Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kutya Kuuya kwaKristu Here?

Tinofanira Kutya Kuuya kwaKristu Here?

Tinofanira Kutya Kuuya kwaKristu Here?

UNOFUNGA kuti kuuya kwaJesu Kristu kuchange kwakaita sei? Unofunga kuti kuchaita kuti vanhu vave nedambudziko, vaparadzwe kana kuti varangwe here? Kana kuti unotarisira kuti kuchagumisa matambudziko edu ose here? Kuuya kwaKristu chinhu chatinofanira kutya here? Kana kuti chinhu chatinofanira kutarisira?

Richitaura nezvokuuya kwaKristu, Bhaibheri rinoti: “Tarira! Ari kuuya nemakore, uye maziso ose achamuona, . . . uye madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake.” (Zvakazarurwa 1:7) Kuuya uku kunoreva kuoneka kuchaita Jesu mune ramangwana kuti ape mubayiro vakarurama uye arange vakaipa.

Pane kutya kuuya kwaKristu, muapostora Johani aitokutarisira. Aziviswa nezvokuuya uku uye zvakuchareva nokuda kwenyika ino, Johani akanyengetera nomwoyo wose achiti: “Uyai, Ishe Jesu.” (Zvakazarurwa 22:20) Asi nei “madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake”? “Maziso ose achamuona” sei? Kuuya kwaKristu kuchaitei? Kutenda kuti achauya kungatibatsira sei iye zvino? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.