Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Uprofita hweBhaibheri Kunochengetedza Upenyu

Kutenda Uprofita hweBhaibheri Kunochengetedza Upenyu

Kutenda Uprofita hweBhaibheri Kunochengetedza Upenyu

JESU ari kubva patemberi muJerusarema kokupedzisira mumwe wevadzidzi vake paanoti: “Mudzidzisi, onai! matombo acho kuti akaita sei uye zvivako zvacho kuti zvakaita sei!” Rudzi rwevaJudha runodada netemberi yarwo zvikuru uye runoikoshesa chaizvo. Zvisinei, Jesu anopindura kuti: “Unoona zvivako izvi zvikuru here? Hapana dombo richazombosiyiwa pano riri pamusoro perimwe dombo risingakoromorwi.”—Mako 13:1, 2.

Pfungwa iyoyo haimbodaviriki! Mamwe matombo epatemberi yacho akakura zvikuru. Uyezve, zvinotaura Jesu nezvetemberi zvinoratidza kuti Jerusarema uye zvichida rudzi rwevaJudha runonamatira patemberi zvichaparadzwa. Saka vadzidzi vaJesu vanomubvunzazve kuti: “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo zvinhu zvose izvi pazvinofanira kusvika pakuguma?”—Mako 13:3, 4.

“Kuguma kunenge kuchigere,” Jesu anonyevera kudaro. Kutanga, vadzidzi vachanzwa nezvehondo, kudengenyeka kwenyika, nzara, uye matenda munzvimbo nenzvimbo. Zvadaro, zvinhu zvinotyisa zvichaita kuti rudzi rwevaJudha ruve munjodzi huru, chokwadi “kutambudzika kukuru.” Zvisinei, Mwari achapindira oponesa “vakasarudzwa,” kureva vaKristu vakatendeka. Sei?—Mako 13:7; Mateu 24:7, 21, 22; Ruka 21:10, 11.

Kurwisa Roma

Panopfuura makore 28, uye vaKristu vari muJerusarema vachakamirira mugumo. Umambo hweRoma hunotambudzwa nehondo, kudengenyeka kwenyika, nzara uye matenda. (Ona bhokisi riri papeji 9.) MuJudhiya marudzi nemadzinza ari kurwisana. Asi muJerusarema mune rugare rwakati. Vanhu vanodya, vanoshanda, vanoroorana, vanobereka vana, sezvavakagara vachingoita. Temberi yakakura iri muguta racho inoita kuti vafunge kuti vakachengeteka uye kuti icharamba iripo narini.

Munenge muna 61 C.E., vaKristu vomuJerusarema vanogamuchira tsamba inobva kumuapostora Pauro. Anovarumbidza kuti vakatsungirira asi ari kunetseka kuti vamwe vari muungano vanoita sevasina pfungwa yokukurumidzira. Vakati wandei vari kukukurwa pakunamata kana kuti havasi kusimba pakunamata sevaKristu. (VaHebheru 2:1; 5:11, 12) Pauro anovakurudzira kuti: “Naizvozvo, musarasa rusununguko rwenyu rwokutaura . . . Nokuti ‘nguva dukuduku’ ichiripo, uye ‘iye anouya achasvika uye haanganonoki.’ ‘Asi munhu wangu akarurama achararama nokuda kwokutenda,’ uye, ‘kana akadzokera shure, mweya wangu hauzomufariri.’” (VaHebheru 10:35-38) Zvechokwadi izano rakakodzera nguva! Asi vaKristu vachava nokutenda uye vacharamba vakasvinurira kuzadzika kwouprofita hwaJesu here? Kuguma kweJerusarema kwava pedyo zvechokwadi here?

Mumakore mashanu anotevera, mamiriro ezvinhu anotanga kuipa muJerusarema zvishoma nezvishoma. Pakupedzisira muna 66 C.E., Gavhuna weRoma ane uori Florus anotora matarenda 17 “emari yomutero” papfuma inokosha yomutemberi. VaJudha vanotsamwa uye vanomukira hurumende yeRoma. Vapanduki vechiJudha vanopinda muJerusarema vari vazhinji uye vanouraya mauto eRoma arimo. Zvadaro vanozivisa noushingi kuti Judhiya haisisiri pasi peRoma. Iye zvino Judhiya neRoma dzinorwisana!

Mumwedzi mitatu, gavhuna weRoma wokuSiriya, Cestius Gallus, anofora akananga kumaodzanyemba aine mauto 30 000 kuti anorwisa vapanduki vechiJudha. Uto rake rinosvika kuJerusarema panguva yoMutambo Wematumba uye rinokurumidza kupinda munharaunda yacho. Vapanduki vechiJudha, vashoma pane mauto aya, vanovanda munhare yetemberi. Munguva pfupi varwi vechiRoma vanotanga kuputsa rusvingo rwetemberi. VaJudha vanotya chaizvo. Chokwadi, varwi vechihedheni vava kusvibisa nzvimbo yechiJudha tsvene kupfuura dzose! Zvisinei, vaKristu vari muguta racho vanoyeuka mashoko aJesu okuti: ‘Pamunoona chinhu chinonyangadza chimire panzvimbo tsvene, panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.’ (Mateu 24:15, 16) Vaizoratidza kutenda mashoko aJesu ouprofita here vonzwa vachida kuita saizvozvo? Vaizopona nokuita saizvozvo, sezvakazoitika. Asi vangatiza sei?

Pakarepo uye pasina chikonzero chinonzwisisika, Cestius Gallus anobudisa mauto ake uye vanotiza vakananga kumhenderekedzo vapanduki vechiJudha vachivadzingirira nehasha. Zvinoshamisa kuti dambudziko reguta racho rangoitika kwenguva pfupi! Vachiratidza kutenda nyevero yaJesu youprofita, vaKristu vanotiza muJerusarema vachienda kuPera, guta raiva pakati nepakati mumakomo ari mhiri kwoRwizi rwaJodhani. Vanotiza panguva yakakodzera. Munguva pfupi vapanduki vechiJudha vanodzokera kuJerusarema uye vanomanikidza vakasara vachigara imomo kuti vapandukirewo. * Munguva iyi, zvavakachengeteka vari kuPera, vaKristu vanomirirazve zvimwe zviitiko.

Mazvakemazvake

Mumwedzi mishomanana, uto idzva revaRoma rava kufora rakananga kuJerusarema. Muna 67 C.E., General Vespasian nomwanakomana wake Titus vanokurudzira mauto 60 000 kuti avatsigire. Kwemakore maviri anotevera, uto iri rinoparadza rakananga kuJerusarema, richiparadza vose vasingaritsigiri. Munguva iyi, muJerusarema, mapoka echiJudha anorwisana zvakasimba. Matura ezviyo enyika yacho anoparadzwa, nzvimbo yakapoteredza temberi inoputswa, uye vaJudha vanopfuura 20 000 vanourayiwa. Vespasian anononoka kunodenha Jerusarema, achizivisa kuti: ‘Mwari wevaRoma anoita somutungamiriri wemauto weRoma kupfuura zvandingaita; vavengi vedu vari kuurayana nemaoko avo.’

Mambo weRoma Nero paanofa, Vespasian anoenda kuRoma kunotsvaka chigaro choumambo, osiya Titus achipedzisa kurwisana neJudhiya. Titus anosvika kuJerusarema nguva yePaseka ya70 C.E. yava kuda kukwana, oisa parumananzombe vagari vemo nevanenge vauya kuzonamata kuguta racho. Mauto ake anotema miti iri muJudhiya kuti avake rusvingo rwemapango akapinza rwakareba makiromita manomwe kupoteredza guta raparadzwa. Zvakaita sezvakafanotaurwa naJesu, kuti: “Vavengi vako vachakupoteredza norusvingo rwakavakwa nemapango akapinza uye vachakukomberedza nokukutambudza kumativi ose.”—Ruka 19:43.

Munguva pfupi munyika macho munova nenzara. Mhomho dzine zvombo dzinopamba misha yevanenge vafa nevari kufa. Mumwe mukadzi anenge apererwa nezano anouraya mwana wake mucheche obva amudya, zvichizadzika zvakafanotaurwa, zvokuti: “Uchadya zvibereko zvedumbu rako, nyama yevanakomana vako nevanasikana vako . . . nokuda kwokuomerwa nokumanikidzwa kwauchakomberedzwa nako nomuvengi wako.”—Dheuteronomio 28:53-57.

Pakupedzisira, Jerusarema rinoparadzwa, pashure pokunge rakombwa kwemwedzi mishanu. Guta netemberi yaro huru zvinopambwa uye zvinopiswa zvobva zvaputswa ibwe neibwe. (Dhanieri 9:26) Vanhu vakafa vanosvika 1 100 000; vamwe 97 000 vanotengeswa kuva varanda. * (Dheuteronomio 28:68) Judhiya inosara isisina vaJudha. Zvechokwadi, injodzi isingaenzaniswi, nguva yokuchinja muupenyu hwevaJudha hwezvematongerwo enyika, hwechitendero, uye tsika dzavo. *

Asi vaKristu vokuPera vanoonga Mwari nomwoyo wose nokuti vanunurwa. Kutenda kwavo muuprofita hweBhaibheri kwachengetedza upenyu hwavo!

Tichitarira zvakaitika kare ikako, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndine kutenda kuchachengetedza upenyu hwangu padambudziko guru riri kuuya here? Ndi“ne kutenda kunochengetedza mweya uri mupenyu” here?’—VaHebheru 10:39; Zvakazarurwa 7:14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Munyori wenhau wechiJudha anonzi Josephus anoti vapanduki vechiJudha vakadzingirira vaRoma kwemazuva manomwe vasati vadzoka kuJerusarema.

^ ndima 15 Maererano neimwe ongororo, muJudha mumwe chete pavanomwe vaiva muUmambo hweRoma akaurayiwa.

^ ndima 15 Imwe nyanzvi yeBhaibheri yechiJudha inonzi Alfred Edersheim yakanyora kuti: “Dambudziko iri rakaitika kuvaIsraeri rakanga risingaenzaniswi nemamwe ose akamboitika, uye harina raraienzaniswa naro pane aizoitika.”

[Chati iri papeji 9]

Zviratidzo Zvakazadzika Muzana Remakore Rokutanga

HONDO:

Gaul (39-40 C.E.)

North Africa (41 C.E.)

Britain (43, 60 C.E.)

Armenia (58-62 C.E.)

Hondo dzemarudzi uye dzemadzinza muJudhiya (50-66 C.E.)

KUDENGENYEKA KWENYIKA:

Roma (54 C.E.)

Pompeii (62 C.E.)

Asia Minor (53, 62 C.E.)

Krete (62 C.E.)

NZARA:

Roma, Girisi, Ijipiti (c. 42 C.E.)

Judhiya (c. 46 C.E.)

MATENDA:

Babylonia (40 C.E.)

Roma (60, 65 C.E.)

VAPROFITA VENHEMA:

Judhiya (c. 56 C.E.)

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 10]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kurwisa kweRoma muParestina, 67-70 C.E.

Toremai

Gungwa reGarireya

Pera

PEREYA

SAMARIYA

Jerusarema

Gungwa roMunyu

JUDHIYA

Kesariya

[Kwazvakatorwa]

Map only: Based on maps copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel

[Mufananidzo uri papeji 11]

‘Vavengi vedu vari kuurayana nemaoko avo.’—Vespasian

[Mifananidzo iri papeji 11]

Muna 70 C.E., mauto eRoma akaparadza Jerusarema

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 11]

Relief: Soprintendenza Archeologica di Roma; Vespasian: Bildarchiv Preussischer Kulturbesitz/Art Resource, NY