Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi Rakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Zvahuri

Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi Rakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Zvahuri

Nyaya Youpenyu

Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi Rakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Zvahuri

Yakataurwa naLynette Peters

Vakanga vauya kuzotibvisa munzvimbo yaiva nengozi. Mumwe aiva nyanzvi yokupfura akanga akamira pamusoro pechivako chacho. Zvikepe zvehondo zvaiva patsangadzi, pfuti dzakagadzirira kupfura. Sezvataimhanya takananga kwaiva neherikoputa yaiva yakatimirira mangwanani iwayo omusi weSvondo, ini nevamwe vangu mamishinari takamanikidzwa kuramba takadzikama. Pakarepo, takanga tava kuenda neherikoputa. Kwapera maminitsi gumi, takanga tava muchikepe chehondo, chaiva pedyo nemhenderekedzo, takachengeteka.

MANGWANANI akatevera acho, takaziva kuti vapanduki vakanga vabhomba hotera yatakanga takavanda usiku hwakanga hwapfuura. Mhirizhonga yevagari vomuSierra Leone yakanga yava nemakore yakazosvika pakuva hondo chaiyo. Vanhu vose vokune dzimwe nyika, kusanganisirawo isu, takanga tamanikidzwa pakarepo kungotiza munyika yacho. Kuti nditsanangure kuti nei ndakava mumamiriro ezvinhu iwayo, regai nditaure kubvira pazvakatangira.

Ndakakurira muBritish Guiana, yakazozivikanwa seGuyana kubvira muna 1966. Kuma 1950 pandaiva muduku ndaiva ndisina zvaindinetsa uye ndainakidzwa noupenyu. Vabereki vakawanda vaikoshesa chaizvo dzidzo, uye vaduku vaitarisirwa kuti vagone muchikoro. Ndinoyeuka mumwe mushandi womubhengi akambobvunza baba vangu kuti, “Nei muchibhadhara mari yakawanda kudaro nokuda kwedzidzo yevana venyu?” Baba vakapindura kuti, “Dzidzo yakanakisisa ndiyo chete ichaita kuti vabudirire.” Panguva yacho, vaifunga kuti dzidzo yakanakisisa yaiwanikwa kuzvikoro zvepamusoro. Munguva pfupi vaizova nemaonero akasiyana.

Pandaiva nemakore 11, amai vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vakanga vashanyira Imba yoUmambo vaine mumwe muvakidzani. Zvavakanzwa usiku ihwohwo zvakaita kuti vagutsikane kuti vakanga vawana chokwadi. Pave paya, amai vangu vakaudza mumwe muvakidzani wedu zvavakanga vanzwa. Munguva pfupi vose vari vatatu vakanga vava kudzidza nemamishinari aiti Daphne Harry (akazonzi Daphne Baird) naRose Cuffie. Gore risati rakwana, Amai neshamwari dzavo mbiri vakabhabhatidzwa. Kwapera makore mashanu, baba vangu vakasiya Chechi yeSeventh-Day Adventist ndokubhabhatidzwa kuti vave mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Pataiva vaduku—ini nehanzvadzi dzangu duku mbiri—vakuru vatatu pavana gumi—taipedza maawa akawanda ainakidza tiri pamusha wemamishinari waigara Daphne naRose. Panguva iyoyo taiteerera zvaiitika mubasa romumunda zvavairondedzera. Mamishinari aya aitarisira vamwe pakunamata asinganeti, achifara. Muenzaniso wavo ndiwo wakaita kuti ndive nechido chokuva mumishinari.

Zvisinei, sezvandaiva ndakapoteredzwa nevoukama uye vandaidzidza navo vaida dzidzo yepamusoro uye mabasa akanaka, chii chakandibatsira kuramba ndiine chinangwa chokuita basa renguva yakazara? Paiva nemikana yakawanda chaizvo yaikwezva—ndaigona kudzidzira kuva gweta, kuita zvemimhanzi, kuva chiremba, kana kuti kuita zvimwewo. Muenzaniso wakanaka wevabereki vangu wakandibatsira kuziva zvandaifanira kuita. Vairarama zvaienderana nechokwadi, vaishingaira kudzidza Bhaibheri, uye vaizvipira kubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha. * Uyezve, vaigara vachikoka vashumiri venguva yakazara kumba kwedu. Kufara uye kugutsikana kwairatidzwa nehama nehanzvadzi idzi kwakasimbisa chido changu chokuti basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi riite kuti upenyu hwangu huve zvahuri.

Ndakabhabhatidzwa ndiine makore 15. Zvadaro, ndichangopedza chikoro chesekondari, ndakatanga ushumiri hwoupiyona. Philomena, aishanda mune chimwe chipatara, ndiye munhu wandakatanga kubatsira kuti afambire mberi kusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Mufaro wandakava nawo pandakamuona achisvika pakuda Jehovha wakasimbisa chido changu chokuramba ndiri muushumiri hwenguva yakazara. Izvozvo zvichangoitika, ndakaudzwa kuti ndaizokwidziridzwa mudhipatimendi rehurumende randaishanda ndiri mabharani. Handina kubvuma, asi ndakasarudza kuramba ndichipayona.

Ndakanga ndichiri kugara kumba, uye mamishinari akaramba achitishanyira. Ndainakidzwa chaizvo nokuteerera zvaiitika kwaari! Zvose izvi zvakasimbisa chido changu chokuva mumishinari, kunyange zvazvo zvaiita sezvisingaiti. Panguva iyoyo uye kunyange iye zvino mamishinari achiri kutumirwa kuGuyana. Rimwe zuva muna 1969, ndakashamiswa asi ndakafara kukokwa kunopinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kuBrooklyn, New York.

Basa Randakanga Ndisingatarisiri

Mukirasi yechi48 yeGiriyedhi maiva nevadzidzi 54 vaibva kunyika 21. Gumi nevanomwe taiva hanzvadzi dzisina kuroorwa. Kunyange zvazvo izvi zvakaitika makore 37 akapfuura, ndichiri kunyatsoyeuka mwedzi mishanu iyoyo. Paiva nezvakawanda kwazvo zvataifanira kudzidza—kwete chokwadi chomuMagwaro chete asiwo mazano anoshanda muupenyu sevanhu vaizova mamishinari. Somuenzaniso, ndakadzidza kutevedzera zvinenge zvataurwa, kuva pakati nepakati panyaya yefashoni, uye kutsungirira pasinei nemamiriro ezvinhu asinganakidzi.

Vabereki vangu vaigara vachingosimbisa nyaya yokupinda misangano nguva dzose. Zvaisaita kuti munhu ainge arwara zvokutadza kuenda kumusangano musi weSvondo angoerekana apora manheru aitevera acho zvokukwanisa kuenda kunoridza piyano kana kuenda kukonzati. Zvisinei, kwekanguva pandaiva kuChikoro cheGiriyedhi, handina kukwanisa kupinda misangano yose. Mumwe musi chiri Chishanu manheru ndakaedza kuzviruramisa pakusapinda kwangu misangano pandaitaura naDon naDolores Adams, imwe mhuri yainditakura kuenda kumisangano. Ndakati ndaiva nebasa rechikoro rakawanda rokuita kumba, nemishumo yokunyora. Ndaizowana kupi nguva yokupinda Chikoro chaMwari Choushumiri noMusangano Webasa? Vakurukura neni kwekanguva, Hama Adams vakati: “Hana yako ngaikutungamirire.” Ndakashandisa zano ravo uye kubvira ipapo handina kuzomborovha musangano usiku ihwohwo kana humwe hwacho. Mumakore akapfuura, kunze kwokunge kana mamiriro ezvinhu akandiomera chaizvo, handina kubvumira chero chinhu chipi zvacho kuti chindivhiringidze kupinda misangano yechiKristu.

Tava pakati pokuda kupedza chikoro, vanhu vakatanga kutaura nezvokwataizoendeswa. Ini ndakanga ndagara ndichifunga kuti ndaizonzi ndiende kuGuyana, kwaidiwa rubatsiro chaizvo mubasa rokuparidza. Imbofunga kushamisika kwandakaita pandakaziva kuti ndakanga ndisiri kuzodzokerako. Asi ndakanzi ndiende kunoshumira kuSierra Leone, West Africa. Ndakaonga Jehovha zvikuru kuti chido changu chokuva mumishinari ndiri kure nokumba chakanga chazozadzika!

Pane Zvakawanda Zvandaifanira Kudzidza

Mashoko okuti “nyika yakazonaka” ndiwo anganyatsorondedzera zvandakaona pandakatanga kusvika muSierra Leone, nyika ine zvikomo zvakawanda nemakomo, uye mahombekombe. Asi runako chairwo rwenyika iyi yokuWest Africa ruri muvagari vemo, vane rudo uye mutsa zvinoita kuti kunyange vokune dzimwe nyika vanzwe vakasununguka. Izvi zvinobatsira zvikuru kuti mamishinari matsva akurire kusurukirwa kunokonzerwa nokufunga kumusha. Vanhu vokuSierra Leone vanofarira kutaura nezvetsika dzavo nemararamiro avo uye vanonyanya kuda kubatsira vokune dzimwe nyika kuti vadzidze Krio, mutauro womunyika yacho.

Vanhu vanotaura Krio vane zvirevo zvakawanda zvakajeka. Somuenzaniso, chirevo chokuti Tsoko inoshanda, gudo ndiro rinozodya, chinoreva kuti anodyara haasiye anokohwa. Izvozvo zvinonyatsorondedzera kusaruramisira kuri munyika yose!—Isaya 65:22.

Basa rokuparidza nokuita kuti vanhu vave vadzidzi rainakidza. Kaiva kashoma kuwana munhu akanga asingafariri Bhaibheri. Mumakore akapfuura, mamishinari nevashumiri vaJehovha vava nenguva vakabatsira vanhu—vaduku nevakuru—vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana oupenyu uye mumadzinza akasiyana-siyana kuti vagamuchire chokwadi.

Erla St. Hill, mumwe mumishinari wandakatanga kushanda naye, aishanda nesimba chaizvo. Kushingaira kwaaiita pakuita mabasa ake epamusha wemamishinari kwaitoda kuenzana nokushingairira kwaaiita ushumiri. Akandibatsira kunzwisisa kukosha kwezvinhu zvakawanda, zvakadai sokuzivana nevavakidzani, kushanyira Zvapupu nevavakidzani vairwara, uye kutsigira urongwa hwemariro pazvaiita. Akandibatsirawo kuona kukosha kwokuti kana wapedza ushumiri usabva mundima usina kumbomira kuti ukwazise hama nehanzvadzi dzinogara mundima yacho, kunyange kwenguva pfupi zvikuru. Kuita zvinhu izvi kwakaita kuti ndikurumidze kuwana vanaamai, hanzvadzi, vanun’una, uye shamwari, uye kuSierra Leone kwandaishandira ndiko kwakava musha wangu.—Mako 10:29, 30.

Ndakatangawo ushamwari hwakasimba nemamishinari akanaka kwazvo andaishanda nawo. Mumwe wacho aiva Adna Byrd, wandaigara naye, akashanda muSierra Leone pakati pa1978 na1981, uye Cheryl Ferguson, wandave ndichigara naye kwemakore 24 apfuura.

Hondo Yevagari Vemo Inounza Miedzo

Muna 1997, bazi idzva rokuSierra Leone rava nounenge mwedzi mumwe chete ratsaurirwa, hondo yakatimanikidza kuti tibude munyika yacho, sezvandambotaura. Makore matanhatu izvi zvisati zvaitika, taibayiwa mwoyo nokutenda kweZvapupu zvokuLiberia zvakanga zvatizira kuSierra Leone zvichitiza hondo. Vamwe vakasvika vasina kana chinhu. Pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma, vaiitawo ushumiri zuva nezuva. Zvaibaya mwoyo chaizvo kuona kuda kwavaiita Jehovha nevanhu.

Iye zvino isu zvatakanga tava vapoteri munyika yeGuinea, takatevedzera muenzaniso wehama dzokuLiberia ndokuramba tichivimba naJehovha uye kuisa pakutanga zvinhu zvine chokuita noUmambo. Kwapera gore, takakwanisa kudzokera kuSierra Leone, asi mwedzi minomwe isati yapera, hondo yakatangazve uye taifanira kutizira kuGuinea zvakare.

Pasina nguva takaudzwa kuti nhengo dzerimwe remapoka airwisana dzakanga dzava kugara mumusha wedu wemamishinari muKissy uye kuti zvinhu zvedu zvose zvakanga zvapambwa kana kuti kuparadzwa. Pane kuora mwoyo, takaonga kuti taiva vapenyu. Taingova nezvinhu zvishomanana, asi takakwanisa kukunda mamiriro ezvinhu iwayo akaoma.

Tatiza kechipiri, ini naCheryl wandaigara naye takaramba tiri kuGuinea. Izvi zvaireva kuti taifanira kudzidzira French. Mamwe mamishinari aikurumidza kushandisa French yavakanga vadzidza, vasina hanya zvakanyanya nokukanganisa kwavaiita. Asi ini ndakanga ndisingafariri kukanganisa, saka ndaingotaura French pandaitofanira kuitaura. Zvaishungurudza chaizvo. Ndaifanira kuzviyeuchidza zuva nezuva kuti nei ndakanga ndiri kuGuinea—kuti ndibatsire vamwe kuziva Jehovha.

Zvishoma nezvishoma ndakafambira mberi nokudzidza, kuteerera vaya vaigona kutaura mutauro wacho, uye kukumbira kubatsirwa nevana vomuungano, vasinganyari. Zvadaro, ndisingambozvitarisiri, rubatsiro rwakauya kubva kusangano raJehovha panguva chaiyo. Kubvira muna September 2001, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwave huchipa mazano anoshanda okugovera magazini kuwedzera kune aya okugovera mabhuku uye mabhurocha kuvanhu vane zvitendero zvavo. Iye zvino ndava nechivimbo pandinoita ushumiri, kunyange zvazvo ndisingatauri mutauro uyu sematauriro andinoita rurimi rwaamai vangu.

Kukurira mumhuri yakakura kwakandibatsira kuchinja pakugara nevanhu vakawanda, pane imwe nguva vanhu vaisvika 17. Mumakore 37 ebasa rangu roumishinari, ndakagara nemamwe mamishinari anopfuura 100. Yave iri ropafadzo chaiyo kuziva vanhu vakawanda kudaro, vose vane unhu hwakasiyana asi vose vaine chinangwa chimwe chete! Uye zvinofadza chaizvo kushanda pamwe naMwari uye kuonawo vanhu vachigamuchira chokwadi cheBhaibheri!—1 VaKorinde 3:9.

Mumakore andave ndichishumira ndiri mumishinari, handina kukwanisa kuva pazviitiko zvakawanda zvoupenyu hwevomumhuri yangu, zvakadai semichato yevakawanda vevanun’una nehanzvadzi dzangu. Uye handigari ndichiona vana vevanun’una nevehanzvadzi dzangu sezvandaizoda. Ndakazvipira uye vomumhuri yangu vakazvipirawo, vachindikurudzira vasina udyire kuti ndirambe ndichiita basa roumishinari.

Asi zvakawanda zvandisina kukwanisa kuita kumba ndakazviwana pane imwe nguva mubasa roumishinari. Kunyange zvazvo ndakasarudza kuramba ndisina kuroorwa, ndine vana vakawanda mune zvokunamata, kwete chete vaya vandakadzidza navo Bhaibheri asi vamwe vandakashamwaridzana navo. Uyezve, ndakaona vana vavo vachikura, vachiroora nokuroorwa, uye vachirera vana vavo munzira yechokwadi. Kufanana neni, vamwe vavo vakabvumawo kuita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi muupenyu hwavo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Amai vangu vakapayona kwemakore anopfuura 25, uye baba vangu pavakasiya basa, vakava piyona webetsero.

[Mepu dziri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Ndakanzi ndinoshandira kuSierra Leone, kuWest Africa

GUINEA

SIERRA LEONE

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vanun’una vangu vaviri, vaipedza maawa akawanda pamwe chete neni tichifara nemamishinari muma1950

[Mufananidzo uri papeji 14]

Ndiine vandakadzidza navo mukirasi yechi48 yeGiriyedhi

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kutsaurirwa kwezvivako zvebazi kuSierra Leone