Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvichaitwa Nokuuya kwaKristu

Zvichaitwa Nokuuya kwaKristu

Zvichaitwa Nokuuya kwaKristu

“SÃO PAULO YAVA KUTYISA.” Ndiwo marondedzerero akaita magazini inonzi Veja mamwe mazuva mana omwedzi waMay 2006 matsotsi “paakaita zvinogara zvakadaro” muguta guru uye rakapfuma zvikuru rokuBrazil. Mapurisa anenge 150, matsotsi uye vanhuwo zvavo vakaurayiwa “mumaawa aityisa anopfuura 100.”

Munenge munyika dzose nhau dziri kungotaura nezvechisimba. Zvinoita sokuti vanhu vanotungamirira havakwanisi kuchimisa. Nyika yedu iri kuramba ichiva nzvimbo ine ngozi kuraramira. Zvichida unoora mwoyo nokuti kwose kwose kune nhau dzakaipa dzakawanda. Zvisinei, nguva yokuti zvinhu zvichinje yava pedyo.

Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengeterere kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuda kwaMwari kuitwe “panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:9, 10) Umambo uhwu ihurumende ina Kristu Jesu saMambo wayo akagadzwa. Ichapedza matambudziko ose evanhu. Zvisinei, kuti Umambo hwaMwari huchinje zvinhu panyika, Kristu ndiye anofanira kutonga panzvimbo pokuti vanhu vatonge. Izvi ndizvo chaizvo zvichaitwa nokuuya kwaKristu.

Kuchinja Kwacho Kuchaitwa Zvine Rugare Here?

Marudzi achazviisa pasi pokutonga kwaKristu norugare here? Muapostora Johani ane zvaakaratidzwa zvinotipa mhinduro yacho. Johani anorondedzera kuti: “Ndakaona chikara [masangano ezvematongerwo enyika] nemadzimambo enyika nemauto avo vakaungana kuti varwe naiye [Jesu] akanga akatasva bhiza neuto rake.” (Zvakazarurwa 19:19) Chii chichaitika kumadzimambo enyika muhondo iyi? Mambo waJehovha akazodzwa “uchaaputsa netsvimbo youmambo yesimbi, uchaaputsa-putsa somudziyo womuumbi,” rinodaro Bhaibheri. (Pisarema 2:9) Masangano ezvematongerwo enyika achaparadzwa zvachose. Umambo hwaMwari “huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [hwevanhu], uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:44.

Zvakadini nevanhu vanoshora Umambo hwaMwari? “Pacharatidzwa Ishe Jesu achibva kudenga aine ngirozi dzake dzine simba ari mumurazvo womoto,” Jesu anoratidzwa ari munhu “anotsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka.” (2 VaTesaronika 1:7, 8) “Asi vakaipa,” inodaro Zvirevo 2:22, “vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”

Nezvokuuya kwaKristu, Bhaibheri rinoti: “Tarira! Ari kuuya nemakore, uye maziso ose achamuona.” (Zvakazarurwa 1:7) Vanhu havazomuoni nemaziso avo chaiwoiwo. Kubvira paakakwira kudenga, Jesu munhu womudzimu “anogara muchiedza chisingasvikiki, asina munhu akambomuona kana anogona kumuona.”—1 Timoti 6:16.

Jesu haafaniri zvake kuva nomuviri chaiwo kuti ‘aonekwe’ nevanhu vanogara panyika, sezvo Jehovha akanga asingafaniri zvake kuva nomuviri chaiwo paakaunza Matambudziko Gumi pavaIjipiti mumazuva aMosesi. Vanhu vepanguva iyoyo vakanga vasina mubvunzo kuti Jehovha ndiye aikonzera matambudziko acho, uye vakamanikidzwa kubvuma kuti ane simba. (Eksodho 12:31) Saizvozvowo, Kristu paanoparadza soMunhu Anouraya Akamiririra Mwari, vakaipa vachamanikidzwa ku“ona,” kana kuti kunzwisisa kuti Jesu ari kushandiswa naMwari kuti avatonge. Vachaziva izvi nokuti vanhu vachange vanyeverwa pachine nguva. Chokwadi, “maziso ose achamuona [Jesu], uye madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake.”—Zvakazarurwa 1:7.

Vakaipa vanofanira kuparadzwa uye kutonga kwakaipa kunofanira kubviswa rugare rwechokwadi uye kubudirira zvisati zvadzorerwa panyika. Kristu achaita izvozvo. Zvadaro achatanga kudzora zvinhu zvose panyika, uye zvinhu zvichachinja chaizvo.

Kudzorerwa Kunobatsira

Muapostora Petro akataura ‘nezvokudzorerwa kwezvinhu zvose izvo Mwari akataura nezvazvo achishandisa miromo yevaprofita vake vatsvene vomunguva yekare.’ (Mabasa 3:21) Kudzorerwa uku kunosanganisira kuchinja kuchaita nyika Kristu paanenge ava kutonga. Muprofita Isaya, womuzana remakore rechisere B.C.E. ndomumwe wevaprofita vakashandiswa naMwari kutaura nezvo“kudzorerwa kwezvinhu zvose” pasi pano. Akafanotaura kuti Jesu Kristu, “Muchinda woRugare,” aizoita kuti panyika pavezve norugare. Nezvokutonga kwaKristu, uprofita hwaIsaya hunoti: “Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi.” (Isaya 9:6, 7) Jesu achadzidzisa marudzi epanyika kuti ave norugare. Vaya vanogara panyika “vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Chii chichaitika kuurombo nenzara munguva yokutonga kwaKristu? Isaya akati: “Jehovha wemauto achaitira marudzi ose mabiko ezvokudya zvine mafuta, mabiko ewaini yakachengetwa iri pamusoro pemasese, ezvokudya zvine mafuta zvizere nomwongo, ewaini yakachengetwa iri pamusoro pemasese, yakasvinwa.” (Isaya 25:6) Munyori wepisarema akaimba kuti: “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.” (Pisarema 72:16) Uyezve, nezvevanhu vachagara panyika, tinoverenga kuti: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti; uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—Isaya 65:21, 22.

Isaya akafanotaurawo nezvokuguma kwokurwara uye kworufu. Mwari akataura achishandisa Isaya, achiti: “Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa. Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve ruchashevedzera ruchifara.” (Isaya 35:5, 6) Zvadaro “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Mwari “achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.

Zvakadini nevakafa vose “vari mumakuva”? (Johani 5:28, 29) Isaya akaprofita kuti: ‘Vakafa venyu vachararama. Vachamuka.’ (Isaya 26:19) Chokwadi vaya vakafa vachadzoswa kuupenyu!

“Mwari Ndiye Chigaro Chako Choumambo Nokusingaperi-peri”

Kuuya kwaKristu kuchaita kuti Nyika iite sezvayakanga yakaita. Nyika ichachinjwa kuva paradhiso yakanaka chaizvo, uye vanhu vachabatana mukunamata Mwari wechokwadi. Tingava nechokwadi here chokuti Jesu Kristu achabudirira kubvisa uipi panyika uye kuita kuti pave nemamiriro ezvinhu akarurama?

Funga nezveakapa Jesu simba nechiremera. Richitaura nezvoMwanakomana, Bhaibheri rinoti: “Mwari ndiye chigaro chako choumambo nokusingaperi-peri, uye tsvimbo youmambo hwako itsvimbo yokururama. Iwe wakada kururama, ukavenga kusateerera mutemo.” (VaHebheru 1:8, 9) Chigaro choumambo chaJesu, kureva kuti, nzvimbo yake kana kuti chiremera chake, akachipiwa naJehovha. Mwari ndiye Akatanga uye Akamupa chigaro ichi choumambo. Hapana matambudziko achange akanyanya kukura zvokuti angatadza kugadziriswa naJesu.

Amutswa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” (Mateu 28:18) “Ngirozi nevane chiremera nevane masimba zvakaiswa pasi pake,” inodaro 1 Petro 3:22. Hapana simba kana kuti chiremera chingabudirira kurwisana naJesu. Hapana chingamutadzisa kubatsira vanhu nokusingaperi.

Kubatsira Vanhu Kunoitwa Nokuuya kwaKristu

Mutsamba yake yaakanyorera vaTesaronika, muapostora Pauro akati: “Tinoramba tichifunga nezvebasa renyu rinobva pakutenda nebasa renyu rorudo nokutsungirira kwenyu nokuda kwetariro yenyu yamuinayo munaShe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari wedu uye Baba vedu.” (1 VaTesaronika 1:3) Pauro akati basa rine zvibereko uye kutsungirira zvinobva pakuva netariro muna Jesu Kristu. Tariro iyoyo inosanganisira kutenda kuti Kristu achauya uye kuti kuuya ikoko kuchaita kuti zvinhu zvive sezvazvaiva. Tariro yakadaro inogona kutsigira vaKristu vechokwadi, kana kuti kuvaita kuti varambe vachitsungirira, pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma chaizvo.

Somuenzaniso, funga nezvaCarlos, anogara kuSão Paulo, Brazil. Muna August 2003, Carlos akaziva kuti akanga aine kenza. Kubvira panguva iyoyo, akavhiyiwa kasere zvichiguma nemarwadzo uye kuramba achipera simba. Asi akaramba achikurudzira vamwe. Somuenzaniso, paaiparidza mune mumwe mugwagwa pamberi pechimwe chipatara chikuru, akaonana nomumwe weZvapupu zvaJehovha, aiva nomurume airapwa kenza. Zvaaiziva kurwadza kwekenza, Carlos akakwanisa kukurudzira uye kunyaradza murume wacho nomudzimai wake. Pashure paizvozvo, vakazoti kukurukura kwavakaita naye kwakavakurudzira chaizvo. Carlos akabva aona kuti mashoko aPauro aya ndeechokwadi, anoti: “[Mwari] anotinyaradza mukutambudzika kwedu kwose; kuti isu tigonewo kunyaradza vamwe vari mumatambudziko okunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.”—2 VaKorinde 1:4, Bhaibheri Rinoera.

Chii chinobatsira Carlos kuti awane simba rokuramba achikurudzira vamwe pasinei nourwere hwake? Tariro yokuuya kwaKristu uye zvose zvichaitwa nokuuya ikoko inokurudzira Carlos kuti arambe achi“ita zvakanaka.”—VaGaratiya 6:9.

Fungawo nezvezvakaitika kuna Samuel, ane munun’una akapondwa mamita anenge 50 kubva pamba pababa vavo. Munun’una wake akapfurwa nemabara gumi. Chitunha chacho chakaramba chiri padivi pomugwagwa kwemaawa masere sezvo mapurisa aiongorora mhosva yacho. Samuel haambokanganwi zvakaitika musi iwoyo. Zvisinei, anotsigirwa netariro yokuti Kristu achabvisa uipi hwose panyika uye kuti kutonga kwakarurama kuchazovapo kuchaunzira vanhu zvikomborero. Kazhinji Samuel anofungidzira achimbundira munun’una wake anenge amutswa muParadhiso pasi pano.—Mabasa 24:15.

Unofanira Kuitei?

Uchanyaradzwa chaizvo netariro yokuuya kwaKristu uye zvaachaita. Zvechokwadi Jesu Kristu achagadzirisa zvose zvinokonzera matambudziko nezvinhu zvakaipa zvinotitambudza.

Unofanira kuitei kuti unakidzwe nezvikomborero zvichaunzirwa vanhu nokutonga kwaKristu? Nyatsodzidza Shoko raMwari, Bhaibheri. Paainyengetera kuna Baba vake, Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Vavarira kuongorora zvinodzidziswa neBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako zvichafara kukubatsira panyaya iyi. Tinokukoka noushamwari kuti utaure nazvo kana kunyorera vakabudisa magazini ino.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kuuya kwaKristu kuchaita kuti pasi rino rive sezvarakanga riri chaizvo

[Kwazvakatorwa]

Kamufananidzo kaduku, zviri kuseri kwacho: Rhino and Lion Park, Gauteng, South Africa