . sezvinhu zvinovheneka munyika.” Nokuratidza chiedza chinobva muShoko raMwari mumatauriro edu nezvatinoita, tinokwanisa kubatsira chaizvo vanhu vakatendeseka. (VaFiripi 2:15) Uye tinogona kufara sezvatinoparidza nokudzidzisa, ‘nokuti Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa redu norudo rwatakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.

‘Tenga Chizoro Chemaziso Chokuzora Mumaziso Ako’

Achitaura neungano yomuzana remakore rokutanga yeRaodhikiya, Jesu akati: “Utenge kwandiri . . . chizoro chemaziso chokuzora mumaziso ako kuti uone. Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura nokuvaranga.” (Zvakazarurwa 3:18, 19) Mushonga chaiwo wokusaona panyaya dzokunamata “chizoro chemaziso”—dzidziso uye kuranga kwaJesu. Kana tichida kuramba tiine utano hwakanaka pakunamata, tinofanira kugamuchira zano rake tozviisa pasi paro uyewo kubvuma kutungamirirwa nezano rinowanikwa muBhaibheri. Tinofanirawo kuva nemaonero akaita seaKristu uye kutevedzera muenzaniso wake. (VaFiripi 2:5; 1 Petro 2:21) Chizoro chemaziso hachisi chemahara. Jesu akati: “[Chi]tenge kwandiri.” Mari yacho inguva yedu uye zvatinoita.

Patinobva panzvimbo ine rima tichipinda muimba ine chiedza, zvingatora kanguva maziso edu asati ajaira. Saizvozvowo, kudzidza Shoko raMwari uye kuona chiedza chechokwadi kunotora nguva. Zvinotora nguva kufungisisa zvatinodzidza uye kufunga kuti chokwadi chinokosha zvakadini. Asi mutengo wacho hauna kunyanya kukura. Nei? Nokuti chiedza chacho chinoshamisa!

[Mufananidzo uri papeji 14]

“Utenge kwandiri . . . chizoro chemaziso chokuzora mumaziso ako kuti uone”