Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupa Zvibayiro Zvinofadza Mwari

Kupa Zvibayiro Zvinofadza Mwari

Kupa Zvibayiro Zvinofadza Mwari

“UPENYU hwaibva kurufu—ndizvo zvaidavirwa nevaAztec, vaiva netsika yokupa vanhu sezvibayiro pamwero usingaenzaniswi muMesoamerica,” rinodaro bhuku rinonzi The Mighty Aztecs. Bhuku racho rinoenderera richiti: “Umambo hwacho pahwaikura, kupiwa kwevanhu sezvibayiro kwaiitirwa kuti vave nechivimbo muumambo hwacho.” Maererano neimwe enisaikoropidhiya, gore negore vaAztec vaipa vanhu vanosvika 20 000 sezvibayiro.

Kubvira kare, vanhu vave vachipa zvibayiro zvakasiyana-siyana kuna vanamwari vavo, nemhaka yokutya, kufunga kuti vane mhaka kana kuti kuzvidemba. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti zvimwe zvibayiro zvakatangwa—naMwari wemasimbaose Jehovha. Saka zvakakodzera kuti tibvunze kuti: Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakaita sei? Zvinopiwa uye zvibayiro ndeimwe nzira yatinonamata nayo mazuva ano here?

Zvinopiwa uye Zvibayiro Pakunamata Kwechokwadi

Rudzi rwaIsraeri parwakaumbwa, Jehovha akapa mirayiridzo yakajeka nezvenzira yaaida kuti vaIsraeri vamunamate nayo, uye izvi zvaisanganisira zvinopiwa uye zvibayiro. (Numeri, zvitsauko 28 ne29) Zvimwe zvinopiwa zvaisanganisira zvibereko zvevhu; zvimwe zvaisanganisira kupa zvinhu zvakadai senzombe, makwai, mbudzi, hangaiwa, uye magukutiwa. (Revhitiko 1:3, 5, 10, 14; 23:10-18; Numeri 15:1-7; 28:7) Pane zvinopiwa zvinopiswa zvaifanira kupiswa zvose nomoto. (Eksodho 29:38-42) Paivawo nezvibayiro zvokugoverana, zvokuti vose vaigoverana nokudya zviya zvakanga zvabayirwa kuna Mwari.—Revhitiko 19:5-8.

Zvinopiwa zvose nezvibayiro zvaiitirwa Mwari muMutemo waMosesi yaiva nzira yokunamata nayo Mwari uye kubvuma kuti ndiye Changamire wezvose zvakasikwa. Vachishandisa zvibayiro zvakadaro, vaIsraeri vairatidza kuti vaionga Jehovha nokuvakomborera uye kuvadzivirira kwaaivaita uyewo kuti aivakanganwira zvivi zvavo. Chero bedzi vairamba vakatendeka vachiita zvaidiwa naJehovha pakumunamata, vaikomborerwa zvikuru.—Zvirevo 3:9, 10.

Kuna Jehovha, maonero evaya vaipa zvibayiro ndiwo ainyanya kukosha. Achishandisa muprofita wake Hosiya, Jehovha akati: “Ini ndinofarira mutsa worudo, kwete chibayiro; uye ndinofarira kuziva Mwari kupfuura zvinopiwa zvakakwana zvinopiswa.” (Hosiya 6:6) Saka vanhu pavaitsauka pakunamata kwechokwadi voita unzenza uye kuteura ropa risina mhosva, zvibayiro zvavaipa paatari yaJehovha zvaisashanda. Ndokusaka Jehovha akashandisa Isaya kuudza rudzi rwaIsraeri kuti: “Kuwanda kwezvibayiro zvenyu kunondibatsirei? Ndakwana nezvinopiwa zvose zvinopiswa zvemakondohwe nemafuta emhuka dzakakodzwa zvakanaka; uye handifariri ropa renzombe duku nemakwayana makono nenhongo.”—Isaya 1:11.

“Chinhu Chandakanga Ndisina Kuvarayira”

Kusiyana chaizvo nezvaiitwa nevaIsraeri, vagari vomuKenani vaipa vana vavo sezvibayiro kuna vanamwari vavo, kusanganisira mwari wevaAmori ainzi Moreki, aizivikanwawo saMirikomu kana kuti Moroki. (1 Madzimambo 11:5, 7, 33; Mabasa 7:43) Bhuku rinonzi Halley’s Bible Handbook rinoti: “VaKenani vainamata nokuita unzenza vachiti itsika yechitendero, vanamwari vavo varipo; zvadaro vaiponda matangwe avo, avaizopa sezvibayiro kuna vanamwari ivavo.”

Zvinhu zvakadaro zvaifadza Jehovha Mwari here? Kana. VaIsraeri pavakanga vagadzirira kupinda munyika yeKenani, Jehovha akavapa murayiro wakanyorwa pana Revhitiko 20:2, 3, unoti: “Uti kuvanakomana vaIsraeri, ‘Munhu wose pavanakomana vaIsraeri, uye mutorwa wose anogara pakati paIsraeri, anopa Moreki mumwe wevana vake, chokwadi anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yacho vanofanira kumutema nematombo kusvikira afa. Ini ndichatarira munhu iyeye ndakatsamwa, uye ndichamuparadza pakati pevanhu vokwake, nokuti akapa Moreki vamwe vana vake kuti asvibise nzvimbo yangu tsvene uye kuti asvibise zita rangu dzvene.’”

Kunyange tingasazvinzwisisa, vamwe vaIsraeri vakatsauka pakunamata vakatanga tsika iyi yechidhimoni yokupa vana vavo sezvibayiro kuna vanamwari venhema. Nezveizvi, Pisarema 106:35-38 rinoti: “Vakavhengana nemarudzi acho, vakadzidza mabasa awo. Vakaramba vachishumira zvidhori zvawo, izvi zvikava musungo kwavari. Vaibayira vanakomana vavo nevanasikana vavo kumadhimoni. Naizvozvo vakaramba vachiteura ropa risina mhosva, iro ropa revanakomana vavo nevanasikana vavo, vavakabayira kuzvidhori zveKenani; uye nyika yakasvibiswa nokuteura ropa.”

Achiratidza kusemeswa kwaaiitwa netsika iyi, Jehovha akataura achishandisa muprofita wake Jeremiya nezvevanakomana vaJudha, kuti: “Vakaisa zvinhu zvavo zvinonyangadza muimba yanga ichishevedzwa nezita rangu, kuti vaisvibise. Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, iri mumupata womwanakomana waHinomu, kuti vapise vanakomana vavo nevanasikana vavo mumoto, chinhu chandakanga ndisina kuvarayira uye chakanga chisina kuuya mumwoyo mangu.”—Jeremiya 7:30, 31.

Nemhaka yokuita zvinhu zvinosemesa zvakadaro, rudzi rwaIsraeri rwakaguma rusingachafarirwi naMwari. Guta ravo guru, Jerusarema, rakaguma raparadzwa, uye vanhu vakaendeswa kuBhabhironi vari nhapwa. (Jeremiya 7:32-34) Zviri pachena kuti tsika yokupa vanhu sezvibayiro haibvi kuna Mwari wechokwadi uye haisi imwe nzira yokunamata kwechokwadi. Kupa vanhu sezvibayiro chero kupi zvako ndokwechidhimoni, uye vanamati vaMwari vechokwadi havaiti chero chinhu chipi zvacho chine chokuita netsika iyoyo.

Chibayiro Chorudzikinuro chaKristu Jesu

Zvisinei, vamwe vangabvunza kuti, ‘Saka nei Mutemo waJehovha waakapa vaIsraeri waiti vape zvibayiro zvemhuka?’ Muapostora Pauro akabvunza mubvunzo iwoyu uye akapindura achiti: “Saka, nei Mutemo wakavapo? Wakawedzerwa kuti kudarika kuiswe pachena, kusvikira mwana achisvika, uyo akanga aitirwa chipikirwa chacho . . . Naizvozvo Mutemo wakava muperekedzi wedu uchitungamirira kuna Kristu.” (VaGaratiya 3:19-24) Zvibayiro zvemhuka zvomuMutemo waMosesi zvaimirira chibayiro chikuru chaizopiwa vanhu naJehovha Mwari—choMwanakomana wake, Jesu Kristu. Jesu akataura nezvechiito ichi chinoratidza rudo paakati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

Nemhaka yokuda Mwari nevanhu, Jesu akabvuma kupa upenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro kuvana vaAdhamu. (VaRoma 5:12, 15) Jesu akati: “Zvakafanana noMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mateu 20:28) Hapana mumwe munhu pasi pano aigona kudzikinura vanhu muuranda hwechivi norufu, mavakanga vatengeserwa naAdhamu. (Pisarema 49:7, 8) Saka Pauro akatsanangura kuti Jesu “haana kupinda neropa rembudzi nerenzombe duku, asi neropa rake pachake, kamwe chete zvachose munzvimbo tsvene, akatiwanira kununurwa kusingaperi.” (VaHebheru 9:12) Nokugamuchira ropa raJesu rechibayiro, Mwari “akadzima rugwaro rwakanyorwa nemaoko rwairwisana nesu.” Saka Jehovha akaisa parutivi sungano yoMutemo, nezvibayiro zvayo nezvinopiwa zvaidiwa, achiita kuti pave ‘nechipo choupenyu husingaperi.’—VaKorose 2:14; VaRoma 6:23.

Zvibayiro uye Zvinopiwa Zvine Chokuita Nokunamata

Sezvo zvibayiro nezvinopiwa zvemhuka zvisingachadiwi pakunamata kwechokwadi, pane zvibayiro zvatichiri kufanira kupa here mazuva ano? Hungu. Jesu Kristu akararama upenyu hwokuzvibayira achishumira Mwari uye akapedzisira azvipa nokuda kwevanhu. Saka akazivisa kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.” (Mateu 16:24) Izvi zvinoreva kuti chero munhu upi zvake anoda kuva muteveri waJesu ane zvimwe zvaanofanira kurega. Ndezvipi izvozvo?

Chokutanga, muteveri waJesu wechokwadi haarambi achizviraramira asi anoraramira kuita kuda kwaMwari. Anotanga aita zvinodiwa naMwari asati aita zvaanoda iye. Cherechedza kuti muapostora Pauro akatii nezvazvo: “Ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga. Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.”—VaRoma 12:1, 2.

Uyezve, Bhaibheri rinoratidza kuti kurumbidza kwatinoita kungaonekwa sezvibayiro zvinopiwa Jehovha. Muprofita Hosiya akashandisa mashoko okuti “nzombe duku dzemiromo yedu,” kuratidza kuti Mwari anoona kurumbidza kunoita miromo yedu sechimwe chezvibayiro zvakanaka chaizvo. (Hosiya 14:2) Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti: “Ipa Mwari chibayiro chokurumbidza nokwaari, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichishingaira chaizvo kuparidza mashoko akanaka uye kuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Vari kupa zvibayiro zvokurumbidza Mwari masikati nousiku munyika yose.—Zvakazarurwa 7:15.

Pamwe chete nokuparidza, kuitira vamwe zvakanaka ndechimwe chezvibayiro zvinofadza Mwari. “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe,” akarayira kudaro Pauro, “nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” (VaHebheru 13:16) Kutaura zvazviri, kuti zvibayiro zvokurumbidza zvifadze Mwari, vaya vanozvipa vanofanira kuva nomufambiro wakanaka. Pauro akapa zano rokuti: “Ingozvibatai nenzira yakakodzera mashoko akanaka pamusoro paKristu.”—VaFiripi 1:27; Isaya 52:11.

Sezvaiitwa kare, zvibayiro zvose zvinoitwa zvokutsigira kunamata kwechokwadi zvichaguma nomufaro mukuru uye zvikomborero zvinobva kuna Jehovha. Naizvozvo, ngatiedzei nepatinogona napo kupa zvibayiro zvinonyatsofadza Mwari!

[Mufananidzo uri papeji 18]

‘Vakabayira vanakomana vavo nevanasikana vavo kuzvidhori zveKenani’

[Mifananidzo iri papeji 20]

Pavanoparidza mashoko akanaka nokubatsirana nedzimwe nzira, vaKristu vechokwadi vanopa zvibayiro zvinofadza Mwari